Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vavarira Kuva Muduku Pane Vamwe

Vavarira Kuva Muduku Pane Vamwe

“Anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”—RUKA 9:48.

1, 2. Jesu akapa vaapostora vake zano rokutii uye nei akavapa zano iroro?

MUGORE ra32 C.E., Jesu paaiva muruwa rweGarireya pakamuka dambudziko. Vamwe vevaapostora vake vakatanga kuitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru. Munyori weEvhangeri Ruka anoti: “Vakafunga pakati pavo kuti ndiani aizova mukuru pana vose. Jesu, achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi pake, akati kwavari: ‘Munhu wose anogamuchira mwana muduku uyu nokuda kwezita rangu anondigamuchirawo, uye munhu wose anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma. Nokuti anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.’” (Ruka 9:46-48) Jesu akanyatsobatsira vaapostora vacho kuona kukosha kwokuzvininipisa uye akazviita nemwoyo murefu.

2 Zano raJesu panyaya yokuzviita muduku raienderana nemararamiro evaJudha vepanguva iyoyo here? Kana kuti raipesana nezvavaiwanzoita here? Rimwe duramanzwi rinonzi Theological Dictionary of the New Testament rinotaura nezvemagariro evanhu vepanguva iyoyo richiti: “Pane zvose zvaiitika, paiwanzomuka mubvunzo wokuti ndiani aiva mukuru, uye mumwe nomumwe aigara achizvidya mwoyo nenyaya yokuda kupiwa rukudzo rwakakodzera.” Saka Jesu aipa vaapostora vake zano rokuti vave vakasiyana noruzhinji rwevanhu.

3. (a) Kuzviita muduku kunorevei uye nei zvingava zvakaoma kuti tidaro? (b) Mibvunzo ipi inovapo panyaya yokuvavarira kuva muduku pane vamwe?

3 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “muduku” rinoreva munhu ane mwero, anozvininipisa, anozvidukupisa, anozviona seasingakoshi,  kana kuti asingaremekedzwi uye asina masimba. Jesu akashandisa mwana muduku kuti vaapostora vake vaone kuti vaifanira kuzvininipisa uye kuva nemwero. Zano iroro richiri kushanda kuvaKristu vechokwadi sokushanda kwaraiita panguva yaakaritaura. Dzimwe nguva tingaomerwa nokuzviita vaduku. Katsika kane vanhu kekuzvikudza kangaita kuti titsvake mukurumbira. Kukwikwidzana kunoita vanhu vatinogara navo uye mafungiro enyika, zvinogona kuita kuti tizvikudze, tikakavare, kana kuti tiite kuti vamwe vaite zvatinoda. Chii chinogona kutibatsira kuti tizviite vaduku? ‘Muduku pakati pedu tose ndiye mukuru’ pakuti kudii? Muupenyu, ndepapi patinofanira kuvavarira kuzvininipisa?

“PFUMA YAMWARI NOUCHENJERI NEZIVO ZVAKADZAMA”

4, 5. Chii chingatibatsira kuti tizvininipise? Taura muenzaniso.

4 Imwe nzira yokuti tizvininipise ndeyokufungisisa kuti Jehovha mukuru sei pane zvatiri. Chokwadi ndechokuti “kunzwisisa kwake hakugoni kuongororwa.” (Isa. 40:28) Muapostora Pauro akanyora nezveukuru hwaJehovha achiti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!” (VaR. 11:33) Kunyange zvazvo ruzivo rwezvinhu zvakawanda rwawedzera chaizvo kubva pakanyorwa mashoko iwayo naPauro makore 2 000 akapfuura, pfungwa iyoyo ichiri yechokwadi. Pasinei nokuti tinoziva zvakawanda sei, kuziva kuti hatizombofi takadzidza zvose nezvaJehovha, mabasa ake uye nzira dzake kunofanira kuita kuti tizvininipise.

5 Kuziva kuti hatigoni kuongorora nzira dzaMwari kwakabatsira Leo * kuti azvione somuduku. Achiri jaya, Leo ainakidzwa nesayenzi. Saka akatanga zvidzidzo zvokuongorora nyeredzi, nyika nezvimwewo, achida kunzwisisa zvakaita zvinhu zvakasikwa uye akasvika papfungwa inokosha. Akati: “Nezvandaidzidza, ndakaona kuti sayenzi yega haigoni kuita kuti munhu anzwisise zvose zvakasikwa. Saka ndakachinja ndikatanga kudzidzira kuva gweta.” Nokufamba kwenguva, akava gweta rehurumende uye akazova mutongi. Iye nomudzimai wake vakazotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, vakagamuchira chokwadi uye vakava vashumiri vaMwari vakazvitsaurira. Chii chakabatsira Leo kuti azviite muduku pasinei nekudzidza kwaakaita? Akapindura asingazezi kuti, “Ndakabatsirwa nokuziva kuti pasinei  nekuwanda kwezvatinodzidza nezvaJehovha uye zvaakasika, kuchine zvakawanda chaizvo zvokudzidza.”

Jehovha anotiremekedza nokutipa ropafadzo yokuparidza mashoko akanaka

6, 7. (a) Jehovha muenzaniso unoshamisa wokuzvininipisa pakuti kudii? (b) Kuzvininipisa kwaMwari kungaita sei kuti munhu ave “mukuru”?

6 Tinobatsirwawo kuti tizvininipise nokuziva kuti Jehovha pachake anozvininipisa. Funga izvi: “Tiri vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9) Pafunge! Jehovha ndiMwari mukuru zvisingatauriki, asi anotiremekedza nokutipa mukana wokuita ushumiri tichishandisa Shoko rake Bhaibheri. Kunyange zvazvo Jehovha ari iye anoita kuti mbeu dzatinodyara uye dzatinodiridza dzikure, anotipa chinzvimbo chinokosha chokushanda pamwe chete naye. (1 VaK. 3:6, 7) Uyu hausi muenzaniso unoshamisa wokuzvininipisa kunoita Mwari here? Zvechokwadi kuzvininipisa kunoita Jehovha kunofanira kukurudzira chaizvo mumwe nomumwe wedu kuti azviite muduku.

7 Kuzvininipisa kwaMwari kwakabatsira chaizvo Dhavhidhi, munyori wepisarema. Akaimbira Jehovha kuti: “Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso, kuzvininipisa kwenyu ndiko kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Sam. 22:36) Dhavhidhi akati ukuru hwose hwaaiva nahwo muIsraeri yaiva mhaka yokuzvininipisa kwaJehovha, kureva kuti Mwari aizvideredza kana kuti aizvininipisa kuti afunge nezvaDhavhidhi. (Pis. 113:5-7) Handizvo zvaanoitawo here kwatiri? Zvose zvatinazvo zvinoti unhu hwakanaka, unyanzvi uye ropafadzo ‘takazvigamuchira’ kubva kuna Jehovha. (1 VaK. 4:7) Munhu anozviita muduku anova “mukuru” pakuti anova mushumiri waJehovha anokosha chaizvo. (Ruka 9:48) Ngationei kuti zvinodaro sei.

‘MUDUKU PAKATI PENYU NDIYE MUKURU’

8. Kuzvininipisa kunoita kuti tione sei sangano raJehovha?

8 Kuti tigutsikane nezvatiri musangano raMwari uye kuti titsigire urongwa hweungano, tinofanira kuzvininipisa. Somuenzaniso, funga nezvaPetra mukadzi wechiduku akakurira mumhuri yeZvapupu. Petra akasiya ungano nokuti aida kuita zvinhu nemaonero ake. Papera makore, akatangazve kuwadzana neungano. Iye zvino ari kufara nokuti ari musangano raJehovha uye ane chido chokutsigira urongwa hweungano. Chii chachinja iye zvino? Akanyora kuti, ‘Kuti ndinzwe ndakafaranuka ndiri musangano raMwari, ndaifanira kunzwisisa uye kuva nezvinhu zviviri zvinokosha chaizvo zvinoti, kuzvininipisa uye kuva nemwero.’

9. Munhu anozvininipisa anoona sei zvokudya zvokunamata zvatinopiwa uye nei izvozvo zvichiita kuti anyanye kukosha?

9 Munhu anozvininipisa anoonga nemwoyo wose zvatinopiwa naJehovha, zvinosanganisira zvokudya zvokunamata. Saka munhu akadaro anobishaira kudzidza Bhaibheri uye kuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! Sezvinongoita vashumiri vakatendeka vaJehovha vakawanda, angavavarira kuverenga bhuku idzva rega rega asati arirongedza musherufu yake yemabhuku. Kana tikaverenga uye tikadzidza mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri tichiratidza kuti tinozvininipisa, tinosimba pakunamata uye Jehovha anokwanisa kutishandisa zvakanyanya mubasa rake.—VaH. 5:13, 14.

10. Tingaratidza sei kuti tiri kuzviita vaduku muungano?

10 Munhu anozviita muduku anovawo “mukuru” neimwe nzira. Ungano yega yega ine varume vakakodzera vakagadzwa kuti vave vakuru pachishandiswa  mudzimu mutsvene waJehovha. Vanoronga zvinhu zvakadai semisangano yeungano, basa romumunda uye kufudza. Kana tikazviita vaduku nokutsigira urongwa uhwu nemwoyo wose, tinobatsira kuti ungano ive nemufaro, rugare uye ibatane. (Verenga VaHebheru 13:7, 17.) Kana uri mukuru kana kuti mushumiri anoshumira, hauongi here kuti Jehovha akakupa basa rakadaro?

11, 12. Mafungiro api achaita kuti tive vanhu vanokosha musangano raJehovha uye nei zvakadaro?

11 Munhu anozviita muduku anova “mukuru” kana kuti anonyanya kukosha musangano raJehovha nokuti kuzvininipisa kwake kunoita kuti ave mushumiri waMwari akanaka uye anobatsira. Jesu aitofanira kupa vadzidzi vake zano rokuti vazviite vaduku nokuti vamwe vavo vaikanganiswa nemafungiro evazhinji vepanguva iyoyo. Ruka 9:46 inoti, “Vakafunga pakati pavo kuti ndiani aizova mukuru pana vose.” Zvingaitikawo here kuti titange kufunga kuti tiri nani pane vamwe vatinonamata navo kana kuti tinokosha kupfuura vamwe vose? Vakawanda vari munyika vanoita zvinhu pamusana pokuzvikudza uye udyire. Ngatizvininipisei totambira kure nevanhu vanozvikudza. Kana tikadaro uye tikaisa kuda kwaJehovha pokutanga, tinova shamwari dzinozorodza hama nehanzvadzi dzedu.

12 Zvechokwadi zano raJesu rokuti tizviite vaduku rinokurudzira. Hatifaniri here kuvavarira kuzviita vaduku pane zvose muupenyu? Iye zvino ngatikurukurei zvinhu zvitatu.

VAVARIRA KUVA MUDUKU

13, 14. Murume kana mudzimai anofanira kuratidza sei kuti ari kuzviita muduku, uye zvichaita kuti ukama hwavo huite sei?

13 Mumhuri. Vanhu vakawanda vanokoshesa chaizvo kodzero dzavo zvokuti havatombodi kuti dzikanganiswe kunyange zvazvo ivo vangava vachikanganisa dzevamwe. Zvisinei, munhu anozviita muduku anoita zvatinokurudzirwa naPauro. Mutsamba yaakanyorera vaRoma, akati: “Ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaR. 14:19) Munhu anozviita muduku anovavarira kuva norugare nemunhu wose uye kunyanya nemudiwa wake.

14 Funga nezvenyaya yekuzvivaraidza. Murume nomudzimai vangafarira zvinhu zvakasiyana panyaya yokuzvivaraidza. Zvichida murume anofarira kugara zvake pamba panguva yokufaranuka achiverenga. Asi mudzimai angafarira kuenda kune imwe nzvimbo kunodyira ikoko kana kuti kushanyira shamwari. Murume paanozvininipisa, achiratidza kukoshesawo zvinofarirwa nomudzimai wake panzvimbo pezvaanofarira, izvozvo zvingasaita here kuti mudzimai azvione zviri nyore kumuremekedza? Uyewo mudzimai paanofunga zvinodiwa nomurume wake asingaomereri pane zvaanoda, murume wake achawedzera kumuda uye kumuremekedza. Kana mumwe nomumwe akazviita muduku, ukama hwavo hunosimba.—Verenga VaFiripi 2:1-4.

15, 16. Dhavhidhi akakurudzira kuva nemafungiro api muPisarema 131, uye izvi zvinofanira kuita kuti tiite sei muungano?

15 Muungano. Vanhu vakawanda vari munyika vanoda kugutsa zvido zvavo ipapo ipapo. Vanhu vakadaro havatorina mwoyo murefu uye kumirira kunovanetsa. Kuvavarira kuva muduku kunotibatsira kumirira Jehovha. (Verenga Pisarema 131:1-3.) Kuzvininipisa uye kumirira Jehovha kunoita kuti tinzwe takachengeteka, tichigutsikana, tanyaradzwa uye kunounza makomborero. Ndokusaka  Dhavhidhi akakurudzira vaIsraeri kuti vamirire Mwari wavo!

16 Unogona kunyaradzwawo paunomirira Jehovha uchizvininipisa. (Pis. 42:5) Zvichida uri “kuda basa rakanaka” uye zviri kuita kuti uvavarire “kuva mutariri.” (1 Tim. 3:1-7) Chokwadi unofanira kuita zvose zvaunogona kuti ubvumire mudzimu mutsvene kukubatsira kuva neunhu hunofanira kuva nomutariri. Asi zvakadini kana zviri kukutorera nguva refu kuti uve mukuru pane inotorwa nevamwe? Munhu anozviita muduku achimirira ropafadzo, acharamba achishumira Jehovha achifara uye achafara nechero basa raanenge apiwa.

17, 18. (a) Kukumbira ruregerero uye kuregerera vamwe zvinobatsirei? (b) Zvirevo 6:1-5 inotikurudzira kuitei?

17 Pakugarisana kwatinoita nevamwe. Vazhinji vanoomerwa nokukumbira ruregerero. Zvisinei, vashumiri vaMwari vanozviita vaduku nokubvuma zvikanganiso zvavo uye nokukumbira ruregerero. Vanoregererawo vamwe kana vatadzirwa. Kuzvikudza kunoita kuti vanhu vasabatana uye vakakavadzane asi kuregererana kunoita kuti muungano muve nerugare.

18 Tingada ‘kuzvininipisa’ nokukumbira ruregerero zvichibva pamwoyo patinenge tatadza kuita zvatakabvumirana pamusana pezvakaitika zvataisakwanisa kudzivisa. Kunyange zvazvo muKristu anozvininipisa angaona sokuti mumwe wake anewo zvaakakanganisa, iye anonyanya kufunga zvaakakanganisa uye anotozvibvuma.—Verenga Zvirevo 6:1-5.

Mikana ipi yaunayo yokuti uzviite muduku?

19. Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuonga zano reBhaibheri rokuti tizviite vaduku?

19 Tinoonga chaizvo kuti Magwaro anotikurudzira kuti tivavarire kuzviita vaduku! Kunyange zvazvo dzimwe nguva zvingatiomera kuita izvozvo, kufunga kuti Musiki wedu mukuru sei pane zvatiri uye kunzwisisa kuti anozvininipisa kunogona kutibatsira kuti tive neunhu uhwu hwakanaka. Kana tikaita izvi, chokwadi tichava vashumiri vaJehovha vanokosha chaizvo. Saka dai mumwe nomumwe wedu akaramba achizviita muduku.

^ ndima 5 Mazita akachinjwa.