Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngwarira Kushandisa Bhaibheri Sedumwa

Ngwarira Kushandisa Bhaibheri Sedumwa

“SHOKO raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaH. 4:12) Nemashoko iwayo, muapostora Pauro akataura nezvesimba reshoko raMwari rokubaya mwoyo uye rokuchinja upenyu.

Zvisinei pakafa vaapostora, vanhu pavakatanga kusiya chokwadi sezvakanga zvataurwa, vakatanga kufunga zvisizvo nezvesimba reshoko riri muBhaibheri. (2 Pet. 2:1-3) Nokufamba kwenguva, vakuru vechechi vakatanga kuti Shoko raMwari rine simba rokuita mashiripiti. Muzvinadzidzo Harry Y. Gamble akanyora ‘nezvekushandiswa kwemagwaro echiKristu pakuita mashiripiti.’ Akataura kuti mumakore okuma200 C.E., Baba veChechi Origen akati “kungonzwa chete mashoko matsvene kune zvakunobatsira: kana vahedheni vachikwanisa kushandisa mashoko kuita mashiripiti, zvakadini nemashoko aMwari echokwadi emumagwaro.” John Chrysostom uyo akararama makore okuma300 C.E. ava kunopera akanyora kuti “dhiyabhorosi haangamboshingi kusvika pamba pane rugwaro rweEvhangeri.” Akataurawo kuti vamwe vaisungirira zvikamu zvemashoko eEvhangeri muhuro sedumwa rine simba. Muzvinadzidzo Gamble akazotaura kuti Augustine, mufundisi weRoma, “aitoti kana munhu achitemwa nemusoro anogona kurara akaisa Evhangeri yaJohani pasi pepiro yake”! Saka ndima dzeBhaibheri dzaishandiswa sematumwa. Unoona Bhaibheri sedumwa here rinokudzivirira kana kuti sechinhu chinoita kuti uve nemhanza yakanaka?

Vanhu vakawanda vanoshandisa Bhaibheri zvisizvo nokungorivhura voverenga mashoko avanotanga kuona, vachitenda kuti mashoko iwayo achavapa mazano avanenge vachida. Somuenzaniso, maererano nezvakataurwa naMuzvinadzidzo Gamble, pane imwe nguva Augustine paakanzwa mwana aiva muimba yaiva pedyo achiti: “Tora uverenge, tora uverenge,” akazvitora sokuti ndiMwari aimuti atore Bhaibheri averenge mashoko okutanga aaizoona.

Wakambonzwa here nezvevanhu vanoti vakaomerwa vanonyengetera kuna Mwari vongovhura Bhaibheri vachitenda kuti ndima yavachatanga kuona ichavabatsira kuti vakunde dambudziko ravo? Kunyange zvazvo vangava nevavariro yakanaka, handizvo zvinofanira kuitwa nevaKristu vanenge vachida kubatsirwa neMagwaro.

Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti aizovatumira “mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene.” Akawedzera kuti: “Iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Joh. 14:26) Asi mudzimu mutsvene haugoni kutiyeuchidza zvatisina kumbobvira taverenga nokuvhura Bhaibheri chero patinenge tangovhura.

Vanhu vakawanda vane tsika yokungovhura Bhaibheri voverenga mashoko avanotanga kuona uye vanorishandisa sedumwa. Zvisinei, Shoko raMwari rinoti kutenda mashura kwakaipa. (Revh. 19:26; Dheut. 18:9-12; Mab. 19:19) “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba,” asi tinofanira kurishandisa nounyanzvi. Zivo yakarurama yeBhaibheri ndiyo inochinja upenyu hwevanhu kwete kurishandisa sedumwa. Kuva nezivo iyoyo kwakabatsira vakawanda kuti vave netsika dzakanaka, varege mararamiro anokuvadza, vasimbise mhuri uye vave neukama hwakanaka neMuridzi weBhaibheri.