NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA September 2012

Magazini ino inokurukura uprofita hweBhaibheri hwezviri kuitika mazuva ano uye zvatinogona kudzidza kuna Jehovha naJesu.

Kuguma Kuchaita Nyika Ino

Bhaibheri rinotaura zviitiko gumi zvinokosha zvichaitika munguva mupfupi. Zviitiko zvacho ndezvipi? Iwe uchange uri papi?

Rugare Kwemakore Ane Chiuru Uye Nokusingaperi!

Funga kuti kutonga kweUmambo hwaJesu kuchaunzira sei vanhu makomborero.

Zvikoro Zvesangano​— Zvinoratidza Rudo rwaJehovha

Mumwe nomumwe wedu angabatsirwa sei nokudzidziswa naMwari?

Dzidza Pakushivirira kwaJehovha naJesu

Jehovha naJesu vanoratidza sei kuti vanoshivirira? Tingaitei kuti titevedzere kushivirira kwavo?

“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”

Jesu airevei nemashoko aya? Anofanira kuita kuti mumwe nomumwe wedu aitei?

Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara

Mitambo inotaurwa muBhaibheri yakafanana nemagungano eZvapupu zvaJehovha pakudini? Nei zvakanaka kuti tiapinde?