Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ini nemudzimai wangu tisati tadzidza chokwadi, takaendesa kuna vanachiremba mbeu yangu nemazai ake kuti zvinosanganiswa kuti tikwanise kuva nemwana. Mazai acho akanga abatanidzwa nembeu haana kuzoshandiswa ose; mamwe acho akachengetwa muchando. Anofanira kuramba akachengetwa here, kana kuti anofanira kuraswa?

Ichi chimwe chezvisarudzo zvakakura zvinofanira kuitwa nevakaroorana kana vakasarudza kushandisa nzira iyi inonzi paChirungu in vitro fertilization (IVF). Mhuri imwe neimwe inofanira kusarudza ichiziva kuti inozozvidavirira kuna Jehovha. Asi zvinogona kuvabatsira kana vakaziva kuti mhando iyi yokubatsira kubata pamuviri inoshanda sei.

Muna 1978 mumwe mukadzi wekuEngland ndiye akava wekutanga kuva nemwana pachishandiswa nzira iyi. Akanga atadza kubata pamuviri nokuti munopinda nemazai muchibereko chake makanga makavhara, zvichiita kuti mbeu yababa itadze kusangana nemazai ake. Vanachiremba vakabvisa mumuviri make zai rakasvika, vakariisa mudhishi regirazi, vakarisanganisa nembeu yemurume wake. Zai riya rakasanganiswa nembeu rakaiswa muzvinhu zvinovaka muviri kuti risimbe, ndokuzoiswa muchibereko chake, marakabva ranamatira. Akazova nemwana musikana. Urongwa uhwu hwakazopiwa zita reChirungu rokuti in vitro (kureva kuti mugirazi) fertilization, kana kuti IVF.

Kunyange zvazvo mashandiro anoita IVF achisiyana-siyana zvichienderana nenyika, kazhinji kacho urongwa uhwu hunoshanda seizvi: Kwemavhiki akati wandei mudzimai anopiwa mishonga inoita kuti akwanise kugadzira mazai akawanda. Murume wake anogona kukumbirwa kuti avape mbeu yake yaanenge achangobva kubudisa. Mbeu yacho inobva yagezwa yozosanganiswa nemazai murabhoritari. Mazai akati wandei anogona kubatana nembeu yababa otanga kukura. Papera zuva rimwe chete kana kupfuura, mazai aya anenge asangana nembeu yababa anonyatsoongororwa kuti paonekwe anenge aine utano anogona kuzokwanisa kunamatira muchibereko chaamai ozokura. Pazuva rinenge rechitatu, kakawanda kacho panosarudzwa mazai maviri kana matatu akasvika anozoiswa muchibereko chaamai kuitira kuti pave nemikana yakawanda yokuzobata pamuviri. Kana rimwe chete kana kuti anopfuura akanamatira muchibereko, pamuviri panenge patobata uye vanotarisirwa kuzova nemwana.

Asi zvakadini nemazai anenge asanganiswa nembeu yababa anenge asina kuzoiswa muchibereko, kusanganisira aya akanga asina utano hwakanaka kana kuti akakanganisika? Kana akasiyiwa akadaro, pasina nguva  mazai aya anenge asisabatsiri. Asi izvi zvisati zvaitika, mazai aya anogona kuiswa munitrogen yakaita mvura mvura obva aita chando. Kuti zviite sei? Kana urongwa hwokutanga hweIVF hukasabudirira, mamwe emazai aya anogona kuzoshandiswa, pachibhadharwa mari yakaderera. Zvisinei, apa ndipo panozova nenyaya. Sezvakangoita murume nemudzimai vakabvunza mubvunzo uri panotangira nyaya ino, vakawanda vanoshaya kuti voita sei nemazai anenge akachengetwa muchando. Zvichida vanenge vasisade kuva nevamwe vana. Pamwe vanenge vakura kana kuti vasina mari yokuti vaedzezve kuva nemwana vachishandisa nzira iyi. Vanogona kutyira ngozi dzinogona kuvapo kana vakabata pamuviri pevana vakawanda. * Zvinhu zvinogona kubva zvaoma kana mumwe wavo kana vose vakafa kana kuti pakaita anoroora kana kuti kuroorwazve. Pane nyaya zvechokwadi, uye vamwe vakaroorana vanoramba vachibhadhara mari dzokuchengeta mazai aya kwemakore.

Muna 2008 mumwe mazvikokota weurongwa uhwu akataura muThe New York Times kuti vanaamai vakawanda havanyatsozivi kuti vosarudza kuita sei nemazai anenge asara. Nyaya yacho yakati: “Kune mazai anenge 400 000 akachengetwa mumakiriniki muUnited States, uye akawanda anoramba achiwedzera zuva nezuva . . . Mazai anenge asanganiswa nembeu yababa anogona kuramba achirarama kwemakore gumi kana kudarika kana akanyatsoomeswa muchando zvakanaka asi haasi ose anorarama paanozobviswa muchando.” (Tisu tatsveyamisa mashoko.) Mashoko apedzisira kutaurwa aya anoita kuti vamwe vaKristu vafungisise nezvenyaya iyi. Nechikonzero chei?

VaKristu vakaroorana vanenge vachifunga nezvematambudziko ekushandisa urongwa hweIVF vanogona kufungawo nezvezvingaitika pane imwe nyaya yekurapa yakasiyana neiyi. MuKristu angafanira kusarudza kuti oita sei nehama yake inenge yarwara zvokufa zvokuti inenge yava kungorarama ichibatsirwa nemichina, yakaita seinobatsira munhu kufema. VaKristu vechokwadi vane hanya noutano; vanokoshesa upenyu sezvinotaurwa pana Eksodho 20:13 uye pana Pisarema 36:9.  Awake! yaMay 8, 1974 yakati: “Sezvo vachiremekedza maonero anoita Mwari upenyu, uye vachiremekedza zvavanoudzwa nehana dzavo uye vachiteerera mitemo yehurumende, vaya vanoda kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri havangambodi kusarudza kuuraya munhu nekuti arwarisa. Zvisinei, mune mamwe mamiriro ezvinhu michina inoita kuti munhu arambe ari mupenyu ndiyo chete inenge yava kuraramisa hama yedu. Nhengo dzemhuri ndidzo dzinosarudza kuti michina yakadaro irambe ichishandiswa pamurwere wavo kana kuti irege kushandiswa.

Ichokwadi kuti mamiriro ezvinhu aya akasiyana neevakaroorana vane mazai akachengetwa pachishandiswa urongwa hweIVF. Asi zvimwe zvavanogona kunzi vaite kuabvisa muchando chenitrogen. Paanenge asisiri muchando ichi, mazai aya anozoguma asingachabatsiri zvokuti haazoiti kuisa muchibereko. Vakaroorana vacho vanofanira kusarudza kana vangada kuti izvi zviitwe.—VaG. 6:7.

Sezvo vakaroorana ava vakasarudza kushandisa urongwa hweIVF kuti mudzimai abate pamuviri uye vazova nemwana, vangasarudza kuramba vachibhadhara mari yokuti mazai akasara arambe achichengetwa muchando kana kuzoashandisa pavanenge vava kudazve mwana. Zvisinei, vamwe vakaroorana vangasarudza kurega kuramba vachibhadhara mari yokuchengeta mazai aya muchando, vachiona kuti ari kungoramba ari mapenyu nokuti akachengetwa muchando. VaKristu vanenge vachifanira kusarudza zvokuita pakadai vanofanira kushandisa hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri vachiziva kuti vachazvidavirira kuna Mwari. Chido chavo chinofanira kuva chokuti varege kuzova nehana inovanetsa, panguva imwe chete vachifungawo nezvehana dzevamwe.—1 Tim. 1:19.

VaKristu vanenge vachifanira kusarudza zvokuita pakadai vanofanira kushandisa hana yavo yakadzidziswa neBhaibheri vachiziva kuti vachazvidavirira kuna Mwari

Mumwe mazvikokota akadzidza nezvemashandiro anoita muviri kuti vanhu vazoita mwana akataura kuti vakaroorana vakawanda “vaivhiringidzika uye vainetseka nekusarudza kuti voita sei nemazai avo anenge akachengetwa muchando.” Akazogumisa nokuti: “Kuvakaroorana vakawanda, zvinoita sekuti hapana zvinganzi izvi ndozviri nani.”

Zviri pachena kuti vaKristu vechokwadi kunyange vari kufunga kushandisa urongwa hweIVF vanofanira kuziva nezvezvose zvinogona kuzonetsa. Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.”—Zvir. 22:3, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Pane murume nemudzimai vasina muchato vari kudzidza Bhaibheri uye vari kuda kubhabhatidzwa asi havakwanisi kuchata nokuti murume wacho ari kugara munyika zvisiri pamutemo. Hurumende haibvumiri kuti munhu wokune imwe nyika ari kugara imomo zvisiri pamutemo achate. Zvinoita here kuti vasaine Gwaro Rokupika Kuva Akatendeka kuti vabhabhatidzwe?

Izvozvo zvingaita sokuti ndizvo zvingapedza dambudziko racho asi hazvienderani neMagwaro. Kuti tinzwisise nei zvisingaiti, ngatikurukurei chinangwa cheGwaro Rokupika Kuva Akatendeka, nei riripo, mashandisirwo aro uye parinogona kushandiswa.

Gwaro iri rinosainwa pamberi pezvapupu nemurume nemukadzi vanenge vasingakwanisi kuchata nechikonzero chiri pasi apa. Mugwaro racho vanopika kuti vachava vakatendeka kune mumwe nemumwe uye kuti vachanyoresa muchato wavo pazvinenge zvava kuita. Ungano inenge yava kuvaona sevanonzi naMwari nevanhu vakatendeka kune mumwe nomumwe zvokuti vanenge vava kutoita sevakachatiswa nehurumende.

Gwaro Rokupika Kuva Akatendeka ringashandiswa kana zvaita sei? Jehovha ndiye akatanga urongwa hwokuroorana uye anohuremekedza zvikuru. Mwanakomana wake akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:5, 6; Gen. 2:22-24) Jesu akawedzera  kuti: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [kuenda pabonde nemunhu waasina kuchata naye], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mat. 19:9) Saka “ufeve,” kureva kuenda pabonde nemunhu wausina kuchata naye, ndihwo chete hunoita kuti muchato udimburwe maererano neMagwaro. Somuenzaniso, kana murume akarara nemumwewo mukadzi, mudzimai wake anogona kusarudza kudimburisa kana kusadimburisa muchato. Kana akamuramba, anenge asununguka kuroorwazve nemumwe murume.

Zvisinei, mune dzimwe nyika, kunyanya kare, chechi yaiva nemasimba yaisabvuma izvi zviri pachena zvinotaurwa neBhaibheri. Asi yaidzidzisa kuti paisava nechero chikonzero chokudimburisa muchato. Saka, mune dzimwe nzvimbo umo chechi yaiva nesimba rakanyanya, mutemo wenyika waisabvumira kudimbura muchato, kunyange paine chikonzero chakataurwa naJesu. Mune dzimwe nyika, zvinobvumirwa kudimbura muchato, asi zvinotora nguva refu, uye zvakaoma. Zvingatora makore nemakore kuti muchato uzodimburwa. Zvinoita sokuti chechi kana kuti hurumende iri ‘kudzivisa’ zvinobvumirwa naMwari.—Mab. 11:17.

Somuenzaniso, murume nomudzimai vangave vachigara munyika umo zvisingaiti kana kuti zvakaoma chaizvo kudimbura muchato, pamwe zvichitotora makore akawanda. Kana kuri kuti murume wacho kana mukadzi aita zvose zvaanogona kuti adimbure muchato wake wekare uye achionekwa naMwari seanogona kuroora kana kuroorwazve, pakadaro anogona kusaina Gwaro Rokupika Kuva Akatendeka. Uhwu urongwa hworudo hweungano yechiKristu munyika dzakadaro. Zvisinei, urongwa ihwohwo hahufaniri kushandiswa munyika dzinobvumira vanhu kudimbura muchato, kunyange zvichidhura kana kuti zvakaoma.

Vamwe vanogara munyika dzisingarambidzwi kudimbura muchato vakabvunza kana zvichiita kuti vasainirane Gwaro Rokupika Kuva Akatendeka, pane kutora matanho akaoma okuti vadimburise muchato.

Asi kana iri nyaya yambotaurwa, murume wacho nemukadzi wacho avo vari kuchaya mapoto vava kuda kuchata. Maererano neMagwaro vose vakasununguka; hapana ane dambudziko remuchato waari kutadza kudimbura. Nyaya iri pakuti, murume wacho ari kugara munyika zvisiri pamutemo, uye hurumende haibvumiri munhu akadaro kuti anyorese muchato. (Munyika dzakawanda hurumende inobvumira kuti vanhu vanyorese muchato kunyange vose kana mumwe chete wavo ari munyika zvisiri pamutemo.) Nezvenyaya yatiri kukurukura, nyika yacho inobvumira kuti vanhu vadimbure muchato. Saka munyika yakadaro hazviiti kusaina Gwaro Rokupika Kuva Akatendeka. Ona kuti pavaviri ava hapana ari kuda kudimburisa muchato asi vari kutorambidzwa kuchata. Vakasununguka kuroorana. Saka murume wacho zvaari munyika zvisiri pamutemo, vangaita sei? Vangafanira kuenda kune imwe nyika kwavanogona kubvumirwa kuchata. Kana kuti vanogona kuchata munyika yavari kugara kana murume wacho akagadzirisa mapepa ake.

Chokwadi vaviri ava vanogona kuita kuti upenyu hwavo huenderane nezvinodiwa naMwari uye nemutemo waKesari. (Mako 12:17; VaR. 13:1) Tinovimba kuti vachadaro. Kana vakadaro vangakwanisa kubhabhatidzwa.—VaH. 13:4.

^ ndima 6 Ko kana kamwana kacho kari mudumbu kakaonekwa kuti kari kuita sekakaremara, kana kuti mazai akabvuma kubatira muchibereko akawanda? Kuuraya mazai aya anenge abatira muchibereko kunenge kuri kutobvisa pamuviri. Neurongwa hweIVF zvinowanzoitika kuti amai vabate pamuviri pevana vaviri, vatatu, kana kuti kupfuura, zvichiita kuti pave nematambudziko ekusununguka nguva isati yakwana kana kuti kubuda ropa zvakanyanyisa. Mudzimai anenge akatakura vana vakawanda anogona kukurudzirwa kuti asarudze kuti mumwe chete kana kuti vanopfuura vevana ava vaurayiwe. Ikoko kunenge kuri kubvisa pamuviri nemaune, kwakangofanana nekuponda.—Eks. 21:22, 23; Pis. 139:16.