Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndinemi”

“Ndinemi”

“Ndinemi”

“Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.”—DHAN. 12:4.

UNGAPINDURA SEI?

Mazuva ano vanhu vakasvika sei pakuwana “zivo yechokwadi”?

Vanhu vari kugamuchira chokwadi vasvika sei pakuva “vazhinji”?

Zivo yakarurama yave ‘ichiwanda’ sei?

1, 2. (a) Tinoziva sei kuti mazuva ano Jesu ave aine vadzidzi vake uye kuti achange ainavo mune ramangwana? (b) Sezviri pana Dhanieri 12:4, kunyatsodzidza Magwaro kwaizoguma nei?

FUNGIDZIRA uri muParadhiso. Mangwanani ega ega unomuka wanyatsozorora uye uchinzwa uchida kushanda. Hauna kana pari kuti n’en’enu. Kurwara kwose kwawaiita kwanyangarika. Wava kunyatsoona, kunzwa, kunhuwidza uye kuravira. Unonzwa uine simba chaizvo, uchinakidzwa nebasa, uine shamwari dzakawanda uye usisina kana zvinokunetsa. Makomborero aya uchaawana muUmambo hwaMwari. Mambo akagadzwa, Kristu Jesu, achakomborera vanhu vaanenge achitonga ovadzidzisa zivo yaJehovha.

2 Jehovha achange aine vashumiri vake vakavimbika pavachange vachiita basa rokudzidzisa vamwe munyika yose. Mwari neMwanakomana wake vave vachitsigira vanhu vakatendeka kwemazana emakore. Asati akwira kudenga, Jesu akavimbisa vadzidzi vake vakatendeka kuti aizova navo. (Verenga Mateu 28:19, 20.) Kuti kutenda kwatinoita mashoko aJesu kusimbe, ngationgororei mutsara mumwe chete wouprofita hwakafemerwa naMwari hwakanyorerwa muBhabhironi rekare makore anodarika 2 500 akapfuura. Achitaura nezve“nguva yokuguma” iyo yatava mairi, muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.” (Dhan. 12:4) Kana tikaritora sedimikira, uye maererano nezviri kuitika mazuva ano, shoko rechiito rechiHebheru rakashandurwa pano kuti “mhanya-mhanya” rine pfungwa yokunyatsoongorora. Chokwadi makomborero akazonaka aizobva pakumhanya-mhanya ikoko! Vaya vaizonyatsodzidza Magwaro vaizokomborerwa nezivo yeShoko raMwari yakarurama kana kuti yechokwadi. Uprofita hwacho hwakataurawo kuti vakawanda vaizogamuchira “zivo yechokwadi.” Uyezve zivo yakadaro yaizova yakawanda. Yaizoparadzirwa zvakanyanya uye yaizova nyore kuwana. Sezvatinoongorora kuzadziswa kwave kuchiita uprofita uhwu, tichaona kuti mazuva ano Jesu ave aine vadzidzi vake uye kuti Jehovha ari kunyatsoita zvose zvaakavimbisa.

“ZIVO YECHOKWADI” INOSVIKA PAKUZIVIKANWA

3. Chii chakaitika ku“zivo yechokwadi” pakafa vaapostora?

3 Vaapostora vafa, kutsauka pachiKristu chechokwadi kwainge kwataurwa kwakatanga uye kwakapararira semoto. (Mab. 20:28-30; 2 VaT. 2:1-3) Kwemazana emakore pashure paizvozvo, “zivo yechokwadi” haina kumbowanda kune vaya vaisaziva nezveBhaibheri uyewo kune vaizviti vaKristu. Kunyange zvazvo vatungamiriri vechiKristudhomu vaiti vaitenda Magwaro, chokwadi ndechokuti vaidzidzisa nhema, “dzidziso dzemadhimoni” dzaisakudza Mwari. (1 Tim. 4:1) Vakarega vanhuwo zvavo vari murima panyaya yokunamata. Dzidziso dzavo dzaisanganisira kuti Mwari Utatu, mweya haufi uye kuti vanhu vachanotsva mumoto.

4. Kuma1870, rimwe boka revaKristu rakatanga sei kutsvaka “zivo yechokwadi”?

4 Zvisinei, kuma1870, anenge makore 40 “mazuva okupedzisira” asati atanga, rimwe boka duku revaKristu vaiita zvinhu nemwoyo wose rakatanga kuungana muPennsylvania, U.S.A. kuti rinyatsodzidza Bhaibheri uye ritsvake “zivo yechokwadi.” (2 Tim. 3:1) Vakazvipa zita rokuti Vadzidzi veBhaibheri. Vanhu ava vaisava “vakachenjera nevakangwara” vakanzi naJesu vaizovanzirwa zivo. (Mat. 11:25) Vaizvininipisa uye vaiva nechido chokuita kuda kwaMwari nemwoyo wose. Vainyengetera, vonyatsoverenga, vokurukura uye vofungisisa Magwaro. Vaienzanisawo ndima dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana uye vaiongorora zvakanyorwa nevamwe vainge vatsvakurudzawo. Zvishoma nezvishoma, Vadzidzi veBhaibheri ava vakasvika pakunzwisisa chokwadi chainge chakavanzwa kwemazana emakore.

5. Chinangwa chematurakiti ainzi The Old Theology chaiva chei?

5 Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vaifara chaizvo nezvavaidzidza, havana kuzvitutumadza nezivo itsva yavaiwana; uyewo havana kuzvipa mbiri yokuti vaizivisa chimwe chinhu chitsva. (1 VaK. 8:1) Asi vakabudisa maturakiti aitaura zvakasiyana-siyana ainzi The Old Theology. Chinangwa chawo chaiva chokuti vaverengi vazive chokwadi cheMagwaro chaiva muBhaibheri. Rokutanga racho raiti pane zvimwe “zvokuverenga zvinobatsira pakudzidza Bhaibheri nechinangwa chokurasa dzidziso dzenhema dzevanhu uye chokunyatsodzokera kudzidziso dzekare dzaIshe wedu nevaapostora.”—The Old Theology, No. 1, April 1889, p. 32.

6, 7. (a) Kubvira kuma1870, ichokwadi chipi chatakabatsirwa kunzwisisa? (b) Ichokwadi chipi chawakadzidza chinonyanya kukufadza?

6 Zvechokwadi kubvira kare ikako, makore anopfuura 100 pavaiva vashomanana, chokwadi chakazonaka chakabudiswa pachena! * Chokwadi ichi hadzisi nyaya dzinofinha dzokuti vafundisi vaitirane nharo nezvadzo. Ichokwadi chinofadza, chinosunungura, chinoita kuti tive nechinangwa muupenyu uye chinotipa mufaro netariro. Chinotibatsira kuti tizive Jehovha, rudo rwake uye zvinangwa zvake. Chinojekesawo basa raJesu, chinotsanangura kuti nei akauya panyika, nei akafa uye zvaari kuita iye zvino. Chokwadi ichi chinokosha chinotaura nei Mwari achibvumira zvakaipa, nei tichifa, kunyengetera kwatingaita uye zvatingaita kuti tinyatsofara.

7 Iye zvino tinogona kunzwisisa uprofita hwave ‘hwakavanzwa’ kwemakore nemakore asi huri kuzadzika munguva ino yomugumo. (Dhan. 12:9) Hunosanganisira hwose huri muMagwaro, kunyanya huri muEvhangeri uye mubhuku raZvakazarurwa. Jehovha akatibatsirawo kunzwisisa zviitiko zvataisagona kuona nemaziso zvakadai sokugadzwa kwaJesu, hondo yakaitika kudenga uye kukandwa pasi kwaSatani. (Zvak. 12:7-12) Mwari akaitawo kuti tinzwisise zvinorehwa nezvinhu zvatinogona kuona zvakadai sehondo, kudengenyeka kwenyika, matenda, kushomeka kwezvokudya, uyewo vanhu vasingadi Mwari vari kuitawo kuti ‘nguva dzinonetsa kubata nadzo’ dziome.—2 Tim. 3:1-5; Ruka 21:10, 11.

8. Ndiani akaita kuti tinzwisise zvatiri kuona nokunzwa?

8 Zviri nyore kuti tinzwisise mashoko aJesu aakaudza vadzidzi vake paakati: “Anofara maziso anoona zvinhu zvamuri kuona. Nokuti ndinoti kwamuri, Vaprofita vazhinji nemadzimambo vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.” (Ruka 10:23, 24) Jehovha Mwari ndiye akaita kuti tikwanise kuona uye kunzwa zvinhu zvakadaro. Uye tinoonga chaizvo kuti “mubatsiri,” iwo mudzimu mutsvene waMwari, wakatumwa kuti utungamirire vateveri vaJesu “muchokwadi chose”! (Verenga Johani 16:7, 13.) Ngatirambei tichikoshesa “zivo yechokwadi” uye tiiudzewo vamwe.

“VAZHINJI” VANOGAMUCHIRA “ZIVO YECHOKWADI”

9. Watch Tower yaApril 1881 yaiva nechikumbiro chokutii?

9 Muna April 1881, magazini yeWatch Tower isati yasvitsa makore maviri kubva payakatanga kubuda, yakataura kuti kwaidiwa vaparidzi 1 000. Nyaya yacho yaiti: “Kune vaya vanokwanisa kushandisa hafu yenguva yavo kana kuti yose zvayo mubasa raShe, tiri kufunga . . . , kuti: Muende mumaguta makuru kana madiki, zvichienderana nezvamunokwanisa kuti munoshanda semaColporteur kana kuti vaEvhangeri, tsvakai munzvimbo dzose vaKristu vari kuita zvinhu nemwoyo wose, vakawanda vacho muchavawana vachishingairira Mwari asi vasina zivo yakarurama; kune vakadai vazivisei nyasha dzaBaba Vedu uye kunaka kweshoko ravo.”

10. Vanhu vaiita sei pavainzwa chikumbiro chokuva vaparidzi venguva yakazara?

10 Chikumbiro ichocho chairatidza kuti Vadzidzi veBhaibheri vaiziva kuti basa rinokosha revaKristu vechokwadi nderokuparidza mashoko akanaka. Asi chikumbiro chokuti pave nevaparidzi venguva yakazara 1 000 chairatidza kuva nechivimbo chaizvo, nokuti panguva iyoyo kwaingova nevanhu mazana mashomanana vaipinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri. Zvisinei, vakawanda pavaiverenga turakiti rimwe chete kana magazini, vaibva vangoziva kuti ichi chaiva chokwadi uye vaibva vaita maererano nechikumbiro chacho. Somuenzaniso, muna 1882 mumwe murume womuLondon, kuEngland, paakaverenga magazini yeWatch Tower uye kabhuku kakabudiswa neVadzidzi veBhaibheri akanyora kuti: “Ndapota ndidzidzisei kuparidza kwacho, nezvacho zvokuparidza kuti ndiite basa rakakomborerwa iro Mwari anoda kuti riitwe.”

11, 12. (a) Tine chinangwa chipi chakafanana nechaiva nemacolporteur? (b) Macolporteur aitanga sei “makirasi” kana kuti ungano?

11 Pakazosvika 1885, Vadzidzi veBhaibheri vanenge 300 vainge vava kuita basa roucolporteur. Vashumiri venguva yakazara ivavo vaiva nechinangwa chakafanana nechedu, chokuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu. Zvisinei, madzidzisiro avo ainge akasiyana needu. Mazuva ano tinowanzodzidza Bhaibheri nemunhu ari ega tichinyatsomudzidzisa zvinoenderana naye. Tinobva tamukoka kuti awadzane neungano yagara iripo. Pakutanga, macolporteur aigovera mabhuku ounganidza vanhu kuti vadzidze Magwaro vari boka. Panzvimbo pokudzidza nemunhu ari ega, vaitanga “makirasi,” kana kuti ungano.

12 Somuenzaniso, muna 1907, rimwe boka remacolporteur rakapinda mune rimwe guta kuti ritsvake vaitova nemabhuku eMillennial Dawn (ainziwo Studies in the Scriptures). Watch Tower yakataura kuti: “[Vanofarira] ava vakaunganidzwa vari vashoma mune imwe imba. Musi weSvondo, mucolporteur akaswera achikurukura navo nyaya yeUrongwa hwaMwari Hwemakore Nemakore, uye musi weSvondo wakatevera akavakurudzira kuti vagare vachiita misangano.” Muna 1911, hama dzakachinja maitirwo ezvinhu. Vatariri vanofambira 58 vaifamba vachipa hurukuro muUnited States mose uye muCanada. Hama idzi dzaitora mazita nekero dzevanofarira vaiuya kuzoteerera hurukuro uye dzaironga kuti vasangane mudzimba kuti vatange “makirasi” matsva. Pakazosvika 1914, munyika yose mainge mava neungano 1 200 dzeVadzidzi veBhaibheri.

13. Chii chinokushamisa nezvokuparadzirwa kuri kuitwa “zivo yechokwadi” mazuva ano?

13 Iye zvino munyika yose mune ungano dzinenge 109 400 uye mapiyona 895 800. Vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere vari kugamuchira “zivo yechokwadi,” vachiishandisa muupenyu hwavo. (Verenga Isaya 60:22.) * Izvi zvinoshamisa chaizvo sezvo Jesu akagara ataura kuti vadzidzi vake vaizovengwa “nevanhu vose nokuda kwezita” rake. Akataurawo kuti vateveri vake vaizotambudzwa, vaizoiswa mumajeri, kunyange kutourayiwa. (Ruka 21:12-17) Vashumiri vaJehovha vari kubudirira chaizvo mubasa ravo rokuita kuti vamwe vave vadzidzi, pasinei nokupikisa kwaSatani, madhimoni ake uye kwevamwe vanhu. Mazuva ano, vari kuparidza “munyika yose inogarwa,” mumisha iri mumasango anogara achinaya mvura, munyika dzokumusoro dzinogara dzakaoma nechando, mumakomo, mumagwenga, mumaguta uye kure kure mumaruwa. (Mat. 24:14) Vaisazombofa vakaita izvi vasingatsigirwi naMwari.

‘ZIVO YECHOKWADI INOWANDA’

14. “Zivo yechokwadi” yasvika sei pakuparadzirwa chaizvo pachishandiswa mabhuku akadhindwa?

14 “Zivo yechokwadi” yawanda nekuparidzwa kuri kuitwa mashoko akanaka nevazhinji. Yawandawo pachishandiswa mabhuku akadhindwa. Muna July 1879, Vadzidzi veBhaibheri vakabudisa magazini ino yokutanga yaiva nezita rokuti Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Imwe kambani ndiyo yakadhinda makopi 6 000 emagazini iyi muchirungu chete. Charles Taze Russell aiva nemakore 27 akasarudzwa kuti ave mupepeti wemagazini iyi, uye vamwe Vadzidzi veBhaibheri vashanu vakasimba pakunamata vaigara vachinyorawo dzimwe nyaya. Iye zvino Nharireyomurindi yava kubudiswa mumitauro 195. Ndiyo magazini inonyanya kuparadzirwa pasi rose, uye mwedzi nomwedzi panoparadzirwa magazini 42 182 000. Inoteverwa neimwe yayo Mukai! Mwedzi nomwedzi, panoparadzirwa magazini 41 042 000 mumitauro 84. Uyewo gore negore panodhindwa mabhuku nemaBhaibheri anoda kusvika mamiriyoni 100.

15. Mari inoshandiswa pakudhinda mabhuku edu inobva kupi?

15 Basa iri rakakura rinotsigirwa nezvipo zvinobva pamwoyo. (Verenga Mateu 10:8.) Izvi zvinoshamisa chaizvo vaya vanoita zvokudhinda vanoziva kudhura kunoita michina, mapepa, ingi nezvimwewo. Imwe hama inoita basa rokutenga zvinoshandiswa nesangano redu pakudhinda munyika yose yakati: “Vemabhizimisi vanouya kuzoona nzvimbo dzedu dzokudhindira vanoshamiswa nokuti michina yakadai yemazuva ano inodhinda zvakawanda, inotsigirwa nezvipo zvinobva pamwoyo. Vanoshamiswawo kuti vashandi vedu vepaBheteri ndevechiduku uye vanofara.”

ZIVO YAMWARI ICHAZADZA NYIKA

16. Chinangwa chokuita kuti “zivo yechokwadi” izivikanwe ndechei?

16 Mwari akaita kuti “zivo yechokwadi” iwande nechinangwa. Anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Jehovha anoda kuti vanhu vazive chokwadi kuti vamunamate zvakarurama uye vawane makomborero. Jehovha akaunganidza vaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano nokuita kuti “zivo yechokwadi” izivikanwe. Ari kuunganidzawo “boka guru revanhu” kubva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” vane tariro yokurarama nokusingaperi panyika.—Zvak. 7:9.

17. Kuwedzera kuri kuita kunamata kwechokwadi kunoratidzei?

17 Kuwedzera kwave kuchiita kunamata kwechokwadi mumakore 130 apfuura kunoratidza kuti Mwari naMambo waakagadza Jesu Kristu, vave vachitsigira vashumiri vaJehovha vari panyika nokuvatungamirira, kuvadzivirira, kuvaronga uye kuvadzidzisa. Kuwedzera kwavave vachiita kunoratidzawo kuti Jehovha achatozadzisa zvaakavimbisa. “Nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.” (Isa. 11:9) Zvechokwadi vanhu vachawana makomborero akazonaka!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Unogona kubatsirwa kana ukaona DVD rakanzi Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 1: Out of Darkness uye rakanzi Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 2: Let the Light Shine.

^ ndima 13 Ona Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II, peji 320.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vadzidzi veBhaibheri vepakutanga vaiva vanhu vaizvininipisa vaiva nechido chokuita kuda kwaMwari nemwoyo wose

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jehovha anokoshesa zvose zvaunoita pakuparadzira “zivo yechokwadi” yaMwari