Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubva Mudura Renhoroondo Yedu

Kufamba Kwaiita Mapilgrim

Kufamba Kwaiita Mapilgrim

“HANDINGAMBOKWANISI kuenda paimba neimba!” Vadzidzi vatsva vakawanda veBhaibheri ndivo vanowanzotaura izvozvo pavanofunga nezvekuparidzira vanhu vavasingazivi. Asi mashoko aya akataurwa nemukurukuri ane unyanzvi uye mudzidzisi weBhaibheri ainzi mupilgrim.

Vakawanda vaiverenga Zion’s Watch Tower avo vainge vasiya machechi avo, vaishuva kuwadzana nevamwe vaivawo nenyota yechokwadi cheBhaibheri. Magazini yacho yaikurudzira vaverengi kutsvaka vamwe vaiva nokutenda kunokosha kwakafanana nekwavo kuti vagare vachiungana, vachidzidza Bhaibheri. Kutanga munenge muna 1894, Watch Tower Society yakatumira vamiririri vaifambira kuti vaonane nemapoka aida kushanyirwa. Varume ava vaiva nounyanzvi uye vaishanda nesimba avo vakazonzi mapilgrim, vaisarudzwa pamusana pounyoro hwavo, kuziva Bhaibheri, kugona kutaura nokukwanisa kudzidzisa, uye kuomerera padzidziso yorudzikinuro. Vaiwanzoshanya kwezuva rimwe kana maviri uye vainge vakabatikana chaizvo. Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakatanga kuravidza basa remumunda nokuparadzira mahendibhiri ehurukuro yavose yomupilgrim. Apedza hurukuro yake yemanheru pane chimwe chikoro, Hugo Riemer, uyo akazova nhengo yeDare Rinodzora, akapindura mibvunzo yeBhaibheri kusvikira apfuura pakati pousiku. Aneta asi achifara, akati musangano wacho wainge “wakazonaka.”

Watch Tower yakataura kuti “chinangwa chikuru” chemupilgrim ndechokushanya kuti avake “veimba yokutenda” pamisangano yaiitirwa mudzimba dzevatendi. Vadzidzi veBhaibheri vemunharaunda dzaiva pedyo vaiuya kuhurukuro dzacho uye panguva yaibvunzwa mibvunzo ichipindurwa. Paizoitawo nguva yezvokudya. Paaiva musikana, Maude Abbott akapinda hurukuro yemangwanani, vanhu vose vachibva vazogara vakatenderera tafura yakareba yaiva pachivanze. “Paiva nezvokudya zvinonaka zvakawanda, nyama yenguruve, nyama yakakangwa yehuku, zvingwa zvakasiyana-siyana, mapai, nemakeke! Munhu wose akadya zvokuti huya uone, uye na2:00 masikati, takaungana kuti tinzwe imwe hurukuro.” Asi anobvuma kuti, “Panguva iyoyo munhu wose ainge ava kutsimwaira.” Mumwe akaita basa roupilgrim kwemakore anonzi Benjamin Barton akamboti, ‘Kudai ndakadya zvokudya zvose izvozvo zvakanuna zvandaipiwa, ndingadai ndakasiyira panzira basa rangu roupilgrim kare kare.’ Tsamba yakabva kumuzinda kuBrooklyn yakazopa zano hanzvadzi dzaiva nemutsa kuti zvaizova zvakanaka kupa mupilgrim “zvokudya zvaingodyiwa navose mazuva ose” uye kuti “vavabvumire kurara zvakakwana.”

Mapilgrim aiva nyanzvi pakudzidzisa uye pakushandisa machati, zvinhu zvavainge vagadzira, kana kuti chero chavaiva nacho kuti nyaya yacho ive noupenyu. Hurukuro dzaR. H. Barber “dzainakidza chaizvo.” W. J. Thorn aiita sababa uye aitaura “semumwe wevanhu vemunguva dzekare kare.” Rimwe zuva Shield Toutjian paaiva mumotokari inonzi Model A Ford, akangoerekana ashevedzera kuti, “Mirai!” Akasvetuka achibuda mumotokari, akatanha maruva emusango, ndokupa vamwe vake chidzidzo chine chokuita nezvakasikwa naJehovha.

Basa roupilgrim raiva nematambudziko akawanda, kunyanya kune vaya vaiva nemakore okuma40 kana kupfuura. Zvisinei, vamwe vakanyanya kuomerwa nokuchinja kwakaita chinangwa chebasa ravo. Vainge vava kutarisirwa kuti vatungamirire pakuparidza paimba neimba. Watch Tower yaMarch 15, 1924, yakataura kuti “rimwe basa guru” revaKristu vechokwadi “nderokuparidza umambo. Mapilgrim anotumwa nechinangwa ichi.”

Vamwe vaiva mapilgrim havana kufara nokuchinja uku, zvokuti vakasiya basa rokufambira, vamwe vacho vakatotanga machechi avo. Robie D. Adkins akarondedzera kuti mumwe mupilgrim aiva nyanzvi pakukurukura akachema-chema achiti: “Chandinongogona chete kuparidza pachikuva. Handingambokwanisi kuenda paimba neimba!” Hama Adkins vanoyeuka kuti: “Ndakazomuona pagungano remuna 1924 rakaitirwa muColumbus, Ohio. Ndiye munhu aisiririsa zvisingaiti pavanhu vaivapo, akamira zvake oga mukamumvuri kemuti muduku, akangoti undundu pakati pehama dzakawanda dzaifara. Handina kuzombomuonazve. Pasina nguva akasiya sangano.” Asi, “hama dzakawanda dzaipfuura dzichienda nemabhuku kumotokari dzadzo dzichifara,” zvichiratidza kuti dzaiva nechido chokuparidza paimba neimba.—Mab. 20:20, 21.

Mapilgrim akawanda akaita basa rawo nemwoyo wose, pasinei nokuti aityawo sezvaiitwa nevaya vavainzi vanorovedza. Nezvebasa rokuparidza paimba neimba, mupilgrim aitaura chiGerman, Maxwell G. Friend (Freschel) akanyora kuti, “Iri rimwe remabasa emapilgrim rinounza makomborero chaizvo.” Mupilgrim anonzi John A. Bohnet akataura kuti hama dzakawanda dzakatsigira nemwoyo wose kuti kuparidza Umambo kwainyanya kukosha. Maererano nezvaakataura, ruzhinji “rwaipisa nokushingaira ruri pamberi muhondo yacho.”

Kwemakore, hama dzakavimbika dzaishanyira ungano dzaibatsira chaizvo. “Kukosha uye kubatsira kwemapilgrim kwaiva pachena, kunyange ndichiri chikomana,” yakadaro imwe hama inonzi Norman Larson, yainge yava nemakore iri Chapupu. “Akashanda chaizvo kundiumba nenzira yakanaka.” Nanhasi, vatariri vanofambira vakadaro, vakazvipira uye vakavimbika, vari kubatsira hama dzavo kuti dziti, “Tinogona kuenda paimba neimba!”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]

Mu“pilgrim” paaiuya, taifara chaizvo!

[Mufananidzo uri papeji 31]

Pepa rairatidza rwendo rwaBenjamin Barton rwa1905 raiva nenzvimbo 170 dzaaifanira kushanyira

[Mufananidzo uri papeji 32]

Walter J. Thorn aiva mupilgrim ainzi Pappy nevanhu nokuti aiita sababa, uye aiva nemafungiro akaita seaKristu

[Mufananidzo uri papeji 32]

J. A. Browne akatumwa kuJamaica somupilgrim munenge muna 1902 kuti anosimbisa uye kukurudzira mapoka maduku 14

[Mufananidzo uri papeji 32]

Basa roupilgrim raisimbisa kutenda kwehama, kuita kuti dzibatane, uye kuita kuti dzive pedyo nesangano