Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kuratidza Kubwinya kwaJehovha Here?

Uri Kuratidza Kubwinya kwaJehovha Here?

Uri Kuratidza Kubwinya kwaJehovha Here?

“Tinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha.”—2 VAK. 3:18.

UNGAPINDURA SEI?

Pasinei nokuti tine chivi, tingaratidza sei kubwinya kwaJehovha?

Minyengetero yedu uye kuva pamisangano yechiKristu zvinotibatsira sei kuratidza kubwinya kwaMwari?

Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichirumbidza Jehovha?

1, 2. Nei zviine musoro kutarisira kuti tinogona kutevedzera unhu hwaJehovha?

TOSE zvedu tine patakafanana nevabereki vedu. Saka hazvishamisi kunzwa mumwe munhu achiti kumwana mukomana, ‘Wakanyatsofanana nababa vako.’ Musikana angaudzwa kuti, ‘Unondiyeuchidza amai vako.’ Uye vana vanowanzotevedzera zvavanoona vabereki vavo vachiita. Zvakadini nesu? Tinogona kutevedzera Jehovha, Baba vedu vokudenga here? Kunyange zvazvo tisina kumbomuona, tinogona kudzidza zvaari muShoko rake, kuona zvaakasika, uye kufungisisa zviri muMagwaro, kunyanya mashoko uye zvakaitwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Joh. 1:18; VaR. 1:20) Zvinoita kuti tiratidze kubwinya kwaJehovha.

2 Adhamu naEvha vasati vasikwa, Mwari aiva nechokwadi chokuti vanhu vaizokwanisa kuita zvaaida, kumutevedzera, uye kumurumbidza. (Verenga Genesisi 1:26, 27.) SevaKristu, tinoda kuratidza muupenyu hwedu unhu hwaIye akatisika. Kana tikadaro, tinova neropafadzo yakazonaka yokuratidza kubwinya kwaMwari pasinei netsika dzedu, dzidzo yedu, kana kuti dzinza redu. Nemhaka yei? Nokuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mab. 10:34, 35.

3. Tinonzwa sei patinenge tichishumira Jehovha?

3 VaKristu vakazodzwa vanoratidza kubwinya kwaJehovha. Ndokusaka muapostora Pauro, uyo ainge akazodzwa, akanyora kuti: “Isu tose, patinoratidzira semagirazi kubwinya kwaJehovha nezviso zvisina kufukidzwa, tinoshandurirwa mumufananidzo wakafanana kubva pakubwinya kuenda pakubwinya.” (2 VaK. 3:18) Muprofita Mosesi paakaburuka muGomo reSinai aine mahwendefa ainge akanyorwa Mirayiro Gumi, chiso chake chaipenya nokuti Jehovha ainge ataura naye. (Eks. 34:29, 30) Kunyange izvozvo zvisina kumboitika kuvaKristu uye zviso zvavo zvisingapenyi, vanoratidza mufaro pavanoudza vamwe nezvaJehovha, unhu hwake, uye chinangwa chake chakazonaka chokusika vanhu. Kufanana nemagirazi esimbi ekare aipenya, vakazodzwa neshamwari dzavo dzichagara pasi pano vanoratidza kubwinya kwaJehovha muupenyu hwavo nomuushumiri. (2 VaK. 4:1) Uri kuratidza kubwinya kwaJehovha nokurarama sezvaanoda uye nokugara uchizivisa Umambo here?

TINE CHIDO CHOKURATIDZA KUBWINYA KWAJEHOVHA

4, 5. (a) Tine dambudziko ripi rakafanana neraiva naPauro? (b) Chivi chakatikanganisa sei?

4 Sevashumiri vaJehovha, chokwadi tinoda kukudza uye kurumbidza Musiki wedu pazvose zvatinoita. Zvisinei, kakawanda zvatinoda handizvo zvatinoita. Pauro aifanira kurwa nedambudziko iroro. (Verenga VaRoma 7:21-25.) Pauro akatsanangura nei tiine dambudziko iroro paakati: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaR. 3:23) Chokwadi, kutadza kwakaita Adhamu kwakaita kuti vanhu vaberekwe vari pasi pamambo ane utsinye anonzi chivi.—VaR. 5:12; 6:12.

5 Chivi chii? Chivi chinhu chero chipi zvacho chinopesana naJehovha, nzira dzake, mitemo yake uye zvaanoda. Chivi chinokanganisa ukama hwomunhu naMwari. Chinotitadzisa kuita zvinodiwa naMwari kufanana nemunhu anokanda miseve asi opotsa chaanenge achida kubaya. Tinogona kuita chivi tichiziva hedu kana kuti tisingazivi. (Num. 15:27-31) Chivi chakabaya chikatyokera muvanhu uye chinovaparadzanisa neMusiki wavo. (Pis. 51:5; Isa. 59:2; VaK. 1:21) Saka ruzhinji rwevanhu harutomborarami zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha uye izvozvo zvinoita kuti vasava nomukana unokosha wokuratidza kubwinya kwaMwari. Chokwadi, hapana chinhu chinokanganisa vanhu kupfuura zvinoita chivi.

6. Pasinei nokuti tine chivi, tinogona sei kuratidza kubwinya kwaMwari?

6 Pasinei nokuti tine chivi, Jehovha akaratidza kuti ndi“Mwari anopa tariro.” (VaR. 15:13) Akaita urongwa hwokubvisa chivi achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Nemhaka yokutenda kwatinoita muchibayiro ichocho, hatisisiri “varanda vechivi,” asi tinokwanisa kuratidza kubwinya kwaJehovha. (VaR. 5:19; 6:6; Joh. 3:16) Tine chokwadi chokuti kana tikaramba tiine ukama hwakadaro naMwari, achatikomborera iye zvino uye mune ramangwana patinenge takwana uye tava kurarama nokusingaperi. Kunyange zvazvo tichiri vanhu vane chivi, takakomborerwa chaizvo kunzi naMwari tinogona kuratidza kubwinya kwake!

KURATIDZA KUBWINYA KWAMWARI

7. Tinofanira kubvumei kuti tiratidze kubwinya kwaMwari?

7 Kuti tinyatsokwanisa kuratidza kubwinya kwaMwari, tinofanira kubvuma kuti tine chivi. (2 Mak. 6:36) Tinofanira kubvuma kuti tine mafungiro akadaro toedza kuarwisa kuitira kuti tifambire mberi kusvika tava kunyatsoratidza kubwinya kwaMwari. Somuenzaniso, kana tiri kuita chivi chokuona zvinonyadzisira, tinofanira kubvuma kuti tinoda kubatsirwa nevakuru, tobva tavakumbira kuti vatibatsire. (Jak. 5:14, 15) Iri ndiro danho rokutanga pakushandira kuva noupenyu hunonyatsokudza Mwari. Sevanamati vaJehovha, tinofanira kuramba tichizviongorora kuti tione kana tiri kuita zvinoenderana nemitemo yake yakarurama. (Zvir. 28:18; 1 VaK. 10:12) Pasinei nemafungiro okuda kuita chivi atingava nawo, tinofanira kuramba tichiedza kuarwisa kuti tiratidze kubwinya kwaMwari.

8. Kunyange zvazvo tiine chivi, tinofanira kuitei?

8 Jesu ndiye chete akararama panyika kusvikira pakufa achingofadza Mwari uye achiratidza kubwinya kwake. Kunyange zvazvo takasiyana naJesu nokuti tine chivi, tinogona uye tinofanira kuedza kumutevedzera. (1 Pet. 2:21) Jehovha anoona kufambira mberi kwatinoita uyewo zvatinoedza kuita kuti timurumbidze, obva atikomborera.

9. Bhaibheri rinobatsira sei vaKristu vanoda kuita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari?

9 Shoko raJehovha rinogona kutibatsira kuti tivandudzike. Zvinokosha kuti tidzidze Magwaro zvakadzama uye tiverenge Bhaibheri tichifungisisa. (Pis. 1:1-3) Kuverenga Magwaro zuva rega rega kuchatibatsira kuvandudzika. (Verenga Jakobho 1:22-25.) Kuziva Bhaibheri ndiko kunoita kuti tive nokutenda uye kunoita kuti titsunge kusaita chivi chakakura uye kuti tifadze Jehovha.—Pis. 119:11, 47, 48.

10. Munyengetero unogona kutibatsira sei kunyatsoshumira Jehovha?

10 Kuti tiratidze kubwinya kwaMwari, tinofanirawo ‘kuramba tichinyengetera.’ (VaR. 12:12) Tinogona uye tinofanira kunyengetera kuti Jehovha atibatsire kumushumira zvinogamuchirika. Tinogona kumukumbira mudzimu mutsvene, kuti atiwedzere kutenda, atipe simba rokukunda muedzo, uye kuti tikwanise ‘kushandisa shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Tim. 2:15; Mat. 6:13; Ruka 11:13; 17:5) Tinofanira kuvimba naBaba vedu vokudenga, Jehovha, sezvinoita mwana anovimba nababa vake. Kana tikamukumbira kuti atibatsire kunyatsomushumira, tinogona kuva nechivimbo chokuti achadaro. Ngatisambofunga kuti tiri kumunetsa! Asi patinonyengetera, ngatimurumbidzei, timutende, titsvake kutungamirirwa naye kunyanya patinenge tichiedzwa, uye tikumbire kuti atibatsire kumushumira nenzira dzinokudza zita rake dzvene.—Pis. 86:12; Jak. 1:5-7.

11. Misangano yeungano inotibatsira sei kuratidza kubwinya kwaMwari?

11 Mwari akapa “muranda akatendeka, akangwara” basa rokutarisira makwai ake anokosha. (Mat. 24:45-47; Pis. 100:3) Boka remuranda rinofarira chaizvo kutibatsira kuratidza kubwinya kwaJehovha. Chitarisiko chedu sevashumiri vechiKristu chinogadziriswa pamisangano, sezvinongoitwa natera anogadzirisa zvipfeko zvedu kuti titaridzike zvakanaka. (VaH. 10:24, 25) Saka ngatisvikei pamisangano nenguva, nokuti tikagara tichinonoka, tinopotswa nezvimwe zvaizotigadzirisa pakunamata kuti tinatsiridze chitarisiko chedu sevashumiri vaJehovha.

NGATITEVEDZEREI MWARI

12. Tingatevedzera sei Mwari?

12 Tinofanira kuva “vatevedzeri vaMwari” kana tichizoratidza kubwinya kwaJehovha. (VaEf. 5:1) Imwe nzira yokumutevedzera nayo ndeyokuona zvinhu sezvaanoita. Kuedza kurarama neimwe nzira isingapindirani nemaonero ake kunomuzvidza uye kunotikuvadza. Sezvo tichigara munyika inotongwa naSatani Dhiyabhorosi, tinofanira kushanda nesimba kuti tivenge zvinhu zvinovengwa naJehovha uye tide zvaanoda. (Pis. 97:10; 1 Joh. 5:19) Tinofanira kunyatsova nechokwadi chokuti nzira yakakodzera chete yokushumira Mwari ndeyokuita zvinhu zvose kuti arumbidzwe.—Verenga 1 VaKorinde 10:31.

13. Nei tichifanira kuvenga chivi, uye kuchivenga kuchaita kuti tiitei?

13 Jehovha anovenga chivi, uye tinofanira kuchivengawo. Chokwadi, tinofanira kutambira kure nezvinhu zvingaita kuti tiite chivi. Hatifaniri kutambira pedyo tichida kungoona kuti tinogona kusvika pedyo zvakadini tisati tachiita. Somuenzaniso, tinofanira kungwarira kusaita chivi chokupandukira sangano, icho chingaita kuti tisakodzera kurumbidza Mwari. (Dheut. 13:6-9) Saka ngatitambirei kure nevakapandukira sangano kana kuti chero munhu anozviti ihama asi achizvidza Mwari. Tinofanira kudaro kunyange kana munhu iyeye ari wemumhuri. (1 VaK. 5:11) Hapana chazvinotibatsira kuedza kupikisana nevakapandukira sangano raJehovha kana kuti vaya vanorishora. Chokwadi ndechokuti kuverenga mashoko avo mungava mumabhuku kana paIndaneti, kune ngozi uye hakuna kukodzera.—Verenga Isaya 5:20; Mateu 7:6.

14. Patinoedza kuratidza kubwinya kwaMwari, tinofanira kunyanya kuratidza chii, uye nei tichifanira kudaro?

14 Kuratidza rudo ndiyo nzira inonyanya kukosha yokutevedzera nayo Baba vedu vokudenga. Tinofanira kuda vamwe sezvinoitwa naBaba vedu. (1 Joh. 4:16-19) Chokwadi, kudanana kwatinoita kunoratidza kuti tiri vadzidzi vaJesu uye vashumiri vaJehovha. (Joh. 13:34, 35) Kunyange zvazvo chivi chatinacho chichimbotivhiringidza, tinofanira kuchirwisa togara tichiratidza rudo. Kuva nerudo uye humwe unhu hwechiKristu kuchatibatsira kuti tisaita chivi uye zvinhu zvisingaratidzi mutsa.—2 Pet. 1:5-7.

15. Rudo runoita kuti tive noukama hwakaita sei nevamwe?

15 Rudo runoita kuti tide kuitira vamwe zvakanaka. (VaR. 13:8-10) Somuenzaniso, kuda watakaroorana naye kuchaita kuti tisaita upombwe. Kuda vakuru uye kuremekedza basa ravo, zvichatibatsira kuti titeerere zvavanotaura uye tizviise pasi. Vana vanoda vabereki vavo vanovateerera, vanovakudza uye havatauri zvakaipa nezvavo. Kana tichida vamwe, hatizovaoni sevakaderera kana kutaura navo tisingavaremekedzi. (Jak. 3:9) Uye vakuru vanoda makwai aMwari vachaabata nounyoro.—Mab. 20:28, 29.

16. Kuratidza rudo kuchatibatsira sei muushumiri?

16 Tinofanirawo kuratidza rudo zvakanyanya muushumiri. Kuda kwatinoita Jehovha zvakadzama kuchaita kuti tisaora mwoyo vanasaimba pavanoratidza kusakendenga kana kuti pavasingatigamuchiri zvakanaka. Asi tinoramba tichiparidza mashoko akanaka. Rudo ruchaita kuti tigadzirire zvakanaka uye tiedze kuva nyanzvi muushumiri. Kana tichinyatsoda Mwari nemuvakidzani, hatizoiti basa rokuparidza Umambo zvokungoti hapana zvokuita. Asi tichariona seropafadzo yakakura uye tichariita tichifara.—Mat. 10:7.

NGATIRAMBEI TICHIRUMBIDZA JEHOVHA

17. Nei kubvuma kuti tinotadza kunyatsoratidza kubwinya kwaMwari kuchitibatsira?

17 Ruzhinji rwevanhu vari munyika vanorerutsa chivi, asi isu hatidaro. Saka tinoziva kuti tinofanira kurwisa pfungwa dzokuda kutadza. Kubvuma kuti tine chivi kunotipa mukana wokudzidzisa hana dzedu kuti dzitibatsire kuita zvakakodzera patinonzwa kapfungwa kekuda kutadza kachitanga mupfungwa dzedu nemwoyo. (VaR. 7:22, 23) Chokwadi, tinganzwa takaneta, asi Mwari anogona kutisimbisa kuti tiite zvakarurama chero mumamiriro api ezvinhu.—2 VaK. 12:10.

18, 19. (a) Chii chinoita kuti tibudirire kurwisana nemidzimu yakaipa? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

18 Tinofanirawo kurwisana nemidzimu yakaipa kana tichida kurumbidza Jehovha. Nhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo pakunamata dzatakapiwa naMwari dzinoita kuti tibudirire pakurwa kwacho. (VaEf. 6:11-13) Satani anogara achiedza kuita kuti vanhu vasapa Jehovha mbiri yaanofanira kupiwa iye chete. Anorambawo achiedza kukanganisa ukama hwedu naMwari. Asi patinoramba takaperera kuna Mwari uye tichimurumbidza pamwe nevamwe varume, vakadzi, nevana vane mamiriyoni vane chivi sesu, Satani anenge akundwa. Saka ngatirambei tichikudza Jehovha, sezvinoita zvisikwa zviri kudenga zvinoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvak. 4:11.

19 Ngatitsungei kuramba tichirumbidza Jehovha kunyange zvodini. Chokwadi anofara kuti vanhu vakavimbika vakawanda chaizvo vari kuita zvose zvavanogona kuti vamutevedzere uye varatidze kubwinya kwake. (Zvir. 27:11) Tinofanira kunzwa sezvakaita Dhavhidhi uyo akaimba kuti: “Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nomwoyo wangu wose, ndichakudza zita renyu nokusingagumi.” (Pis. 86:12) Tinoti dai nguva yasvika yokuti tiratidze kubwinya kwaJehovha zvakakwana uye tichimurumbidza nokusingaperi! Vanhu vanoteerera vachafara kuona izvozvo zvichiitika. Uri kuratidza kubwinya kwaJehovha Mwari iye zvino here, uchitarisira kuita izvozvo nokusingaperi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 27]

Uri kuratidza kubwinya kwaJehovha seizvi here?