Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shumira Mwari Worusununguko

Shumira Mwari Worusununguko

Shumira Mwari Worusununguko

“Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 JOH. 5:3.

UNGAPINDURA HERE?

Satani anoedza sei kuita kuti tione mitemo yaMwari seinorema?

Nei tichifanira kunyatsongwarira shamwari dzedu?

Chii chichatibatsira kuramba takavimbika kuna Mwari worusununguko?

1. Jehovha anoona sei nyaya yorusununguko, uye akazviratidza sei kuna Adhamu naEvha?

JEHOVHA ndiye chete ane rusununguko rusina parunogumira. Asi haarushandisi zvisina kunaka; uyewo haanyimi vashumiri vake rusununguko nokuisa mutemo pane kese kavanoita. Akatovapa rusununguko runovabvumira kuzvisarudzira zvokuita uye kugutsa zvido zvavo zvose zvakakodzera. Somuenzaniso, Mwari akapa Adhamu naEvha mutemo mumwe chete waivarambidza kudya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Gen. 2:17) Zvechokwadi, pavaiita zvaidiwa noMusiki wavo, vaiva norusununguko rwakakura chaizvo!

2. Chii chakaita kuti vabereki vedu vepakutanga varasikirwe norusununguko rwavainge vapiwa naMwari?

2 Nei Mwari akapa vabereki vedu vokutanga rusununguko rwakakura zvakadaro? Akavasika nomufananidzo wake, akavapa hana, achitarisira kuti kuda kwavaimuita soMusiki wavo kwaizoita kuti vaite zvakarurama. (Gen. 1:27; VaR. 2:15) Asi zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha vakakundikana kuonga Musiki wavo anoshamisa uye rusununguko rwaainge avapa. Pane kudaro, vakada rusununguko rwokuzvitonga rwavakapiwa naSatani. Panzvimbo pokuwana rusununguko rwakakura, vabereki vedu vepakutanga vakazviita varanda vechivi, kusanganisira vana vavo uye izvozvo zvakaguma nokutambura.—VaR. 5:12.

3, 4. Satani anoedza sei kutinyengedza panyaya yezvatinonzi tiite naJehovha?

3 Kana Satani akakwanisa kunyengedza vanhu vaviri vakakwana uye ngirozi dzakawanda kuramba utongi hwaMwari, anogonawo kutinyengedza. Nzira dzaanoshandisa hadzina kuchinja. Anoedza kutinyengedza kuti tifunge kuti zvatinonzi naMwari tiite zvinorema, zvinotitadzisa kufara uye kunakidzwa. (1 Joh. 5:3) Kana tikagara tichiwadzana nevanhu vane mafungiro akadaro, izvozvo zvinogona kutikanganisa chaizvo. Imwe hanzvadzi ine makore 24 yainge yaita ufeve yakati: “Shamwari dzakaipa dzakandikanganisa chaizvo, nokuti ndaitya kuratidza mafungiro akasiyana neevamwe vangu.” Zvichida wakambofurirwa neshamwari saizvozvo.

4 Zvinosuruvarisa kuti dzimwe nguva munhu anogona kufurirwa nevamwe vari muungano yechiKristu. Chimwe Chapupu chechiduku chakati, “Pane vamwe vechiduku vandaiziva vaidanana nevasingatendi. Asi ndakazoona kuti pandairamba ndiinavo ndaiwedzerawo kufanana navo. Ndakatanga kudzikira pakunamata. Pamisangano ndaisanakirwa nezvokudya zvinosimbisa pakunamata, uye ndaisawanzobuda muushumiri. Izvozvo zvakandiratidza kuti ndaifanira kusiyana navo uye ndizvo zvandakabva ndaita.” Unoziva here kuti vanhu vaunotamba navo vanogona kukukanganisa zvakadini? Funga nezvemuenzaniso womuBhaibheri unogona kutibatsira mazuva ano.—VaR. 15:4.

AKANYENGEDZA MWOYO YAVO

5, 6. Absaromu akanyengedza vamwe sei, uye zano rake rakabudirira here?

5 Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevanhu vaifurira vamwe. Mumwe wacho ndiAbsaromu, mwanakomana waMambo Dhavhidhi. Absaromu aiva nechiso chakazonaka. Zvisinei, sezvakangoitwa naSatani, mwoyo wake wakatanga kuda chinzvimbo, achichiva chigaro chababa vake, chaainge asina kukodzera kuwana. * Paaiedza kutora chigaro, Absaromu akanyengedza vaIsraeri kuti vafunge kuti aiva nehanya navo, achivapa kapfungwa kekuti dare ramambo raisava nebasa navo. Chokwadi, sezvakaitwa naDhiyabhorosi mumunda weEdheni, Absaromu akaita semunhu aida kubatsira, asi achitaura nhema nezvababa vake.—2 Sam. 15:1-5.

6 Zano raAbsaromu rakashanda here? Hongu rakati shandei, nokuti Bhaibheri rinoti: “Absaromu akaramba achinyengedza mwoyo yevarume vaIsraeri.” (2 Sam. 15:6) Zvisinei, kuzvikudza kwaAbsaromu kwakazoita kuti akundikane. Uye zvinosuruvarisa kuti akazofa, akaurayisa zviuru zvevanhu vaainge anyengedza.—2 Sam. 18:7, 14-17.

7. Tingadzidzei panyaya yaAbsaromu? (Ona mufananidzo uri papeji 14.)

7 Nei vaIsraeri ivavo vakanyengedzwa nyore nyore? Zvimwe vaida zvinhu zvavaivimbiswa naAbsaromu. Kana kuti vangava vakanyengedzwa nokunaka kwechiso chake. Chero zvazvingava, tinogona kuva nechokwadi chokuti: Vainge vasina kuvimbika kuna Jehovha uye kuna mambo. Satani achiri kushandisa vanhu vakaita saAbsaromu kuedza kunyengedza vashumiri vaJehovha. Vangati, ‘Zvatinonzi tiite naJehovha zvinotishayisa rusununguko. Tarisa uone vose vasingashumiri Jehovha. Vanonakidzwa zvokuti!’ Uchakwanisa here kuona kuti idzodzo inhema dzakaipa woramba wakavimbika kuna Mwari? Uchaonawo here kuti “mutemo wakakwana” waJehovha, kana kuti mutemo waKristu, ndiwo chete unogona kukutungamirira kurusununguko rwechokwadi? (Jak. 1:25) Kana zvakadaro, koshesa mutemo iwoyo, uye usambofa wakatambisa rusununguko rwako rwechiKristu.—Verenga 1 Petro 2:16.

8. Mienzaniso ipi inoratidza kuti kusateerera zvatinonzi tiite naJehovha hakuiti kuti tifare?

8 Satani ari kunyanya kuda vechiduku. Imwe hama yava nemakore anopfuura 30 inoti nezvemakore ayaiyaruka: “Ndaiona zvatinonzi tiite naJehovha sezvisingatidziviriri asi sezvinotitadzisa kufara.” Izvozvo zvakaita kuti aite ufeve. Asi hazvina kuita kuti afare. Anoti, “Ndainzwa ndiine mhosva uye ndaizvidemba kwemakore akawanda.” Imwe hanzvadzi yakati nezvemakore ayaiyaruka: “Kana waita ufeve unonzwa usisiri munhu. Kunyange papfuura makore 19, ndangariro dzisingafadzi dzinombouya.” Imwewo hanzvadzi yakati: “Kufunga kuti mufambiro wangu wakarwadzisa vanhu vandaida chaizvo kwakaita kuti ndinetseke mupfungwa, pakunamata, uye ndishungurudzike chaizvo. Hazvimbofadzi kugara usina ukama hwakanaka naJehovha.” Satani haadi kuti ufunge nezvemugumisiro iyoyo yechivi.

9. (a) Mibvunzo ipi inogona kutibatsira kuongorora maonero atinoita Jehovha nemitemo yaanotipa? (b) Nei kunyatsoziva Jehovha kuchikosha?

9 Zvinosuruvarisa kuti vechiduku vakawanda vari muchokwadi uye kunyange vamwe vakura, vakatanga vatambura kuti vadzidze kuti mafaro anobva pakuita chivi anoita kuti utambure chaizvo! (VaG. 6:7, 8) Saka zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsoona here kuti mazano aSatani ndeekuedza kundinyengera? Ndinoona Jehovha seShamwari yangu yepedyo, inogara ichitaura chokwadi uye inoda kuti zvinhu zvindifambire here? Ndinonyatsovimba kuti haazombondinyimi zvinhu zvakanaka uye zvinoita kuti ndinyatsofara here?’ (Verenga Isaya 48:17, 18.) Kuti uti hungu zvichibva pamwoyo, haufaniri kungoziva Jehovha zvokubatira pamusoro chete. Unofanira kunyatsomuziva uye kubvuma kuti mitemo nezvidzidzo zviri muBhaibheri zvinoratidza kuti anokuda uye hazvina kuitirwa kuti zvikushayise rusununguko.—Pis. 25:14.

NYENGETERERA KUVA NEMWOYO WAKACHENJERA UYE UNOTEERERA

10. Nei tichifanira kuedza kutevedzera mambo wechiduku Soromoni?

10 Soromoni paainge achiri muduku, akanyengetera achizvininipisa kuti: “Ndinongovawo zvangu mukomana muduku. Handizivi kuti ndinobuda sei uye kuti ndinopinda sei.” Akabva akumbira mwoyo wakachenjera uye unoteerera. (1 Madz. 3:7-9, 12) Jehovha akapindura munyengetero iwoyo womwoyo wose, uye achapindurawo wako pasinei nokuti wakura kana kuti uchiri muduku. Ichokwadi kuti Jehovha haazoiti chishamiso chokuita kuti unzwisise uye uve neuchenjeri. Asi achaita kuti uve akachenjera kana ukanyatsodzidza Shoko rake, ukanyengeterera mudzimu mutsvene, uye ukanyatsoshandisa mirayiridzo yose yatinopiwa muungano yechiKristu. (Jak. 1:5) Chokwadi, Jehovha anoshandisa nzira idzi kuita kuti kunyange vashumiri vake vechiduku vave vakachenjera kupfuura vaya vose vasingateereri mazano ake, kunyange vaya vanonzi “vakachenjera nevakangwara” vari munyika.—Ruka 10:21; verenga Pisarema 119:98-100.

11-13. (a) Tinowana zvidzidzo zvipi zvinokosha pana Pisarema 26:4, Zvirevo 13:20 uye pana 1 VaKorinde 15:33? (b) Ungashandisa sei zvidzidzo zvatinowana mumagwaro aya?

11 Kuti tione kukosha kwokudzidza Bhaibheri uye kwokufungisisa zvatinoverenga izvo zvinotibatsira kuti tinyatsoziva Jehovha, ngationei magwaro anotevera. Rugwaro rumwe norumwe rune chidzidzo chinokosha panyaya yokusarudza shamwari. “Handina kugara nevanhu venhema; handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.” (Pis. 26:4) “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvir. 13:20) “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.

12 Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinodzidza mumagwaro iwayo? (1) Jehovha haadi kuti tingoshamwaridzana nemunhu wese wese. Anoda kutidzivirira kuti tisava netsika dzakaipa uye kuti tisakanganiswa pakunamata. (2) Shamwari dzedu dzinogona kutibatsira kana kutikanganisa; izvozvo ndizvo zvakaita upenyu. Manyorerwo akaita magwaro ari pamusoro apa anoratidza kuti Jehovha ari kuedza kutaura zvingatibaya mwoyo. Sei tichidaro? Ona kuti magwaro aya haana kunyorwa semitemo yakadai sokuti “usaita chakati.” Asi ari kungotaura chokwadi sezvachiri. Jehovha ari kutotiudza kuti: ‘Izvi ndizvo zvazviri. Uchaita sei? Mwoyo wako uri kuti kudii?’

13 Magwaro matatu aya zvaakanyorwa sechokwadi chisingachinji, haazombovi echinyakare uye anoshanda pane zvakawanda. Somuenzaniso, zvibvunze mibvunzo yakaita seiyi: Ndingadzivisa sei kushamwaridzana nevanhu “vanovanza zvavari?” Ndingasangana nevanhu vakadaro kupi? (Zvir. 3:32; 6:12) “Vanhu vakachenjera” avo Jehovha anoda kuti ndishamwaridzane navo ndivanaani? “Mapenzi” aanoti ndidzivise ndivanaani? (Pis. 111:10; 112:1; Zvir. 1:7) “Tsika dzinobatsira” dzandichashatisa kana ndikashamwaridzana nevakaipa ndedzipi? Shamwari dzakaipa dziri munyika chete here? (2 Pet. 2:1-3) Ungapindura sei mibvunzo iyi?

14. Mungaita sei kuti munyatsobatsirwa nemanheru oKunamata Kwemhuri?

14 Uchitevedzera zvataita nemagwaro matatu aya, wadii kuongorora dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoratidza kufunga kwaMwari panyaya dzine chokuita newe kana mhuri yako? * Vabereki, fungai nezvokukurukura nyaya dzakadai pamanheru oKunamata Kwemhuri. Pamunenge muchidaro, yeukai kuti chinangwa chenyu ndechokubatsira nhengo imwe neimwe yemhuri kuti inyatsoona kudzama kwakaita kudiwa kwatinoitwa naMwari sezvinoratidzwa nemitemo yaanotipa. (Pis. 119:72) Chokwadi, kudzidza kwakadaro kunofanira kuita kuti mhuri yose iswedere pedyo naJehovha uye nemumwe nemumwe.

15. Ungaziva sei kana uri kuva nemwoyo wakachenjera uye unoteerera?

15 Ungaziva sei kana uri kuva nemwoyo wakachenjera uye unoteerera? Imwe nzira ndeyokuenzanisa mafungiro ako neevanhu vakatendeka vekare, vakadai saMambo Dhavhidhi, uyo akanyora kuti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” (Pis. 40:8) Munyori wePisarema 119 akataurawo kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.” (Pis. 119:97) Unotofanira kushanda nesimba kuti uve nerudo rwakadaro. Unova narwo kana ukanyatsodzidza, ukanyengetera, ukafungisisa uye ukaona makomborero akawanda aunowana nemhaka yokuita zvinodiwa naJehovha.—Pis. 34:8.

RWIRA RUSUNUNGUKO RWAKO RWECHIKRISTU!

16. Tinofanira kuzivei kana tichida kukunda muhondo yorusununguko rwechokwadi?

16 Kugara nokugara, nyika dzave dzichienda kuhondo dzichiti dziri kurwira rusununguko. Saka iwe haufaniriwo here kutorwira zvakasimba rusununguko rwako rwechiKristu? Ziva kuti une vamwe vavengi kunze kwaSatani, nyika, uye mudzimu wayo unokuvadza. Unofanirawo kurwa nekusakwana kwako, kusanganisira mwoyo unonyengera. (Jer. 17:9; VaEf. 2:3) Asi unogona kukunda muhondo yacho uchibatsirwa naJehovha. Uyezve, pose paunokunda muhondo yacho, unobatsirwa munzira dzinenge mbiri. Yokutanga, uchafadza mwoyo waJehovha. (Zvir. 27:11) Yechipiri, paunoravira kusunungura kunoita “mutemo wakakwana worusununguko,” uchanyatsotsunga kuramba uri ‘mumugwagwa wakamanikana’ unoenda kuupenyu husingaperi. Nokufamba kwenguva, uchava norusununguko rwakakura rwakachengeterwa vanhu vaJehovha vakavimbika.—Jak. 1:25; Mat. 7:13, 14.

17. Nei tisingafaniri kuzvidya mwoyo nekusakwana kwedu, uye Jehovha anotibatsira sei?

17 Ichokwadi kuti dzimwe nguva tose tinokanganisa. (Mup. 7:20) Kana izvozvo zvikaitika, usanyanya kuzvidya mwoyo kana kunzwa sokuti haubatsiri. Kana ukawa, simuka urambe uchienda mberi, kunyange kana uchifanira kukumbira rubatsiro kuvakuru vomuungano yenyu. Jakobho akanyora kuti: “Munyengetero [wavo] wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.” (Jak. 5:15) Usambofa wakakanganwa kuti Mwari ane ngoni zvechokwadi uye kuti akaita kuti uuye muungano nokuti ane chimwe chinhu chaakaona mauri. (Verenga Pisarema 103:8, 9.) Saka kana ukaramba uine mwoyo wakakwana kuna Jehovha, haazombofi akakusiya.—1 Mak. 28:9.

18. Tingaita sei maererano nemunyengetero waJesu uri pana Johani 17:15?

18 Pamanheru ekupedzisira aine vaapostora vake 11 vakatendeka, Jesu akataura mashoko aya asingakanganwiki nezvavo paakanyengetera kuti: “Muvatarisire nokuda kweakaipa.” (Joh. 17:15) Jesu aisafunga nezvevaapostora vake chete, asi vateveri vake vose. Saka, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achapindura munyengetero waJesu nokutitarisira mumazuva ano akaoma. Jehovha “inhoo yevaya vanofamba vakavimbika . . . Acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.” (Zvir. 2:7, 8) Chokwadi, kuperera kuna Mwari kunoitawo kuti tisangane nematambudziko, asi ndiko chete nzira inoenda kuupenyu husingaperi. (VaR. 8:21) Usabvuma kuti mumwe munhu akutsause panzira iyoyo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Vimbiso yaMwari yokuti Dhavhidhi aizobereka “mwana,” omusiyira chigaro, yakaitwa Absaromu atoberekwa. Saka, Absaromu anofanira kunge aizviziva kuti Jehovha ainge asina kumusarudza kuti azosiyirwa chigaro naDhavhidhi.—2 Sam. 3:3; 7:12.

^ ndima 14 Mimwe mienzaniso yakanaka ndi1 VaKorinde 13:4-8, Pauro paaitsanangura zvakaita rudo, uye Pisarema 19:7-11 rinotaura zvikomborero zvakawanda zvinowanikwa nevaya vanoteerera mitemo yaJehovha.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 14]

Mazuva ano tingaziva sei vanhu vakaita saAbsaromu uye tingaita sei kuti vasatikanganisa?