Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara

Jehovha Anounganidza Vanhu Vake Vanofara

“Unganidza vanhu, varume nevakadzi nevana nomutorwa.”—DHEUT. 31:12.

1, 2. Zvinhu zvipi zvine chokuita nemagungano evanhu vaMwari zvatinofanira kufunga nezvazvo?

KUBVIRA kare kare, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiita magungano enyika dzakawanda uye eruwa. Vakawanda vedu takapinda magungano akadai anofadza, pamwe takatopinda akawanda kwemakumi emakore.

2 Zviuru zvemakore akapfuura, vanhu vaMwari vaivawo nekuungana kutsvene. Tichaongorora magungano anotaurwa muMagwaro toona kufanana kwaakaita neemazuva ano uye kubatsirwa kwatinoitwa nokuapinda.—Pis. 44:1; VaR. 15:4.

MAGUNGANO ANOKOSHA AKAITWA KARE UYE MAZUVA ANO

3. (a) Chii chakaitika pagungano rokutanga revanhu vaJehovha rinotaurwa muBhaibheri? (b) VaIsraeri vaishevedzwa sei kuti vaungane?

3 Gungano guru rokutanga revanhu vaMwari rinotaurwa muMagwaro, ravakaita kuti varayiridzwe, rakaitirwa mujinga reGomo reSinai. Chokwadi gungano iroro raikosha chaizvo munhoroondo yekunamata kwakachena. Pachiitiko ichocho chainakidza, Jehovha akaratidza vaIsraeri simba rake paakavapa Mutemo wake, uye hapana mubvunzo kuti vaivapo havana kumbozvikanganwa. (Eks. 19:2-9, 16-19; verenga Eksodho 20:18; Dheuteronomio 4:9, 10.) Kubvira pachiitiko ichocho ukama hwevaIsraeri naMwari hwakachinja zvachose. Pasina nguva refu kubva ipapo, Jehovha akaita urongwa hwokushevedza vanhu vake. Akarayira Mosesi kuti agadzire mabhosvo maviri esirivha, aizoshandiswa kushevedza “ungano yose” kuti iungane “pasuo retende rokusanganira.” (Num. 10:1-4) Chimboedza kufungidzira mufaro waivapo pazviitiko zvakadaro!

4, 5. Nei magungano akaitwa naMosesi naJoshua ainyanya kukosha?

 4 Makore 40 evaIsraeri vari murenje ava kunopera, panguva yaikosha chaizvo munhoroondo yerudzi rutsva irworwo, Mosesi akavaunganidza vose. Vainge vagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Iyoyo ndiyo yaiva nguva yakanaka yokuti Mosesi ayeuchidze hama dzake zvose zvavainge vaitirwa naJehovha uye zvose zvaaizovaitira.—Dheut. 29:1-15; 30:15-20; 31:30.

5 Zvichida pagungano iroro, Mosesi ndipo paakataura nezveurongwa hwokuti vanhu vaMwari vagare vachiungana uye vachidzidziswa. Paipera makore manomwe ega ega, pamutambo wematumba, varume, vakadzi, vana nevatorwa vaigara muIsraeri vaifanira kuungana munzvimbo yakasarudzwa naJehovha ‘kuti vateerere uye kuti vadzidze kutya Jehovha, vochenjerera kuita mashoko ose omutemo.’ (Verenga Dheuteronomio 31:1, 10-12.) Saka kubvira pakutanga chaipo, zvaiva pachena kuti vanhu vaMwari vaifanira kugara vachiungana kuti vadzidze shoko raJehovha uye zvinangwa zvake. VaIsraeri pavainge vapedza kutora Nyika Yakapikirwa asi vachakapoteredzwa nevahedheni, Joshua akavaunganidza vose nechinangwa chokuvasimbisa kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha. Vanhu vakabva vapikawo kuti vaizoshumira Mwari.—Josh. 23:1, 2; 24:1, 15, 21-24.

6, 7. Nei zvinganzi magungano emazuva ano evanhu vaJehovha ave ari zviitiko zvinokosha?

6 Mazuva ano vanhu vaJehovha vakaitawo magungano aikosha uye pamagungano iwayo pakaziviswa nezvekuchinja kwakakura pamaitirwo ezvinhu musangano kana kunzwisisa kwataiita Magwaro. (Zvir. 4:18) Gungano guru rokutanga rakaitwa neVadzidzi veBhaibheri pashure peHondo Yenyika I rakaitwa muna 1919 muCedar Point, Ohio, U.S.A. Pagungano iroro rakapindwa nevanhu 7 000, pakataurwa nezvekutanga mushandirapamwe wokuparidza munyika yose. Muna 1922, pagungano remazuva mapfumbamwe rakaitirwa panzvimbo imwe chete iyoyo, Joseph F. Rutherford akakurudzira vanhu vaivapo kuti vaite basa iri achiti: “Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaShe. Endererai mberi mukurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chava dongo. Zivisai shoko kwose kwose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Iri izuva rinokosha kupfuura ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Vaivapo, uye vanhu vaMwari munyika yose, vakafara chaizvo uye vakatanga kushingaira kuparidza.

7 Muna 1931, muColumbus, Ohio, Vadzidzi veBhaibheri vakafara chaizvo kuva nezita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Uye muna 1935, muWashington, D.C., Hama Rutherford vakatsanangura “boka guru,” rinotaurwa muna Zvakazarurwa rakamira “pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” (Zvak. 7:9-17) Muna 1942, Hondo Yenyika II payaitsviriridza, Nathan H. Knorr akapa hurukuro yainakidza yaiti “Runyararo—Rucharamba Ruriko Here?” Muhurukuro iyoyo, akatsanangura “chikara chitsvuku” chemuna Zvakazarurwa 17 uye akaratidza kuti pashure pehondo kwakanga kuchine basa rakawanda rokuparidza.

Gungano renyika dzakawanda muna 1950, New York City

8, 9. Nei mamwe magungano aiita kuti vanhu vabude misodzi yokufara?

8 Pagungano raiti “Marudzi Anofara” rakaitwa muna 1946 muCleveland, Ohio, Hama Knorr vakapa hurukuro yaikosha chaizvo yaiti, “Zvinetso Zvokuvakazve  Nokukura.” Imwe hama yakatsanangura kufara kwakaita vanhu nehurukuro iyoyo ichiti: “Ndakava neropafadzo yokuva seri kwavo pachikuva manheru iwayo, uye pavaitaura nezvebasa uye zvirongwa zvokuwedzera ukuru hweBheteri rokuBrooklyn uye fekitari, vanhu vakaramba vachingorova maoko. Kunyange zvazvo waisakwanisa kuona zviso zvevanhu uri pachikuva, zvainzwika kuti vaifara.” Pagungano renyika dzakawanda rakaitirwa muNew York City muna 1950, vateereri vakafara kugamuchira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki, chikamu chokutanga cheBhaibheri remutauro weChirungu chemazuva ano chine zita raMwari munzvimbo dzaraiva pakutanga.—Jer. 16:21.

9 Mune dzimwe nyika dzaimbotambudzwa Zvapupu uye maimborambidzwa basa redu makazorongwa magungano aiita kuti vanhu vabude misodzi yokufara. Adolf Hitler ainge apika kuti aizoparadza Zvapupu zvaJehovha muGermany, asi muna 1955 Zvapupu 107 000 zvakazadza nzvimbo yaiforera mauto ake muNuremberg. Vakawanda vaivapo vakabuda misodzi yokufara! Muna 1989, vanhu 166 518 vakapinda gungano rakaitirwa munzvimbo nhatu muPoland raiti “Kuzvipira Kwoumwari.” Vakawanda vacho vainge vabva mune yaimbonzi Soviet Union neCzechoslovakia uye mune dzimwe nyika dzokuEastern Europe. Kune vamwe, aka kaiva kekutanga kuungana nevanhu vaMwari vanopfuura 15 kana 20. Fungawo mufaro wakavapo muna 1993 pagungano renyika dzakawanda raiti “Kudzidzisa Kwoumwari” rakaitirwa muKiev, Ukraine pakabhabhatidzwa vanhu 7 402. Hapana rimwe gungano reZvapupu zvaJehovha rakabhabhatidzwa vanhu vakawanda saizvozvo.—Isa. 60:22; Hag. 2:7.

10. Magungano api aunogara uchiyeuka uye nei uchidaro?

10 Zvimwe une magungano enyika dzakawanda kana eruwa aunonyanya kuyeuka. Unoyeuka here gungano rako rokutanga kana kuti rawakabhabhatidzwa? Izvi zviitiko zvinokosha chaizvo pakunamata kwako. Ramba uchizviyeuka!—Pis. 42:4.

MITAMBO INOFADZA YAIGARA ICHIITWA

11. Mwari akatanga urongwa hupi hwokuti vaIsraeri vagare vachiita mitambo yemwaka nemwaka?

11 Jehovha aida kuti pagore vaIsraeri vaende kuJerusarema kumitambo mitatu yemwaka nemwaka yaiti, Mutambo Wemakeke Asina Kuviriswa, Mutambo Wemavhiki (wakazonzi Pendekosti), uye Mutambo Wematumba. Nezvemitambo iyi, Mwari akarayira kuti: “Vanhurume vako vose ngavauye pamberi pechiso chaIshe wechokwadi, Jehovha, katatu pagore.” (Eks. 23:14-17) Vanababa vakawanda vaienda kumitambo iyoyo kunonamata nemhuri dzavo dzose, nokuti vaiziva kukosha kwayo.—1 Sam. 1:1-7; Ruka 2:41, 42.

12, 13. VaIsraeri vakawanda vaifanira kuitei kuti vaende kumitambo yaiitwa pagore?

12 Chimbofunga zvaifanira kuitwa nemhuri  yechiIsraeri kuti iite rwendo irworwo. Somuenzaniso, Josefa naMariya vaifamba makiromita anenge 100 kubva kuNazareta kuenda Jerusarema. Unofunga kuti rwendo rwakadaro rungakutorera nguva yakareba zvakadini uchifamba nevana? Nhoroondo yokuenda kwaJesu kuJerusarema paaiva mukomana inoratidza kuti hama neshamwari vangave vaifamba pamwe chete. Fungidzira kuti zvainge zvakaita sei kufamba uye kubika pamwe chete uye kuronga pokurara munzvimbo dzavaisaziva. Asi kwaisava nengozi zvakanyanya zvokuti Jesu aiva nemakore 12 aitobvumirwawo kufamba nevamwe vanhu. Funga kuti mitambo iyoyo yaisakanganwika zvakadini, kunyanya kune vechiduku!—Ruka 2:44-46.

13 VaIsraeri pavainge vapararira mune dzimwe nyika, vaya vaiuya kumitambo vaibva kunyika dzakawanda. PaPendekosti ya33 C.E., vaJudha nevaya vainge vatendeukira kuchiJudha vakaenda kuJerusarema vachibva kunzvimbo dzakadai seItari, Ribhiya, Krete, Asia Minor uye Mesopotamiya.—Mab. 2:5-11; 20:16.

14. VaIsraeri vaibatsirwa sei nokuenda kumitambo yaiitwa pagore?

14 Panzendo dzakadaro, vaIsraeri vakatendeka vainyanya kukoshesa kunamata, vaiva nechido chokunamata Jehovha pamwe nevamwe vakawanda. Vaya vaiuya kumitambo iyoyo vainzwa sei? Mhinduro yacho tinogona kuiwana pane zvakaudzwa vanhu naJehovha nezveMutambo Wematumba. Akati: “Unofanira kufara panguva yomutambo wako, iwe nomwanakomana wako nomwanasikana wako nomurandarume wako nomurandasikana wako nomuRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi, vari mukati memagedhi ako. Uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo kwemazuva manomwe munzvimbo ichasarudzwa naJehovha, nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera pazvibereko zvako zvose uye pamabasa ose emaoko ako, uye unofanira kufara kwazvo.”—Dheut. 16:14, 15; verenga Mateu 5:3.

NEI TICHIFANIRA KUKOSHESA MAGUNGANO EMAZUVA ANO?

15, 16. Zvii zvawakaitawo kuti ukwanise kupinda magungano? Nei izvozvo kwaiva kushandira zviripo?

15 Chokwadi vanhu vaMwari mazuva ano vanogona kudzidza zvakawanda kubva pamagungano iwayo ekare! Kunyange zvazvo paine zvakawanda zvakachinja kwemazana emakore, zvinokosha zvacho hazvina kumbochinja. Kare, raiva basa chairo kuti munhu apinde gungano. Ndizvo zvazvakaitawo kune vakawanda mazuva ano. Asi vanenge vashandira zviripo. Magungano iwayo aikosha chaizvo uye achiri kukosha nanhasi. Anotipa mashoko uye anoita kuti tinzwisise zvimwe zvinhu zvinotibatsira chaizvo kuti tirambe tiri pedyo naMwari. Magungano anotikurudzira kushandisa zvatinodzidza, anotibatsira kudzivisa matambudziko, uye anotikurudzira kuti tigare takaisa pfungwa pazvinhu zvinotizorodza kwete zvinotiremedza.—Pis. 122:1-4.

South Korea

16 Magungano agara achiita kuti vanhu vafare chaizvo. Mashoko akabva kugungano guru romuna 1946 aiti: ‘Zvaifadza chaizvo kuona zviuru zvezvapupu zviri munzvimbo imwe chete, uye zvaifadzawo kuteerera mimhanzi yenziyo dzoUmambo dzokurumbidza Jehovha yairidzwa ichinyatsoenderana nemanzwi evakawanda vaivapo.’ Hama dzacho dzakatiwo, ‘Kune vanhu vakawanda vakanyoresa kuDhipatimendi reVazvipiri kuti vashande mumadhipatimendi ose pamusana pokufarira kushumira hama dzavo.’  Wakambonakidzwawo here saizvozvo pamagungano eruwa kana enyika dzakawanda?—Pis. 110:3; Isa. 42:10-12.

17. Zvii zvachinja pamarongerwo aiitwa magungano?

17 Zvimwe zvinhu zvakachinjwa pamarongerwo emagungano. Somuenzaniso, vamwe vanhu vaMwari vanoyeuka magungano paaiitwa kwemazuva masere! Kwaiva nepurogiramu yemangwanani, yemasikati uye yemanheru. Purogiramu yacho yaisanganisira ushumiri hwomumunda. Dzimwe nguva hurukuro dzaitanga na9:00 mangwanani uye kakawanda purogiramu yaizopera na9:00 manheru. Hama nehanzvadzi dzaizvipira kushanda zvakaoma nguva refu dzichibikira vaivapo zvokudya zvemangwanani, zvemasikati uye zvemanheru. Iye zvino magungano ava mapfupi, uye vanhu vava kuzvibikira zvokudya pachiine nguva zvichiita kuti vanyatsoteerera purogiramu.

Mozambique

18, 19. Ndezvipi zvinhu zvinoitwa pagungano zvaunotarisira uye nei?

18 Pane zvimwe zvinhu zvagara zvichiitwa pamagungano zvatinotarisira kuwana. Zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvatinowana “panguva yakakodzera,” zvinotibatsira kunzwisisa uprofita nedzidziso zveBhaibheri, tinozvipiwa muhurukuro uye mumabhuku matsva anobudiswa pamagungano. (Mat. 24:45) Mabhuku iwayo anowanzobatsira vanhu vanoda Mwari kuti vanzwisise chokwadi cheMagwaro. Mitambo inonakidza inotaura zviri muBhaibheri inokurudzira vakuru nevaduku kuti vaongorore mararamiro avo uye kuti vadzivise matambudziko anokonzerwa nemafungiro enyika. Hurukuro yerubhabhatidzo inotipawo mukana wokuongorora zvatinoisa pokutanga muupenyu uye tinofara patinoona vamwe vachiratidza kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha.

19 Chokwadi vanhu vaJehovha vakabvira kare vachimunamata pamagungano, uye anovabatsira kumushumira zvakakodzera munguva dzakaoma. Magungano akadaro anotikurudzira pakunamata, anoita kuti tiwane shamwari itsva, anotibatsira kuti tikoshese sangano rehama romunyika yose, uye Jehovha anoashandisa chaizvo kukomborera uye kutarisira vanhu vake. Chokwadi mumwe nomumwe wedu anofanira kuedza kuronga zvinhu kuti apinde uye abatsirwe negungano rose zvaro.—Zvir. 10:22.