Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!

Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!

Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!

‘Mirai makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’—VAEF. 6:11.

UNGAPINDURA SEI?

Mushumiri waJehovha angaita sei kuti asabatwa nomusungo wokunyanya kuda pfuma?

Chii chingabatsira vaKristu vakaroorana kuti vasawira muhunza youpombwe?

Nei uchifunga kuti zvinobatsira kumira wakasimba kuti usanyanya kuda pfuma uye usaita ufeve?

1, 2. (a) Nei Satani asina tsitsi nevakazodzwa uye ve“mamwe makwai”? (b) Misungo ipi yaSatani yatichakurukura munyaya ino?

SATANI DHIYABHOROSI haana tsitsi nevanhu, kunyanya vaya vanoshumira Jehovha. Ari kutorwa hondo nevakazodzwa vachiri pasi pano. (Zvak. 12:17) VaKristu ivavo vakashinga vave vari pamberi mubasa rokuparidza Umambo mazuva ano, vachiratidza kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino. Dhiyabhorosi anovengawo ve“mamwe makwai” avo vanotsigira vakazodzwa uye vane tariro youpenyu husingaperi, iyo iye asisina. (Joh. 10:16) Ndokusaka akashatirwa! Satani haana basa nezvakatinakira, pasinei nokuti tine tariro yokudenga kana kuti yepasi pano. Chinangwa chake ndechokutibata.—1 Pet. 5:8.

2 Kuti atibate, Satani akateya misungo yakasiyana-siyana. Sezvo ‘akapofumadza’ vasingatendi, ivo havagamuchiri mashoko akanaka uye havakwanisi kuona misungo iyi. Zvisinei, Dhiyabhorosi anobatawo vamwe vakagamuchira shoko roUmambo. (2 VaK. 4:3, 4) Nyaya yakapfuura yakaratidza kudzivisa kwatingaita zviteyeso zvitatu zvaSatani, zvinoti: (1) kutadza kuzvidzora pakutaura, (2) kutya uye kumanikidzwa kuita zvausingadi, uye (3) kunzwa uine mhosva zvakanyanyisa. Iye zvino ngatikurukurei zvatingaita kuti timire takasimba pakudzivisa mimwe misungo miviri yaSatani inoti, kunyanya kuda pfuma uye muedzo wokuita upombwe.

KUNYANYA KUDA PFUMA—MUSUNGO UNODZIPA

3, 4. Kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino kungaita sei kuti tinyanye kuda pfuma?

3 Mune mumwe wemifananidzo yake, Jesu akataura nezvembeu yakadyarwa muminzwa. Akataura kuti munhu anganzwa shoko, “asi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga [zvinodzipa] shoko, uye haabereki zvibereko.” (Mat. 13:22) Chokwadi, kunyanya kuda pfuma ndemumwe musungo unoshandiswa nomuvengi wedu Satani.

4 Pane zvinhu zviviri zvinovhunga shoko kana zvabatanidzwa. Chokutanga chacho “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino.” Pane zvakawanda zvinogona kuita kuti uzvidye mwoyo munguva dzino “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Nokudhura kuri kuita zvinhu uye kuwedzera kwokushaya mabasa, ungaomerwa nokuwana zvokurarama nazvo. Ungazvidyawo mwoyo pamusana peramangwana uchifunga kuti, ‘Ndichawana mari inokwana here kana ndava pamudyandigere?’ Izvozvo zvakaita kuti vamwe vatange kudzingirirana nepfuma, vachifunga kuti mari ichazoita kuti vawane zvose zvavanoda.

5. ‘Simba repfuma’ rinogona kunyengera pakudini?

5 Chimwe chacho chakataurwa naJesu ‘isimba rinonyengera repfuma.’ Chinhu ichocho pamwe nokuzvidya mwoyo zvinogona kuvhunga shoko kana kuti kuridzipa. Bhaibheri rinobvuma kuti “mari inodzivirira.” (Mup. 7:12) Zvisinei, kudzingirirana nepfuma hakusi kuchenjera. Vakawanda vakaona kuti pavanobindauka kuunganidza pfuma, musungo wokunyanya kuida unowedzerawo kuvasunga. Vamwe vakatosvika pakuva varanda vepfuma.—Mat. 6:24.

6, 7. (a) Chii chingaitika kubasa chingaita kuti tipedzisire tava kunyanya kuda pfuma? (b) Kana muKristu akanzi ashande ovhataimu, anofanira kufunga nezvechii?

6 Chido chokuwana pfuma chinogona kutanga tisingafungiri. Somuenzaniso, funga zvinotevera. Mukuru wako webasa anouya oti: “Ndine mashoko anofadza! Kambani yakawana kondirakiti yakakura. Izvi zvinoreva kuti uchagara uchishanda ovhataimu kwemwedzi mishoma inotevera. Asi ndinokuvimbisa kuti zvichakuwanisa mari yakawanda.” Ungaita sei pakadaro? Chokwadi, kuriritira mhuri yako ibasa rinokosha, asi handiro chete basa raunofanira kuita. (1 Tim. 5:8) Pane zvimwe zvinoverengeka zvaunofanira kufunga. Ovhataimu yacho ichange yakawanda zvakadini? Basa rako richavhiringidza here zvine chokuita nokunamata, zvinosanganisira misangano yeungano uye manheru oKunamata Kwemhuri?

7 Paunenge uchiita chisarudzo, chii chauchaona sechinonyanya kukosha, mari yauchawana paovhataimu kana kuti kunamata kwako? Chido chokuita mari chingaita here kuti urege kuisa Umambo pokutanga muupenyu? Unoona here kukanganiswa kwaungaitwa nokunyanya kuda pfuma kana ukaregeredza kunamata kwako nokwemhuri yako? Kana izvozvo zviri kuitika kwauri, ungamira sei wakasimba wodzivisa kudzipwa nokunyanya kuda pfuma?—Verenga 1 Timoti 6:9, 10.

8. Mienzaniso ipi iri muMagwaro inogona kutibatsira kuongorora mararamiro edu?

8 Kuti usadzipwa nokunyanya kuda pfuma, nguva nenguva ongorora mararamiro ako. Zvechokwadi haungadi kuva saEsau, akaratidza nezviito zvake kuti aizvidza zvinhu zvine chokuita nokunamata! (Gen. 25:34; VaH. 12:16) Uyewo haufaniri kuva somupfumi akanzi atengese zvinhu zvake, ape varombo, uye atevere Jesu. Pane kudaro, murume wacho ‘akaenda ashungurudzwa, nokuti aiva nezvinhu zvizhinji.’ (Mat. 19:21, 22) Murume iyeye akabatwa nomusungo wepfuma, ndokurasikirwa neropafadzo yakakura yokutevera munhu mukuru kupfuura vose vakamborarama pasi pano! Unofanira kungwarira kuti usarasikirwa neropafadzo yokuva mudzidzi waJesu Kristu.

9, 10. Ungati ndezvipi zvinotaurwa neMagwaro panyaya yepfuma?

9 Kuti usangozvidya mwoyo zvisina basa, teerera murayiro waJesu wokuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.”—Mat. 6:31, 32; Ruka 21:34, 35.

10 Pane kubatwa nesimba rinonyengera repfuma, vavarira kuva nemaonero omunyori weBhaibheri Aguri, uyo akati: “Musandirega ndichinyanya kuva murombo kana akanyanya kupfuma. Ndipei zvandinongoda chete.” (Zvir. 30:8, Contemporary English Version) Zviri pachena kuti Aguri ainzwisisa kudzivirira kunoita mari uyewo ainzwisisa simba rinonyengera repfuma. Ziva kuti kuzvidya mwoyo kwemamiriro ezvinhu epanguva ino uye simba rinonyengera repfuma zvinogona kukukanganisa pakunamata. Kungonetseka zvisina basa nepfuma kunogona kukutorera nguva, kukupedza simba, uye kuita kuti chido chokutsigira Umambo chidzikire kana kuti chipere. Saka tsunga kuti usabatwa nomusungo waSatani wokunyanya kuda pfuma!—Verenga VaHebheru 13:5.

UPOMBWE—HUNZA YASATANI

11, 12. MuKristu angasvika sei pakuita upombwe kubasa?

11 Vavhimi vanenge vachida kubata mhuka yakasimba vangaicherera hunza painowanzopfuura napo. Gomba iroro rinowanzoitwa kuti risaoneka netumiti uye nevhu. Mumwe musungo waSatani unobudirira chaizvo wakafanana nehunza iyoyo. Iwo chivi choupombwe. (Zvir. 22:14; 23:27) VaKristu vakawanda vakawira mugomba iroro nokuzviisa mumamiriro ezvinhu anoita kuti zvive nyore kuita chivi. Vamwe vaKristu vane dzimba vakaita upombwe pashure pokunge vatanga kudanana nemumwe munhu.

12 Ungatanga kudanana nemumwe munhu kubasa. Imwe ongororo yakaitwa yakatoratidza kuti pavanhu vanoita upombwe, vakadzi vanopfuura hafu uye varume vanenge 3 pa4 vega vega, vakahuita nemunhu wokubasa. Kubasa unoshanda nevanhurume kana kuti vanhukadzi here? Kana zvakadaro, une ushamwari hwakaita sei navo? Unoziva pokugumira here kuti murege kupedzisira mava kudanana? Somuenzaniso, pashure pokungotaurawo zvayo nyaya nemurume wokubasa, hanzvadzi yechiKristu ingapedzisira yava kumuudza zviri kutsi kwemwoyo, kunyange kutomuudza matambudziko emumba. Pamwe pacho, pashure pokushamwaridzana nemukadzi wokubasa, murume wechiKristu angati: “Anokoshesa zvandinofunga uye anonyatsoteerera pandinotaura. Uye anondiremekedza. Kudai ndaibatwa seizvi kumba!” Uri kuona here kuti vaKristu ava vangava sei pamuedzo wokuita upombwe?

13. Muungano, munhu ane mhuri angatanga sei kudanana nemumwe waasina kuroorana naye?

13 Munhu ane mhuri angatanga kudanana nemumwewo munhu muungano. Funga muenzaniso uyu wezvakanyatsoitika. Daniel nemudzimai wake Sarah, * vaiva mapiyona enguva dzose. Daniel aivawo “mukuru aisaramba chero chaainzi aite,” sokutaura kwaanoita. Aibvuma basa rose raaipiwa. Mubasa rake roushumiri, Daniel aidzidza Bhaibheri nemajaya mashanu, uye vatatu vacho vakabhabhatidzwa. Hama idzi dzainge dzichangobhabhatidzwa dzaida kubatsirwa chaizvo. Daniel paaimhanyisana nemabasa ake eungano, Sarah ndiye aidzibatsira. Pasina nguva zvakapedzisira zvava kuitika ndeizvi: Hama idzi padzaiva nezvaidzinetsa mupfungwa, Sarah ndiye aidzibatsira. Sarah paaidawo wokutaura naye, aitaura nehama idzi dzainge dzadzidziswa Bhaibheri naDaniel. Painge pava nemusungo wakaipa. “Mudzimai wangu akapedza mwedzi yakawanda achiedza kuvabatsira uye izvozvo zvakaita kuti anete pakunamata uye anetseke mupfungwa,” anodaro Daniel. “Izvozvo, uye kusamupa nguva yaaida, zvakaguma nedambudziko rakakura. Mudzimai wangu akaita upombwe nemumwe wevandaimbodzidzisa. Ainge aneta pakunamata ini ndichigara naye, ndichingomhanya-mhanya neropafadzo dzangu zvokuti handina kumbozviona.” Ungadzivisa sei dambudziko rakadaro?

14, 15. Zvii zvingabatsira vaKristu vakaroorana kuti vadzivise hunza youpombwe?

14 Kuti udzivise hunza youpombwe, funga zvinorehwa nokuvimbika kune mumwe wako. Jesu akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) Usambofunga kuti ropafadzo dzako muungano dzinokosha kupfuura mumwe wako. Uyezve, ziva kuti kupedza nguva usiri pamwe nemumwe wako pamusana pezvinhu zvisingakoshi kungaratidza kuti imba yenyu haina kusimba uye kunogona kukuisai pamuedzo uye kunyange kuita chivi chakakura.

15 Asi zvakadini kana uri mukuru, woita sei neboka? Muapostora Petro akanyora kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.” (1 Pet. 5:2) Zvechokwadi vanhu vari muungano vawakanzi utarisire havafaniri kungosiyiwa. Zvisinei, haufaniri kuita basa rako somufudzi asi uchisiya basa rako sababa vemba. Hazvina musoro, uye zvinotova nengozi kungoti nangananga nokudyisa ungano uku mudzimai achifa nenzara kumba. Daniel anotaura kuti, ‘Haufaniri kubatikana neropafadzo dzako uku uchisiya mhuri yako ichiparara.’

16, 17. (a) Matanho api anoshanda angatorwa nevaKristu vane dzimba kuti varatidze vamwe kubasa kuti havadi zvokudanana nemumwe munhu? (b) Ipa muenzaniso wenyaya yakabudiswa inogona kubatsira vaKristu kuti vadzivise kuita upombwe.

16 Magazini eNharireyomurindi neMukai! ane mazano akawanda akanaka okubatsira vaKristu vakaroorana kuti vasabatwa nomusungo woupombwe. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaSeptember 15, 2006, yakapa zano iri: “Kubasa nokumwewo, ngwarira mamiriro ezvinhu angaita kuti mugume madanana. Somuenzaniso, kupedza nguva yakawanda pashure pebasa uchishanda nomumwe murume kana mukadzi kungaita kuti upinde mumuedzo. Somurume akaroora kana kuti mukadzi akaroorwa, unofanira kujekesa nezvaunotaura uye kuzvibata kwako kuti hautombodi kudanana nomumwe munhu. Somunhu akazvipira kuna Mwari, zvechokwadi haungadi kuti vanhu vanyanye kufunga nezvako nokutamba kworudo kana kuti nokupfeka uye kushambidzika zvisina mwero. . . . Kugara uine mapikicha omumwe wako neevana kubasa kwako kuchakuyeuchidza iwe nevamwe nezvokukosha kwemhuri yako. Tsunga kusambokurudzira—kana kuti kunyange kubvuma—zvingaedza kuitwa nomumwe munhu kuti mudanane.”

17 Nyaya inoti “Kuvimbika Kune Wawakaroorana Naye—Kunorevei Chaizvo?” iri muMukai! yaJuly 2009 yakapa yambiro panyaya yokufungidzira uri pabonde nemumwe munhu asiri wawakaroorana naye. Nyaya yacho yakaratidza kuti kufungidzira uri pabonde nemumwe munhu kuchawedzera mukana wokuita upombwe. (Jak. 1:14, 15) Kana wakaroora kana kuroorwa, kungava kuchenjera kuti nguva nenguva mudzokorore mashoko akadai nemumwe wako. Jehovha ndiye akatanga urongwa hwemba, uye hutsvene. Kuwana nguva yokutaura nemumwe wako nezveukama hwenyu inzira yakanaka chaizvo yokuratidza kuti munokoshesa zvinhu zvitsvene.—Gen. 2:21-24.

18, 19. (a) Upombwe hunoguma nei? (b) Kuvimbika kune wawakaroorana naye kunounza makomborero api?

18 Ukaona wava kuva pamuedzo wokutanga kudanana nemurume kana mudzimai asiri wako, fungisisa migumisiro inokuvadza youfeve uye upombwe. (Zvir. 7:22, 23; VaG. 6:7) Vaya vanoita ufeve vanogumbura Jehovha, vanorwadzisa mumwe wavo uye vanozvirwadzisa. (Verenga Maraki 2:13, 14.) Funga nezvezvikomborero zvinowanikwa nevaya vanoramba vaine mufambiro wakachena. Vanova netariro yokurarama nokusingaperi uye vanotova noupenyu hwakanaka iye zvino, kusanganisira kuva nehana yakachena.—Verenga Zvirevo 3:1, 2.

19 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Rugare rukuru ndorwevaya vanoda mutemo wenyu [Mwari], uye hapana chinovagumbura.” (Pis. 119:165) Saka ida chokwadi uye ‘nyatsochenjerera kuti kufamba kwaunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera’ munguva ino yakaipa. (VaEf. 5:15, 16) Nzira dzatinofamba dzakazara misungo yaSatani yokubatisa vanamati vechokwadi. Asi tine zvose zvatinoda kuti tizvidzivirire. Jehovha akatipa zvatinoda kuti ‘timire takasimba’ uye kuti tidzime “zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa”!—VaEf. 6:11, 16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Mazita akachinjwa.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kunyanya kuda pfuma kunogona kudzipa munhu pakunamata. Usarega izvozvo zvichiitika kwauri

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kutamba nemunhu uchiita sounomuda, kana kuti kubvumira mumwe kudaro kwauri, kunogona kuita kuti uite upombwe