Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Rufu rwevanhu vaMwari vakavimbika ‘runokosha kuna Jehovha’ pakuti kudii?

▪ Mumwe munyori wepisarema akaimba kuti: “Chinhu chinokosha kuna Jehovha ndirwo rufu rwevakavimbika vake.” (Pis. 116:15) Upenyu hwemushumiri waJehovha mumwe nomumwe hunokosha chaizvo kwaari. Zvisinei, mashoko ari pamusoro apa emuPisarema 116 haangorevi rufu rwemunhu mumwe chete.

Pakupa hurukuro yemariro emuKristu, hazvina kukodzera kutaura kuti mashoko ePisarema 116:15 anoshanda kumunhu wacho afa, kunyange zvazvo anga ari mushumiri akatendeka waJehovha. Nei tichidaro? Nokuti mashoko acho ane zvimwewo zvaanoreva. Anoreva kuti Mwari haazobvumiri kuti vakavimbika vake vose vafe nokuti vanokosha chaizvo kwaari.—Ona Pisarema 72:14; 116:8.

Pisarema 116:15 rinotivimbisa kuti Jehovha haazobvumiri vashumiri vake vose vakatendeka kuti vatsvairwe panyika. Kutaura zvazviri, nhoroondo yedu yemazuva ano inoratidza kutsungirira kwatakatoita miedzo yakaoma uye kutambudzwa, izvo zvinopa uchapupu hwakajeka hwokuti Jehovha haazombobvumiri kuti titsakatiswe.

Jehovha haazobvumiri kuti tose zvedu tiparadzwe nokuti ane simba risingagumi uye chinangwa chake hachikundikani. Kudai Jehovha aizobvumira izvozvo, zvaizoita sekuti vavengi vake vane simba kumupfuura, asi izvozvo hazviiti! Chinangwa chaJehovha chokuti nyika ino igarwe nevanhu vakavimbika kwaari chaisazozadziswa, uye izvozvo hazvingambofi zvakaitika. (Isa. 45:18; 55:10, 11) Chokwadi, kudai panyika paizosara pasina vanhu vanonamata Jehovha vari muchivanze chetemberi yake huru yomudzimu, basa dzvene raanoitirwa raizoguma! Paisazova nevanhu vokuti vatange “nyika itsva,” kureva vanhu vakarurama vachange vari panyika vachitongwa ne“denga idzva.” (Zvak. 21:1) Uyezve, Kristu aisazova nevanhu vekuti atonge panyika kwemakore ane chiuru.—Zvak. 20:4, 5.

Kudai Mwari aizobvumira vavengi vake kutsakatisa vashumiri vake vose panyika, izvozvo zvaizomutsa mubvunzo panyaya yeukuru hwake nemukurumbira. Zvaizoita kuti Jehovha asave Changamire wezvinhu zvose. Uyewo Jehovha haazobvumiri kuti vanhu vake vose vakavimbika vafe nokuti anozviremekedza uye anoremekedza zita rake dzvene. Fungawo izvi: Sezvo Mwari “asina kusaruramisira,” haazombokundikani kuchengetedza vanhu vake vanomushumira vakavimbika. (Dheut. 32:4; Gen. 18:25) Zvakare, kubvumira kuti vashumiri vake vose vatsakatiswe kwaizopesana nezvinotaurwa mushoko rake Bhaibheri kuti: “Jehovha haazosiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru.” (1 Sam. 12:22) Chokwadi, “Jehovha haazoregi vanhu vake, uyewo haazosiyi nhaka yake.”—Pis. 94:14.

Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti vashumiri vaJehovha havazombotsakatiswi panyika. Saka nyange zvodini, ngatirambei takavimbika kuna Mwari, tichivimba nechipikirwa chake chokuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa. Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha, uye kururama kwavo kunobva kwandiri.”—Isa. 54:17.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Mwari haazombobvumiri kuti vanhu vake vatsakatiswe