Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?

Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?

“Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza.”—FIR. 25.

1. Pauro paainyorera vaainamata navo, akataura kuti aiva netarisiro yei?

MUAPOSTORA PAURO paainyorera vaainamata navo, akataura kakawanda kuti aitarisira kuti Mwari naKristu vafadzwe nemafungiro airatidzwa neungano.[1] Somuenzaniso, akanyorera vaGaratiya kuti: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza. Ameni.” (VaG. 6:18) Airevei nemashoko okuti “mafungiro amunoratidza”?

2, 3. (a) Dzimwe nguva shoko rakashandiswa naPauro pane rakanzi “mafungiro” rinorevei? (b) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza nezvemafungiro atinoratidza?

2 Shoko rakashandiswa naPauro pano pana “mafungiro” rinoreva simba rinoita kuti titaure kana kuti tiite zvimwe zvinhu.[2] Munhu anogona kuva norupfave, ane hanya, ane mutsa, munyoro, ane rupo kana kuti anokanganwira. Bhaibheri rinorumbidza kuva no“mudzimu wakanyarara uye munyoro” uye kuva munhu “akadzikama.” (1 Pet. 3:4; Zvir. 17:27) Asi mumwe munhu angava anotsvinya, anonyanya kuda pfuma, anokurumidza kugumbuka kana kuti ane umbimbindoga. Vamwe vanotoratidza mafungiro okusateerera, okupanduka kana kuti okusachena.

3 Saka Pauro paakashandisa mashoko akadai sokuti ‘Ishe ngaave nemafungiro amunoratidza,’ aikurudzira hama dzake kuti dziratidze mafungiro anoenderana nekuda kwaMwari uye unhu hwakafanana nehwaKristu. (2 Tim. 4:22; verenga VaKorose 3:9-12.) Mazuva ano, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoratidza mafungiro akaita sei? Ndinganyatsoratidza sei mafungiro anofadza Mwari? Ndingavandudza here pane zvandinoita kuti ungano ive nemafungiro akanaka?’ Somuenzaniso, mumunda wemasanifurawa  akatumbuka, rimwe nerimwe rinobatsira kuti munda wacho wose uyevedze. Ndizvo zvatinoitawo here kuti ungano yose ive nemafungiro akanaka? Zvechokwadi tinofanira kuedza kudaro. Iye zvino ngationei zvatinogona kuita kuti tive nemafungiro anofadza Mwari.

DZIVISA MUDZIMU WENYIKA

4. “Mudzimu wenyika” chii?

4 Magwaro anotiudza kuti: “Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.” (1 VaK. 2:12) “Mudzimu wenyika” chii? Ndiwo mafungiro anotaurwa pana VaEfeso 2:2 panoti: “Mamakambofamba maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” Iri kunzi “mhepo,” ndiwo mudzimu wenyika, kana kuti mafungiro ayo.[3] Mudzimu iwoyo uri kwose kwose sezvakangoita mhepo chaiyo. Unoratidzwa nemafungiro evanhu vakawanda mazuva ano okuti, ‘Hapana anofanira kundiudza zvokuita,’ kana kuti ‘Unofanira kurwira kodzero dzako.’ Ivo “vanakomana vasingateereri” venyika yaSatani.

5. Vamwe vevaIsraeri vakaratidza mafungiro api akaipa?

5 Mafungiro akadaro haasi matsva. Mumazuva aMosesi, Kora akapandukira vaya vaitungamirira ungano yevaIsraeri. Akatoti nangananga naAroni nevanakomana vake vaiva neropafadzo yokushanda sevapristi. Zvimwe aiona zvavaikanganisa. Kana kuti angadaro aifunga kuti Mosesi aiita chizivano, achingopa hama dzake ropafadzo. Hazvinei kuti Kora aifungei, chokwadi ndechokuti akatanga kuva nemaonero evanhu uye akashora vaya vakagadzwa naJehovha achivaudza kuti: “Zvakwana imi . . . Nei muchizvikwidziridza paungano yaJehovha?” (Num. 16:3) Dhatani naAbhiramu vakagunun’unirawo Mosesi, vachimuudza kuti ‘aida kuzviita jinda raivatonga pazvinhu zvose.’ Pavakashevedzwa naMosesi, vakatopindura vachizvikudza kuti: “Hatisi kuzouya!” (Num. 16:12-14) Chokwadi Jehovha haana kufara nemafungiro avo. Akauraya vapanduki vacho vose.—Num. 16:28-35.

6. Vamwe vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei kuti vaiva nemafungiro akaipa uye chii chingangodaro chakakonzera izvozvo?

6 Vamwe vomuzana remakore rokutanga vakashorawo vaya vaitungamirira muungano, “vachizvidza ushe.” (Jud. 8) Zvichida varume ava vaisagutsikana neropafadzo dzavo uye vakaedza kunyengera vamwe kuti vasaremekedze varume vakagadzwa vainyatsoita mabasa avo avakapiwa naMwari.—Verenga 3 Johani 9, 10.

7. Mazuva ano tinofanira kungwarira chii muungano?

7 Chokwadi mafungiro akadaro haadiwi muungano yechiKristu. Ndosaka tichifanira kungwarira panyaya iyi. Varume vakuru vari muungano vanotadzawo sezvaingoita vepanguva yaMosesi uye vepanguva yomuapostora Johani. Vakuru vangaitawo zvinhu zvingatirwadza. Kana izvozvo zvikaitika, zvaisazova zvakanaka kuti chero nhengo ipi yeungano iite zvinoratidza mudzimu wenyika, ichitopenga ichiti, ‘Ndinoda kuti zvinhu zvigadziriswe’ kana kuti ‘Hama yacho inofanira kurangwa!’ Jehovha angasarudza kusiyana netumwe tuzvikanganiso. Hatingadarowo here? Vamwe vakaita zvivi zvakakura muungano vakaramba kuonana nevakuru vakanzi vavabatsire vachiti vakuru vacho vane mhosva dzavowo.[4] Izvi tingazvifananidza nemurwere anoramba kurapwa nokuti haafariri chiremba wacho.

8. Magwaro api angatibatsira kuti tirambe tichiona zvakanaka vaya vari kutungamirira muungano?

8 Kuti tisava nemafungiro iwayo,  tinofanira kuyeuka kuti Jesu anonzi neBhaibheri ane ‘nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi.’ “Nyeredzi” dzacho dzinomirira vatariri vakazodzwa asi dzinogonawo kunzi dzinomirira vatariri vose vari muungano. Jesu anogona kushandisa “nyeredzi” dziri muruoko rwake maererano nezvaanoona zvakakodzera. (Zvak. 1:16, 20) Saka Jesu zvaari Musoro weungano yechiKristu, matare ose evakuru ari mumaoko ake.[5] Jesu zvaaine ‘maziso akaita somurazvo womoto,’ kana mumwe mukuru achifanira kubatsirwa, iye achaona zvokuita panguva yake yakakodzera uye maererano nezvaanoda. (Zvak. 1:14) Tinofanira kumirira, tichiremekedza vaya vakagadzwa nomudzimu mutsvene, nokuti Pauro akanyora kuti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.”—VaH. 13:17.

Kufungisisa nezvebasa raJesu kunokubatsira sei paunopiwa zano?

9. (a) Muedzo upi ungavapo kana muKristu akapiwa zano? (b) Kana tikapiwa zano, ndezvipi zvakanyanya kunaka zvatingaita?

9 Mafungiro omuKristu anogona kuoneka paanopiwa zano kana kutorerwa dzimwe ropafadzo muungano. Imwe hama yechiduku yakapiwa zano zvakanakanaka nevakuru panyaya yokutamba mitambo yemavhidhiyo ane chisimba. Zvinosuruvarisa kuti yakaramba zano racho zvikaita kuti ibviswe pakuva mushumiri anoshumira nokuti yainge isisakodzeri maererano neMagwaro. (Pis. 11:5;  1 Tim. 3:8-10) Hama yacho yakabva yatanga kuparadzira nyaya yacho ichiti yaisabvumirana nazvo, ikaramba ichinyora tsamba dzokushora vakuru kuhofisi yebazi uye ichitofurira vamwe muungano kuti vanyorewo tsamba kubazi.[6] Zvisinei, hazvina zvazvinobatsira kukanganisa rugare rweungano yose tichiedza kuratidza kuti hatina mhosva. Zviri nani kubvuma zano chinyararire, toriona senzira yokutivhura pfungwa kuti tione zvikanganiso zvatange tisiri kuona.—Verenga Mariro 3:28, 29.[7]

10. (a) Tsanangura zvatinogona kudzidza pana Jakobho 3:16-18 nezvemafungiro akanaka uye akaipa. (b) Chii chinoitika kana tikaratidza “uchenjeri hunobva kumusoro”?

10 Jakobho 3:16-18 inotaura mafungiro akanaka anofanira kuratidzwa nevanhu muungano uye mafungiro avasingafaniri kuva nawo. Inoti: “Pane godo nokukakavara, ndipo pane nyonganyonga nezvinhu zvose zvakaipa. Asi uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri. Zvakare, mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” Sezvatinoita maererano ne“uchenjeri hunobva kumusoro,” unhu hwedu hwakanaka huchabatsira kuti muungano muve nemafungiro akanaka.

RATIDZA KUTI UNOREMEKEDZA VAMWE MUUNGANO

11. (a) Kuramba tiine maonero akanaka kunotibatsira kuti tidzivise chii? (b) Tinodzidzei pane zvakaitwa naDhavhidhi?

11 Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha akapa vakuru basa ‘rokufudza ungano yake.’ (Mab. 20:28; 1 Pet. 5:2) Saka tinoratidza kuti takachenjera kana tikaremekedza urongwa hwaMwari pasinei nokuti tiri vakuru kana kuti hatisi. Kuramba tiine mafungiro akanaka kunogona kutibatsira kuti tisanyanya kufunga nezveropafadzo. Mambo Sauro womuIsraeri paakafunga kuti Dhavhidhi aizomutorera umambo hwake, “akaramba achitarira Dhavhidhi achinyumwira.” (1 Sam. 18:9) Mambo akatanga kuva nemafungiro akaipa uye aitoda kuuraya Dhavhidhi. Pane kunyanya kufunga nezvechinzvimbo sezvaiitwa naSauro, zviri nani kuva saDhavhidhi. Pasinei nezvakaipa zvose zvakaitirwa jaya iri, rakaramba richiremekedza mambo akagadzwa naMwari.—Verenga 1 Samueri 26:23.

12. Chii chichabatsira kuti ungano ibatane?

12 Kuva nemaonero akasiyana kunogona kuita kuti vanhu vari muungano, kunyange vakuru, vasawirirane. Zano reBhaibheri rinogona kutibatsira panyaya iyi. Rinoti: “Pakukudzana, tungamiriranai” uye, “Musazviti makangwara.” (VaR. 12:10, 16) Pane kuomerera pakuti mafungiro edu ndiwo akanaka chete, tinofanira kubvuma kuti evamwe anogona kunge akanakawo. Kana tikaedza kunzwisisa maonero evamwe, tinogona kubatsira kuti ungano ibatane.—VaF. 4:5.

13. Tinofanira kuitei kana tataura mafungiro edu, uye muenzaniso upi uri muBhaibheri unoratidza izvi?

13 Izvi zvinoreva here kuti hatifaniri kutaura mafungiro edu kana tikaona chimwe chinhu muungano chatinofunga kuti chinoda kugadziriswa? Hazvirevi izvozvo. Muzana remakore rokutanga, pakamuka nyaya yakaita kuti pave nokukakavadzana kukuru. Hama dzakaronga “kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe vavo vaende kuvaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema pamusoro penharo idzi.” (Mab. 15:2) Hapana mubvunzo kuti  mumwe nomumwe wehama dzaiva muJerusarema aiva nemaonero ake panyaya yacho uye nzira yokuigadzirisa nayo. Zvisinei, mumwe nomumwe paakataura mafungiro ake uye pavakaita chisarudzo vachitungamirirwa nomudzimu mutsvene, hapana akazoramba achitaura mafungiro ake. Tsamba yaiva nechisarudzo chacho payakasvika kuungano, ungano dzacho ‘dzakafara nokukurudzira kwacho’ uye ‘dzakasimbiswa pakutenda.’ (Mab. 15:31; 16:4, 5) Mazuva anowo, kana tikaendesa nyaya kuvakuru, tinofanira kuisiya mumaoko avo tichivimba kuti vachanyengetera voona nezvayo.[8]

RATIDZA MAFUNGIRO AKANAKA PAMABATIRO AUNOITA VAMWE

14. Tingaratidza sei mafungiro akanaka somunhu oga oga?

14 Somunhu oga oga, tine mikana yakawanda yokuratidza mafungiro akanaka. Zvakanaka kuti tikanganwire vamwe pavanotigumbura. Shoko raMwari rinotiudza kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo.” (VaK. 3:13) Mashoko okuti “kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe” anoratidza kuti panogona kunge paine zvikonzero zvine musoro zvokugumbukira vamwe.[9] Zvisinei, pane kungogumburwa netunyaya tusina basa tokanganisa rugare rweungano, tinoedza kutevedzera Jehovha nokukanganwira nomwoyo wose toenderera mberi tichishanda pamwe chete.

15. (a) Tinogona kudzidzei nezvokukanganwira pane zvakaitwa naJobho? (b) Munyengetero ungatibatsira sei kuratidza mafungiro akanaka?

15 Tinogona kudzidza nezvokukanganwira pane zvakaitwa naJobho. Shamwari dzake nhatu dzaifanira kumunyaradza dzakamugumbura nemashoko akawanda anorwadza. Asi Jobho akadzikanganwira. Sei? “Akanyengeterera shamwari dzake.” (Job. 16:2; 42:10) Kunyengeterera vamwe kungaita kuti maonero atinovaita achinje. Kunyengeterera hama dzedu dzose kunotibatsira kuti tive nemafungiro akafanana neaKristu. (Joh. 13:34, 35)[10] Uyewo tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene. (Ruka 11:13) Mudzimu waMwari uchatibatsira kuti tiratidze unhu hwechiKristu pamabatiro atinoita vamwe.—Verenga VaGaratiya 5:22, 23.

BATSIRAWO KUTI SANGANO RAMWARI RIVE NEMAFUNGIRO AKANAKA

16, 17. Panyaya ‘yemafungiro atinoratidza,’ watsunga kuitei?

16 Zvechokwadi panova nemigumisiro inofadza kana munhu wose ari muungano akava nechinangwa chokubatsirawo kuti ungano ive nemafungiro akanaka! Nezvatakurukura, tinogona kuona patinoda kunatsiridza pakuratidza mafungiro anobatsira. Kana zvakadaro, hatifaniri kuzeza kurega Shoko raMwari richitiongorora. (VaH. 4:12) Pauro, uyo aida chaizvo kuita zvinhu nenzira kwayo muungano, akati: “Hapana chandiri kuziva chandinopomerwa. Asi handinzi ndakarurama neizvi, asi Jehovha ndiye anondiongorora.”—1 VaK. 4:4.[11]

17 Sezvatinoedza kurarama maererano neuchenjeri hunobva kumusoro, tisingaomereri pane zvatinoda kana kuda chinzvimbo, tichabatsirawo kuti ungano ive nemafungiro akanaka. Kana tikakanganwira vamwe tichivaona zvakanaka, tichava norugare nevatinonamata navo. (VaF. 4:8) Patinoita izvi, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha naJesu vachafadzwa ‘nemafungiro atinoratidza.’—Fir. 25.