Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Tingadzima sei moto unotungidzwa nokutadza kuzvidzora pakutaura?

Tinofanira kuongorora mwoyo wedu. Pane kungotsoropodza hama yedu, zvingava zvakanaka kufunga nezvechiri kuita kuti tidaro. Tingave tichiitsoropodza here tichiitira kuti isu tionekwe setiri nani? Uyezve, kutsoropodza mumwe kunongoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa.—8/15, peji 21.

Mutemo wairatidza sei maonerwo anoitwa vanhukadzi naMwari?

Vakadzi vechiIsraeri vaiva norusununguko chaizvo, uye vaikwanisa kuwana dzidzo. Vaifanira kukudzwa uye kuremekedzwa, uye kodzero dzavo dzaifanira kudzivirirwa.—9/1, mapeji 5-7.

Zuva raJehovha zvarava kusvika kudai, zvii zvichaitika kumberi uku?

Vachazivisa nezve“Rugare nokuchengeteka!” Marudzi acharwisa oparadza Bhabhironi Guru. Vanhu vaMwari vacharwiswa. Hondo yeAmagedhoni icharwiwa uye Satani nemadhimoni ake vachakandwa mugomba rakadzikadzika.—9/15, peji 4.

Kusaziva pachauya mugumo kunotibatsira sei?

Kusaziva zuva racho chairo kana awa kunoita kuti tiratidze zviri mumwoyo medu. Kunotipa mukana wokufadza mwoyo waJehovha. Kunotikurudzira kurarama upenyu hwokuzvipira uye kunotibatsira kuti tinyatsovimba naMwari neShoko rake. Uye kunoitawo kuti matambudziko atinosangana nawo anatsiridze unhu hwedu.—9/15, mapeji 24-25.

Tingashandisa sei Genesisi 3:19 kukurukura nemunhu anotenda kuti vanhu vachanotsva mumoto?

Ndima yacho inoti Adhamu paaizofa aizodzokera kuguruva revhu, haitauri kuti aizoenda kunopiswa mumoto.—10/1, peji 13.

“Nyeredzi nomwe” dziri muruoko rwaJesu rworudyi dzinotaurwa pana Zvakazarurwa 1:16, 20 dzinomirira vanaani?

Dzinomirira vakuru veungano vakazodzwa nomudzimu mutsvene, asi dzinogonawo kunzi dzinomirira vakuru vose veungano.—10/15, peji 14.

Mhuri ingaita sei nechikwereti chaingava nacho?

Murume nomudzimai vanofanira kutaura nezvechikwereti chavo vachibudirana pachena uye vakadzikama. Zvichabatsira kana vakaongorora mashandisiro avari kuita mari. Vanogona kuwedzera mari yavanowana here kana kuita kuti mhuri ishandise mari shoma? Vanofanira kuronga zvikwereti zvavachatanga kubhadhara, zvichida kutoedza kutaurirana nevavakakwereta mabhadhariro avangaita. Asi vanofanira kuva nemaonero akanaka panyaya dzemari. (1 Tim. 6:8)—11/1, mapeji 19-21.

Jesu akaratidza sei kuzvininipisa kunotaurwa pana Isaya 50:4, 5?

Ndima idzodzo dzinotaura kuti munhu ane “rurimi rwevakadzidziswa” ‘aisazofuratira.’ Jesu akaratidza kuzvininipisa, achinyatsoteerera zvaaidzidziswa naBaba vake. Jesu aida chaizvo kudzidza kubva kuna Jehovha, uye ainyatsocherechedza kuzvininipisa kwaMwari paairatidza ngoni kuvanhu vane zvivi.—11/15, peji 11.

Chitambi chetsamba chekuEstonia icho chinoyeuchidza zvakaitika kare chakaratidza sei kuperera kweZvapupu zvaJehovha?

Muna 2007 Hofisi yePosvo yakabudisa chitambi chinoratidza kupondwa kwakaitwa vanhu vokuEstonia nevanhu vaitsigira Stalin. Chainge chakanyorwa 382, nhamba inoratidza Zvapupu nevana vazvo vakaendeswa kumisasa yaiva mukatikati meRussia muna 1951.—12/1, mapeji 27-28.