Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

“Zuva Nezuva Ndiri Kuwedzera Kuda Kwandinoita Basa Roucolporteur”

“Zuva Nezuva Ndiri Kuwedzera Kuda Kwandinoita Basa Roucolporteur”

MUNA 1886, mabhuku zana eMillennial Dawn, Volume I akaendeswa kuIllinois kuChicago achibva kuBible House yaive kuAllegheny kuPennsylvania, U.S.A. Charles Taze Russel aida kuti mabhuku iwayo aparadzirwe muzvitoro zvemabhuku. Imwe yemakambani makuru okutengesa mabhuku echitendero muUnited States yakanga yabvuma kuti ipote ichitumirwa Millennial Dawn. Asi pashure pemavhiki maviri mabhuku aya ose akadzorwa kuBible House.

Mumwe mufundisi akakurumbira akashatirwa paakaona mabhuku eMillennial Dawn ari mushopu pamwe chete neake. Akabva apengera vanotengesa mabhuku achiti kana bhuku iroro rikaramba richitengeswa, iye nedzimwe shamwari dzake dzose dzechifundisi vaizotora mabhuku avo vonoitira bhizimisi ravo kune imwe nzvimbo. Kambani iya yakazongodzora mabhuku aya. Mumapepanhau makanga maiswawo mashoko okushambadza. Asi vavengi vakaita kuti mashoko iwayo abviswe. Saka bhuku idzva iri raizosvika sei kuvanhu vaitsvaka chokwadi?

Macolporteur, sekuzivikanwa kwaiitwa mapiyona panguva iyi, ndiwo akazobatsira. * Muna 1881, Zion’s Watch Tower yakanga yakumbira vaparidzi 1 000 vaikwanisa kushanda nguva yakazara vachiparadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Kunyange zvazvo macolporteur aingova mazana mashomanana, akamwaya mbeu dzechokwadi munzvimbo dzakawanda achishandisa mabhuku. Pakazosvika 1897, mabhuku angasvike miriyoni eMillenial Dawn akanga aparadzirwa, mazhinji acho nemacolporteur. Vazhinji vavo vairarama nekamari kavaipiwa kana vawana munhu anoda kugara achitumirwa magazini kana kuti kana vapa munhu bhuku.

Vanhu ava vakanga vakashinga vainzi macolporteur vaive vakaita sei? Vamwe vaitanga vachangoyaruka uye vamwe vaitanga vakura. Vakawanda vakanga vasina kuroora kana kuroorwa kana kuti vaive vasina vana, uye mhuri dzakawanda dzakaita basa iri. Macolporteur enguva dzose aishanda maawa akawanda pazuva, uye ebetsero aishanda awa imwe kana maviri pazuva. Haasi munhu wose aiva noutano kana mamiriro ezvinhu zvaimubvumira kuita basa iri. Asi pagungano reruwa ra1906, vaya vaikwanisa kuriita vakaudzwa kuti, hazvirevi kuti vaifanira kuva “vanhu vakadzidza, vane chipo chokugona kuita zvinhu kana kuti vanotaura nerurimi rwengirozi.”

Munenge munyika dzose, vanhuwo zvavo vakaita basa rinoshamisa. Imwe hama yakati mumakore manomwe yakapa vanhu mabhuku angasvika 15 000. Asi inoti, “Handina kupinda basa roucolporteur kuti ndive mutengesi wemabhuku, asi kuti ndipupurire Jehovha nechokwadi chake.” Kwose kwaienda macolporteur, mbeu dzechokwadi dzaimera uye mapoka eVadzidzi veBhaibheri aitanga kuwedzera.

Vafundisi vaitsvinyira macolporteur vachiti vanhu vari kungotengesawo zvavo mabhuku. Watch Tower ya1892 yakati: “Vakawanda havavazivi sevamiririri vaIshe, kana kuti havazivi kuremekedzwa kwavanoitwa naIshe paanoona kuzvininipisa nekuzvipira kwavo.” Mumwe wavo akaratidza kuti upenyu hwemacolporteur hwakanga husiri muchechetere mvura yeguvi. Zvokufambisa zvaiwanzova shangu dzakasimba nemabhasikoro. Kunzvimbo dzaiva nevanhu vasina mari macolporteur aichinjanisa mabhuku nezvokudya. Vaswera vari mubasa romumunda, vaparidzi vaidzoka kumatende uye kudzimba dzokurenda vaneta asi vachifara. Kwakazova nengoro dzaishandiswa nemacolporteur seimba, idzo dzakavabatsira zvikuru kuchengetedza nguva nemari. *

Kutanga pagungano rakaitirwa kuChicago muna 1893, pakanga pava nenguva yemacolporteur papurogiramu. Iyi yaiva nguva yokutaurirana zvakaitika, yokudzidzisana unyanzvi hwekuparidza, uye kupanana mazano okushandisa. Hama Russell vakambokurudzira vaparidzi vaishanda nesimba kuti vadye zvakawanda mangwanani voguta, vozonwa kapu yemukaka nguva yorudziyakamwe, uye kana kuchipisa vonwa zvinwiwa zvinotonhorera.

Macolporteur ainge asina wokushanda naye, aifamba aine ribhoni yeyero. Macolporteur matsva aiwanzopiwa wokushanda naye agara nebasa. Izvi zvaibatsira nokuti mumwe mucolporteur mutsva akambosuma mabhuku edu achitya ndokuti, “Kuti mungade mabhuku aya?” Chinofadza ndechokuti saimba wacho akaabvuma uye akazova hanzvadzi.

Imwe hama yakambonetseka ichiti, ‘Ndoramba ndichiita basa rangu rinondipa mari yakawanda ndichipa mupiro weUS$1 000 pagore here, kana kuti ndova mucolporteur?’ Yakaudzwa kuti Ishe aizongogamuchira chero zvayasarudza, asi kupa Ishe nguva kwaizounza zvikomborero zvakakura. Mary Hinds akataura nezvebasa roucolporteur achiti “ndiyo nzira yakanakisisa yokuita basa rakanaka rokubatsira vanhu vakawandisa.” Uye mumwe ainzi Alberta Crosby ainyara kutaura nevanhu akati, “Zuva nezuva ndiri kuwedzera kuda kwandinoita basa roucolporteur.”

Vana nevazukuru vakawanda vemacolporteur aishingaira nevanhu vaakadzidzisa Bhaibheri vachiri kuenderera mberi nenhaka yavakasiyirwa. Kana mudzinza menyu musina kumbova nemacolporteur kana kuti mapiyona, wadii kutanga iwe kuti uzosiyirawo vamwe? Newewo unogona kuwedzera zuva nezuva kuda kwaunoita basa rokuparidza nguva yakazara.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Pashure pa1931, shoko rokuti “colporteur” rakatsiviwa nerokuti “piyona.”

^ ndima 8 Tichazokurukura nezvengoro idzi munyaya ichazobuda.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Hazvirevi kuti vaifanira kuva “vanhu vakadzidza, vane chipo chokugona kuita zvinhu kana kuti vanotaura nerurimi rwengirozi”

[Mufananidzo uri papeji 31]

A. W. Osei, mucolporteur kuGhana munenge muna 1930

[Mifananidzo iri papeji 32]

Pamusoro: Macolporteur Edith Keen naGertrude Morris muEngland, munenge muna 1918; pazasi: Stanley Cossaboom naHenry Nonkes muUnited States, vaine makadhibhokisi asina chinhu akanga abviswa mabhuku avakanga vapa vanhu