Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unonyatsokoshesa Chipo chaMwari Chewanano Here?

Unonyatsokoshesa Chipo chaMwari Chewanano Here?

Unonyatsokoshesa Chipo chaMwari Chewanano Here?

“Jehovha ngaakupei chipo, muwane nzvimbo yokuzororera mumwe nomumwe muimba yomurume wake.”—RUTE 1:9.

TSVAKA MHINDURO DZEMIBVUNZO IYI:

Nei tingati vashumiri vaMwari vekare vaikoshesa chipo chewanano?

Tinoziva sei kuti Jehovha ane basa nechisarudzo chatinoita panyaya yokusarudza wokuroorana naye?

Izano ripi riri muBhaibheri panyaya yewanano rauri kuronga kushandisa muupenyu hwako?

1. Rondedzera zvakaitwa naAdhamu paakapiwa mudzimai.

“ZVINO iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu. Uyu achanzi Mukadzi, nokuti uyu akatorwa pamurume.” (Gen. 2:23) Adhamu, murume wokutanga, akafara chaizvo paakapiwa mudzimai! Ndokusaka akaita zvokutodetemba! Pashure pokunge Jehovha aita kuti Adhamu abatwe nehope huru, akasika tsvarakadenga iyi achishandisa mbabvu yake. Adhamu akazomutumidza kuti Evha. Mwari akavachatisa. Jehovha zvaakashandisa mbabvu yaAdhamu kusika Evha, vaviri vacho vaidanana zvakadzama kupfuura zvinoitwa nevarume nevakadzi vemazuva ano.

2. Chii chinoita kuti varume nevakadzi vade kugara pamwe chete?

2 Achishandisa uchenjeri hwake, Jehovha akaita kuti pave nerudo rwomurume nemukadzi, rudo runoita kuti vade kugara pamwe chete. The World Book Encyclopedia inoti: “Murume nomukadzi vanoroorana, vanotarisira kuzova pabonde pamwe chete, uye kudanana nokusingaperi.” Ndizvo zvave zvichiitika kakawanda pakati pevanhu vaJehovha.

VAIKOSHESA CHIPO CHEWANANO

3. Isaka akawana sei mudzimai?

3 Murume akatendeka Abrahamu aikoshesa chaizvo nyaya yemba. Saka akatuma mushandi wake mukuru kuMesopotamiya kuti anotsvagira Isaka mudzimai. Munyengetero womushandi iyeye wakabatsira chaizvo. Ribheka, mukadzi aitya Mwari, akazova mudzimai waIsaka wepamwoyo uye akavawo muurongwa hwaJehovha hwokuchengetedza mbeu yaAbrahamu. (Gen. 22:18; 24:12-14, 67) Izvi hazvifaniri kuita kuti tifunge kuti munhu, pasinei nokuti anoda kubatsira zvakadini, anogona kuita basa rokurongera vakomana nevasikana kuti varoorane iye asina kukumbirwa kudaro. Mazuva ano, vakawanda vanozvisarudzira wavanoda. Ichokwadi kuti michato hairongwi kudenga, asi Mwari anogona kubatsira vaKristu panyaya iyi nedzimwewo kana vakanyengeterera kuti vabatsirwe uye vakatungamirirwa nomudzimu wake.—VaG. 5:18, 25.

4, 5. Chii chinoita kuti uve nechokwadi chokuti muShuramiti nomufudzi vainyatsodanana?

4 Imwe tsvarakadenga, muShuramiti womuIsraeri, aisada kuti shamwari dzake dzimumanikidze kuva mumwe wemadzimai aMambo Soromoni. Akati: “Haiwa imi vanasikana veJerusarema, ndinoita kuti mupike kuti musaedza kupfutidza kana kuti kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.” (Rwiyo 8:4) MuShuramiti wacho aidanana nemumwe mufudzi zvokuti huya uone. Achizvininipisa, akati: “Ndiri ruvawo zvaro resafuroni romubani romumhenderekedzo yegungwa, ruva romumapani.” Asi mufudzi wacho akapindura achiti: “Sezvakaita ruva riri pakati poutumbambeva, ndizvo zvakaita musikana wangu pakati pevamwe vanasikana.” (Rwiyo 2:1, 2) Vainyatsodanana!

5 Imba yeMushuramiti uyu nemufudzi wake yaizosimba chaizvo nokuti vaida Mwari. MuShuramiti wacho akatoudza mudiwa wake kuti: “Ndiise pamwoyo wako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sezvakaita rufu, kuomerera pakuzvipira kwakazara hakuchinji sezvinoita Sheori. Kupisa kwarwo kupisa kwomoto, iwo murazvo waJah [nokuti runobva kwaari]. Mvura zhinji haikwanisi kudzima rudo, uyewo nzizi hadzigoni kurukukura. Kana munhu akapa zvinhu zvose zvinokosha zveimba yake kuti awane rudo, chokwadi vanhu vangamuzvidza.” (Rwiyo 8:6, 7) Mushumiri waJehovha anenge achifunga kutanga imba, ane chimwe chaangada chisiri izvi here?

MWARI ANE BASA NOKUTI UNOSARUDZA ANI

6, 7. Tinoziva sei kuti Mwari ane basa nechisarudzo chatinoita panyaya yewokuroorana naye?

6 Jehovha ane basa nokuti unosarudza ani. Akarayira vaIsraeri nezvevagari vomuKenani kuti: “Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake. Nokuti achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari; Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achakurumidza kukutsakatisai.” (Dheut. 7:3, 4) Mazana emakore akazotevera, mupristi Ezra akati: “Imi mave musina kutendeka pakuti makapa madzimai okune dzimwe nyika pokugara kuti muwedzere kuva nemhosva kwaIsraeri.” (Ezra 10:10) Uye muapostora Pauro akaudza vaKristu vaainamata navo kuti: “Mudzimai akasungwa munguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu. Asi kana murume wake akafa, iye akasununguka kuti aroorwe newaanoda, munaShe chete.”1 VaK. 7:39.

7 Kana mushumiri waJehovha akazvitsaurira akaroorana nemunhu asingatendi, ikoko kusateerera Mwari. VaIsraeri vomunguva yaEzra vakaratidza kusatendeseka pavakapa “madzimai okune dzimwe nyika pokugara.” Saka zvakaipa kuedza kudira mvura mashoko akajeka anotaurwa neMagwaro. (Ezra 10:10; 2 VaK. 6:14, 15) MuKristu anoroorana neasingatendi haasi muenzaniso wakanaka uye haanyatsokoshesi chipo chaMwari chokuroorana. Kana akaita izvozvo atobhabhatidzwa anogona kurasikirwa nedzimwe ropafadzo muungano. Uye zvaisazova nemusoro kutarisira kukomborerwa asi uchinyengetera uchibvuma kuti, ‘Jehovha, ndakatadza zvangu ndichiziva, asi ndapota chingondikomboreraiwo.’

BABA VEDU VOKUDENGA VANOZIVA ZVAKATINAKIRA

8. Tsanangura kuti nei tichifanira kutevedzera mirayiridzo yaMwari panyaya yekuroorana.

8 Munhu akagadzira muchina anonyatsoziva mashandiro awo. Kana uchida kubatanidzwa kuti ushande, anogona kutsanangura kuti zvinoitwa sei. Ko kana tikasateerera mirayiridzo toita zvomusoro wedu? Hapana chakanaka chinobuda, uye muchina wacho haungamboshandi. Kana tichida kuti tifare mumba, tinofanira kutevedzera mirayiridzo yatinopiwa neakatanga urongwa hwacho, Jehovha.

9. Nei tingati Jehovha anonzwisisa kusurukirwa kunogona kuita munhu uyewo kufara kwaanogona kuita ava nemba?

9 Jehovha anoziva zvose zvine chokuita nevanhu uye nezvewanano. Ndiye akaita kuti vanhu vave nechido chebonde kuti ‘vaberekane uye vawande.’ (Gen. 1:28) Mwari anoziva kusurukirwa kunogona kuita munhu, nokuti asati asika mukadzi wokutanga akati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga; ndichamuitira mubatsiri anoenderana naye.” (Gen. 2:18, Byington) Jehovha anonyatsozivawo kufara kunogona kuita vanhu vakaroorana.—Verenga Zvirevo 5:15-18.

10. Ndezvipi zvinhu zvinofanira kufungwa nezvazvo nevaKristu vakaroorana panyaya yebonde?

10 Mazuva ano hapana murume nomudzimai vasingatadzi, nokuti Adhamu akapfuudza chivi uye kusakwana kuvanhu vose. Zvisinei, vashumiri vaJehovha vakaroorana vanogona kufara kana vakatevedzera zviri muShoko rake. Somuenzaniso, funga nezvezano raPauro rakajeka kune vakaroorana panyaya yebonde. (Verenga 1 VaKorinde 7:1-5.) Magwaro haatauri kuti vakaroorana vanofanira kuva nebonde chete pavanenge vachida kuva nemwana. Bonde rinogona kuita kuti vakaroorana vafare. Asi tsika dzisina unhu pabonde hadzitombofadzi Mwari. Hapana mubvunzo kuti varume nemadzimai echiKristu vanofanira kuva nounyoro panyaya iyi inokosha, kuti varatidzirane rudo rwechokwadi. Uyewo vanofanira kudzivisa chero zvinhu zvingasafadza Jehovha.

11. Rute akakomborerwa sei nokuita zvaidiwa naJehovha?

11 Imba inofanira kuzadzwa nemufaro kwete kusuruvara nekufinhikana. Musha womuKristu unofanira kuva nzvimbo yokuzororera uye ine rugare. Funga zvakaitika makore anenge 3 000 akapfuura, chirikadzi yainzi Naomi nevaroora vayo, Opa naRute pavaiva munzira vachibva kuMoabhi vachienda kuJudha. Naomi akakurudzira varoora vake kuti vadzokere kumusha kwavo. Rute muMoabhi ainge akatendeka kuna Mwari wechokwadi, akaramba aina Naomi uye akavimbiswa ‘mubayiro wakakwana kubva kuna Jehovha, ane mapapiro aakanotsvaka kupotera pasi pawo.’ (Rute 1:9; 2:12) Rute akaratidza kukoshesa chaizvo chipo chaMwari chokuroorana paakava mudzimai waBhoazi ainge akura, munamati wechokwadi waJehovha. Paachamutswa pasi pano munyika itsva yaMwari, achafara kuziva kuti akazova mbuya vaJesu Kristu. (Mat. 1:1, 5, 6; Ruka 3:23, 32) Kuita sezvaidiwa naJehovha kwakaita kuti awane makomborero akazonaka!

MAZANO AKANAKA OKUTI VAKAROORANA VABUDIRIRE

12. Munhu angawana kupi zano rakanaka panyaya yekuroorana?

12 Mwari, iye akatanga urongwa hwemba, anotiudza zvatinofanira kuziva zvinoita kuti tibudirire. Hapana munhu angaziva kumupfuura. Bhaibheri ragara richitaura chokwadi, uye munhu anogona kungopa zano rakanaka chete kana achiritora pane zvinotaurwa neMagwaro. Somuenzaniso, muapostora Pauro akafemerwa kunyora kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEf. 5:33) VaKristu vakasimba pakunamata havangambotadzi kunzwisisa zano rakadai reBhaibheri. Mubvunzo ndewokuti, Vachashandisa here zvinotaurwa neShoko raJehovha? Kana vachikoshesa chipo chokuroorana, vachazvishandisa. *

13. Chii chinogona kuitika kana zano riri pana 1 Petro 3:7 rikasashandiswa?

13 Murume wechiKristu anofanira kuratidza rudo pamabatiro aanoita mudzimai wake. Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva, muchikudza mukadzi sezvamunoita mudziyo usina simba, zvamuchagarawo nhaka nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa pamwe chete navo, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Pet. 3:7) Minyengetero yomurume inogona kudziviswa kana asingashandisi mazano anobva kuna Jehovha. Ukama hwavo naMwari hunogona kukanganiswa chaizvo, vachitozosvika pakushungurudzana, kupopotedzana, uye kuitirana utsinye.

14. Mudzimai ane rudo angabatsira sei mhuri kuti ibudirire?

14 Mudzimai anotungamirirwa neShoko raJehovha uye nemudzimu wake mutsvene anogona kubatsira chaizvo kuti pamba pave nerunyararo uye mufaro. Murume anotya Mwari haazoomerwi nokuda mudzimai wake uye kumudzivirira panjodzi nepakunamata. Kana mudzimai wacho achishuva kudiwa, anofanirawo kuva munhu ari nyore kuda. Zvirevo 14:1 inoti: “Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake, asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.” Mudzimai akachenjera uye ane rudo anobatsirawo zvakanyanya kuita kuti imba yake ibudirire uye ifare. Anoratidzawo kuti anonyatsokoshesa chipo chaMwari chokuva nemba.

15. Izano ripi riri pana VaEfeso 5:22-25?

15 Varume nemadzimai vanotevedzera mabatiro aiita Jesu ungano vanoratidza kuti vanotenda chipo chaMwari chewanano. (Verenga VaEfeso 5:22-25.) Vakaroorana vanowana makomborero akawanda pavanonyatsodanana, vasingabvumiri imba yavo kukanganiswa nekuzvikudza, kungonyararirana sezvinoita vana, kana tumwe tutsika tusiri twechiKristu.

NGAPAREGE KUVA NEANOVAPARADZANISA

16. Chii chinoita kuti vamwe vaKristu vagare vasina kuroora kana kuroorwa?

16 Kunyange zvazvo vakawanda vachironga kuva nemba pane imwe nguva muupenyu, vamwe vashumiri vaJehovha vanoramba vasina imba nokuti vari kushaya akakodzera uye anofadza Mwari. Vamwe vane chipo chaMwari chokusaroora kana kuroorwa, izvo zvinovabvumira kushanda mubasa raJehovha pasina kuvhiringidzwa newanano. Chokwadi, vanofanira kunakidzwa nokusava nemba vasingatyori mitemo yaJehovha.—Mat. 19:10-12; 1 VaK. 7:1, 6, 7, 17.

17. (a) Ndeapi mashoko aJesu ane chokuita nokuroorana atinofanira kuyeuka? (b) Kana muKristu akatanga kuchiva murume kana mudzimai womumwe, anofanira kukurumidza kuitei?

17 Hazvinei kuti tinemba kana kuti hatina, tose tinofanira kuyeuka mashoko aJesu okuti: “Hamuna kuverenga here kuti iye [Mwari] akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi? Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe’? Zvokuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:4-6) Kuchiva mudzimai kana murume womumwe kunotova chivi. (Dheut. 5:21) Kana muKristu chero upi zvake akatanga kuva noruchiva rwakadaro, anofanira kungobva abvisa chido ichocho chisina kuchena, kunyange zvazvo zvingamurwadza chaizvo sezvo anenge ambobvumira chido chakadaro kutanga. (Mat. 5:27-30) Zvinokosha kugadzirisa mafungiro akadaro kwava kurwisa chido chokutadza chemwoyo unonyengera.—Jer. 17:9.

18. Unofunga kuti tinofanira kuona sei chipo chaMwari chewanano?

18 Kune vakawanda vanoziva zvishoma kana kuti vasina chavanoziva nezvaJehovha Mwari uye chipo chake chinoshamisa chewanano vakaratidza kakutenda kavanoita urongwa uhwu. Saka isu takazvitsaurira kuna “Mwari anofara,” Jehovha, tinotofanira kufara zvakanyanya neurongwa hwake hwose, toratidza kuti tinonyatsokoshesa chipo chaMwari chewanano!—1 Tim. 1:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Zvitsauko 10 ne11 zvebhuku ra“Rambai Muri Murudo rwaMwari” zvinokurukura muudzamu nezvevakaroorana.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Wanano yakanaka inokudza Jehovha uye inogona kuita kuti munhu wose ari mumhuri afare chaizvo

[Mufananidzo uri papeji 5]

Rute akaratidza kuti aikoshesa chipo chaMwari chewanano

[Mufananidzo uri papeji 7]

Unoratidza here kuti unonyatsokoshesa chipo chaJehovha chewanano?