Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuEcuador

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuEcuador

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuEcuador

IMWE hama yechiduku kuItaly inonzi Bruno, aishaya kuti oita zvipi. Akanga achangopedza sekondari uye ainge apasa kudarika vamwe vose vomukirasi make, saka voukama nevadzidzisi vaimukurudzira kuwana dzidzo yepamusorosoro. Asi makore mashomanana izvi zvisati zvaitika, Bruno akanga azvitsaurira kuna Jehovha, achivimbisa kuita kuda kwaMwari kupfuura zvimwe zvose. Akazoita zvipi? Anotsanangura kuti: “Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichiti ndaizoita maererano nekuzvitsaurira kwangu uye kuisa zvaanoda pakutanga muupenyu. Handina kuregedza kutaurawo kuti ndaida upenyu hunofadza, hune zvakasiyana-siyana zvokuita mubasa rake.”

Pashure pemakore anoverengeka, Bruno akanga ava kuEcuador, South America. Anoti: “Jehovha akapindura munyengetero wangu zvandaisambofungira.” Paakasvika kuEcuador akashamiswa paakasangana nevamwe vechiduku vakawanda vakanga vatamirawo ikoko nokuti vaida kuwedzera kushumira Jehovha.

VECHIDUKU ‘VANOEDZA JEHOVHA’

Bruno akaitawo sezviri kuitwa nezvimwe zviuru zvevechiduku munyika yose, kubvuma kukokwa naJehovha uyo anoti: “Ndapota, ndiedzei, . . . muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga, ndikakudururirai chikomborero.” (Mar. 3:10) Kuda kwavanoita Mwari kwakaita kuti ‘vaedze Jehovha’ nokupa nguva yavo, simba uye zvinhu zvavo nemwoyo unoda, kuti vatsigire basa raMwari munyika iri kudiwa vazivisi voUmambo vakawanda.

Pavakangosvika kundima yavo itsva, vashandi ava vakazvipira vakazvionera kuti “kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.” (Mat. 9:37) Somuenzaniso, Jaqueline anobva kuGermany, akanyorera bazi rekuEcuador achifara achiti: “Ndava nemakore anoti pfuurei maviri ndichishumira muEcuador, asi ndatova nezvidzidzo zveBhaibheri 13, uye 4 vacho vanopinda misangano nguva dzose. Zviri kuzondifadza.” Chantal anobva kuCanada anoti: “Muna 2008 ndakatamira kumahombekombe eEcuador, uko kwakanga kuine ungano imwe chete. Iye zvino kwava neungano nhatu uye mapiyona anopfuura 30. Hapana chingaenzana nokuona vatsva vachifambira mberi pakunamata!” Anowedzera kuti: “Munguva ichangobva kudarika ndakatamira kuguta riri pakakwirira mamita 2 743 mumakomo eAndes. Vagari veko vanodarika 75 000 asi kunongova neungano imwe chete. Indima yakaorera! Ndiri kunakidzwa zvekuti neushumiri hwangu.”

PAZVAKAOMERA

Ichokwadi kuti pane zvinetso zvinovapo pakushumira kune imwe nyika. Vamwe vechiduku vakatosangana nezvipingamupinyi vasati vatombotama. Kayla anobva kuUnited States anoti: “Ndichiri kumba, zvandaiudzwa nehama dzaifunga kuti dziri kutondibatsira zvaindiodza mwoyo. Vaisanzwisisa chikonzero nei ndaida kutamira kune imwe nyika kunopayona. Dzimwe nguva zvaiita kuti ndizvibvunze kuti, ‘Ndiri kunyatsoziva zvandiri kuita here?’” Asi Kayla akasarudza kuenda zvakadaro. Anotsanangura kuti: “Kunyengetera kakawanda kuna Jehovha uye kutaura kwenguva refu nehama nehanzvadzi dzakura zvakandionesa kuti Jehovha anokomborera vane chido chokumushumira.”

Vakawanda vanoomerwa nokudzidza mumwe mutauro. Siobhan anobva kuIreland, anoyeuka kuti: “Zvakanga zvakandiomera kutaura nevamwe. Ndaifanira kuva nemwoyo murefu, kudzidza mutauro wacho nemwoyo wose, uye kuzviseka pandaikanganisa.” Anna anobva kuEstonia, anotiwo: “Kudzidza chiSpanish kwainge kwakaoma kudarika kujairana nokupiswa nezuva, guruva, uye kushaya mvura inopisa yokugeza. Dzimwe nguva ndaimbofunga kuzvisiya. Ndakadzidza kuisa pfungwa pane zvandaibudirira pazviri kwete zvandaikanganisa.”

Rimwewo dambudziko ratisingasiyi nderokusuwa kumusha. Jonathan anobva kuUnited States, anobvuma kuti: “Pandakangosvika ndakatanga kusuwa shamwari dzangu nemhuri. Asi kuisa pfungwa dzangu pakudzidza Bhaibheri uye ushumiri zvakandibatsira. Pasina nguva, zvandaisangana nazvo muushumiri uye shamwari dzangu itsva dzomuungano zvakaita kuti nditangezve kufara.”

Rimwezve dambudziko nderemagariro. Upenyu hweko hauwanzofanana nehwawakajaira. Beau anobva kuCanada, anotiudza kuti: “Kumusha kwako, zvinhu zvakadai semvura yemupombi nemagetsi haumbozvioni kukosha kwazvo. Asi kuno, magetsi nemvura zvinoenda chero nguva.” Mamwe ematambudziko akazara munyika dzichiri kusimukira, urombo, zvokufambisa zvisina kutsarukana, kusagona kuverenga nokunyora. Ines anobva kuAustria, anotsungirira zvinhu izvi nokuisa pfungwa dzake pazvakanaka zvinoitwa nevanhu veko. Anoti, “Vane mutsa, vanhu vanyoro, vanobatsira vamwe uye vanozvininipisa. Chinotokosha kudarika zvose ndechokuti vanoda chaizvo kuziva zvakawanda nezvaMwari.”

“CHIKOMBORERO KUSVIKIRA MUSISINA CHAMUNOSHAYIWA”

Majaya aya nemhandara vakasiya zvimwe zvinhu kuti vanoshumira kuEcuador, asi vari kuona kuti Jehovha anopa “zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose” zvavaitarisira. (VaEf. 3:20) Chokwadi vari kuona kuti vakagamuchira ‘chikomborero kusvikira vasisina chavanoshayiwa.’ (Mar. 3:10) Hezvino zvavanotaura nezveushumiri hwavo:

Bruno: “Ndakatanga kushumira kuno kuEcuador kunzvimbo inoyevedza yeAmazon. Ndakazobatsira pakuwedzerwa kwehofisi yebazi reEcuador. Iye zvino ndava kushanda paBheteri. Pandaiva kuItaly ndakasarudza kuisa kuda kwaJehovha pakutanga, uye ari kuzadzisa chishuwo changu chokuita zvakasiyana-siyana mubasa rake.”

Beau: “Ndaswedera pedyo-pedyo naJehovha nekuti kuno kuEcuador ndinokwanisa kushandisa nguva yose yandiinayo pakumushumira. Chimwewo chikomborero ndechokushanyira nzvimbo dzinoyevedza izvo zvandakagara ndichishuva.”

Anna: “Ndaisambofunga kuti ini, sehanzvadzi isati yaroorwa, ndinganakidzwe noupenyu hwakaita sehwemumishinari. Asi iye zvino ndava kuziva kuti zvinoita. Nechikomborero chaJehovha ndiri kufara kudzidzisa vanhu, kuvaka Dzimba dzoUmambo, uye kuwana shamwari itsva.”

Elke: “Ndichiri kumusha kuAustria, ndaigaronyengetera kuna Jehovha kuti ndiwanewo chidzidzo chimwe chete cheBhaibheri. Kuno, ndine zvidzidzo zveBhaibheri 15! Kuona vandinodzidza navo Bhaibheri vari kufambira mberi vachifara kunoita kuti ndigutsikane.”

Joel: “Zvinofadza kusvika munzvimbo yausingazivi kuti ushumire Jehovha. Kuvimba kwako naye kunowedzera uye zvinofadza kuona achikomborera zvaunenge uchiita! Mugore rangu rokutanga ndichibva kuUnited States, boka randiri kupinda naro rakawedzera kubva pavaparidzi 6 kusvika pa21. Takapinda Chirangaridzo tiri 110.”

KO IWE?

Imi hama nehanzvadzi dzechiduku, mamiriro enyu ezvinhu ari kukubvumirai kunoshumira kune imwe nyika kuri kudiwa vazivisi voUmambo vakawanda here? Ichokwadi kuti munofanira kuronga nokuchenjera musati maita chisarudzo chakakura zvakadaro. Kudarika zvose, kuda kwamunoita Jehovha nemuvakidzani ndiko kuchaita kuti muite chisarudzo chakadaro. Kana uine rudo urwu uye uchikodzera, nyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha nezvenyaya iyi yokunoshumira kune imwe nyika. Uyewo, taura nevabereki vako vechiKristu uye vakuru veungano nezvechido chako. Ungatoona kuti newewo unogona kuita basa iri dzvene rinofadza uye rinogutsa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Kunyengetera kakawanda kuna Jehovha uye kutaura kwenguva refu nehama nehanzvadzi dzakura zvakandionesa kuti Jehovha anokomborera vane chido chokumushumira.”—Kayla anobva kuUnited States

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Zvaunofanira kugadzirira kuti unoshumira kune imwe nyika

• Iva nepurogiramu yaunotevedzera yokudzidza uri woga

• Dzokorora mapeji 4-6 eUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2011

• Taura nevamwe vakamboshumira kune imwe nyika

• Tsvaga mashoko ane chokuita netsika nenhoroondo zvenyika yacho

• Fanodzidza nezvemutauro weko

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Vamwe vari kushumira vari kune dzimwe nyika vanowana mari yokurarama nayo ne . . .

• kushanda kwemwedzi mishomanana pagore kunyika kwavo

• kurendesa imba, furati, kana kuti bhizimisi ravo

• kuita basa ravo vachishandisa Indaneti

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

1 Jaqueline anobva kuGermany

2 Bruno anobva kuItaly

3 Beau anobva kuCanada

4 Siobhan anobva kuIreland

5 Joel anobva kuUnited States

6 Jonathan anobva kuUnited States

7 Anna anobva kuEstonia

8 Elke anobva kuAustria

9 Chantal anobva kuCanada

10 Ines anobva kuAustria