Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Mutariri Anovimbwa Naye!

Uri Mutariri Anovimbwa Naye!

“Hamusi venyu pachenyu.”—1 VAK. 6:19.

1. Vanhu vakawanda vari munyika vanofungei vakanzwa nezveuranda?

MAKORE anenge 2 500 akapfuura, mumwe munyori wemitambo yechiGiriki akati: “Hapana munhu anotakura joko rouranda achida.” Vakawanda mazuva ano vangabvumirana nemashoko iwayo. Uranda hunoita kuti vafunge nezvevanhu vanenge vachidzvinyirirwa uye vari vasungwa, vachiita basa risina charinovapa asi rinobatsira vanatenzi vavo.

2, 3. (a) Varanda kana kuti vashandi vaKristu vanomushumira zvichibva pamwoyo vane chinzvimbo chipi? (b) Mibvunzo ipi ine chokuita noutariri yatichakurukura?

2 Asi Jesu akaratidza kuti vadzidzi vake vaizova vashumiri vanozvininipisa kana kuti varanda. Zvisinei, kuva varanda kwevaKristu vechokwadi hakurevi kuti vanozvidzwa kana kuti vanodzvinyirirwa. Varanda ava vanokudzwa, vanovimbwa navo uye vanoremekedzwa. Somuenzaniso, funga zvakataurwa naJesu nguva pfupi asati afa nezvemumwe “muranda.” Kristu akagara ataura kuti aizopa “muranda akatendeka, akangwara” mabasa okuita.—Mat. 24:45-47.

3 Zvinokosha kucherechedza kuti maererano nezvakanyorwa naRuka, muranda uyu anonzi “mutariri.” (Verenga Ruka 12:42-44.) VaKristu vakawanda vakatendeka vari kurarama mazuva ano havasi muboka iroro remutariri akatendeka. Zvisinei, Magwaro anoratidza kuti vashumiri vose vaMwari vane basa routariri. Vanoita mabasa api? Vanofanira kuaona sei? Kuti tiwane mhinduro dzacho ngationgororei basa raiitwa nevatariri vekare.

BASA RAIITWA NEVATARIRI

4, 5. Vatariri vekare vaiita mabasa api? Taura mienzaniso.

4 Munguva dzekare, mutariri aiwanzova muranda  aivimbwa naye, aipiwa basa rokutarisira imba kana kuti bhizimisi ratenzi wake. Kazhinji, vatariri vaipiwa masimba uye vainzi vatarisire zvinhu zveimba yatenzi wavo, mari uye vamwe vashandi. Izvozvo tinogona kuzviona pana Eriyezeri, uyo akapiwa basa rokutarisira zvinhu zvakawanda zvaAbrahamu. Eriyezeri ndiye angangodaro akatumwa naAbrahamu kuMesopotamiya kuti anotsvakira mwanakomana wake Isaka, mudzimai. Chokwadi aiva nebasa rakakura uye rinokosha chaizvo!—Gen. 13:2; 15:2; 24:2-4.

5 Muzukuruchibvi waAbrahamu, Josefa, aitarisira imba yaPotifari. (Gen. 39:1, 2) Nokufamba kwenguva, Josefa akazovawo nemutariri weimba yake, waakagadza kuti ‘atarisire imba yake.’ Mutariri iyeye ndiye akagamuchira vakoma gumi vaJosefa akavapa zvokudya. Uye arayirwa naJosefa, akaronga kuti zviite sokuti kapu yesirivha yainge yabiwa. Chokwadi, vatariri vaiva vanhu vaivimbwa navo chaizvo.—Gen. 43:19-25; 44:1-12.

6. Mabasa api outariri anoitwa nevakuru vechiKristu vakasiyana-siyana?

6 Mazana emakore akazotevera, muapostora Pauro akanyora kuti vakuru vechiKristu vaifanira kuva ‘vatariri vakagadzwa naMwari.’ (Tito 1:7) Sezvo vakagadzwa kuti vafudze “boka raMwari,” vakuru vanopa mirayiridzo, uye vanotungamirira muungano. (1 Pet. 5:1, 2) Ichokwadi kuti mabasa avo anosiyana-siyana. Somuenzaniso, vakuru vechiKristu vakawanda mazuva ano vanongoshumira ungano imwe chete. Vatariri vanofambira vanoshumira ungano dzakawanda. Uye vari muDare Rebazi vanotarisira ungano dzose dziri munyika mavo. Asi vose vanofanira kuita mabasa avo vakatendeka; uye vose “vachazozvidavirira” kuna Mwari.—VaH. 13:17.

7. Tinoziva sei kuti vaKristu vose vanganzi vatariri?

7 Asi zvakadini nevaKristu vose vakatendeka vasiri vakuru? Muapostora Petro akanyorera vaKristu vose achiti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.” (1 Pet. 1:1; 4:10) Mwari akaratidza mutsa wake nokutipa tose zvipo, pfuma uye matarenda zvatinogona kushandisa kuti tibatsire vatinonamata navo. Saka vose vanoshumira Mwari vanganzi vatariri, uye kuti utariri ihwohwo hunoita kuti vakudzwe, vavimbwe navo asi vachifanira kushanda.

TIRI VARANDA VAMWARI

8. Ndechipi chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kufunga nezvacho?

8 Iye zvino ngatitarisei zvinhu zvitatu zvatinofanira kufunga nezvazvo sevatariri. Chokutanga: Tose tiri varanda vaMwari uye tinozvidavirira kwaari. Pauro akanyora kuti: “Hamusi venyu pachenyu, nokuti makatengwa nomutengo,” iro ropa raJesu rechibayiro. (1 VaK. 6:19, 20) Sezvo tiri vaJehovha, tinotarisirwa kuteerera mirayiro yake, uye mirayiro yacho hairemi. (VaR. 14:8; 1 Joh. 5:3) Tiriwo varanda vaKristu. Kufanana nevatariri vekare, tinopiwa rusununguko rwakakura, asi kwete rwokuita chero zvatada. Tinofanira kuita mabasa edu sezvatinorayirwa. Pasinei neropafadzo dzatingava nadzo, tichiri vashumiri vaMwari uye vaJesu Kristu.

9. Jesu akaratidza ukama hwatenzi nemuranda achishandisa muenzaniso upi?

9 Jesu anotibatsira kunzwisisa ukama hwatenzi nemuranda. Pane imwe nguva akaudza vadzidzi vake nezvemuranda anouya kumba pashure pokunge ashanda zuva rose. Tenzi wacho anoti here: “Chibva  wauya pano utsenhame patafura”? Kwete. Anoti: “Ndigadzirire chimwe chinhu kuti ndidye kudya kwangu kwemanheru, upfeke epuroni, undishumire kusvikira ndapedza kudya nokunwa, uye pashure iwewo wozodya hako nokunwa.” Jesu akati muenzaniso wacho waishanda sei? Akati: “Naizvozvo nemiwo, kana maita zvinhu zvose zvamunenge manzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”—Ruka 17:7-10.

10. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoonga zvatinoita pakumushumira?

10 Ichokwadi kuti Jehovha anoonga zvatinoita pakumushumira. Bhaibheri rinotipa chivimbo parinoti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaH. 6:10) Jehovha haambotiomeseri pane zvaanoda kuti tiite. Uyewo, chero zvaanotirayira zvinotibatsira uye hazviremi. Asi maererano nemufananidzo waJesu, muranda haazvifadzi, achiisa zvaanoda pokutanga. Zviripo ndezvokuti, patinozvitsaurira kuna Mwari, tinosarudza kuisa zvaanoda pokutanga muupenyu hwedu. Handizvo here?

ZVATINONZI NAJEHOVHA TIITE

11, 12. Sevatariri, tinofanira kuratidza unhu hupi uye tinofanira kudzivisa chii?

11 Chechipiri: Sevatariri, zvinhu zvakawanda zvatinonzi naMwari tiite zvakafanana. Ichokwadi kuti pane zvimwe zvinhu zvinongoitwa nevashoma muungano yechiKristu. Zvisinei, zvakawanda zvacho zvinoitwa nevanhu vose. Somuenzaniso, sevadzidzi vaKristu uye seZvapupu zvaJehovha, zvinokosha kuti tidanane. Jesu akataura kuti rudo ndirwo runoratidza vaKristu vechokwadi. (Joh. 13:35) Zvisinei, hatingoratidzi rudo kune vatinonamata navo chete. Tinoedzawo kuratidzira rudo vatisinganamati navo. Tose zvedu tinokwanisa kuzviita uye tinofanira kuzviita.

12 Tinotarisirwawo kuti tive nemufambiro wakanaka. Tinofanira kudzivisa mufambiro uye mararamiro anonzi neShoko raMwari akaipa. Pauro akanyora kuti: “Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (1 VaK. 6:9, 10) Chokwadi, zvinotoda kushanda nesimba kuti tiite zvinonzi naMwari ndizvo zvakarurama. Asi, kuita izvozvo kushandira zviripo, kunoita kuti tiwane makomborero akawanda, anosanganisira kurarama upenyu hunoita kuti tive neutano, tichigarisana nevamwe zvakanaka uye tiine ukama hwakanaka naMwari.—Verenga Isaya 48:17, 18.

13, 14. Ibasa ripi rinofanira kuitwa nevaKristu vose, uye tinofanira kuriona sei?

13 Yeukawo kuti mutariri aiva nebasa raaifanira kuita. Nesuwo tinaro. Takapiwa chipo chinokosha, cheruzivo rwechokwadi. Mwari anoda kuti tipewo vamwe ruzivo irworwo. (Mat. 28:19, 20) Pauro akanyora kuti: “Munhu ngaatione setiri pasi paKristu uye vatariri vezvakavanzika zvitsvene zvaMwari.” (1 VaK. 4:1) Pauro aiziva kuti mutariri aifanira kunyatsotarisira “zvakavanzika zvitsvene” uye kuramba achizviudzawo vamwe akatendeka sezvakarayirwa naTenzi, Jesu Kristu.—1 VaK. 9:16.

14 Kuudza vamwe chokwadi, kunotovawo kuratidza rudo. Ichokwadi kuti mamiriro ezvinhu emuKristu mumwe nomumwe anosiyana. Hatiiti zvakafanana muushumiri. Jehovha anozvinzwisisa. Chinhu chinokosha ndechekuti tiite zvose zvatinogona semunhu mumwe nomumwe. Izvozvo  zvinoratidza kuti tinonyatsoda Mwari uye muvakidzani.

Ngatiitei zvatakanzi tiite takatendeka

KUKOSHA KWEKUTENDEKA

15-17. (a) Nei zvichikosha kuti mutariri ave akatendeka? (b) Jesu akashandisa mufananidzo upi kuti aratidze zvakaipira kusatendeka?

15 Chechitatu chakada kufanana nezviviri zvokutanga, ndechokuti: Tinofanira kuva vakatendeka, uye vakavimbika. Mutariri anogona kuva neunhu hwakanaka hwakawanda uye unyanzvi, asi izvozvo hazvibatsiri kana asingatarisiri zvinhu zvatenzi wake zvakanaka uye asina kuvimbika. Kuti mutariri ashande zvakanaka uye abudirire, anofanira kuva akatendeka. Yeuka kuti Pauro akanyora kuti: “Chinotsvakwa muvatariri ndechokuti munhu awanikwe akatendeka.”—1 VaK. 4:2.

16 Kana takatendeka tichatopiwa mubayiro chete. Asi kana tisina kutendeka, hatizowani mubayiro. Izvozvo tinozviona mumufananidzo waJesu wematarenda. Varanda vakaita “bhizimisi” nemari yatenzi wavo vakatendeka, vakarumbidzwa uye vakakomborerwa chaizvo. Muranda asina zvaakaita nemari yaakapiwa natenzi wake akanzi “akaipa,” “ane usimbe” uye “muranda pasina.” Akatorerwa tarenda raainge apiwa, akakandirwa kunze.—Verenga Mateu 25:14-18, 23, 26, 28-30.

17 Pane imwe nguva, Jesu akataura zvakaipira kusatendeka. Akati: “Mumwe murume akanga akapfuma uye akanga aine mutariri, uye mutariri uyu akacherwa nevamwe kwaari kuti aipambadza zvinhu zvake. Naizvozvo akamushevedza, akati kwaari, ‘Chii ichi chandiri kunzwa pamusoro pako? Ndipe nhoroondo youtariri hwako, nokuti hazvichaiti kuti utarisire imba.’” (Ruka 16:1, 2) Mutariri uyu akadzingwa nokuti aipambadza zvinhu zvatenzi  wake. Ichi chidzidzo chinokosha chaizvo! Chokwadi hatitombodi kuva vasina kutendeka pane zvatinonzi tiite.

ZVAKANAKA HERE KUZVIENZANISA NEVAMWE?

18. Nei tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe?

18 Mumwe nomumwe anogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoona sei basa rangu routariri?’ Panogona kumuka dambudziko kana tikazvienzanisa nevamwe. Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.” (VaG. 6:4) Pane kuenzanisa zvatinoita nezvinoitwa nevamwe, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pane zvatinokwanisa kuita. Izvi zvichaita kuti tisazvikudza uyewo tisaora mwoyo. Patinozviongorora, tinofanira kuziva kuti mamiriro ezvinhu anochinja. Zvimwe hatichakwanisi kuita zvataimboita nemhaka yeutano husina kunaka, kukwegura, kana mamwe mabasa atava nawo. Asiwo tinogona kunge tava kukwanisa kuita zvakawanda kupfuura zvatiri kutoita. Kana zvakadaro, tadii tawedzera zvatiri kuita?

19. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana tikasapiwa imwe ropafadzo?

19 Tinofanirawo kufunga nezvemabasa atinawo kana kuti atinoda kuva nawo. Somuenzaniso, hama ingava nechido chokuva mukuru muungano kana kuti kupiwa hurukuro pamagungano. Zvakanaka kushanda nesimba kuti tiwane ropafadzo dzakadaro, asi hatifaniri kuora mwoyo kana tikasadziwana patinenge tichitarisira kuti tichadzipiwa. Tingapiwa dzimwe ropafadzo papfuura nguva refu pane yataitarisira, pamusana pezvikonzero zvatisingazivi. Yeuka kuti Mosesi aiita seaiva agadzirira kubudisa vaIsraeri muIjipiti, asi aifanira kumirira kwemakore 40. Izvi zvakamupa nguva yokuva nounhu hwaidiwa pakutungamirira vanhu vaiva nemitsipa yakaoma uye vaipanduka.—Mab. 7:22-25, 30-34.

20. Tingadzidzei pane zvakaitika kuna Jonatani?

20 Dzimwe nguva tingasapiwa ropafadzo yacho zvachose. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Jonatani. Aiva mwanakomana waSauro uye ndiye aizosiyirwa chigaro chokutonga vaIsraeri vose. Zvisinei, Mwari akasarudza Dhavhidhi, aiva nemakore mashoma chaizvo, kuti ave mambo. Jonatani akaita sei? Akazvigamuchira uye akatsigira Dhavhidhi achitoisa upenyu hwake pamutanhiko. Akati kuna Dhavhidhi: “Iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.” (1 Sam. 23:17) Waona here pfungwa yacho? Jonatani akagamuchira mamiriro ake ezvinhu, uye ainge akasiyana nababa vake zvokuti haana kuitira Dhavhidhi godo. Pane kuitira vamwe shanje pamusana pemabasa avakapiwa, tose zvedu tinogona kuisa pfungwa pane zvatinonzi tiite. Tinogona kuva nechokwadi chokuti munyika itsva, Jehovha achagutsa zvido zvakakodzera zvevashumiri vake vose.

21. Tinofanira kuona sei basa redu routariri?

21 Ngatiyeukei kuti sevatariri vanovimbwa navo, isu hatisi varanda vaya vanodzvinyirirwa uye vanogara vachisvimha misodzi. Takasiyana chaizvo navo. Isu tinoremekedzwa chaizvo, zvokuti takatopiwa basa risingazombodzokororwi rokuzivisa mashoko akanaka mumazuva ano ekupedzisira enyika ino yakaipa. Tinoita basa iroro norusununguko rwakakura. Saka ngativei vatariri vakatendeka. Uye ngatikoshesei ropafadzo yatinayo yokushumira Mwari wedu.