Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rugare Kwemakore Ane Chiuru Uye Nokusingaperi!

Rugare Kwemakore Ane Chiuru Uye Nokusingaperi!

“Kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VAK. 15:28.

1. Ndezvipi zvinotarisirwa ne“boka guru”?

UNGAFUNGIDZIRA here zvinhu zvose zvakanaka zvingaitirwa vanhu mumakore ane chiuru nehurumende ine simba, ine mutongi anotonga zvakarurama uye ane tsitsi? Pamberi apa pane zvinhu zvakazonaka zvichaitirwa “boka guru revanhu,” vachapona pa“kutambudzika kukuru,” kuchagumisa zvachose mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino.—Zvak. 7:9, 14.

2. Chii chave chichiitika kuvanhu kwemakore 6 000 adarika?

2 Kwemakore 6 000 apfuura vanhu vave vachiedza kuzvitonga uye izvozvo zvave zvichiita kuti pave nokurwadziwa uye kutambura kusingatauriki. Bhaibheri rakataura kare kare kuti: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Mup. 8:9) Zvakadini nemazuva ano? Kune hondo nokupandukirana, nemamwewo matambudziko akakura eurombo, zvirwere, kuparadza nyika, kuchinja kwemamiriro ekunze, nezvimwewo zvakawanda. Vakuru vakuru vehurumende vakayambira kuti kana tikasachinja mafungiro edu, zvinhu zvichatoipa.

3. Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kuchaita kuti chii chiitike?

3 Mambo Mesiya, Jesu Kristu nevane 144 000 pavanenge vachitonga, Umambo hwaMwari huchagadzirisa zvishoma nezvishoma kukanganiswa kwose kwakaitwa vanhu uye kwakaitwa nyika. Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kuchazadzisa chipikirwa chaJehovha Mwari chinofadza chokuti: “Ndiri kusika matenga matsva nenyika itsva; zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isa. 65:17) Asi ndezvipi zvimwe zvinhu zvinofadza zvatisati taona? Regai Shoko raMwari rouprofita ritibatsire kunzwisisa zvinhu izvozvo zvinofadza zvatisati ‘taona.’—2 VaK. 4:18.

 ‘VACHAVAKA DZIMBA UYE VACHADYARA MINDA YEMIZAMBIRINGA’

4. Mazuva ano vakawanda vane dambudziko ripi panyaya yepokugara?

4 Ndiani angasada kuva nemba yake pachake, maanogara akachengeteka pamwe chete nemhuri yake? Zvisinei, mazuva ano munyika mune dambudziko rakakura repokugara. Vanhu vari kugara mumaguta sembeva. Vakawanda vanogara mumatangwena uye muzvivako zvasakara zvine tsvina. Havatomboroti vachiva neimba yavo pachavo.

5, 6. (a) Mashoko aIsaya 65:21 uye Mika 4:4 achazadziswa sei? (b) Tingawana sei makomborero iwayo?

5 MuUmambo hwaMwari, chido chomunhu wose chokuva neimba yake pachake chichazadziswa, nokuti Isaya akaprofita kuti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.” (Isa. 65:21) Asi kuva nemba yavo pachavo handiyo tarisiro yavanayo chete. Vamwe mazuva ano vanotova nedzimba dzavo, uye vashoma vanotogara mudzimba dzakakura dzoumbozha. Asi vanogara vachinetseka kuti vangarasikirwa nedzimba dzacho kana mamiriro ezveupfumi akachinja, kana kuti dzingapazwa nembavha. Zvinhu zvose zvichange zvasiyana chaizvo Umambo pahunenge huchitonga! Muprofita Mika akanyora kuti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.”—Mika 4:4.

6 Tichifunga nezvetariro iyoyo inofadza, tinofanira kuitei? Chokwadi, tose zvedu tinoda pokugara pakakwana. Zvisinei, pane kuvavarira kuva neimba yatinoda iye zvino, zvichida tichitopinda muchikwereti kuti tiiwane, hakusi kuchenjera here kuisa pfungwa pachipikirwa chaJehovha? Yeuka zvakataurwa naJesu paakati: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Ruka 9:58) Jesu aikwanisa uye aiva nesimba rokuvaka kana kuti kuwana imba inopfuura yaigona kuwanikwa naani zvake. Nei asina kudaro? Zviri pachena kuti Jesu aida kudzivisa chero chinhu chaizomutadzisa kuisa Umambo pokutanga. Tingatevera here muenzaniso wake toramba tiine ziso rakanaka, tisingavhiringidzwi kana kuzvidya mwoyo nekuda pfuma?—Mat. 6:33, 34.

“MHUMHI NEGWAYANA ZVICHAFURA PAMWE CHETE”

7. Pakutangatanga, Jehovha akarayira kuti vanhu vagare sei nemhuka?

7 Jehovha paaisika zvinhu, akapedzisira nokusika munhu, chisikwa chinokosha chaizvo chepanyika. Jehovha akaudza Mhizha yake, Mwanakomana wake wedangwe chinangwa chake chakajeka achiti: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvipfuwo nenyika yose nepazvose zvinokambaira zvinofamba panyika.” (Gen. 1:26) Saka Mwari akapa murayiro wokuti Adhamu naEvha nevamwe vanhu vose vaizovapo vave nesimba pamhuka.

8. Mhuka dzinowanzoita sei mazuva ano?

8 Zvinonyatsoita here kuti vanhu vave nesimba pamhuka dzose uye kuti vave norugare nadzo? Vakawanda vanowirirana chaizvo nemhuka dzavo dzavanogara nadzo dzakadai seimbwa nekatsi. Asi zvakadini nemhuka dzemusango? Rimwe bhuku rakati: “Masayendisiti akagara pedyo nemhuka uye akadzidza nezvadzo akaona kuti mhuka dzose dzinoyamwisa dzine manzwiro adzinoita.” Ichokwadi kuti  mhuka dzinotya kana kuti dzinoita hasha padzinova pangozi, asi dzinokwanisa here kuratidza rudo? Bhuku racho rinoenderera mberi richiti: “Mhuka dzinoyamwisa dzinonyanya kuratidza rudo rwakakura pakurera vana vadzo.”

9. Tinotarisira kuti mhuka dzichachinja sei?

9 Saka hazvifaniri kutishamisa patinoverenga muBhaibheri kuti vanhu nemhuka zvichava norugare. (Verenga Isaya 11:6-9; 65:25.) Nemhaka yei? Yeuka kuti Noa nemhuri yake pavakabuda muareka pashure peMafashamo, Jehovha akavaudza kuti: “Zvisikwa zvose zvipenyu zvenyika . . . zvicharamba zvichikutyai nokukuvhundukai.” Izvozvo zvaichengetedza mhuka dzacho. (Gen. 9:2, 3) Jehovha angatadza here kubvisa kumwe kutya ikoko uye kuvhunduka, kuti azadzise murayiro wake wepakutanga? (Hos. 2:18) Chokwadi iyoyo ichava nguva inofadza chaizvo kune vose vanenge vari vapenyu pasi pano!

“ACHAPUKUTA MISODZI YOSE”

10. Nei vanhu vachiwanzosvimha misodzi?

10 Soromoni paakaona “mabasa ose okudzvinyirira anoitwa pasi pezuva,” akachema-chema kuti: “Kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa, asi vakanga vasina munyaradzi.” (Mup. 4:1) Ndizvo zvazvakaita mazuva ano kana kuti zvinotopfuura ipapo. Ndiani wedu asina kumbochemedzwa nechimwe chinhu? Ichokwadi kuti dzimwe nguva tinobuda misodzi yokufara. Asi kakawanda, misodzi inoratidza kurwadziwa kwemwoyo.

11. Ndeipi nhoroondo yemuBhaibheri inonyanya kukusiririsa?

11 Yeuka nhoroondo dzakawanda dzinopisa tsitsi uye dzinosiririsa dzatinoverenga muBhaibheri. Sara paakafa ava nemakore 127, “Abrahamu akapinda kuti acheme Sara nokumusvimhira misodzi.” (Gen. 23:1, 2) Naomi paakaoneka varoora vake vaviri vainge vava chirikadzi, “vakatanga kuchema kwazvo, vakasvimha misodzi,” uye zvadaro “vakachema kwazvo, vakasvimhazve misodzi.” (Rute 1:9, 14) Mambo Hezekiya paakarwara uye pazvainge zvava pachena kuti aizofa, akanyengetera kuna Mwari “akatanga kusvimha misodzi kwazvo,” uye izvozvo zvakaita kuti Jehovha anzwe tsitsi. (2 Madz. 20:1-5) Uyezve ndiani asinganzwi tsitsi paanoverenga nhoroondo yomuapostora Petro achiramba Jesu? Paakanzwa jongwe richikukuridza, Petro “akabuda panze akasvimha misodzi kwazvo.”—Mat. 26:75.

12. Umambo hwaMwari huchanyatsozorodza sei vanhu?

12 Vanhu vanoda chaizvo kunyaradzwa uye kuzorodzwa nemhaka yezvinhu zvinosuwisa, zvingava zviduku kana zvikuru. Izvozvo ndizvo zvichaitirwa vanhu muKutonga Kwemakore Ane Chiuru: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvak. 21:4) Zvinofadza chaizvo kuziva kuti kuchema, kuridza mhere, uye kurwadziwa zvichapera asi zvinotofadza zvakanyanya kuziva kuti Mwari achabvisa muvengi mukuru wevanhu, rufu. Izvozvo zvichaitika sei?

“VOSE VARI MUMAKUVA VACHAYEUKWA . . . VOBUDA”

13. Rufu rwave ruchiitei pavanhu kubvira pakatadza Adhamu?

13 Kubvira pakatadza Adhamu, rufu rwave ruri mambo pavanhu. Rwave ruri muvengi asingakundiki, magumo evanhu vane chivi, anoita kuti vanhu vashungurudzike zvisingatauriki. (VaR. 5:12, 14) Mamiriyoni evanhu atori “muuranda kwoupenyu  hwavo hwose nokuda kwokutya rufu.”—VaH. 2:15.

14. Chii chichaitika kana rufu rwaparadzwa?

14 Bhaibheri rinotaura nezvenguva ‘ichaparadzwa muvengi wokupedzisira, irwo rufu.’ (1 VaK. 15:26) Izvozvo zvichabatsira mapoka maviri. “Boka guru” riri kurarama iye zvino richakwanisa kupona richipinda munyika itsva yakapikirwa richitarisira kuva noupenyu husingaperi. Kana ari mabhiriyoni akatorwa norufu, zvichaita kuti amutswe. Ungafungidzira here mufaro uchavapo, vaya vanenge vapona pavachagamuchira vanenge vachimuka? Kunyatsoongorora dzimwe nhoroondo dzerumuko dziri muBhaibheri kunogona kutipa nzwisa yezvichange zvichiitika.—Verenga Mako 5:38-42; Ruka 7:11-17.

15. Unofunga kuti uchanzwa sei pachamutswa hama neshamwari?

15 Funga nezvemashoko okuti “vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo” uye “vakatanga kukudza Mwari.” Kudai waivapo pazvaiitika, pamwe ungadai wakanzwawo saizvozvo. Zvechokwadi, kuona hama dzedu neshamwari dzichimuka kuchaita kuti tifare chaizvo uye tisabatika nokufara. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Joh. 5:28, 29) Hapana kana mumwe wedu ati aona chinhu chakadaro; chokwadi kumuka kuchava chimwe chezvinhu zvikuru ‘zvatisati taona.’

MWARI ACHAVA “ZVINHU ZVOSE KUVANHU VOSE”

16. (a) Nei tichifanira kutaura nechido nezvemakomborero atisati taona? (b) Pauro akataurei kuti akurudzire vaKristu vekuKorinde?

16 Chokwadi, vaya vanoramba vakatendeka kuna Jehovha munguva dzino dzakaoma vachava neramangwana rakazonaka! Kunyange zvazvo tisati  taona makomborero ari mberi, kuramba tichifunga nezvawo kuchatibatsira kuisa pfungwa pazvinhu zvinokosha uye kudzivisa kutsauswa nezvinhu zvinokwezva zvenyika ino yakaipa. (Ruka 21:34; 1 Tim. 6:17-19) Patinenge tichidzidza uye tichinamata nemhuri, patinenge tichikurukura nehama, nevanhu vari kudzidza Bhaibheri uye nevanofarira, ngatitaurei nechido nezvetariro yedu yakazonaka. Izvi zvichabatsira kuti tariro yedu irambe yakasimba mupfungwa nemwoyo. Muapostora Pauro akaita izvozvo paaikurudzira vamwe vaKristu vaainamata navo. Akavaudza zvaizoitika kunogumira Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Edza kufungidzira zvinonyatsorehwa nemashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 15:24, 25, 28.Verenga.

17, 18. (a) Jehovha aiva “zvinhu zvose kuvanhu vose” pakutangatanga pakudini? (b) Jesu achaitei kuti pavezve nokubatana uye rugare?

17 Hapana mashoko angarondedzera zviri nani zvichange zvakaita upenyu pachapera makore ane chiuru kupfuura aya, “kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.” Izvozvo zvinorevei? Funga zvainge zvakaita zvinhu kare muEdheni, vanhu vakakwana Adhamu naEvha pavaiva vamwe vemhuri yaJehovha ine rugare uye yakabatana. Jehovha, Changamire wezvinhu zvose, aitonga iye pachake zvisikwa zvake zvose, ngirozi nevanhu. Vaikwanisa kutaura naye pachake, kumunamata, uye kukomborerwa naye. Aiva “zvinhu zvose kuvanhu vose.”

Paanenge apedza mabasa ake saMambo, Jesu achadzosera Umambo kuna Baba vake achizvininipisa

18 Ukama ihwohwo hwakakanganiswa vanhu pavakafurirwa naSatani, vakapandukira uchangamire hwaJehovha. Asi kubva muna 1914, Umambo hwaMesiya hwave huchitora matanho okuita kuti pavezve nokubatana uye rugare. (VaEf. 1:9, 10) MuKutonga Kwemakore Ane Chiuru, zvinhu zvinoshamisa ‘zvatisati taona’ zvichazadziswa. Zvadaro kuchauya “mugumo,” kureva kuguma kweKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Chii chichabva chaitika? Kunyange zvazvo “akapiwa simba rose kudenga nepanyika,” Jesu haana chido chokuwana masimba akatokura. Haana pfungwa yokutorera Jehovha nzvimbo yake. Acha“gamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba” achizvininipisa. Achashandisa nzvimbo yake inokosha uye simba ‘kuti Mwari akudzwe.’—Mat. 28:18; VaF. 2:9-11.

19, 20. (a) Vose vanenge vachitongwa noUmambo vacharatidza sei kuti vanobvuma uchangamire hwaJehovha? (b) Zvinhu zvipi zvakazonaka zvatiri kutarisira?

19 Kusvika panguva iyoyo, vanhu vanenge vari panyika vachitongwa noUmambo vachange vakwana. Vachatevedzera muenzaniso waJesu, vobvuma vachizvininipisa uchangamire hwaJehovha. Vachava nomukana wokuratidza chido chavo chokuita izvozvo nokukunda muedzo wokupedzisira. (Zvak. 20:7-10) Pashure paizvozvo vanhu vanenge vapanduka uye madhimoni, vachaparadzwa zvachose. Chokwadi iyoyo ichava nguva yokufara chaizvo! Mhuri yose yezvisikwa zvaMwari icharumbidza Jehovha, uyo achava “zvinhu zvose kuvanhu vose.”—Verenga Pisarema 99:1-3.

20 Zvinhu zvakazonaka zvichaunzwa noUmambo munguva pfupi zvichaita kuti ubishaire uye uise pfungwa pakuita kuda kwaMwari here? Ungadzivisa here kutsauswa netariro yenhema uye nyaradzo zvinopiwa nenyika yaSatani? Uchawedzera kutsunga kuti utsigire uchangamire hwaJehovha here? Zvaunoita ngazviratidze kuti une chido chokuita izvozvo nokusingaperi. Kana ukadaro uchava neropafadzo yokuva norugare uye yokubudirira kwemakore ane chiuru, uye nokusingaperi!