Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha Mumwe chete” Anounganidza Mhuri Yake

“Jehovha Mumwe chete” Anounganidza Mhuri Yake

“Jehovha Mumwe chete” Anounganidza Mhuri Yake

‘Ndinokutetererai kuti muchengete kubatana kwomudzimu.’—VAEF. 4:1, 3.

UNGATSANANGURA SEI?

Chinangwa chokutarisira zvinhu kunoitwa naMwari ndechei?

Tinochengeta sei “kubatana kwomudzimu”?

Chii chichatibatsira ‘kuitirana mutsa’?

1, 2. Chinangwa chaJehovha chokusika vanhu uye nyika ndechei?

MHURI. Shoko iroro rinoita kuti ufungei? Ushamwari here? Mufaro here? Kushandira chinangwa chimwe chete here? Nzvimbo isina ngozi yokukurira, kudzidza, uye kupanana mazano here? Zvichida ndizvo zvaunofunga kana uri mumhuri ine rudo. Jehovha pachake ndiye akatanga urongwa hwemhuri. (VaEf. 3:14, 15) Aida kuti zvisikwa zvake zvose zvokudenga nezvepanyika zvinzwe zvakachengeteka, zvichivimbana, uye zvakanyatsobatana.

2 Pashure pokunge vanhu vatadza, vakanga vasisiri vamwe vemhuri yezvisikwa zvake, asi chinangwa chaJehovha hachina kukundikana. Achava nechokwadi chokuti nyika inenge yava Paradhiso ichagarwa nevana vaAdhamu naEvha. (Gen. 1:28; Isa. 45:18) Akaita zvose zvinodiwa kuti azadzise chinangwa ichi. Tinoudzwa humwe urongwa hwacho mubhuku reBhaibheri raVaEfeso, iro rinonyanya kutaura nezvekubatana. Ngatikurukurei dzimwe ndima dzebhuku iroro toona zvatingaitawo pachinangwa chaJehovha chokubatanidza zvisikwa zvake.

URONGWA HWAMWARI HWOKUTARISIRA ZVINHU

3. Kutarisira zvinhu kwaMwari kunotaurwa pana VaEfeso 1:10 chii, uye danho rokutanga rakaitwa rini?

3 Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (Dheut. 6:4) Chinangwa chaJehovha uye zvaanoita zvinoenderana. Saka ‘pakanyatsokwana nguva yakatarwa,’ Mwari akatanga urongwa ‘hwokutarisira zvinhu,’ hwokuti abatanidze vaya vari kudenga nevari panyika. (Verenga VaEfeso 1:8-10.) Kutarisirwa kwezvinhu uku kuchaitwa mumatanho maviri. Danho rokutanga nderokugadzirira ungano yevakazodzwa kunorarama kudenga vari pasi paJesu Kristu, Mutungamiriri wavo. Danho iri rakatanga paPendekosti ya33 C.E., Jehovha paakatanga kuunganidza vaya vachanotonga naKristu kudenga. (Mab. 2:1-4) Sezvo Mwari achivati vakarurama kuti vawane upenyu nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaKristu, vanonyatsoziva kuti vakagamuchirwa se“vana vaMwari.”—VaR. 3:23, 24; 5:1; 8:15-17.

4, 5. Danho rechipiri rokutarisira zvinhu nderipi?

4 Danho rechipiri nderokugadzirira vaya vachagara muParadhiso pasi pano vachitongwa noUmambo hwaMesiya. “Boka guru” ndiro rinoumba chikamu chokutanga chevaya vachagara panyika. (Zvak. 7:9, 13-17; 21:1-5) Mukati meKutonga Kwemakore Ane Chiuru, richabatana nevamwe vane mabhiriyoni vachamutswa. (Zvak. 20:12, 13) Fungidzira mikana yatichawana yokuratidza kuti takabatana pachamuka vakafa! Pachapera makore ane chiuru, “zvinhu zviri panyika” zvichaedzwa kekupedzisira. Vaya vanenge varatidza kuti vakatendeka vachagamuchirwa se“vana vaMwari” vepanyika.—VaR. 8:21; Zvak. 20:7, 8.

5 Kutarisirwa kwacho kwezvinhu kuri kutoitwa, Mwari ari kuunganidza vachaenda kudenga uye vachagara panyika. Asi somunhu oga oga, tiri kubatsirawo sei pakutarisira zvinhu kuri kuitwa naMwari?

“CHENGETA KUBATANA KWOMUDZIMU”

6. Magwaro anoratidza sei kuti vaKristu vanofanira kuwadzana nevamwe?

6 Magwaro anoratidza kuti vaKristu vanofanira kuungana nevamwe. (1 VaK. 14:23; VaH. 10:24, 25) Izvozvo hazvingorevi kupedza nguva nevamwe muri pamwe chete, sezvinoitwa nevanhu vari pamusika kana munhandare yemitambo. Kubatana chaiko kunopfuura izvozvo. Tinova vakanyatsobatana patinoshandisa mirayiridzo yaJehovha uye patinobvumira mudzimu mutsvene waMwari kugadzirisa unhu hwedu.

7. “Kuchengeta kubatana kwomudzimu” kunorevei?

7 Kunyange zvazvo Jehovha achiona vakazodzwa vake sevanakomana vakarurama uye vemamwe makwai seshamwari dzake dzakarurama pamusana pechibayiro chorudzikinuro chaKristu, kusawirirana kunototi kumuke chero bedzi tiri vapenyu munyika ino yakaipa. (VaR. 5:9; Jak. 2:23) Kudai zvisina kudaro, taisazoda zano rakafuridzirwa rokuti tirambe ‘tichishivirirana.’ Tinova sei vakabatana nevamwe vatinonamata navo? Tinofanira kuva “nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro.” Uyezve Pauro anotikurudzira kuti tiedze “nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.” (Verenga VaEfeso 4:1-3.) Kushandisa zano iri kunosanganisira kubvuma kutungamirirwa nomudzimu waMwari uye kuubvumira kubereka chibereko chawo matiri. Chibereko ichocho chinotibatsira kugadzirisa matambudziko nevamwe. Chakasiyana nemabasa enyama anogara achiita kuti vanhu vasawirirana.

8. Mabasa enyama anoita kuti vanhu vasabatane pakudini?

8 Ona kuti “mabasa enyama” anoita sei kuti vanhu vasabatane. (Verenga VaGaratiya 5:19-21.) Ufeve hunoita kuti ahuita aparadzane naJehovha uye neungano, uye upombwe hunogona kuparadzanisa vana nevabereki vavo, uye uya anenge atadzirwa anosara asisina murume kana mudzimai. Kusachena kunokanganisa kubatana kwemunhu naMwari nevaya vanomuda. Munhu akamboedza kubatanidza zvinhu zviviri neguruu anoziva kuti zvinhu zvacho zvose zvinofanira kuva zvakachena kuti zvinyatsobatane. Kuita zvinoratidza kushaya nyadzi kunoratidza kusava nebasa zvachose nemitemo yaMwari yakarurama. Mamwe mabasa ose enyama anoparadzanisa munhu nevamwe uye naMwari. Maitiro akadaro haatombopindirani neunhu hwaJehovha.

9. Tingazviongorora sei kuti tione kana tiri kuedza “nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu”?

9 Saka mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuedza nemwoyo wose zvakadini “kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare”? Ndinoita sei panomuka matambudziko? Ndinoudza vanhu vakawanda chigumbu changu, ndichitarisira kuti vanditsigire here? Ndinotarisira kuti vakuru vapindire vachindibatsira pane kuti ndiedze kugadzirisana nemunhu wacho here? Kana paine ane chigumbu neni, ndinomunzvenga, ndichitotambira kure naye kuti ndisamufungisa nyaya yacho here?’ Maitiro akadaro angaratidza here kuti tiri kuita maererano nechinangwa chaJehovha chokuunganidzazve zvinhu zvose muna Kristu?

10, 11. (a) Kuva norugare nehama dzedu kunokosha zvakadini? (b) Maitiro api achaita kuti tive norugare uye tibudirire pakunamata?

10 Jesu akati: “Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako. Kurumidza kugadzirisa nyaya.” (Mat. 5:23-25) Jakobho akanyora kuti “mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” (Jak. 3:17, 18) Saka, hatigoni kuramba takarurama isu tisina rugare nevamwe.

11 Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti mune dzimwe nyika dzasakadzwa nehondo, chikamu chinosvika 35 kubva muzana chaigona kurimwa kudai vagari veko vaisatya zvimbambaira zviriko. Kana chimbambaira chikaputika mumunda, varimi vanosiya minda yavo, misha yakawanda inobva yashaya chokurarama nacho, uye mumaguta vanoshaya zvokudya. Saizvozvowo, kukura kwedu pakunamata kunokanganiswa netutsika twunovhiringidza rugare rwedu nehama dzedu. Asi kana tikakurumidza kukanganwira uye tikaita zvakanakira vamwe, tinoita kuti pave norugare tichibudirira pakunamata.

12. Vakuru vangatibatsira sei kuti tibatane?

12 Uyezve, “zvipo zviri varume” zvinogona kutibatsira chaizvo kuti tibatane. Takazvipiwa kuti zvitibatsire ‘kuti tibatane mukutenda.’ (VaEf. 4:8, 13) Vakuru pavanoshanda nesu mubasa redu dzvene, uye pavanoona panoda kugadziriswa, votipa zano rinobva muShoko raMwari, vanotibatsira kufambira mberi pakupfeka unhu hutsva. (VaEf. 4:22-24) Pavanokupa zano, unozviona here kuti ndiJehovha anenge achiedza kukugadzirira kuzorarama munyika itsva uchitongwa neMwanakomana wake? Vakuru, munoedza here kururamisa vamwe muine chinangwa ichocho?—VaG. 6:1.

“ITIRANAI MUTSA”

13. Chii chingaitika kana tikasateerera zano riri pana VaEfeso 4:25-32?

13 VaEfeso 4:25-29 inotaura maitiro atinofanira kudzivisa. Anosanganisira kureva nhema, kutsamwa kana kuti usimbe, uye kutaura zvakaora pane kutaura zvakanaka uye zvinovaka. Kana munhu akatadza kuteerera zano iri, anoshungurudza mudzimu waMwari, nokuti mudzimu mutsvene ndiwo unoita kuti vanhu vabatane. (VaEf. 4:30) Kushandisa zvimwe zvakazonyorwa naPauro kunokoshawo kana tichizova norugare uye tichizobatana. Akati: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose. Asi itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.”—VaEf. 4:31, 32.

14. (a) Mashoko okuti “itiranai mutsa” anopa pfungwa ipi? (b) Chii chichatibatsira kuva nemutsa?

14 Mashoko okuti “itiranai mutsa” anopa pfungwa yokuti zvimwe tave tisinganyatsoitiri vamwe mutsa uye kuti tinofanira kuwedzera. Zvakakodzera chaizvo kuti tidzidze kufunga kuti manzwiro evamwe anokosha kupfuura edu! (VaF. 2:4) Pamwe zvatiri kufunga kutaura zvinosetsa kana kuti zvingaita kuti vamwe vatione setakangwara, asi zvinoratidza kuva nemutsa here? Kugara tafunga nezvenyaya iyi kuchatibatsira ‘kuitira vamwe mutsa.’

KUDZIDZA KURATIDZA RUDO NORUREMEKEDZO MUMHURI

15. Pana VaEfeso 5:28, Pauro aireva kuti varume vanofanira kutevedzera mabatiro api aiita Kristu ungano?

15 Bhaibheri rinofananidza ukama hwaKristu neungano nehuya hwomurume nomudzimai. Izvi zvinofanira kutibatsira kuona utungamiriri, rudo nokuva nehanya izvo murume anofanira kuva nazvo uyewo kuzviisa pasi kunofanira kuita mudzimai mumhuri. (VaEf. 5:22-33) Pauro paakanyora kuti: “Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo,” airevei nokuti “saizvozvo”? (VaEf. 5:28) Mashoko ake ari mundima dziri pamashure pacho anotaura kuti “Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo, . . . achiichenesa nokuita zvokuishambidza nemvura achishandisa shoko.” Zvechokwadi, murume anofanira kupa mhuri yake zvokudya zvinosimbisa pakunamata kana achizoita zvinoenderana nechinangwa chaJehovha chokuunganidzazve zvinhu zvose muna Kristu.

16. Kana vabereki vakaita zvavanonzi neMagwaro vaite, zvinoguma nei?

16 Vabereki vanofanira kuyeuka kuti vari kuita basa ravakapiwa naJehovha. Asi zvinosuwisa kuti munyika mazuva ano, vakawanda havana “rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Tim. 3:1, 3) Vanababa vakawanda havana hanya nebasa ravakapiwa uye izvozvo zvinokanganisa chaizvo vana vavo uye zvinovasuwisa. Asi Pauro akapa vanababa vechiKristu zano rokuti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Hakuna kumwe uko vana vanotanga kudzidza kuratidza rudo uye kuremekedza vamwe kunze kwemumhuri. Vabereki vanodzidzisa vana vavo zvidzidzo izvozvo vanenge vachiita zvinoenderana nokutarisira zvinhu kwaJehovha. Kana tikaita kuti misha yedu ive nzvimbo ine vanhu vane rudo, vasingashatirwi kana kutsamwa, uye vasingatuki, tinenge tichidzidzisa vana vedu zvidzidzo zvinokosha kuti vangaratidza sei rudo uye kuremekedza vakuru. Izvi zvichavagadzirira kurarama munyika itsva yaMwari.

17. Tinodei kuti tirwise Dhiyabhorosi?

17 Tinofanira kuyeuka kuti Dhiyabhorosi, uyo akavhiringidza rugare rwezvisikwa zvose, achaedza chaizvo kutipikisa patinoedza kuita kuda kwaMwari. Hapana mubvunzo kuti kuwedzera kuri kuita kurambana, vanhu vachifarira kuchaya mapoto pane kuchata, uye vachibvumira ngochani kuroorana, izvozvo zviri kusimudzira zvinangwa zvaSatani. Isu hatitevedzeri maitiro nemafungiro evanhu vemazuva ano. Kristu ndiye muenzaniso wedu. (VaEf. 4:17-21) Saka tinorayirwa kuti tishonge “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” kuti tikwanise kurwisa Dhiyabhorosi nemadhimoni ake.—Verenga VaEfeso 6:10-13.

“RAMBAI MUCHIFAMBA MURUDO”

18. Ndechipi chinhu chikuru chinoita kuti tive vakabatana?

18 Rudo ndicho chinhu chikuru chinoita kuti tibatane. Takatsunga “kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare” nokuti tinoda chaizvo ‘Ishe wedu mumwe chete,’ ‘Mwari wedu mumwe chete,’ uye tinodanana pachedu. (VaEf. 4:3-6) Jesu akanyengetera nezverudo rwakadaro achiti: “Handikumbiriri ivava chete, asiwo vaya vanotenda mandiri neshoko ravo; kuti vose vave vamwe, semi Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu . . . Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”—Joh. 17:20, 21, 26.

19. Watsunga kuitei?

19 Kana zviri kutiomera kugadzirisa pamusana pokusakwana kwedu, rudo ngaruite kuti tinyengetere sezvakaita mumwe munyori wepisarema paakati: “Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.” (Pis. 86:11) Ngatitsungei kurwisa Dhiyabhorosi paanoedza kutiendesa kure naBaba vedu vane rudo uye vaya vavanofarira. Ngatibishairei kuva ‘vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye ngatirambei tichifamba murudo,’ mumhuri, muushumiri, uye muungano.—VaEf. 5:1, 2.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Anosiya chipo chake pamberi peatari, oenda kunoita kuti ave norugare nehama yake

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki, dzidzisai vana venyu kuremekedza vamwe