Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Simba raSamsoni raibva mubvudzi rake here?

Simba raSamsoni raisabva mubvudzi. Bvudzi rake raimirira ukama hwake naMwari somuNaziri. Ukama ihwohwo hwakakanganisika Dherira paakaita kuti Samsoni agerwe.—4/15, peji 9.

Kana tichienzanisa nemwoyo yedu chaiyo, ndezvipi zvinhu zvitatu zvingabatsira mwoyo wedu wokufananidzira?

(1) Zvokudya. Mwoyo yedu chaiyo inoda kuti tiwane zvokudya zvakakwana zvinopa utano, saka tinodawo kuwana zvokudya zvakakwana zvinosimbisa pakunamata. (2) Kusimbisa muviri. Kushingaira muushumiri kunoita kuti mwoyo wedu wokufananidzira ugare uchishanda zvakanaka. (3) Kwatinogara. Tinogona kubatsirwa nokugara tichiwadzana nevatinonamata navo, avo vane hanya nesu.—4/15, peji 16.

Vakaroorana vangatanga sei kuvimbanazve mumwe amboita upombwe?

Vanofanira (1) kubudirana pachena; (2) kuita mushandira pamwe; (3) kuita zvakasiyana nezvavaimboita; uye (4) kuziva nguva yokuenderera noupenyu, vachiedza kuumbiridza ukama hwavo.—5/1, mapeji 12-15.

Nei munhu anopa hurukuro yemariro asingafaniri kushandisira Pisarema 116:15 kumunhu afa?

Rugwaro rwacho runoti: “Chinhu chinokosha kuna Jehovha ndirwo rufu rwevakavimbika vake.” Izvi zvinoreva kuti Mwari haazobvumiri kuti vakavimbika vake vose vafe nokuti vanokosha chaizvo kwaari. Haazobvumiri kuti boka rose revashumiri vake ritsvairwe panyika.—5/15, peji 22.

Macolporteur aiva vanaani?

Gore ra1931 risati rasvika, zita rokuti “colporteur” raishandisirwa vava kunzi mapiyona.—5/15, peji 31.

Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwe mabhuku ose akanyorwa nevanhu?

Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hwakazadzika. Rine nhoroondo dzakarurama kwete ngano. Rakarurama mune zvesayenzi uye mabhuku aro anobvumirana. Mazano aro anoshanda mazuva ano.—6/1, mapeji 4-8.

“Umambo hwose uhwu” hunotaurwa pana Dhanieri 2:44 ndehupi?

Ihurumende kana kuti umambo hunomirirwa nenhengo dzakasiyana-siyana dzechifananidzo chakatsanangurwa naDhanieri.—6/15, peji 17.

Umambo hweBritain neAmerica hwakava umambo hwechinomwe hune simba pane humwe hwose riini?

Umambo uhwu hwakatanga Britain neUnited States padzakabatana zvinonyatsooneka muHondo Yenyika I.—6/15, peji 19.

Mwari anoregerera obva akanganwa zvivi zvevatadzi vanopfidza sei?

Kune vaya vaanofarira, Jehovha anoti: “Handizoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Anoregerera zvivi achishandisa chibayiro chorudzikinuro. Paanodaro, Mwari anokanganwa pakuti haazoyeuki zvivi izvozvo kuti azotirangazve.—7/1, peji 18.

Nei tichigona kutenda zvishamiso zviri muBhaibheri?

Kakawanda zvaiitwa paruzhinji. Zvakanga zvisiri zvokuonererwa, uye paisava nezvinhu zvaishamisira zvaishandiswa. Zvaiitirwa kuti Mwari akudzwe kwete vanhu. Zvishamiso zvakasiyana-siyana zvakaitwa uye vashori vemazuva iwayo vakabvuma kuti zvakaitika. Izvi ndizvo zvinoita kuti tivimbe nezvishamiso zvinorondedzerwa muBhaibheri.—8/1, mapeji 7-8.