Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akachenjera Tsvaka “Kutungamirira Kwounyanzvi”

Iva Akachenjera Tsvaka “Kutungamirira Kwounyanzvi”

Iva Akachenjera Tsvaka “Kutungamirira Kwounyanzvi”

Upenyu hungafananidzwa nerwendo rwomugungwa. Zvisinei uchenjeri hwevanhu hunowanzokundikana kuvabatsira kufamba rwendo rwoupenyu zvakanaka. Vakawanda vanoparara murwendo rwoupenyu sezvinoita ngarava mumafungu egungwa. (Pis. 107:23, 27) Nei tingafananidze upenyu nerwendo rwomugungwa.

Makarekare, kufamba mugungwa kwakanga kwakaoma zvokuti kwaida unyanzvi. Unyanzvi uhwu hwaiwanzodzidziswa nevafambisi vezvikepe vakanga vagara nebasa. (Mab. 27:9-11) Mifananidzo yekare yakawanda inoratidza kukosha kwebasa ravo nokuvaratidza vakakura kupfuura vamwe. Vashandi vezvikepe vaidzidza nezvenyeredzi, mhepo, nezvimwewo kuti vakwanise kufamba mugungwa. Bhaibheri rinotsanangura vamwe vashandi vezvikepe sevane ‘unyanzvi’ richishandisa shoko rinogona kureva kuti ‘vakachenjera.’—Ezek. 27:8.

Matambudziko oupenyu anhasi angaoma sezvakanga zvakaita kufambisa ngarava munguva dzekare. Chii chingatibatsira kuakunda?

TINGATUNGAMIRIRWA SEI NOUNYANZVI?

Uchifunga nezvekuti upenyu hwakaita sekufamba mugungwa, cherechedza chokwadi ichi cheBhaibheri: “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo, uye munhu anonzwisisa ndiye anowana kutungamirira kwounyanzvi.” (Zvir. 1:5, 6) Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kutungamirira kwounyanzvi” rinogona kureva zvaiitwa nemutungamiriri weboka raifambisa ngarava makarekare. Rinoreva unyanzvi hwokuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka.

Kunyange zvazvo riri basa chairo, tinokwanisa kuwana “kutungamirira kweunyanzvi” tobudirira murwendo rwedu rwoupenyu. Sezvinoratidzwa naZvirevo, tinofanira kuita kuti “uchenjeri,” “kunzwisisa,” uye “njere” zvishande pamwe chete. (Zvir. 1:2-6; 2:1-9) Uye hatidi kuregera kutsvaka kutungamirirwa naMwari, nokuti kunyange vakaipa vanogonawo “kutungamirira” pakuita zvakaipa.—Zvir. 12:5.

Saka zvakakosha kuti tishingaire kudzidza Shoko raMwari. Patinodzidza kudai, tinogona kuwana mashoko anokosha nezvaJehovha uye Jesu Kristu uyo anonyatsoratidza zvakaita Jehovha. (Joh. 14:9) Tinowana mazano ouchenjeri pamisangano yechiKristu. Tinogonawo kudzidza kune zvakasanganawo nevamwe muupenyu, kusanganisira vabereki vedu.—Zvir. 23:22.

GARA WATARISIRA ZVINGAITIKA

“Kutungamirira kwounyanzvi” kwakanyanya kukosha kana nhamo dzatimomotera setiri mukati memafungu egungwa. Kana tikasava nechokwadi kuti toita sei pazvinooma zvinogona kutipedza simba topedzisira tava mungozi yakakura.—Jak. 1:5, 6.

Shoko iri rakashandurwa kuti “kutungamirira kwounyanzvi” rinoshandiswawo panyaya dzehondo. Tinorava kuti: “Nokuti ucharwa hondo yako nokutungamirira kwounyanzvi, uye pane vanopa mazano vazhinji pane ruponeso.”—Zvir. 20:18; 24:6.

Senyanzvi iri kuronga kurwa kwaingaita muhondo, zvakanaka kufunga nezvematambudziko angakanganisa kunamata kwedu. (Zvir. 22:3) Somuenzaniso, ungafanira kusarudza kuti wobvuma kupinda rimwe basa here kana kuti kukwidziridzwa pabasa. Zviri pachena kuti uchafunga nezvemari yauchatambira, nguva yauchange uchifamba kuenda nekudzoka kubasa, nezvimwewo. Zvisinei panewo zvimwe zvokufunga nezvazvo: Basa racho rinoenderana neMagwaro here? Nguva yandichange ndichishanda yakadai semanheru, haizokanganisi hurongwa hwangu hwokunamata here?—Ruka 14:28-30.

Loretta, mumwe weZvapupu zvaJehovha, aiva nebasa rakanaka pakambani inogadzira zvokudya. Kambani yacho payakanga yava kuda kutamira kune imwe nzvimbo, Loretta akabva apiwa chinzvimbo chepamusoro. Vakuru vekambani vakamuudza kuti: “Iyi mikana isingawanzowaniki. Takatoona kuti kune Imba yeUmambo kunzvimbo yacho.” Asi Loretta aida kurarama asina twakawanda wanda kuti anyatsoshumire Musiki. Akaona kuti chinzvimbo chake chitsva chaizomushayisa nguva yokunamata. Saka akaendesa tsamba yokurega basa kunyange zvazvo mumwe wevakuru vekambani akanga amuudza kuti ndiye chete mushandi wavaida chaizvo pabasa. Iye zvino Loretta, uyo ava nemakore 20 ari piyona wenguva dzose, anoona kuti zvakanaka zvakazoitika zvakabva pakuti akaronga achitungamirirwa neunyanzvi huri muShoko raMwari. Akasimbisa ukama hwake naJehovha uye akawana ropafadzo yokubatsira vakawanda kudzidza Bhaibheri.

“Kutungamirira kweunyanzvi” kunodiwawo mumhuri. Kurera vana kunotora makore, uye remangwana remhuri yose rinobva pane zvinosarudzwa nevabereki panyaya dzokunamata nedzekuriritira mhuri. (Zvir. 22:6) Somuenzaniso vabereki vechiKristu vangazvibvunza kuti: ‘Pane zvatinotaura uye zvatinoita, tiri kudzidzisa here vana vedu kuti vaswedere pedyo naJehovha izvo zvinozovabatsira kana vakura? Mararamiro edu ari kuvabatsira here kuona kuti vanofanira kugutsikana nezvishoma vachiisa pfungwa dzavo paushumiri hwechiKristu?’—1 Tim. 6:6-10, 18, 19.

Kubudirira kwechokwadi hakubvi pakutsvaga zvinowanzodiwa nevari munyika zvakadai sepfuma kana upenyu hwepamusoro. Izvi zvainzwisiswa naMambo Soromoni. Akafemerwa kunyora kuti: “Zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi, nokuti vaimutya.” (Mup. 8:12) Izvi zvinonyatsoratidza kuti kutsvaka “kutungamirira kwounyanzvi” muShoko raMwari kuchenjera.—2 Tim. 3:16, 17.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Mifananidzo inoratidza kukosha kwebasa revafambisi vengarava nokuvabudisa vakakura kupfuura vamwe

[Kwazvakatorwa]

Su concessione del Ministero per i Beni e le Attività Culturali. Hazvitombobvumirwi kukopa mufananidzo uyu nenzira chero ipi zvayo.