Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndingadedereswa Naaniko?”

“Ndingadedereswa Naaniko?”

“Ndingadedereswa Naaniko?”

“Kunyange ndikamukirwa nehondo, panguva iyoyowo ndichavimba naye.”—PIS. 27:3.

MAERERANO NEMAGWARO ANOTEVERA, CHII CHINOGONA KUKUBATSIRA KUTI UVE NOUSHINGI?

Pisarema 27:1

Pisarema 27:4

Pisarema 27:11

1. Pisarema 27 richatibatsira kunzwisisei?

NEI basa redu rokuparidza riri kuramba richiwedzera pasinei nokuoma kuri kuita zvinhu pasi rose? Nei tichishandisa nguva yedu uye simba zvakadaro asi vakawanda vachitarisana nedambudziko rakakura roupfumi? Tingaramba sei takashinga asi vakawanda vachitya ramangwana? Rwiyo rwaMambo Dhavhidhi rwakanyorwa muPisarema 27 rwune mhinduro dzacho.

2. Kudedereswa nechimwe chinhu kunoita kuti munhu aite sei, asi isu tine chivimbo chei?

2 Dhavhidhi anotanga Pisarema iri nemashoko okuti: “Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndingatya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu. Ndingadedereswa naaniko?” (Pis. 27:1) Kana munhu akadedereswa nechimwe chinhu, anopera simba zvokuti haana chaanozokwanisa kuita. Asi hapana chinofanira kudederesa munhu anotya Jehovha. (1 Pet. 3:14) Kana tikaita kuti Jehovha ave nhare yedu, ‘tichagara takachengeteka, tisingadedereswi nedambudziko.’ (Zvir. 1:33; 3:25) Nei zvakadaro?

“JEHOVHA NDIYE CHIEDZA CHANGU NORUPONESO RWANGU”

3. Jehovha chiedza chedu pakudii, asi isu tinofanira kuitei?

3 Fananidzo yokuti “Jehovha ndiye chiedza changu” inotipa pfungwa yokuti Jehovha anotisunungura mukusaziva uye murima rokunamata. (Pis. 27:1) Chiedza chinoita kuti tione ngozi kana kuti chinhu chinopingirisha, asi hachibvisi ngozi yacho. Tinofanira kubva tadzivisa ngozi yacho. Ndizvo zvinoitawo Jehovha, anotizivisa zvinorehwa nezvinhu zviri kuitika munyika. Anotinyevera nezvengozi dziri munyika ino yakaipa. Anotipa mazano anoshanda nguva dzose anobva muBhaibheri, asi tinofanira kuashandisa. Patinodaro, tinogona kuva vakachenjera kupfuura vavengi vedu kana kuti vadzidzisi vedu.—Pis. 119:98, 99, 130.

4. (a) Nei Dhavhidhi aigona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ndiye . . . ruponeso rwangu”? (b) Ndepapi chaipo Jehovha paachava ruponeso rwedu?

4 Mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 27:1 anoratidza kuti anofanira kunge aiyeuka kununurwa kana kuti kuponeswa kwaainge aitwa naJehovha. Somuenzaniso, Jehovha ainge amununura “patsoka dzeshumba nepatsoka dzebheya.” Jehovha akaitawo kuti akunde hofori yainzi Goriyati. Mambo Sauro akaedzawo kumubaya nepfumo, asi Jehovha aingomununura. (1 Sam. 17:37, 49, 50; 18:11, 12; 19:10) Ndosaka Dhavhidhi aigona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ndiye . . . ruponeso rwangu”! Jehovha achaponesa vashumiri vake sezvaakaita Dhavhidhi. Sei? Nokununura vanamati vake “mukutambudzika kukuru” kuri kuuya.—Zvak. 7:14; 2 Pet. 2:9.

YEUKA POSE PAWAKABATSIRWA NAJEHOVHA

5, 6. (a) Kuyeuka zvakamboitika kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuva noushingi? (b) Kubatsira kwakamboita Jehovha vashumiri vake kunoita sei kuti uve noushingi?

5 Pisarema 27:2, 3 rinotiudza chinhu chinokosha chinotibatsira kuti tive noushingi. (Verenga.) Dhavhidhi aiyeuka pose paainge anunurwa naJehovha. (1 Sam. 17:34-37) Ndangariro idzodzo dzakaita kuti ave nechivimbo chokutarisana nemamwe matambudziko akatooma. Paunoyeuka zvawakaitirwa naJehovha unovawo nechivimbo here? Somuenzaniso, wakambonyengetera nemwoyo wose here nezvedambudziko raikushungurudza ukaona kupiwa kwawakaitwa uchenjeri kana kuti simba rokutsungirira naJehovha? Kana kuti unoyeuka here kubviswa kwakaitwa zvipingamupinyi zvaikutadzisa kushumira Jehovha uchifara kana kuti kuzarurwa kwakaitwa suo guru rebasa? (1 VaK. 16:9) Kuyeuka zviitiko zvakadaro kunoita kuti uite sei iye zvino? Ndangariro dzakadaro hadziiti here kuti uve nechokwadi chokuti Jehovha anogona kukubatsira kukunda kana kuti kutsungirira matambudziko akatokura?—VaR. 5:3-5.

6 Kudai hurumende ine simba yaizoronga kutsakatisa sangano rose reZvapupu zvaJehovha, waizoitei? Mazuva ano vanhu vakawanda vakaedza kudaro asi zvakaramba. Kuyeuka kuti kare Jehovha akabatsira sei vanhu vake kunoita kuti tive noushingi hwokutsungirira zvichaitika.—Dhan. 3:28.

KOSHESA KUNAMATA KWAKACHENA

7, 8. (a) Sezviri pana Pisarema 27:4, Dhavhidhi akakumbirei Jehovha? (b) Temberi huru yomudzimu yaJehovha chii, uye tinonamatira sei patemberi iyoyo?

7 Kuda kwaunoita kunamata kwakachena kunobatsirawo kuti uve noushingi. (Verenga Pisarema 27:4.) Mumazuva aDhavhidhi, ‘imba yaJehovha’ yaiva tebhenekeri. Dhavhidhi ndiye akaunganidza zvinhu zvaidiwa kuti mwanakomana wake Soromoni azovaka temberi yakanaka chaizvo. Mazana emakore akazotevera, Jesu akataura kuti vanhu vaisazofanira kuenda kutemberi kuti kunamata kwavo kugamuchirwe naJehovha. (Joh. 4:21-23) Muzvitsauko 8 kusvika ku10 zvaVaHebheru, muapostora Pauro akaratidza kuti temberi huru yomudzimu yakavapo pakabhabhatidzwa Jesu muna 29 C.E., paakazvipa kuti aite zvinodiwa naJehovha. (VaH. 10:10) Temberi iyi urongwa hwaJehovha hwokuti, kana tichitenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro, tikwanise kutaura naMwari. Tinomunamata sei patemberi iyoyo? Nokunyengetera “nemwoyo yechokwadi tiine chivimbo chizere nokutenda”; nokuzivisa tariro yedu pachena tisingazununguki; uye nokurangarirana, tichikurudzira vatinonamata navo patinoungana pamisangano yeungano uye pakunamata kwemhuri. (VaH. 10:22-25) Kukoshesa urongwa hwokunamata kwechokwadi kunotisimbisa mumazuva ano akaoma okupedzisira.

8 Pasi rose, vashumiri vaJehovha vakatendeka vari kuwedzera nguva yavo muushumiri, vari kudzidza mimwe mitauro uye vari kutamira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Kufanana nomunyori wepisarema, zvavanoita zvinoratidza kuti vane chinhu chimwe chete chokukumbira Jehovha. Vane chido chokunakidzwa nokufadza kwaJehovha uye chokuitawo basa rake dzvene chero zvodini.—Verenga Pisarema 27:6.

VIMBA NERUBATSIRO RWAMWARI

9, 10. Vimbiso iri pana Pisarema 27:10 inorevei?

9 Dhavhidhi anoratidza kuvimba kwake nerubatsiro rwaJehovha achiti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” (Pis. 27:10) Zvakaitika zvinotaurwa muna 1 Samueri chitsauko 22 zvinoratidza kuti vabereki vaDhavhidhi havana kumusiya. Asi mazuva ano vakawanda vari kurambwa nemhuri dzavo. Vakawanda vakadaro vakabatsirwa uye vakadzivirirwa neungano yechiKristu.

10 Jehovha zvaakagadzirira kutsigira vashumiri vake pavanorambwa nevamwe, angatadzawo here kuvatsigira mune mimwe miedzo yavanosangana nayo? Somuenzaniso, kana tichinetseka nenyaya yokuriritira mhuri, hatingavi here nechokwadi chokuti Jehovha achatibatsira? (VaH. 13:5, 6) Anoziva kuti vashumiri vake vose vakatendeka vanodei uye kuti zvinhu zvakavamirira sei.

11. Kuvimba kwatinoita naJehovha kunoita kuti vamwe vaite sei? Taura muenzaniso.

11 Funga nezvaVictoria, mukadzi wokuLiberia aidzidza Bhaibheri. Paakanga ava kuda kubhabhatidzwa, murume waaigara naye akamusiya nevana vatatu. Pasinei nokuti ainge asina pokugara uye asingashandi, akaramba achifambira mberi. Abhabhatidzwa, mwanasikana wake aiva nemakore 13 akanhonga chikwama chakazara mari. Kuti vasapinde pamuedzo, vakasarudza kusamboiverenga. Asi vakabva vatsvaka musoja ainge arasa chikwama chacho. Musoja wacho akavaudza kuti kudai vanhu vose vaiva vakatendeseka seZvapupu zvaJehovha, nyika yose yaizova nani uye yaizova nerugare. Victoria akaratidza musoja wacho muBhaibheri, vimbiso yaJehovha yenyika itsva. Musoja wacho akafadzwa nokutendeseka kwaVictoria, ndokumupa kachitsama kemari kubva pane yainge yanhongwa. Zvechokwadi, kunyatsotenda kuti Jehovha anokwanisa kupa vanhu vake zvavanoda kwakaita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive nomukurumbira wakazonaka wokutendeseka.

12. Tinoratidzei patinoramba tichishumira Jehovha pasinei nokurasikirwa nepfuma? Taura muenzaniso.

12 Fungawo kuti Thomas, muparidzi asati abhabhatidzwa wokuSierra Leone akanzwa sei. Akatanga kudzidzisa pane chimwe chikoro chesekondari, asi haana kupiwa mari yake kwerinenge gore rose achimirira kuti mapepa ake agadziriswe. Mapepa agadziriswa, chii chainge chasara kuti apiwe mari yake yose? Aifanira kubvunzurudzwa nemukuru wechikoro aiva mupristi. Mupristi wacho akataura kuti dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha dzaisaenderana nedzepachikoro ipapo. Akaudza Thomas kuti kana aida basa, aifanira kusiyana nedzidziso dzake dzemuBhaibheri. Thomas akasiya basa racho nemari yaainge ashandira kwerinenge gore rose, akabva awana rimwe rokugadzira maredhiyo nemafoni eserura. Muenzaniso uyu nemimwe yakawanda inoratidza kuti kana tichivimba noMusiki wezvinhu zvose uye Mudziviriri wedu, hatizombotyi kuti tichashaya zvatinoda.

13. Basa rokuparidza Umambo riri kufambira mberi sei munyika dzine urombo?

13 Vazivisi voUmambo vari munyika dzakawanda dzine urombo, vari kushingaira chaizvo. Nei? Rimwe bazi rakanyora kuti: “Vakawanda avo vanobvuma kudzidza Bhaibheri havaendi kubasa, saka vane nguva yakawanda yokuverenga pazuva. Hama dzinewo nguva yakawanda yokuparidza. Munzvimbo dzine urombo hwakanyanyisa, vanhu havaomerwi nokubvuma kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira nokuti vanotoona zvinoitika mumararamiro avo.” Mumwe mumishinari ane makore anopfuura 12 achishumira mune imwe nyika umo muparidzi mumwe chete aine zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura zvitatu akanyora kuti: “Vaparidzi vakawanda vane upenyu husina twakawanda-wanda uye vane zvishoma zvinovavhiringidza, saka vane nguva yakawanda yokuita basa romumunda uye rokudzidzisa Bhaibheri.”

14. Boka guru richadzivirirwa sei naMwari?

14 Jehovha akavimbisa kuti achabatsira vanhu vake seboka, achavanunura, achavadzivirira, achavasimbisa pakunamata, uye tinovimba kuti achazviita. (Pis. 37:28; 91:1-3) Boka richapona “mukutambudzika kukuru” rinofanira kunge rakakura chaizvo. (Zvak. 7:9, 14) Saka munguva yose yasara yemazuva okupedzisira, Jehovha haazobvumiri kuti vanhu vake vose seboka vatsakatiswe. Achavapa zvose zvavanoda kuti vatsungirire miedzo uye kuti vachengetedze ukama hwavo naye. Uye achadzivirira vanhu vake muchikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru.

“HAIWA JEHOVHA, NDIRAYIRIDZEI MUNZIRA YENYU”

15, 16. Tinobatsirwa sei patinoteerera mitemo yaMwari? Ipa muenzaniso.

15 Kuti tirambe takashinga, tinofanira kuramba tichirayiridzwa naMwari. Izvozvo tinozviona mumashoko aDhavhidhi okuti: “Haiwa Jehovha, ndirayiridzei munzira yenyu, uye nditungamirirei mugwara rokururama nokuda kwevavengi vangu.” (Pis. 27:11) Kana tichida kuita zvinoenderana nemunyengetero uyu, tinofanira kunyatsoteerera mazano eBhaibheri atinopiwa nesangano raJehovha tobva taashandisa. Munguva pfupi yapfuura pakwakava nematambudziko ezvoupfumi, vazhinji vakaona kushanda kwezano rokuchenjera rokuita kuti upenyu husava netwakawanda-wanda. Vainge vatengesa zvimwe zvinhu vakabhadhara zvikwereti. Saka pane kunetseka nezvinhu zvavasingakwanisi, vane rusununguko rwokuwedzera ushumiri hwavo. Zvakanaka kuti mumwe nomumwe azvibvunze kuti, ‘Ndinokurumidza kushandisa zvose zvandinoverenga muBhaibheri uye mumabhuku eboka romuranda akatendeka, akangwara, kunyange pazvinenge zvakaoma here?’—Mat. 24:45.

16 Kana tikabvuma kurayiridzwa uye kutungamirirwa naJehovha mugwara rokururama hatizovi nechikonzero chokutya. Mumwe piyona wenguva dzose wokuUnited States paakakumbira basa raizoita kuti mhuri yake yose irambe iri mubasa renguva yakazara, maneja wake akamuudza kuti aisazowana basa iroro asina dhigirii. Kudai uriwe, ungadai wakademba here kuti wakapinda mubasa renguva yakazara panzvimbo pokutsvaka dzidzo yepamusorosoro? Papera vhiki mbiri, maneja wacho akamiswa basa uye mumwe maneja akabvunza hama yacho kuti yaiva nezvinangwa zvei. Yakatsanangura kuti iyo nomudzimai wayo vaiva vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha uye vaida kuramba vachiita basa iroro. Hama yacho isati yataura zvakawanda, maneja wacho akati: “Ndakazviona kuti wakasiyana nevamwe! Baba vangu pavainge vava kurwara zvokufa, vamwe vakadzi vaviri vamunonamata navo vaiuya vachivaverengera Bhaibheri mazuva ose. Ndakati nechomumwoyo kana ndikawana mukana wokubatsira Chapupu chaJehovha, ndichachibatsira.” Mangwana acho, hama iyi yakapiwa basa rayainge yarambirwa namaneja wokutanga. Zvechokwadi patinotanga kutsvaka Umambo muupenyu hwedu, Jehovha anozadzisa vimbiso yake yokuti hatizoshayi zvinodiwa pakurarama.—Mat. 6:33.

ZVINOKOSHA KUTI TIVE NOKUTENDA NETARIRO

17. Chii chichatibatsira kuti tive nechivimbo pane zvichaitika mune ramangwana?

17 Dhavhidhi anotaurawo kukosha kwokutenda uye tariro achiti: “Kudai ndakanga ndisina kuva nokutenda mukuona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu—!” (Pis. 27:13) Zvechokwadi upenyu hwedu hungadai hwakaita sei kudai tisina tariro yatinopiwa naMwari uye tisingazivi zvinotaurwa muPisarema 27! Saka ngatirambei tichinyengetera tiine chivimbo kuti tipiwe simba uye tinunurwe sezvatinotarisana nezviitiko zvinotisvitsa paAmagedhoni.—Verenga Pisarema 27:14.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dhavhidhi akawana ushingi nokuyeuka kununurwa kwaainge aitwa naJehovha

[Mufananidzo uri papeji 25]

Tinoona matambudziko ezvoupfumi somukana wokuwedzera ushumiri hwedu here?