Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Pakushivirira kwaJehovha naJesu

Dzidza Pakushivirira kwaJehovha naJesu

“Onaiwo kushivirira kwaShe wedu soruponeso.”—2 PET. 3:15.

1. Vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vanonetseka nei?

IMWE hanzvadzi yakatendeka yave ichitsungirira miedzo yakawanda kwemakumi emakore yakabvunza kuti, “Mugumo uchasvika ndisati ndafa here?” Vamwe vave vachishumira Jehovha kwemakore vanonetsekawo naizvozvo. Tine shungu dzokuti dai Mwari achiita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva, atibvisire matambudziko edu. (Zvak. 21:5) Kunyange zvazvo tiine zvikonzero zvakawanda zvinoratidza kuti nyika yaSatani yava kuguma, zvingatiomera kumirira zuva iroro.

2. Mibvunzo ipi ine chokuita nokushivirira kwaMwari yatichakurukura?

2 Asi Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira kumirira. Kufanana nevashumiri vaMwari vekare, tichawana zvakavimbiswa naMwari kana tiine kutenda kwakasimba uye kana tikamirira kuti nguva yake ikwane. (Verenga VaHebheru 6:11, 12.) Jehovha pachake ave achishivirira. Aigona kunge akagumisa uipi chero nguva, asi ari kumirira nguva yakakodzera. (VaR. 9:20-24) Nei achishivirira zvakadaro? Jesu akaratidza sei kuti anoshivirira sezvinoita Mwari? Zvinotibatsirei kana tikashivirira sezvinoita Mwari? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinogona kutibatsira kuti tishivirire uye tive nokutenda kwakasimba, kunyange zvichiita sokuti Jehovha ari kunonoka.

NEI JEHOVHA ACHISHIVIRIRA?

3, 4. (a) Nei Jehovha achishivirira pakuzadzisa chinangwa chaaiva nacho paakasika nyika? (b) Jehovha akaita sei nekupanduka kwakaitika muEdheni?

3 Jehovha ane chikonzero chakanaka chokushivirira. Ichokwadi kuti Jehovha ndiye agara aine masimba pazvinhu zvose; asi kupanduka kwakaitika muEdheni  kwakamutsa mibvunzo inokosha ine chokuita nezvisikwa zvose. Jehovha ave achishivirira achiziva kuti zvaizotora nguva kuti apindure zvakakwana mibvunzo iyoyo. Sezvo achinyatsoziva zviito nemafungiro zvengirozi dziri kudenga uye zvevanhu vari panyika, ari kunyatsoita zvakatinakira.—VaH. 4:13.

4 Jehovha aida kuti vana vaAdhamu naEvha vazadze nyika. Satani paakanyengedza Evha, Adhamu ndokubva apanduka, Mwari haana kusiya chinangwa chake. Haana kushaya kuti odini uye haana kuita zvinhu asina kufunga kana kuramwa vanhu. Asi akafunga nzira yokuzadzisa nayo chinangwa chaaiva nacho paakasika vanhu uye nyika. (Isa. 55:11) Kuti azadzise chinangwa chake uye areverere uchangamire hwake, Jehovha akazvidzora uye akashivirira chaizvo, zvokuti akatomirira kwezviuru zvemakore kuti zvimwe zvinhu zvine chokuita nechinangwa chake zvinyatsobuda zvakanaka.

5. Kushivirira kwaJehovha kunounza chikomborero chipi?

5 Chimwe chakaita kuti Jehovha ashivirire ndechokuti vamwe vanhu vakawanda vawane upenyu husingaperi. Iye zvino ari kugadzirira kuponesa “boka guru revanhu.” (Zvak. 7:9, 14; 14:6) Jehovha ari kukoka vanhu kuti vazodzidza nezvoUmambo hwake uye mitemo yake yakarurama achishandisa basa redu rokuparidza. Hakuna mamwe mashoko akanakira vanhu kupfuura mashoko oUmambo, ndokusaka achinzi “mashoko akanaka.” (Mat. 24:14) Kana Jehovha akaita kuti munhu auye kwaari, anomuita nhengo yeungano yemunyika yose yeshamwari dzechokwadi dzinoda zvakarurama. (Joh. 6:44-47) Mwari wedu ane rudo anobatsira vanhu vakadaro kuti avafarire. Ave achisarudzawo vamwe vachanova muhurumende yake yokudenga. Vanhu ava vakatendeka pavanenge vava kudenga, vachabatsira vaya vanenge vari panyika vanoteerera kuti vave vakakwana uye vave neupenyu husingaperi. Saka kunyange zvazvo achimirira, Jehovha ari kushanda kuti azadzise zvaakavimbisa, kuti tibatsirwe.

6. (a) Jehovha akaratidza sei kushivirira mumazuva aNoa? (b) Jehovha ari kuratidza sei kushivirira mazuva ano?

6 Jehovha anoshivirira pasinei nokugumburwa zvakanyanya sezvatinoona kubva pane zvaakaita nouipi hwaivako Mafashamo asati aitika. Panguva iyoyo nyika yainge yazara unzenza nechisimba uye Jehovha “akarwadziwa mumwoyo make” nokuipa kwainge kwaita vanhu. (Gen. 6:2-8) Aisazobvumira kuti uipi hurambe huripo saka akasarudza kuparadza vanhu vasingateereri nemafashamo. “Kushivirira kwaMwari pakwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa,” Jehovha akaita urongwa hwokuponesa Noa nemhuri yake. (1 Pet. 3:20) Panguva yakakodzera, Jehovha akazivisa Noa zvaainge asarudza kuita uye akamupa basa rokuvaka areka. (Gen. 6:14-22) Noa aivawo “muparidzi wokururama,” aizivisa vavakidzani vake nezvokuparadzwa kwaizouya. (2 Pet. 2:5) Jesu akataura kuti mazuva edu akafanana neaNoa. Jehovha akasarudza paachaparadza nyika ino yakaipa. Hapana anoziva pachauya “zuva iroro neawa.” (Mat. 24:36) Panguva ino tine basa ratakapiwa naMwari rokunyevera vanhu uye kuvaudza zvavangaita kuti vapone.

7. Jehovha anononoka kuzadzisa zvipikirwa zvake here? Tsanangura.

7 Kushivirira kwaJehovha hakurevi kuti ari kungomirira kuti nguva ipfuure. Uye hatifaniri kufunga kuti haasi kufunga nezvedu kana kuti haana hanya nesu. Asi sezvatinochembera kana kuti patinotambura munyika ino yakaipa, zviri nyore  kufunga kuti haana hanya nesu. Tingaora mwoyo kana kuti tingaona sokuti Mwari ari kunonoka kuzadzisa zvipikirwa zvake. (VaH. 10:36) Usambokanganwa kuti ane zvikonzero zvakanaka zvokushivirira uye kuti ari kushandisa nguva yacho kuti vashumiri vake vakavimbika vabatsirwe. (2 Pet. 2:3; 3:9) Onawo kuti Jesu akaratidza sei kushivirira sezvinoita Mwari.

JESU AKARATIDZA SEI KUTI ANOSHIVIRIRA?

8. Jesu akaratidza kushivirira mumamiriro ezvinhu akaita sei?

8 Jesu ari kuita kuda kwaMwari uye ave achidaro kwezviuru zvemakore. Satani paakapanduka, Jehovha akasarudza kuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga aizouya panyika saMesiya. Izvi zvaireva kuti Jesu aifanira kumirira kwezviuru zvemakore kusvikira nguva yacho yakwana. (Verenga VaGaratiya 4:4.) Ainge asina kungomirira asina chaari kuita, asi aitoita basa raainge apiwa naBaba vake. Paakazouya panyika, aiziva kuti aizourayiwa naSatani sezvakaprofitwa. (Gen. 3:15; Mat. 16:21) Akashivirira achiita kuda kwaMwari kunyange zvazvo airwadziwa zvisingatauriki. Ainge akavimbika kusvika pokupedzisira. Aisangofunga chinzvimbo chake uye zvakamunakira uye izvozvo zvinogona kutibatsira.—VaH. 5:8, 9.

9, 10. (a) Jesu ave achiitei akamirira nguva yaJehovha? (b) Tinofanira kuona sei nguva yokuita zvinhu inosarudzwa naJehovha?

9 Pashure pokunge Jesu amutswa, akapiwa simba kudenga nepanyika. (Mat. 28:18) Anoshandisa simba iroro kuzadzisa chinangwa chaJehovha maererano nenguva yaMwari. Jesu akamirira ari kuruoko rworudyi rwaMwari kusvikira vavengi vake vaitwa sechitsiko chetsoka dzake muna 1914. (Pis. 110:1, 2; VaH. 10:12, 13) Nokukurumidza achagumisa nyika yaSatani. Iye zvino, Jesu akamirira asi achishanda nevanhu uye achivatungamirira ku“mvura youpenyu.”—Zvak. 7:17.

10 Kubva pamuenzaniso waJesu unoona here maonero aunofanira kuita nguva inosarudzwa naMwari yokuita zvinhu? Chokwadi Jesu aiva nechido chokuita zvose zvaainzi naBaba vake aite; zvisinei, aidawo kumirira nguva yaMwari. Sezvatinomirira kuguma kwenyika yaSatani, tose tinofanira kushivirira sezvinoita Mwari, tisingamumhanyiri mberi kana kukanda mapfumo pasi patinoodzwa mwoyo. Tingaitei kuti tishivirire sezvinoita Mwari?

NDINGASHIVIRIRA SEI SEZVINOITA MWARI?

11. (a) Kutenda kwakabatana nokushivirira pakudini? (b) Nei tiine zvikonzero zvakanaka zvokuti tive nokutenda kwakasimba?

11 Jesu asati auya panyika, vaprofita nevamwe vashumiri vakatendeka vaJehovha vakaratidza kuti kunyange vanhu vane chivi vanogona kumirira vachitsungirira. Kushivirira kwavo kwainge kwakanyatsobatana nokutenda kwavo. (Verenga Jakobho 5:10, 11.) Kudai vaisanyatsotenda zvavainge vaudzwa naJehovha, vangadai vakamirira kuzadziswa kwezvipikirwa zvake here? Vaigara vachisangana nemiedzo inotyisa yaigona kukanganisa kutenda kwavo, asi vaiva nechivimbo chokuti Mwari aizoita zvaainge avimbisa. (VaH. 11:13, 35-40) Isu tinotova nechikonzero chakakura chokuva nokutenda kwakasimba, nokuti iye zvino Jesu ari kushanda so“Mukwanisi wokutenda kwedu.” (VaH. 12:2) Akazadzisa uprofita uye akazivisa zvinangwa zvaMwari nenzira inotipa zvikonzero zvakasimba zvokuti tive nokutenda.

12. Tingaitei kuti tisimbise kutenda kwedu?

12 Matanho api atinogona kutora kuti tisimbise kutenda kwedu, zvoita kuti tishivirire? Zvinokosha kuti tishandise zvatinorayirwa naMwari. Somuenzaniso, funga zvikonzero zvinoita kuti uise Umambo pokutanga  muupenyu hwako. Ungawedzera here kuvavarira kwaunoita kushandisa zano raMateu 6:33? Izvozvo zvingada kuti upedze nguva yakawanda muushumiri kana kuti ugadzirise zvimwe zvaunoita mumararamiro ako. Usakanganwa kukomborerwa kwawakaitwa naJehovha kusvika iye zvino. Angava akakubatsira kutanga chidzidzo chitsva cheBhaibheri kana kuti kuwana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (Verenga VaFiripi 4:7.) Sezvaunoisa pfungwa pamakomborero awakawana nokuita zvinorayirwa naJehovha, uchaona zvakanakira kushivirira.—Pis. 34:8.

13. Ipa muenzaniso unoratidza kusimbisa kwatingaita kutenda kwedu zvoita kuti tishivirire.

13 Izvi tingazvifananidza nokudyara, kusakura uye kukohwa kunoitwa nomurimi. Pose paanova negoho rakakura, anovawo nechivimbo chakakura chokuti adyare mbeu mumwaka unotevera. Ichokwadi kuti anofanira kumirira kuti azokohwa, asi izvozvo hazvimutadzisi kudyara, zvichida anotodyara munda wakakura kupfuura wemwaka unenge wapfuura. Anovimba kuti achakohwa. Isuwo patinoramba tichidzidza zvinorayirwa naJehovha, tozviita, uye towana makomborero, kuvimba kwatinoita naye kunowedzera. Kutenda kwedu kunosimbawo, uye zvinova nyore kumirira makomborero atinoziva kuti achauya.—Verenga Jakobho 5:7, 8.

Kushivirira sezvinoita Mwari kuchakubatsira kuisa pfungwa paUmambo zvokuunzira makomborero!

14, 15. Tinofanira kuona sei kutambura kuri kuita vanhu?

14 Imwe nzira yokuita kuti tishivirire ndeyokufunga maonero atinofanira kuita nyika uye mamiriro edu ezvinhu. Edza kuona zvinhu sezvinoita Jehovha. Somuenzaniso, funga nezvemaonero aanoita kutambura kwevanhu. Akagara achirwadziwa nokutambura kwevanhu; asi haana kubvumira izvozvo kumutadzisa kuita zvakanaka. Akatuma Mwanakomana wake  akaberekwa ari mumwe oga “kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi” uye kuti agadzirise kukanganiswa kwose kwakaitwa vanhu naSatani. (1 Joh. 3:8) Chokwadi ndechokuti tichazoona kuti kutambura kwaiva kwechinguva chete, asi Mwari anogadzirisa zvinhu nokusingaperi. Saka pane kubvuma kuneteswa nezvakaipa zviri munyika yaSatani kana kunetseka nokuti mugumo wanonoka, ngativei nokutenda muzvinhu zvatisati taona zvichagara nokusingaperi. Jehovha ane nguva yaakasarudza yokubvisa zvakaipa, uye achazvibvisa panguva chaipo.—Isa. 46:13; Nah. 1:9.

15 Mumazuva ano okupedzisira akaoma enyika yakaipa, tingasangana nemiedzo yakaoma ingakanganisa kutenda kwedu. Pane kuita hasha kana tikaitirwa chisimba kana kuti panotambura hama kana shamwari, tinofanira kutsidza mumwoyo kuti tivimbe zvizere naJehovha. Tiri vanhu vane chivi, saka hazvisi nyore kuita kudaro. Zvisinei, yeuka zvakaitwa naJesu, sezvakanyorwa pana Mateu 26:39.Verenga.

16. Chii chatisingafaniri kuita munguva yasara?

16 Tinogona kukanganiswa nemafungiro okuda kutanga taona kuti zvichafamba sei. Zvinorevei izvozvo? Munhu asina chivimbo chokuti mugumo wava pedyo angatanga kuita humwewo urongwa, achiitira kana zvinhu zvikasazofamba sezvakataurwa naJehovha. Zvingaita seari kufunga kuti, ‘Ndichatanga ndaona kana Jehovha achizonyatsoita zvaakataura.’ Angabva aedza kuzviwanira mukurumbira munyika ino, kutsvaka mari pane kuisa Umambo hwaMwari pokutanga, kana kuti kuvimba nedzidzo yepamusorosoro kuti ave noupenyu hwomutambarakede iye zvino. Zvisinei, izvozvo hakusi kushaya kutenda here? Yeuka kuti Pauro akatikurudzira kutevedzera vanhu vakatendeka vakawana makomborero kubva kuna Jehovha nokuti vaiva no“kutenda nokushivirira.” (VaH. 6:12) Jehovha haazoregi nyika ino yakaipa iripo, asi panguva yake yakakodzera achaiparadza maererano nechinangwa chake. (Hab. 2:3) Iye zvino tinofanira kudzivisa kushumira Jehovha zvokungoitawo. Tinofanira kuramba takamuka tichishingaira kuparidza mashoko akanaka izvo zvinotoita kuti tigutsikane zvisingatauriki iye zvino.—Ruka 21:36.

KUSHIVIRIRA KUNOUNZA MAKOMBORERO API?

17, 18. (a) Iye zvino kushivirira kunotipa mukana upi? (b) Tichawana makomborero api kana tikashivirira iye zvino?

17 Pasinei nokuti tave tichishumira Mwari kwemwedzi mishoma kana kuti kwemakumi emakore, tinoda kuramba tichimushumira nokusingaperi. Kushivirira kunotibatsira kutsungirira kusvikira taponeswa, pasinei nokuti nyika ino yakaipa yasarirwa nenguva yakadini. Iye zvino Jehovha ari kutipa mukana wokuti tiratidze kuti tinonyatsovimba nezvaakasarudza, uye kuti tiratidze kuti tinoda kutambura pamusana pezita rake kana zvakakodzera. (1 Pet. 4:13, 14) Mwari ari kutidzidzisawo kushivirira kuti titsungirire kusvika taponeswa.—1 Pet. 5:10.

18 Jesu ane simba rose kudenga nepanyika, uye hapana chinogona kumutadzisa kukudzivirira kana ukaramba wakatendeka. (Joh. 10:28, 29) Hapana chikonzero chokutya ramangwana kana kuti kunyange rufu. Vaya vanotsungirira vachishivirira kusvika kumugumo vachaponeswa. Saka tinofanira kuva nechokwadi chokuti hatibvumiri nyika ino kutinyengedza yoita kuti tirege kuvimba naJehovha. Asi tinofanira kutsunga kuramba tichisimbisa kutenda kwedu, toshandisa nokuchenjera nguva iyo Mwari ari kuratidza kushivirira.—Mat. 24:13; verenga 2 Petro 3:17, 18.