Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nharireyomurindi yeChirungu Chisina Kuoma​—⁠Nei Yakanzi Ivepo?

Nharireyomurindi yeChirungu Chisina Kuoma​—⁠Nei Yakanzi Ivepo?

KWEMAKUMI emakore, varume neakadzi vari pasi pose vave vachionga uye vachibatsirwa nemashoko anotaura nezveBhaibheri anobudiswa muNharireyomurindi. Muna July 2011, Nharireyomurindi yokudzidza yeChirungu chisina kuoma yakatanga kubudiswa. Magazini iyoyo yakati: “Magazini ino itsva ichamboedzwa kwegore, uye kana ikabatsira, icharamba ichibudiswa.”

Iye zvino tinofara kukuzivisai kuti tasarudza kuti magazini iyi irambe ichibudiswa. Uyewo nokufamba kwenguva, pachange pavawo nemagazini yechiFrench chisina kuoma, Portuguese, uye Spanish.

CHINOITA KUTI IFARIRWE

Vanhu vanoverengeka vokuSouth Pacific pavakagamuchira magazini iyi vakati: “Iye zvino hama dzava kukwanisa kunyatsonzwisisa Nharireyomurindi zviri nani.” Imwe tsamba yaiti: “Nguva yataimbopedza tichitsvaka kuti mashoko anorevei uye tichiatsanangura tava kuishandisa pakunzwisisa magwaro arimo uye kuti anobatana sei nezviri kudzidzwa.”

“Nguva yataimbopedza tichitsvaka kuti mashoko anorevei uye tichiatsanangura tava kuishandisa pakunzwisisa magwaro arimo uye kuti anobatana sei nezviri kudzidzwa”

Imwe hanzvadzi yakaenda kukoreji muUnited States, inoti: “Ndakapedza makore 18 ndichitaura uye ndichinyora zvisinganzwisisiki nemutauro wedzidzo yepamusorosoro. Ndakapedzisira ndava nekatsika kekungotaura uye kufunga zvinhu zvakaoma. Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja chaizvo mafungiro uye matauriro andaiita.” Iye zvino yava muparidzi anobudirira, uye inoti: “Nharireyomurindi yeChirungu chisina kuoma iri kundibatsira chaizvo. Mutauro urimo muenzaniso wakanaka chaizvo kwandiri pakutaura zvinhu nenzira iri nyore.”

 Imwe hanzvadzi yokuEngland yakabhabhatidzwa muna 1972 yakati nezveNharireyomurindi yechirungu chisina kuoma: “Pandakaverenga magazini iyi yokutanga, ndakanzwa sokuti Jehovha ainge akagara padivi pangu, ruoko rwake ruri pamapfudzi angu tichiverenga tose. Zvaiita sokuti ndibaba vari kuverengera mwana wavo nyaya kuti arare.”

Imwe hanzvadzi yepaBheteri kuUnited States iyo yakabhabhatidzwa makore anodarika 40 apfuura yakati dzimwe nguva inobatsirwa kunyatsonzwisisa zvimwe zvinhu nemagazini iyi. Somuenzaniso, bhokisi riri mumagazini yaSeptember 15, 2011 rakanzi “Kutsanangurwa Kwemamwe Mashoko” rakatsanangura mashoko okuti ‘gore guru rezvapupu’ ari pana VaHebheru 12:1 richiti: “Vainge vakawanda chaizvo zvokuti vaisaverengeka.” Yakati: “Izvi zvakaita kuti ndinzwisise ndima iyi.” Yakatiwo nezvemusangano wevhiki nevhiki: “Kunyange kana mhinduro dzemwana dzikanyatsotorwa mumagazini iyi yeChirungu chisina kuoma, mashoko acho anenge asina kufanana neemuNharireyomurindi yatagara tinayo inenge iine vakawanda. Saka mashoko emwana wacho anotobatawo pfungwa dzevakateerera.”

Imwe hanzvadzi yepaBheteri yakanyora kuti: “Ndinotarisira kunzwa mhinduro dzevana muungano. Nharireyomurindi yeChirungu chisina kuoma iri kuvabatsira kutaura nechivimbo. Mashoko avo ave achindikurudzira.”

Imwe hanzvadzi yakabhabhatidzwa muna  1984 yakataura kutenda kwainoita magazini iyi: “Ndinonzwa sokuti yakanyorerwa ini. Inoita kuti zvindiitire nyore kunzwisisa zvandinenge ndichiverenga. Iye zvino ndine chivimbo chokuti ndinogona kupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi.”

VABEREKI VANOIDA CHAIZVO

Vamwe amai vemukomana ane makore manomwe vakati: “Kumutsanangurira mitsara yakawanda patinenge tichigadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi kwaitora nguva uye kwainetesa.” Magazini iyi yeChirungu chisina kuoma yakavabatsira sei? Vakanyora kuti: “Zvinoshamisa kuti ava kuverengawo ndima uye ava kunyatsonzwisisa zvadzinoreva. Sezvo mashoko acho asina kuoma uye mitsara iri mipfupi, haachazezi. Iye zvino ava kugadzirira oga mhinduro dzokunopa pamisangano, uye anoramba akaisa pfungwa pamagazini iyi nguva yose yainenge ichidzidzwa.”

“Zvinoshamisa kuti ava kuverengawo ndima uye ava kunyatsonzwisisa zvadzinoreva”

Vamwe amai vemusikana ane makore mapfumbamwe vakanyora kuti: “Kare taitomubatsira kugadzirira mhinduro. Iye zvino ava kugadzirira ega. Hatichawanzopedzi nguva tichitsanangura kana kuti kuita kuti mashoko ave nyore. Iye zvino anonakidzwawo neChidzidzo cheNharireyomurindi nokuti hachisisina kumuomera.”

VANA VANOTI CHII?

Vana vakawanda vanoti Nharireyomurindi yeChirungu chisina kuoma yakaitirwa ivo. Rebecca ane makore 12 akakumbira kuti: “Ndapota magazini iyi itsva ngairambe iripo!” Akawedzera kuti: “Ndinofarira chikamu chakanzi ‘Kutsanangurwa Kwemamwe Mashoko.’ Mashoko acho ari nyore chaizvo kuvana.”

Nicolette ane makore manomwe anotaura zvakafanana achiti: “Nharireyomurindi yainge yakandiomera kunzwisisa. Iye zvino ndava kukwanisa kupa mhinduro dzakawanda ndisingabatsirwi.” Emma ane makore mapfumbamwe akanyora kuti: “Yave ichindibatsira chaizvo pamwe nehanzvadzi yangu ine makore matanhatu. Tava kunyatsonzwisisa! Makaita henyu!”

Zviri pachena kuti vakawanda vari kubatsirwa neNharireyomurindi iyi yeChirungu inoshandisa mashoko ari nyore kunzwisisa uye mitsara isina kuoma. Iri kubatsira chaizvo uye icharamba ichibudiswa pamwe chete neyatagara tiinayo iyo yave ichibatsirawo chaizvo kubvira muna 1879.