Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?

Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?

“Uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.”—JOSH. 1:8.

1, 2. (a) Vanhu vakawanda vanoti munhu akabudirira akaita sei? (b) Ungaziva sei maonero aunoita kubudirira?

KUBUDIRIRA muupenyu kuita sei? Kana ukabvunza vanhu, vanokupa mhinduro dzakasiyana chaizvo. Somuenzaniso, vakawanda vanoti munhu akabudirira anenge aine mari yakawanda, basa rakanaka uye akadzidza zvakanyanya. Vamwewo vanoti anenge achigarisana zvakanaka nevomumhuri, shamwari kana kuti achishanda zvakanaka nevamwe. Munhu anoshumira Mwari angafunga kuti kuva neropafadzo muungano kana kuti kuita zvakawanda muushumiri ndiko kubudirira.

2 Kuti uzive maonero aunoita kubudirira, unganyora vanhu vashoma vaunofunga kuti vakabudirira, vaya vaunonyanya kuyemura uye kuremekedza. Vakanyanya kufanana pachii? Vakapfuma chaizvo here? Vane mukurumbira here? Mhinduro dzako dzingave dzichiratidza zviri mumwoyo mako, uye izvozvo zvine zvazvinoita pane zvaunosarudza uye zvinangwa zvako.—Ruka 6:45.

3. (a) Joshua aifanira kuitei kuti abudirire? (b) Iye zvino tichakurukurei?

3 Chinonyanya kukosha ndechokuti Jehovha anotiona setakabudirira here, nokuti upenyu hwedu hunobva pakuti anotiona sei. Paaipa Joshua basa rakakura rokupinza vaIsraeri muNyika Yakapikirwa, Jehovha akamuudza kuti averenge Mutemo waMosesi “masikati nousiku” uye kuti achenjerere kuita zvaiva mauri. Mwari akamuvimbisa kuti: “Kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.” (Josh. 1:7, 8) Uye zvechokwadi tinoziva kuti Joshua akazobudirira. Ko isu? Tingaziva sei kana maonero atinoita kubudirira achienderana neaMwari? Ngationei upenyu hwevarume vaviri vanotaurwa muBhaibheri.

 SOROMONI AKABUDIRIRA HERE MUUPENYU?

4. Nei zvinganzi Soromoni akabudirira?

4 Soromoni akabudirira chaizvo pane zvakawanda. Nei tichidaro? Nokuti kwemakore, aitya uye aiteerera Jehovha uyo akamukomborera chaizvo. Yeuka kuti Jehovha paakati Soromoni akumbire chaaida, akakumbira uchenjeri hwokuti atungamirire vanhu. Mwari akabva amukomborera neuchenjeri uyewo nepfuma. (Verenga 1 Madzimambo 3:10-14.) Uchenjeri hwake hwakanga “huchipfuura kwazvo uchenjeri hweVokumabvazuva vose uye huchipfuura uchenjeri hwose hweIjipiti.” Mukurumbira waSoromoni wakasvika “kumarudzi ose akanga akapoteredza.” (1 Madz. 4:30, 31) Kana huri upfumi hwake, ndarama yoga yaaiwana pagore yairema matani 25! (2 Mak. 9:13) Aiva nyanzvi pane zvaaiita nedzimwe nyika, pakuvaka uye pane zvokutengeserana. Soromoni akabudirira chaizvo paaiva neukama hwakanaka naMwari.—2 Mak. 9:22-24.

5. Soromoni akati chii nezvevaya vanonzi naMwari vakabudirira?

5 Zvakanyorwa naSoromoni mubhuku raMuparidzi zvinoratidza kuti aisafunga kuti kubudirira uye kufara ndezvevakapfuma kana kuti vane mukurumbira chete. Akanyora kuti: “Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.” (Mup. 3:12, 13) Uye aiziva kuti zvinhu zvakadaro zvinobatsira munhu anofarirwa naMwari uye ane ukama hwakanaka naye. Ndokusaka akataura kuti: “Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”—Mup. 12:13.

6. Muenzaniso waSoromoni unotibatsira sei kuti tione kunonzi kubudirira kwechokwadi?

6 Kwemakore, Soromoni aitya Mwari. Tinoverenga kuti “akaramba achida Jehovha nokufamba mumirau yababa vake Dhavhidhi.” (1 Madz. 3:3) Ikoko hakusiko kwaungati kubudirira here? Achitungamirirwa naMwari, Soromoni akavaka temberi yakanaka chaizvo yokunamatira uye akanyora mabhuku matatu eBhaibheri. Kunyange tisingatarisiri kuita zvakaitwa naSoromoni, muenzaniso wake paainge akatendeka kuna Mwari unofanira kutibatsira kuona chinonzi kubudirira zvobva zvatibatsira kuita izvozvo. Panyaya iyi, yeuka kuti afemerwa naMwari, Soromoni akanyora kuti zvinonzi nevakawanda mazuva ano ndiko kubudirira, zvinoti upfumi, uchenjeri, mukurumbira uye simba, hazvina zvazvinobatsira. Zvinhu izvozvo hazvina basa, “kudzingana nemhepo.” Wakamboona here kuti vakawanda vanoda pfuma havaguti nayo? Uye vanogara vachizvidya mwoyo nezvavainazvo. Uyewo nerimwe zuva upfumi hwavo huchava hwevamwe.—Verenga Muparidzi 2:8-11, 17; 5:10-12.

7, 8. Soromoni akaratidza sei kusatendeka uye zvakaguma nei?

7 Unozivawo kuti Soromoni haana kuzoramba akatendeka. Shoko raMwari rinoti: “Panguva yokukwegura kwaSoromoni, madzimai ake akanga atsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari; uye mwoyo wake hauna kuva wakakwana kuna Jehovha Mwari wake somwoyo wababa vake Dhavhidhi. . . . Soromoni akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha.”—1 Madz. 11:4-6.

8 Jehovha haana kufara nezvakaitwa naSoromoni, saka akamuti: “Zvawaita izvi, ukasachengeta sungano yangu nemirau yangu yandakakurayira, chokwadi ndichabvarura umambo ndichihubvisa kwauri,  uye ndichahupa mushandi wako.” (1 Madz. 11:11) Chokwadi zvinosuruvarisa! Kunyange zvazvo Soromoni akabudirira mune zvakawanda, nokufamba kwenguva akagumbura Jehovha. Soromoni akakundikana pachinhu chinonyanya kukosha muupenyu, kuva akatendeka kuna Mwari. Zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndakatsunga here kushandisa chidzidzo chandinowana pane zvakaitika muupenyu hwaSoromoni kuti ndibudirire?’

UPENYU HWAINYATSORATIDZA KUBUDIRIRA

9. Maererano nenyika, Pauro ainge akabudirira here? Tsanangura.

9 Upenyu hwomuapostora Pauro hwainge hwakasiyana nekure nehwaMambo Soromoni. Pauro ainge asina chigaro cheumambo chenyanga dzenzou uye aisadya nemadzimambo. Pane pamwe paaitoshaya zvokudya, zvokunwa, uye zvokupfeka achirohwa nechando. (2 VaK. 11:24-27) Paakangogamuchira Jesu saMesiya, Pauro ainge asisina chinzvimbo chairemekedzwa muchitendero chechiJudha. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vainge vava kutomuvenga. Akaiswa mujeri, akarohwa neshamhu uye netyava, akatemwa nematombo. Pauro akatoti iye nevaKristu vaainamata navo vaitukwa, vaitambudzwa uye vaireverwa zvakaipa. Akati: “Tava semarara enyika, tsvina inobviswa pazvinhu zvose, kusvikira zvino.”—1 VaK. 4:11-13.

Maererano nemaonero evanhu, Sauro aiita sokuti aibudirira

10. Nei zvingaita sokuti Pauro akaramba kubudirira?

10 Muapostora Pauro paaiva jaya rainzi Sauro, zvinhu zvaiita sezvaimufambira chaizvo. Aibva mumhuri yakakurumbira, ainge adzidziswa naGamarieri mudzidzisi airemekedzwa uye akazonyora kuti: “Ndakanga ndichibudirira kwazvo muchiJudha kupfuura vazhinji vezera rangu.” (VaG. 1:14) Sauro ainyatsogona chiHebheru nechiGiriki, aiva nekodzero dzaingovawo nevaRoma izvo zvaiita kuti ave neropafadzo dzaidiwa chaizvo nevakawanda. Kudai akaramba achitsvaka kubudirira munyika, angangodaro akasvika pakupfuma uye kuva akakurumbira. Asi akasarudza upenyu hwaionekwa soupenzi nevamwe, zvichida kunyange nedzimwe hama dzake. Akazviitirei?

11. Pauro aikoshesa chinangwa uye zvinhu zvipi uye nei aidaro?

11 Pauro aida Jehovha uye aida kufarirwa naye kupfuura pfuma nokupiwa mukurumbira nevanhu. Paakawana zivo yakarurama yechokwadi, Pauro akatanga kukoshesa zvinhu zvinoonekwa nenyika sezvisina basa, zvakadai serudzikinuro, ushumiri hwechiKristu uye tariro yokurarama kudenga. Pauro aiziva kuti pane nyaya yaida kugadziriswa. Satani ainge ati aigona kutsausa  vanhu pakushumira Mwari. (Job. 1:9-11; 2:3-5) Pasinei nemiedzo yaakasangana nayo, Pauro ainge aine chinangwa chokuramba akatendeka kuna Mwari achimunamata. Izvozvo hazvionekwi nenyika sechimwe chezvinhu zvinoratidza kubudirira.

Pauro akabudirira zvechokwadi

12. Nei wakasarudza kuisa tariro yako pana Mwari?

12 Wakatsidza mumwoyo mako sezvainge zvakaita Pauro here? Kunyange zvazvo kuramba takatendeka kusiri nyore, tinoziva kuti kunoita kuti Jehovha atikomborere uye atifarire, uye izvozvo ndizvo zvinoita kuti munhu anyatsobudirira. (Zvir. 10:22) Tinobatsirwa iye zvino uye zvechokwadi tichawana makomborero mune ramangwana. (Verenga Mako 10:29, 30.) Saka tine chikonzero chokuti tisaise tariro yedu “papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare.” ‘Tinozvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma, kuti tibatisise upenyu chaihwo.’ (1 Tim. 6:17-19) Tinogona kuva nechokwadi chokuti makore zana kubva iye zvino, kunyange ane chiuru kana anopfuura, tichakwanisa kutarira shure toti, “Zvechokwadi ndakasarudza chinonzi kubudirira chaiko!”

PANE PFUMA YAKO

13. Jesu akapa zano rokuti kudii nezvokuunganidza pfuma?

13 Jesu akati nezvepfuma: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, kusina chitemamachira kana ngura zvinodya, uye kusina mbavha dzinopaza dzoba. Nokuti pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.”—Mat. 6:19-21.

14. Nei kusiri kuchenjera kutsvaka pfuma yepanyika?

14 Pfuma yomunhu panyika haisi mari chete. Ingasanganisira zvinhu zvakanyorwa nezvazvo naSoromoni zvinganzi nevanhu ndiko kubudirira zvinoti, mukurumbira kana kuti simba. Jesu akataura pfungwa yakafanana neyakanyorwa naSoromoni mubhuku raMuparidzi yokuti upfumi hwepanyika hahugari. Zvimwe wakaonawo kuti upfumi hwose hwakadaro hahugari uye hunogona kungoparara. Muzvinadzidzo F. Dale Bruner akanyora nezvoupfumi hwakadaro kuti: ‘Zvinozivikanwa kuti mukurumbira wakaita semhute. Munhu ari kunzi gamba nhasi, mangwana anenge asisiri. Mabhizimisi ari kuita mari chaizvo gore rino, rinotevera anenge abhuroka. Jesu anoda vanhu. Anovakurudzira kuti vadzivise kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nomukurumbira unopfuura. Unopera. Jesu haadi kuti vadzidzi vake vaore mwoyo. Zuva nezuva zvinhu zvinochinja, anga ari pamusoro anoenda pasi.’ Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vangabvumirana nemashoko iwayo, vangani vanoashandisa muupenyu? Ko iwe uchaashandisa here?

15. Tinofanira kuvavarira kubudirira kwerudzii?

 15 Vamwe vafundisi vanoti hazvina kunaka kuti munhu avavarire kubudirira uye haatombofaniri kuita zvinoita kuti abudirire. Asi Jesu haana kumbodaro. Aitokurudzira vadzidzi vake kuvavarira kuunganidza ‘pfuma isingaparari kudenga,’ pane kuvavarira kubudirira panyika. Chido chedu chikuru chinofanira kuva chokuedza kubudirira maererano nemaonero anoita Jehovha. Mashoko aJesu anotiyeuchidza kuti zviri kwatiri kusarudza zvatinoda kuita. Chokwadi ndechokuti zviri mumwoyo medu kana kuti zvatinoona zvichikosha, ndizvo zvatichavavarira kuita.

16. Tinogona kuvimba nei?

16 Kana mwoyo wedu uchida kufadza Jehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti achatipa zvokurarama nazvo. Angabvumira kuti timboshaya zvokudya kana kuti zvokunwa sezvakamboitika kuna Pauro. (1 VaK. 4:11) Kunyange zvakadaro, tinogona kuvimba nezano raJesu rokuchenjera rokuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mat. 6:31-33.

VAVARIRA KUTI UNZI NAMWARI WAKABUDIRIRA

17, 18. (a) Kubudirira kwechokwadi kunobva pachii? (b) Kubudirira hakubvi pachii?

17 Zvinokosha ndezvokuti: Kubudirira chaiko hakunei nezvingaonekwa nevanhu uye zvinzvimbo zvatingava nazvo munyika. Uyewo kubudirira kwechokwadi hakuonekwi neropafadzo yatinayo muungano yechiKristu. Zvisinei, ropafadzo iyoyo inotobvawo pazvinhu zvinoratidza kubudirira kwechokwadi, zvinoti kuteerera uye kuvimbika kuna Mwari, uyo anotivimbisa kuti: “Chinotsvakwa muvatariri ndechokuti munhu awanikwe akatendeka.” (1 VaK. 4:2) Uye tinofanira kuramba takatendeka. Jesu akati: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mat. 10:22) Haubvumi here kuti kuponeswa uchapupu huri pachena hwokubudirira?

18 Nezviri pamusoro apa, unogona kuona kuti kutendeka kuna Mwari hakunei nemukurumbira, dzidzo, mari, kugarisana nevamwe; uyewo kutendeka hakunei nekuva nepfungwa dzakapinza, tarenda kana kuti unyanzvi. Tinogona kuramba takatendeka kuna Mwari pasinei nokuti zvinhu zvakatimirira sei. PavaKristu vepakutanga, vamwe vaiva vapfumi uye vamwe vaiva varombo. Pauro akapa vapfumi zano rinobatsira rokuti “vaite zvakanaka, kuti vapfume pamabasa akanaka, kuti vave norupo, vanoda kugovana.” Vose vapfumi nevarombo vaigona ‘kubatisisa upenyu chaihwo.’ (1 Tim. 6:17-19) Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Tose tine mukana wakafanana uye zvatinofanira kuita zvakafanana: Tinofanira kuramba takatendeka uye ‘kupfuma pamabasa akanaka.’ Izvozvo zvichaita kuti Musiki wedu ati takabudirira uye tichafara kuziva kuti tiri kumufadza.—Zvir. 27:11.

19. Panyaya yokubudirira, watsunga kuitei?

19 Ungasakwanisa kuchinja zvachose mamiriro ako ezvinhu muupenyu asi pane zvimwewo zvaunokwanisa kuita. Edza kuva akatendeka pasinei nokuti zvinhu zvakamira sei. Izvozvo kushandira zviripo. Iva nechokwadi chokuti Jehovha achakukomborera chaizvo iye zvino uye nokusingaperi. Usambokanganwa mashoko aJesu aakanyorera vaKristu vakazodzwa okuti: “Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.” (Zvak. 2:10) Ikoko ndiko kubudirira chaiko!