Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Teerera Mwari Ubatsirwe Nezvaakavimbisa

Teerera Mwari Ubatsirwe Nezvaakavimbisa

“[Mwari] zvaaisagona kupika nomumwe munhu mukuru kwaari, akapika naiye pachake.”—VAH. 6:13.

1. Vimbiso dzinoitwa naMwari dzakasiyana sei nedzinoitwa nevanhu vane chivi?

JEHOVHA ndi“Mwari wechokwadi.” (Pis. 31:5) Vanhu vane chivi havagoni kuvimbwa navo nguva dzose, asi hazvibviri “kuti Mwari areve nhema.” (VaH. 6:18; verenga Numeri 23:19.) Kana akaita chinangwa chokuti abatsire vanhu, anotochizadzisa. Somuenzaniso, zvose zvaitaurwa naMwari pakutanga kwezuva rega rega rokusika kuti aizoita, “zvakaita saizvozvo.” Saka pakapera zuva rokusika rechitanhatu, “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.”—Gen. 1:6, 7, 30, 31.

2. Zuva raMwari rokuzorora chii, uye nei “akariita dzvene”?

2 Pashure pokunge Jehovha aongorora zvaainge asika, akazivisa kutanga kwezuva rechinomwe, kwete zuva remaawa 24, asi nguva refu yaave akazorora pamabasa ake okusika zvinhu zvepanyika. (Gen. 2:2) Zuva raMwari rokuzorora harisati rapera. (VaH. 4:9, 10) Bhaibheri haritauri chaipo parakatanga. Rakatanga pane imwe nguva mudzimai waAdhamu, Evha asikwa, makore anenge 6 000 akapfuura.[1] Pamberi apa, munguva yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu, Mwari achazadzisa chinangwa chake chokuti nyika ive paradhiso nokusingaperi ichigarwa nevanhu vasina chivi. (Gen. 1:27, 28; Zvak. 20:6) Unofunga kuti unogona kuva neramangwana rinofadza rakadaro here? Unogona kuva naro! Nokuti “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene.” Iyi yaiva vimbiso yokuti pasinei nezvipingamupinyi zvaizomuka, chinangwa chaMwari chaitozozadziswa paizopera zuva rake rokuzorora.—Gen. 2:3.

3. (a) Mwari akapandukirwa sei pashure pokunge zuva rake rokuzorora ratanga? (b) Jehovha akati aizogumisa sei kupanduka kwacho?

 3 Zvisinei, pashure pokunge zuva raMwari rokuzorora ratanga, pakamuka dambudziko. Satani, imwe ngirozi yaimbova mwanakomana vaMwari, akazviitawo mwari. Akataura nhema dzokutanga ndokunyengedza Evha kuti apandukire Jehovha. (1 Tim. 2:14) Evha akabva aitawo kuti murume wake apanduke. (Gen. 3:1-6) Kunyange zvinhu pazvainge zvaipa kudaro, Mwari paainzi haasi kutaura chokwadi, Jehovha akaona pasina chikonzero chokuita mhiko kuti aratidze kuti chinangwa chake chaizongobudirira. Asi, Mwari akataura kuguma kwaizoita kupanduka kwacho nemashoko aizongonzwisiswa panguva yake yakakodzera, achiti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako [Satani] nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye [Mwana akapikirwa] achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.”—Gen. 3:15; Zvak. 12:9.

MHIKO DZAIBATSIRA KURATIDZA KUTI CHINHU CHAIVA CHECHOKWADI

4, 5. Abrahamu akashandisei kuti aratidze kuti zvaaitaura chaiva chokwadi?

4 Pakutanga chaipo, zvinoita sokuti Mwari haana kupa Adhamu naEvha mashoko okushandisa pakupika kuti varatidze kuti zvavaitaura chaiva chokwadi. Zvisikwa zvakakwana, zvinoda Mwari uye zvinomutevedzera hazvifaniri hazvo kupika; zvinogara zvichitaura chokwadi uye zvinonyatsovimbana. Asi zvinhu zvakachinja pakatanga chivi uye kusakwana. Nhema nounyengeri pazvakazopararira muvanhu, zvainge zvava kukosha kuti vapike panyaya dzakakura vachiratidza kuti vaitaura chokwadi.

5 Abrahamu akashandisa mhiko kanenge katatu achiratidza kuti zvaaitaura chaiva chokwadi. (Gen. 21:22-24; 24:2-4, 9) Somuenzaniso, izvi akazviita paaibva kunokunda mambo weEramu nemadzimambo aaiva nawo. Mambo weSarema neweSodhoma vakauya kuzosangana naAbrahamu. Merekizedheki, mambo weSarema, aivawo “mupristi waMwari Wokumusorosoro.” Saka akakomborera Abrahamu uye akarumbidza Mwari nokuti ainge aita kuti Abrahamu akunde vavengi vake. (Gen. 14:17-20) Zvadaro, mambo weSodhoma paaida kupa Abrahamu mubayiro wokununura vanhu vamambo pamauto ainge avapamba, Abrahamu akapika achiti: “Ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuna Jehovha Mwari Wokumusorosoro, Mugadziri wedenga nenyika, kuti, kubvira pashinda kusvikira patambo yehwashu, aiwa, handingatori chinhu pazvinhu zvenyu, kuti musazoti, ‘Ndini ndakapfumisa Abramu.’”—Gen. 14:21-23.

MHIKO YAJEHOVHA KUNA ABRAHAMU

6. (a) Abrahamu akatisiyira muenzaniso wakaita sei? (b) Tichabatsirwa sei nokuteerera kwaAbrahamu?

6 Kuti abatsire vanhu vane chivi, Jehovha Mwari aipikawo achishandisa mashoko akadai sokuti “‘Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”[2] (Ezek. 17:16) Bhaibheri rinotsanangura pakaitwa mhiko naJehovha Mwari kanopfuura ka40.[3] Zvimwe muenzaniso unonyanyozivikanwa ndeuya une chokuita naAbrahamu. Kwemakore, Jehovha akaita sungano dzakawanda naAbrahamu, uye kana dzikabatanidzwa, dzose dzinoratidza kuti Mwana akapikirwa aizobva kuna Abrahamu achiuya nokumwanakomana wake Isaka. (Gen. 12:1-3, 7; 13:14-17; 15:5, 18; 21:12) Jehovha akabva apa Abrahamu muedzo wakaoma nokumurayira kuti abayire  mwanakomana wake waaida kwazvo. Abrahamu akabva angoteerera uye ngirozi yaMwari yakazomumisa ava kutoda kubayira Isaka. Mwari akabva aita mhiko achiti: “Ndinopika neni pachangu . . . nokuti waita chinhu ichi uye hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete, chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana vako vave vazhinji senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa; uye vana vako vachaita kuti gedhi revavengi vavo rive ravo. Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako nokuti wateerera inzwi rangu.”—Gen. 22:1-3, 9-12, 15-18.

7, 8. (a) Nei Mwari akapika kuna Abrahamu? (b) “Mamwe makwai” aJesu achabatsirwa sei nemhiko yakaitwa naMwari?

7 Nei Mwari akapika kuna Abrahamu kuti aizoita zvaainge avimbisa? Akazviitira kuti ape chivimbo vaya vaizotonga naKristu, vamwe vembeu yakapikirwa, uye kuti asimbise kutenda kwavo. (Verenga VaHebheru 6:13-18; VaG. 3:29) Sezvakatsanangurwa nomuapostora Pauro, Jehovha “akapindira achiita mhiko, kuti, nezvinhu zviviri [vimbiso yake nemhiko yake] zvisingachinjiki zvisingabviri kuti Mwari areve nhema pazviri, isu . . . tikurudzirwe zvakasimba kuti tibate tariro yakaiswa pamberi pedu.”

Nokukurumidza Abrahamu achaona zvakavimbiswa naMwari zvichizadziswa

8 VaKristu vakazodzwa handivo chete vanobatsirwa nemhiko yaMwari yaakaita kuna Abrahamu. Jehovha akapika kuti vanhu ve“marudzi ose enyika [vaizozvikomborera] nokumwana” waAbrahamu. (Gen. 22:18) Vanhu ivavo vanosanganisira “mamwe makwai” aKristu anoteerera, ane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (Joh. 10:16) Pasinei nokuti tariro yako ndeyokudenga kana kuti yepanyika, ‘ibatisise’ nokuramba uchiteerera Mwari muupenyu hwako.—Verenga VaHebheru 6:11, 12.

DZIMWE MHIKO DZAIVA NEUKAMA NEYAKAITIRWA ABRAHAMU

9. Mwari akaita mhiko ipi vazukuru vaAbrahamu pavaiva varanda vevaIjipiti?

9 Mazana emakore akazotevera, Jehovha akapikazve panyaya yevimbiso dzambotaurwa, paakatuma Mosesi kunotaura nevazukuru vaAbrahamu, vaiva varanda vevaIjipiti. (Eks. 6:6-8) Achitaura nezvepacho paakapika, Mwari akati: “Pazuva randakasarudza Israeri, . . . ndakasimudza ruoko rwangu ndichipika kuti ndivabudise munyika yeIjipiti ndivaendese  kunyika yandakanga ndasora nokuda kwavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.”—Ezek. 20:5, 6.

10. Mwari akavimbisei vaIsraeri pashure pokuvanunura muIjipiti?

10 VaIsraeri pavainge vanunurwa muIjipiti, Jehovha akapikazve kwavari achiti: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu, muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu. Imi muchava kwandiri umambo hwevapristi norudzi rutsvene.” (Eks. 19:5, 6) Chokwadi Mwari akapa vaIsraeri ropafadzo yakazonaka! Izvozvo zvaireva kuti kana vaizoteerera, vamwe vemurudzi irworwo vaizova netariro yokushandiswa naMwari seumambo hwevapristi kuti vanhu vose vakomborerwe. Gare gare, paairondedzera zvaainge aitira vaIsraeri panguva iyoyo, Jehovha akati: [Ndakapika] kwauri, ndikaita sungano newe.”—Ezek. 16:8.[4]

11. VaIsraeri vakaita sei pavakakumbirwa naMwari kuti vaite sungano naye sevanhu vake vakasarudzwa?

11 Panguva iyoyo, Jehovha haana hake kuti vaIsraeri vaifanira kupika kuti vaizoteerera; uye haanawo kuvamanikidza kuti vave neukama hwakaropafadzwa naye. Asi vakataura vega kuti: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.” (Eks. 19:8) Pashure pemazuva matatu, Jehovha Mwari akataura zvaaida kuti rudzi urwu rwaainge asarudza ruite. Kutanga, Mosesi akavaudza Mirayiro Gumi, ndokuzovaudzawo mimwe mirayiro yakanyorwa pana Eksodho 20:22 kusvika kuna Eksodho 23:33.[5] VaIsraeri vakati chii? “Vanhu vose vakapindura nenzwi rimwe chete, vakati: ‘Tinoda kuita mashoko ose ataurwa naJehovha.’” (Eks. 24:3) Zvadaro, Mosesi akanyora mitemo yacho mu“bhuku resungano” uye akaiverenga zvinonzwika kuti vanhu vose vainzwe zvakare. Pashure paizvozvo vanhu vakapika kechitatu kuti:[6] “Tinoda kuita, uye kuteerera zvose zvataurwa naJehovha.”—Eks. 24:4, 7, 8.

12. Pasungano yavainge vaitirana, Jehovha akaita sei uye vanhu vake vaainge asarudza vakaitawo sei?

12 Jehovha akabva atanga kuzadzisa zvaainge avimbisa musungano yoMutemo nokuronga kuti pave netende raishandiswa pakunamata uye vapristi vaibatsira vanhu vane chivi kuti vakwanise kukurukura naye. Asi vaIsraeri vakakurumidza kukanganwa kuti vainge vazvitsaurira kuna Mwari uye “vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.” (Pis. 78:41) Somuenzaniso, Mosesi paaipiwa mimwe mirayiridzo muGomo reSinai, vaIsraeri vakatadza kumirira, vakatanga kusavimba naMwari, vachifunga kuti Mosesi ainge avasiya. Saka vakagadzira mhuru yendarama ndokuti kuvanhu: “Haiwa iwe Israeri, uyu ndiye Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti.” (Eks. 32:1, 4) Vakabva vaita ‘mutambo vachiti vari kuitira Jehovha’ ndokupfugamira chidhori chavainge vagadzira vachipa zvibayiro. Jehovha paakazviona, akaudza Mosesi kuti: “Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira kuti vafambe nayo.” (Eks. 32:5, 6, 8) Zvinosuruvarisa kuti kubvira ipapo vaIsraeri vakava nekatsika kekuita mhiko kuna Mwari asi vachizodziputsa.—Num. 30:2.

DZIMWEZVE MHIKO MBIRI

13. Mwari akaita mhiko yei kuna Mambo Dhavhidhi, uye yakabatana papi neMwana akapikirwa?

13 Mambo Dhavhidhi paaitonga, Jehovha akaita dzimwe mhiko mbiri kuti vose vanomuteerera vabatsirwe. Kutanga, akapika kuna Dhavhidhi kuti umambo hwake hwaizogara nokusingaperi. (Pis. 89:35, 36; 132:11, 12) Izvi zvaireva kuti  Mwana ainge apikirwa aizonzi “Mwanakomana waDhavhidhi.” (Mat. 1:1; 21:9) Achizvininipisa, Dhavhidhi akati mwana uyu aizouya aiva “Ishe” wake nokuti Kristu aizova nenzvimbo inokosha kupfuura yake.—Mat. 22:42-44.

14. Jehovha akaita mhiko ipi nezveMwana akapikirwa, uye inotibatsira sei?

14 Pamhiko yechipiri, Jehovha akafemera Dhavhidhi kuti ataure kuti Mambo uyu akasiyana nevamwe vose aizova Mupristi Mukuru wevanhu vose. MuIsraeri, madzimambo aisabvumirwa kuva vapristi. Vapristi vaibva mudzinza raRevhi, uye madzimambo aibva mudzinza raJudha. Asi nezvaMambo aizouya, Dhavhidhi akagara ataura kuti: “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’ Jehovha akapika (uye haazozvidembi) kuti: ‘Iwe uri mupristi nokusingagumi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki!’” (Pis. 110:1, 4) Iye zvino Jesu Kristu, Mwana akapikirwa, ari kutonga ari kudenga achizadzisa uprofita ihwohwo. Uyewo ari kushanda soMupristi Mukuru wevanhu vose nokubatsira vanhu vanopfidza kuva neukama hwakanaka naMwari.—Verenga VaHebheru 7:21, 25, 26.

ISRAERI WAMWARI MUTSVA

15, 16. (a) Marudzi api maviri aIsraeri anotaurwa muBhaibheri, uye nderupi ruri kukomborerwa naMwari iye zvino? (b) Jesu akapa vateveri vake murayiro upi panyaya yokupika?

15 Rudzi rwaIsraeri zvarwakaramba Jesu Kristu, rwakarasikirwa neukama naMwari uye tarisiro yokuva “umambo hwevapristi.” Jesu akaudza vatungamiriri vechiJudha kuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mat. 21:43) Rudzi irworwo rutsva rwakatanga paPendekosti ya33 C.E., Mwari paakadurura mudzimu wake pavadzidzi vaJesu vanenge 120 vainge vakaungana muJerusarema. Ivava vakatanga kuzivikanwa sa“Israeri waMwari” uye pasina nguva vakanga vava kusvika zviuru zvakawanda, vachibva munyika yose yaizivikanwa panguva iyoyo.—VaG. 6:16.

16 Rudzi urwu rutsva rwaMwari rwainge rwakasiyana nevaIsraeri vekare pakuti rwairamba ruchibereka zvibereko zvakanaka nokuteerera Mwari. Mumwe murayiro wavanoteerera une chokuita nemhiko. Jesu paaiva panyika, mhiko dzaishandiswa zvisina kukodzera, vamwe vaipika zvenhema[7] uye vamwe vaiita mhiko patunyaya twenhando.[8] (Mat. 23:16-22) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti: “Musambopika . . . Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa; nokuti zvinopfuura izvi zvinobva kune akaipa.”—Mat. 5:34, 37.

Vimbiso dzaJehovha hadzimbofi dzakakundikana

17. Mibvunzo ipi ichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Zvinoreva here kuti hatitombofaniri kuita mhiko? Zvinotonyanya kukosha ndezvekuti, kuita kuti Hungu wedu ave Hungu kunosanganisirei? Mibvunzo iyi ichakurukurwa munyaya inotevera. Sezvatinoramba tichifungisisa Shoko raMwari, dai tikaramba tichikurudzirwa kuteerera Jehovha. Iye achabva atikomborerawo nokusingaperi maererano nezvaakavimbisa.