Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha Mwari ‘Wenguva Nemwaka’

Vimba naJehovha Mwari ‘Wenguva Nemwaka’

Vimba naJehovha Mwari ‘Wenguva Nemwaka’

“Anochinja nguva nemwaka, achibvisa madzimambo nokugadza madzimambo.”—DHAN. 2:21.

UNGAPINDURA SEI?

Zvisikwa uye uprofita hwakazadziswa zvinoratidza sei kuti Jehovha anonyatsochengeta nguva?

Kuziva kuti Jehovha ndiMwari ‘wenguva nemwaka’ kunoita kuti tiitei?

Nei nguva yaJehovha isinei nezviitiko zvenyika kana neurongwa hwevanhu?

1, 2. Chii chinoratidza kuti Jehovha anonyatsonzwisisa zvakaita nguva?

JEHOVHA MWARI akasika zvinhu zvokushandisa pakuverenga nguva asati atombosika munhu. Pazuva rokusika rechina, Mwari akati: “Zvinovheneka ngazvive munzvimbo huru yematenga kuti zviparadzanise masikati nousiku; zvichava zviratidzo uye zvicharatidza mwaka, mazuva nemakore.” (Gen. 1:14, 19, 26) Izvozvo ndizvo zvakaitika maererano nezvaidiwa naJehovha.

2 Zvisinei, masayendisiti haasati ava kukwanisa kutsanangura kuti nguva yakamboita sei. Imwe enisaikoropidhiya inoti, ‘Nguva ndechimwe chezvinhu zvisingambonzwisisiki. Hapana munhu anogona kunyatsotaura kuti nguva chii.’ Asi Jehovha anonyatsoinzwisisa. Ndiye “Musiki wematenga, . . . Muumbi wenyika noMuiti wayo.” Jehovha ndiyewo anozivisa “zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.” (Isa. 45:18; 46:10) Kuti tisimbise kuvimba kwatinoita naMwari uye neShoko rake Bhaibheri, ngationgororei kuti zvisikwa uye uprofita hwakazadziswa zvinoratidza sei kuti Jehovha anonyatsochengeta nguva.

ZVISIKWA ZVINOITA KUTI TIVIMBE NAIYE ANONYATSOCHENGETA NGUVA

3. Mienzaniso ipi inoratidza kuti zvinhu zvakasikwa zvinonyatsochengeta nguva?

3 Zvinhu zvisina upenyu, zvingava zvikuru kana zvidikidiki, zvose zvinonyatsochengeta nguva. Somuenzaniso, maatomu anoramba achizunguzika zvisingachinji. * Zvinotoda makore anosvika mamiriyoni 80 kuti wachi dzemhando yepamusoro dzinoshandisa maatomu dzirase nesekondi imwe chete. Nyeredzi, nyika nezvimwe zvinotenderera zuva zvinonyatsofambawo nenguva. Vanhu pavanozviona mudenga vanogona kuziva kuti tiri mumwaka upi uye zvinobatsira vanofamba nemugungwa. Zvechokwadi, Jehovha, Musiki wezvinhu izvi zvinonyatsochengeta nguva ane “simba guru” uye anofanira kurumbidzwa.—Verenga Isaya 40:26.

4. Kuchengetedza nguva kunoitwa nezvinhu zvipenyu kunoratidza sei uchenjeri hwaMwari?

4 Zvinhu zvipenyu zvinonyatsofambiranawo nenguva. Zvirimwa zvakawanda nemhuka zvinoita sezvine wachi iri mazviri. Shiri dzakawanda dzakaberekwa dzichiziva nguva yokutama. (Jer. 8:7) Vanhu vanoitawo sevane wachi mumuviri mavo inoshanda maererano nemaawa 24 emasikati neusiku. Kana munhu akaenda nendege kune imwe nzvimbo iri kure, ine nguva yakasiyana nekwaabva, zvingamutorera mazuva kuti ajairane nenguva yeko. Mienzaniso yakawanda yokunyatsochengeta nguva kunoitwa nezvakasikwa inoratidza kuti Mwari ‘wenguva nemwaka’ ane simba neuchenjeri. (Verenga Pisarema 104:24.) Chokwadi, Jehovha anonyatsochengeta nguva uye ane uchenjeri nesimba guru zvisingatauriki. Tinogona kuva nechivimbo chokuti anokwanisa kuita chero chaanenge achida!

UPROFITA HWAKAZADZISWA PANGUVA HUNOTIPA CHIVIMBO

5. (a) Inzira ipi chete yatingaziva nayo zvichaitika kuvanhu mune ramangwana? (b) Nei Jehovha achikwanisa kutaura zvichaitika mberi nenguva chaiyo yazvichaitika?

5 Zvisikwa zvinotidzidzisa zvakawanda nezvaMwari wedu asingaoneki, asi pane mimwe mibvunzo inokosha yazvisingapinduri, yakadai sewokuti, Ramangwana revanhu richange rakaita sei? (VaR. 1:20) Mhinduro yacho tinoiwana pane zvakataurwa naMwari muShoko rake, Bhaibheri. Patinoriongorora, tinowana uprofita hwakazadziswa panguva chaiyo! Jehovha anokwanisa kuzivisa zviri mberi nokuti anogona kunyatsoona zvinhu zvisati zvaitika. Uyewo zvakaprofitwa neMagwaro zvinonyatsoitika panguva nokuti Jehovha Mwari anogona kuita kuti zviitike maererano nechinangwa chake uye panguva yaanoda.

6. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kuti tinzwisise kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri?

6 Jehovha anoda kuti vanamati vake vanzwisise uye vabatsirwe neuprofita huri muMagwaro. Kunyange zvazvo Mwari asingaoni nguva semaonero atinoiita, paanotaura nguva chaiyo ichaitika chimwe chinhu mune ramangwana, anozvitaura nenzira yatinonzwisisa. (Verenga Pisarema 90:4.) Somuenzaniso, bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezve“ngirozi ina” dzakanga “dzakagadzirira nokuda kweawa iyoyo nezuva nomwedzi negore,” nguva yatinonyatsonzwisisa. (Zvak. 9:14, 15) Kuona kuzadziswa kwakaitwa uprofita panguva chaiyo kunofanira kuita kuti tivimbe naMwari ‘wenguva nemwaka’ uye neShoko rake. Ngatikurukurei mienzaniso mishomanana.

7. Kuzadziswa kweuprofita hwaJeremiya hwaiva nechokuita neJerusarema neJudha kwakaratidza sei kuti Jehovha anonyatsochengeta nguva?

7 Kutanga, ngatimbodzokerai muzana remakore rechinomwe B.C.E. “Mugore rechina raJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha,” shoko raIye anonyatsochengeta nguva “rakauya kuna Jeremiya pamusoro pevanhu vose vaJudha.” (Jer. 25:1) Jehovha akaprofita nezvekuparadzwa kweJerusarema uye kutapwa kwevaJudha vachienda kuBhabhironi. Ikoko vaizoshandira “mambo weBhabhironi kwemakore makumi manomwe.” Mauto eBhabhironi akaparadza Jerusarema muna 607 B.C.E., uye vaJudha vakaendeswa kuBhabhironi. Asi chii chaizoitika paizopera makore 70? Jeremiya akaprofita kuti: “Zvanzi naJehovha, ‘Kana makore makumi manomwe apera muri kuBhabhironi, ndichafunga nezvenyu, uye ndichasimbisa shoko rangu rakanaka kwamuri ndichikudzosai kunzvimbo ino.’” (Jer. 25:11, 12; 29:10) Uprofita uhwu hwakazadziswa panguva chaiyo, muna 537 B.C.E. vaMedhiya nevaPezhiya pavakasunungura vaJudha muBhabhironi.

8, 9. Uprofita hwaDhanieri hwokuuya kwaMesiya uye kugadzwa kweUmambo hwokudenga hunoratidza sei kuti Jehovha ndiMwari ‘wenguva nemwaka’?

8 Funga nezvehumwe uprofita hune chokuita nevanhu vaMwari vekare. Pachine makore maviri vaJudha vasati vabva muBhabhironi, Mwari akaprofita achishandisa Dhanieri kuti Mesiya aizoonekwa papera makore 483 kubva paizopiwa murayiro wokuvakazve Jerusarema. Mambo weMedhiya nePezhiya akapa murayiro iwoyo muna 455 B.C.E. Pakapera makore 483 muna 29 C.E., Jesu wokuNazareta akazodzwa nemudzimu mutsvene paakabhabhatidzwa ndokuva Mesiya. *Neh. 2:1, 5-8; Dhan. 9:24, 25; Ruka 3:1, 2, 21, 22.

9 Iye zvino chiona zvakagara zvataurwa neMagwaro nezveUmambo. Uprofita hweBhaibheri hwakaratidza kuti Umambo hwaMesiya hwaizogadzwa kudenga muna 1914. Bhaibheri rakaita izvozvo nokupa “chiratidzo” chokuvapo kwaJesu, chairatidza nguva yaizodzingwa Satani kudenga, zvichiguma nenhamo panyika. (Mat. 24:3-14; Zvak. 12:9, 12) Uyewo, uprofita hweBhaibheri hwakanyatsoratidza nguva yacho chaiyo, gore ra1914, paizokwana “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” uye Umambo pahwaizotanga kutonga kudenga.—Ruka 21:24; Dhan. 4:10-17. *

10. Zvinhu zvipi zviri mberi zvatiine chokwadi kuti zvichaitika panguva chaiyo?

10 “Kutambudzika kukuru” kwakataurwa naJesu kwava pedyo. Kuchateverwa neKutonga Kwemakore Ane Chiuru. Tine chokwadi chokuti zvinhu izvi zvichanyatsoitika panguva chaiyo. Jesu paaiva panyika, Jehovha ainge atosarudza ‘zuva neawa’ rokuti zvinhu izvozvo zviitike.—Mat. 24:21, 36; Zvak. 20:6.

‘TENGA NGUVA YAKAKODZERA’

11. Kuziva kuti tiri kurarama munguva yomugumo kunofanira kuita kuti tiitei?

11 Kuziva kuti Umambo hwakatanga kutonga uye kuti tiri kurarama ‘munguva yokuguma’ kunoita kuti tiitei? (Dhan. 12:4) Vakawanda vanoona kuipa kuri kuita zvinhu asi voramba kuti zviri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri hwemazuva okupedzisira. Vangatarisira kuti rimwe zuva zvinhu zvichatonyatsoipa kana kuti vangafunga kuti vanhu vachaunza “rugare nokuchengeteka.” (1 VaT. 5:3) Asi zvakadini nesu? Kana tikaziva kuti mazuva okupedzisira enyika yaSatani ava kuguma, hatifaniri here kuedza kushandisa nguva yasara kushumira Mwari ‘wenguva nemwaka’ uye kubatsira vamwe kuti vamuzive? (2 Tim. 3:1) Tinofanira kusarudza noungwaru mashandisiro atichaita nguva yedu.—Verenga VaEfeso 5:15-17.

12. Tingadzidzei pamashoko aJesu ane chokuita nemazuva aNoa?

12 ‘Kutenga nguva yakakodzera’ hakusi nyore munyika yakazara nezvinhu zvinovhiringidza. Jesu akayambira kuti, “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” Mazuva aNoa ainge akaita sei? Zvainge zvagara zvataurwa kuti nyika yepanguva yacho yaizoguma. Panguva iyoyo vanhu vakaipa vaizonyura mumafashamo aiuya panyika yose. Noa zvaaiva “muparidzi wokururama,” akaramba achizivisa mashoko aMwari kuvanhu vomunguva yake. (Mat. 24:37; 2 Pet. 2:5) Asi “vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, . . . uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” Saka Jesu akayambira vateveri vake kuti: “Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mat. 24:38, 39, 44) Tinofanira kuita saNoa, kwete sevanhu vomunguva yake. Chii chichatibatsira kuti tirambe takagadzirira?

13, 14. Patinenge takamirira kuuya kweMwanakomana womunhu, tinofanira kuyeuka chii nezvaJehovha chichatibatsira kuti tirambe tichimushumira takatendeka?

13 Kunyange zvazvo Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yatisingafungi kuti ndiyo, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anonyatsochengeta nguva. Nguva yake hainei nezviitiko zvenyika kana neurongwa hwevanhu. Jehovha anoita kuti zvimwe zvinhu zviitike panguva yake achiitira kuti zvaanoda zvizadziswe. (Verenga Dhanieri 2:21.) Zvirevo 21:1 inototiudza kuti: “Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha. Anoutendeudzira kwose kwose kwaanoda.”

14 Jehovha anogona kuita kuti zvinhu zviite sezvaanoda kuti azadzise chinangwa chake panguva chaiyo. Kuchinja kukuru kwezvakawanda zviri kuitika munyika kwave kuchizadzisa uprofita, kunyanya hwokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Funga nezvekuparara kweSoviet Union uye zvimwe zvakazoitika. Havasi vakawanda vaizofunga kuti kuchinja kukuru kwakadaro mune zvematongerwo enyika kwaizokurumidza kuitika. Zvisinei, nemhaka yekuchinja uku, mashoko akanaka ava kuparidzwa munyika dzakawanda dzaairambidzwa. Saka ngatiitei zvose zvatinogona kuti titenge nguva yakakodzera yokushumira Mwari ‘wenguva nemwaka’ takatendeka.

IVA NECHIVIMBO CHOKUTI JEHOVHA ANOCHENGETA NGUVA

15. Sangano parinochinja zvimwe zvinhu, tinoratidza sei kuti tine kutenda?

15 Kuramba tichiparidza Umambo mumazuva ano kunotoda kuti tive nechivimbo chokuti Jehovha anochengeta nguva. Kuchinja kuri kuita zvinhu munyika kungada kuti tichinjewo maitiro atinoita basa rokuita kuti vamwe vave vadzidzi. Pano nepapo sangano ringachinja zvimwe zvinhu kuitira kuti rigadzirise maitiro atinoita basa redu sevazivisi voUmambo. Tinoratidza kuti tinovimba naMwari ‘wenguva nemwaka’ nokunyatsoita zvinenge zvataurwa tomushumira takavimbika tichitungamirirwa neMwanakomana wake, “musoro weungano.”—VaEf. 5:23.

16. Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatibatsira panguva yakakodzera?

16 Jehovha anoda kuti tinyengetere kwaari takasununguka, tichinyatsovimba kuti achatibatsira “panguva yakakodzera.” (VaH. 4:16) Izvozvo hazviratidzi here kuti anoda mumwe nomumwe wedu uye ane hanya nesu? (Mat. 6:8; 10:29-31) Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha Mwari nokugara tichinyengetera kuti atibatsire, toita zvinoenderana neminyengetero yedu uye zvaanotiudza. Uyewo tinoyeuka kunyengeterera vatinonamata navo.

17, 18. (a) Pasina nguva Jehovha achaitei nevavengi vake? (b) Ipfungwa ipi yatisingafaniri kuva nayo?

17 Iye zvino haisi nguva ‘yokuti tizununguke tichishayiwa kutenda,’ asi ndeyokuti tisimbiswe nokutenda. (VaR. 4:20) Vavengi vaMwari, Satani nevaya vanomutsigira, vari kuedza kumisa basa rakanzi naJesu riitwe nevateveri vake kusanganisira isu. (Mat. 28:19, 20) Pasinei nokurwisa kwaDhiyabhorosi, tinoziva kuti Jehovha, ndiMwari “mupenyu, uyo ari Muponesi wevanhu vemarudzi ose, kunyanya wevakatendeka.” Iye “anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—1 Tim. 4:10; 2 Pet. 2:9.

18 Pasina nguva, Jehovha achagumisa nyika ino yakaipa. Kunyange zvazvo tisina kuudzwa zvose uye nguva yazvichaitika, tinoziva kuti zvichaitika nenguva. Kristu achaparadza vavengi vaMwari, uye uchangamire hwaJehovha hucharevererwa. Saka kana tikatadza kuziva “nguva nemwaka” zvatiri, tinenge tarasika! Tisambozvinyengera kufunga kuti “zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.”—1 VaT. 5:1; 2 Pet. 3:3, 4.

“MIRIRA MWARI”

19, 20. Nei tichifanira kumirira Jehovha?

19 Kubvira pakutanga, chinangwa chaJehovha Mwari chaisanganisira kuti vanhu varambe vachingodzidza nezvake uye zvinhu zvakanaka zvaakasika. Muparidzi 3:11 inoti: “Iye [Jehovha] akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo. Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo, kuti vanhu varege kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”

20 Chokwadi tinofara kuti Jehovha haana kuchinja chinangwa chake! (Mar. 3:6) Mwari ‘haambochinji sokufamba kunoita mumvuri.’ (Jak. 1:17) Kuverenga kwaanoita nguva hakunei nokuyera nguva kunoitwa nevanhu vachishandisa kutenderera kwenyika. Jehovha ndi“Mambo asingagumi.” (1 Tim. 1:17) Saka, ‘ngatimirirei Mwari woruponeso rwedu.’ (Mika 7:7) Chokwadi, “shingai, mwoyo yenyu ngaisimbe, imi mose muri kumirira Jehovha.”—Pis. 31:24.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Atomu chidimbu chidikidikisa chokupedzisira chinogona kuwanikwa pachinhu chose zvacho.

^ ndima 8 Ona Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! mapeji 186-195.

^ ndima 9 Ona Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! mapeji 94-97.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 19]

Dhanieri aivimba kuti uprofita hwaMwari hwaizozadziswa

[Mufananidzo uri papeji 21]

Unoshandisa nguva zvakanaka here kuti uite zvinodiwa naJehovha?