NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA December 2012

Magazini ino inokurukura kuti kunyatsobudirira muupenyu kuita sei. Uyewo, dzidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabatana sei munyika yose.

Ngwarira Kushandisa Bhaibheri Sedumwa

Vamwe vanotenda kuti Bhaibheri rine masimba okuita mashiripiti. Unofungei? Unganyatsobatsirwa sei nezvinodzidziswa neBhaibheri?

Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?

Kubudirira muupenyu kuita sei? Funga muenzaniso waMambo Soromoni uye muapostora Pauro.

Uri Mutariri Anovimbwa Naye!

Vashumiri vaMwari vose vane basa routariri. Zvinhu zvipi zvitatu zvinogona kutibatsira kuti tiite basa iri?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

MuKristu anofanira kuona sei kuchengetedzwa kwemazai aamai? Vadzidzi veBhaibheri vanofanira kuitei kuti vabhabhatidzwe kana vasingakwanisi kuroorana zviri pamutemo?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kuyeuka.

Kuramba Tiri “Vagari Venguva Duku”

Zvinorevei kuva “vagari venguva duku” munyika ino? Chii chinotarisirwa kuvaKristu vose vechokwadi?

“Vagari Venguva Duku” Vanonamata Mwari Pamwe Chete

Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza sei zvakabatana sesangano rehama riri munyika yose?

Nharireyomurindi yeChirungu Chisina Kuoma​—⁠Nei Yakanzi Ivepo?

Verenga unzwe kuti vakuru nevana vari kubatsirwa sei neNharireyomurindi yechirungu chisina kuoma.

Indekisi Yenyaya dzeNharireyomurindi dza2012

Indekisi yenyaya dzose dzakabuda muNharireyomurindi muna 2012 dzakarongwa maererano nemisoro yadzo.