Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Tiri “Vagari Venguva Duku”

Kuramba Tiri “Vagari Venguva Duku”

“Ndinokurayirai sevatorwa uye vagari venguva duku kuti murambe muchirega zvinodiwa nenyama.”—1 PET. 2:11.

1, 2. Petro aireva vanaani neshoko rokuti “vakasarudzwa,” uye nei akavati “vagari venguva duku”?

MAKORE anenge 30 pashure pokunge Jesu adzokera kudenga, muapostora Petro akanyora tsamba “kuvagari venguva duku vakapararira muPontasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya, neBhitiniya, kune vakasarudzwa.” (1 Pet. 1:1) Zviri pachena kuti neshoko rokuti “vakasarudzwa,” Petro aitaura vaya, kufanana naye, vainge vazodzwa nomudzimu mutsvene uye vainge ‘vaberekwa patsva kuti vave netariro mhenyu’ yokunotonga naKristu kumatenga. (Verenga 1 Petro 1:3, 4.) Asi nei akazodana vakasarudzwa ava kuti “vatorwa uye vagari venguva duku”? (1 Pet. 2:11) Uye mashoko aya anorevei kwatiri mazuva ano pakunongova nevanhu vashomanana vanoti vakazodzwa paZvapupu zvinoshingaira zvinopfuura mamiriyoni manomwe zviri munyika yose?

2 Zvainge zvakakodzera kuti Petro ashandise mashoko okuti “vagari venguva duku” kuvakazodzwa vepanguva yake. Kufanana nevakazodzwa vachiri panyika mazuva ano, vepanguva iyoyo vaisazogara panyika nokusingaperi. Muapostora Pauro, uyo ainge ari mumwe wevakazodzwa ve“boka duku,” akatsanangura kuti: “Asi isu, tiri vagari vokumatenga, uko kwatakamirirawo nomwoyo wose kuti kubve muponesi, Ishe Jesu Kristu.” (Ruka 12:32; VaF. 3:20) Sezvo vakazodzwa vari “vagari vokumatenga,” pavanofa vanobva panyika vachinorarama upenyu hwakazonaka vasingafi kumatenga. (Verenga VaFiripi 1:21-23.) Saka vanogona kunzi “vagari venguva duku” pakuti vanonyatsobva munyika iri kutongwa naSatani.

3. Mubvunzo upi unovapo une chokuita ne“mamwe makwai”?

3 Asi zvakadini neve“mamwe makwai”? (Joh. 10:16)  Havana here tariro yakasimba inobva muMagwaro yokuzogara panyika narini narini? Zvechokwadi, iwoyo ndiwo uchava musha wavo nokusingaperi! Kunyange zvakadaro, naivowo panguva ino vanganzi vagari venguva duku. Pakudini?

“ZVISIKWA ZVOSE ZVINORAMBA ZVICHIGOMERA”

4. Vatungamiriri venyika havakwanisi kudzivisa chii?

4 Chero nyika yakaipa yaSatani ichiripo, munhu wose kusanganisira vaKristu, acharamba achitambura nezvakakonzerwa nokupandukira Jehovha kwakaita Satani. Tinoverenga pana VaRoma 8:22 kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” Pasinei nechido chingava nevatungamiriri venyika, vezvesayenzi, uye vanoita mabasa okuyamura, ivo havakwanisi kudzivisa izvi.

5. Kubvira muna 1914, vanhu vane mamiriyoni vakatora danho ripi, uye nei vakaita izvozvo?

5 Kubvira muna 1914, vanhu vane mamiriyoni vakasarudza kutongwa naMambo akagadzwa naMwari, Jesu Kristu. Havana chido chokuva venyika yakaipa yaSatani. Vanoramba kutsigira nyika yake. Asi vanoshandisa upenyu hwavo nezvinhu zvavo kutsigira Umambo hwaMwari.—VaR. 14:7, 8.

6. Zvapupu zvaJehovha zvinganzi vatorwa pakudini?

6 Chokwadi, Zvapupu zvaJehovha vagari vanoteerera mutemo vemunyika dzinopfuura 200, asi pasinei nekwavanogara, ivo vakaita sevatorwa. Havapindiri zvachose munyaya dzezvematongerwo enyika dzemazuva ano uye dzemagariro evanhu. Kunyange iye zvino, vanozviona sevagari venyika itsva ichaunzwa naMwari. Vanofara kuona mazuva avo okuva vagari venguva duku munyika yakaipa achikurumidza kupera.

Hatiedzi kunatsiridza nyika yaSatani. Tiri kutsigira nyika itsva yaMwari

7. Vashumiri vaMwari vachagara kupi nokusingaperi uye chii chinenge chaitika?

7 Munguva pfupi, Kristu achashandisa masimba ake kuparadza nyika yakaipa yaSatani. Hurumende yaKristu yakarurama ichabvisa chivi uye marwadzo panyika. Ichabvisa chero ani zvake anopandukira  uchangamire hwakarurama hwaJehovha. Vashumiri vaMwari vakavimbika vachange vava kukwanisa kuva vagari vemuParadhiso pasi pano narini narini. (Verenga Zvakazarurwa 21:1-5.) Panguva iyoyo zvisikwa zvichange zvanyatsosunungurwa “muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:21.

CHII CHINOTARISIRWA KUVAKRISTU VECHOKWADI?

8, 9. Tsanangura zvairehwa naPetro nemashoko okuti ‘murege zvinodiwa nenyama.’

8 Petro anoenderera mberi achitsanangura zvinotarisirwa kuvaKristu achiti: “Vadiwa, ndinokurayirai sevatorwa uye vagari venguva duku kuti murambe muchirega zvinodiwa nenyama, [izvo zvinoramba zvichirwisana] nomweya.” (1 Pet. 2:11) Pakutanga zano iroro rakapiwa vaKristu vakazodzwa, asi rinoshandawo kumamwe makwai aJesu.

9 Zvimwe zvinodiwa nevanhu hazvina kuipa kana zvikaitwa maererano nezvakarayirwa noMusiki. Zvechokwadi zvinotoita kuti upenyu hunakidze. Somuenzaniso, zvimwe zvido zvisina hazvo kuipa zvinosanganisira kunakirwa nezvokudya uye zvokunwa, kuita zvinhu zvinonyevenutsa muviri, uye ushamwari hwakanaka. Kunyange chido chokunakidzwa nebonde newawakaroorana naye chakakodzera uye chine nzvimbo yacho. (1 VaK. 7:3-5) Zvisinei, “zvinodiwa nenyama” zvaitaurwa naPetro ndezviya chete ‘zvinoramba zvichirwisana nomweya.’ Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoratidza pachena zvaaireva nokushandisa mashoko okuti “kuchiva kwenyama” (Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi) kana kuti “zvido zvokutadza” (New International Version). Zviri pachena kuti chero chido chomunhu chinopesana nechinangwa chaJehovha uye chinogona kukanganisa ukama hwake naMwari chinofanira kudziviswa. Zvikasadaro, muKristu anogona kuzotadza kuwana upenyu husingaperi.

10. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoshandiswa naSatani kuita kuti vaKristu vave venyika yake?

10 Chinangwa chaSatani ndechokuita kuti vaKristu vechokwadi vasafunga kuti “vagari venguva duku” munyika ino. Tinofanira kuziva misungo yaSatani, iyo inosanganisira kuda pfuma, chido chokuita ufeve, kuda kuva wokutanga uye akakurumbira, uye kutsigira nyika yatinogara. Kana tikatsidza mumwoyo kuti tisiyane nezvinhu izvi zvakaipa zvinodiwa nenyama, tinoratidza pachena kuti hatidi kuva venyika yakaipa yaSatani. Tinoratidza kuti tiri kugara mairi kwechinguva chete. Chatinonyatsoda uye chatiri kuvavarira ndechokuti tizogara narini narini munyika itsva yaMwari yakarurama.

MUFAMBIRO WAKANAKA

11, 12. Dzimwe nguva vanhu vokune imwe nyika vanoonekwa sei, uye chii chingataurwa nezveZvapupu zvaJehovha?

11 Petro anoenderera mberi kutsanangura zvinotarisirwa ku“vagari venguva duku” vechiKristu mundima 12 achiti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi, kuti, pachinhu chavanokupomerai sevanhu vanoita zvakaipa, vakudze Mwari pazuva rokuongorora kwake nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona.” Dzimwe nguva vanhu vanenge vachigara munyika isiri yavo kwenguva pfupi vanoshorwa. Vangatoonekwa sevanhu vanoita zvakaipa pamusana pokungoti vakasiyana nevavakidzani vavo. Vangava vakati siyanei nevamwe pamatauriro, zvavanoita, mapfekero, uye kunyange chitarisiko. Asi pavanoita zvakanaka, mufambiro wavo paunenge wakanaka, vanoratidza kuti zvavanopomerwa hazvina musoro.

12 Saizvozvowo, vaKristu vechokwadi  vakasiyana nevavakidzani vavo vakawanda pane zvimwe zvinhu, zvakadai sezvavanotaura kana kuti zvinovavaraidza. Mapfekero avo uye kushambidzika zvinowanzovasiyanisa nevakawanda vekwavanogara. Pamwe pacho kusiyana uku kwakaita kuti vanhu vakaudzwa zvisizvo vavapomere kuti vanoita zvakaipa. Zvisinei, vamwe vanhu vangavarumbidza pamusana pemararamiro avo.

13, 14. “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo” sei? Taura muenzaniso.

13 Chokwadi, mufambiro wakanaka unogona kuita kuti vaya vanoshora pasina chikonzero vashaye zvokutaura. Kunyange Jesu, munhu mumwe chete ainge akatendeka kuna Mwari asingakanganisi, akapomerwa zvenhema. Vamwe vaimuti “munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.” Asi chokwadi ndechokuti, uchenjeri hwaaiva nahwo pakushumira Mwari hwakaratidza kuti aipomerwa zvenhema kuti aiva mutadzi. Jesu akati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mat. 11:19) Ndizvo zvazvakaitawo mazuva ano. Somuenzaniso, hama nehanzvadzi dzinoshanda paBheteri riri muSelters, muGermany dzinoonekwa nevamwe vavakidzani sevanhu vasinganzwisisiki. Asi meya wenzvimbo iyoyo akadzireverera achiti: “Zvapupu zvinoshanda ipapo zvine mararamiro akasiyana neevamwe, asi haambokanganisi upenyu hwevamwe vari munharaunda.”

Chokwadi cheBhaibheri chakabatsira mhuri iyi yokuRussia kuti ibatane

14 Zvakafanana zvakataurwa munguva pfupi yapfuura nezveZvapupu zvaJehovha zvinogara muMoscow, kuRussia. Vaipomerwa zvinhu zvakaipa zvinoverengeka. Muna June 2010, dare redzimhosva rinonzi European Court of Human Rights riri muStrasbourg, France, rakatonga kuti: “Dare raona kuti kupindira [kwehurumende yeRussia] parusununguko [rweZvapupu zvaJehovha] rwechitendero uye rwokuwadzana hakuna kukodzera. Matare emunyika iyoyo haana kupa zvikonzero ‘zvine musoro uye zvakakwana’ zvinoratidza kuti [Zvapupu zvaJehovha]” zvine mhosva, dzakadai sokuparadza mhuri, kukurudzira kuzviuraya, kana kuti kuramba kurapwa. Saka, “chirango chakapiwa nematare edzimhosva [emuRussia] chakanyanyisa kana tikafunga nezvokuoma kwemitemo yavo uye hachienderani nechero zvavaida kugadzirisa.”

KUZVIISA PASI KWAKAKODZERA

15. VaKristu vechokwadi vari pasi pose vanoteerera zano ripi reBhaibheri?

15 Zvapupu zvaJehovha zviri munyika yose, kusanganisira zviri muMoscow, zvinoita zvakanzi naPetro zvinotarisirwa kuvaKristu. Akanyora kuti: “Zviisei pasi pechinhu chose chakaitwa nomunhu nokuda kwaShe: angava mambo somukuru kana magavhuna.” (1 Pet. 2:13, 14) Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vasiri venyika ino yakaipa, vanoita zvakarayirwa naPauro kuti vazviise pasi pevane masimba vehurumende  “vakaiswa munzvimbo dzavo dzine mwero.”—Verenga VaRoma 13:1, 5-7.

16, 17. (a) Chii chinoratidza kuti hatirwisani nehurumende? (b) Vamwe vatungamiriri vezvematongerwo enyika vakabvuma kuti chii?

16 Zvapupu zvaJehovha pazvinoratidza kuti “vagari venguva duku” munyika ino, vanenge vasiri kunyunyutira hurumende chinyararire sezvinoita vamwe. Uyewo havapikisi kana kupindira pane zvinosarudzwa nevamwe pane zvematongerwo enyika kana magariro. Kusiyana nezvimwe zvitendero, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvematongerwo enyika. Hazvimboedzi kuudza vanhu vemuhurumende zvokuita. Pfungwa yokuti vanoedza kuvhiringidza runyararo kana kuzvidza hurumende haisi yechokwadi!

17 Pavanoteerera vakuru vakuru vehurumende maererano nezano raPetro ‘rokukudza mambo,’ vaKristu vanoratidza ruremekedzo uye rukudzo runoenderana nezvinzvimbo zvevanhu ivavo. (1 Pet. 2:17) Pane dzimwe nguva, vakuru vakuru vehurumende vakabvuma kuti havana chikonzero chaicho chokutyira kuti Zvapupu zvaJehovha zvingakanganisa zvinhu. Somuenzaniso, mumwe murume wezvematongerwo enyika wokuGermany, Steffen Reiche, aichimbova gurukota rehurumende muBrandenburg uye akazova muparamende yeGermany, akati: “Maitiro eZvapupu zvaJehovha pazvaiva mumisasa nemumajeri airatidza kuva netsika, idzo mazuva ano, kungofanana nekare, dzinotodiwa kuti Hurumende dzegutsaruzhinji dzirambe dziripo: vairamba vakashinga pavaitambudzwa neSS uye vairatidza mutsa kune vamwe vasungwa. Tsika idzi dzinotodiwa nemugari wese wenyika yedu kana tikafunga nezvekuwedzera kuri kuita utsinye huri kuitirwa vokune dzimwe nyika uyewo vanhu vane mafungiro ezvematongerwo enyika akasiyana needu.”

KURATIDZA RUDO

18. (a) Nei zvisingatiomeri kuda sangano rose rehama? (b) Vamwe vanhu vasiri Zvapupu vakati chii?

18 Muapostora Petro akanyora kuti: “Idai sangano rose rehama, ityai Mwari.” (1 Pet. 2:17) Zvapupu zvaJehovha zvinotya kugumbura Mwari, uye izvi zvinoitawo kuti vade kuita zvaanoda. Vanofara kushumira Jehovha sesangano rimwe chete riri munyika yose rehama nehanzvadzi dzine chido chakafanana. Saka izvozvo zvinobva zvangoita kuti vade “sangano rose rehama.” Kudanana sehama kwakadaro, uko kusingawanikwi muvanhu vemazuva ano vane udyire, dzimwe nguva kunoshamisa vanhu vasiri Zvapupu. Somuenzaniso, mumwe mukadzi anoita basa rokuratidza vashanyi nzvimbo anoshandira kambani yokuAmerica inobatsira vanenge vachida kuita rwendo akashamiswa nerubatsiro uye rudo rwairatidzwa neZvapupu kuhama dzainge dzabva kune dzimwe nyika pagungano renyika dzakawanda rakaitirwa muGermany muna 2009. Akati haana kumboona zvakadaro mumakore ose aave achiita basa rake. Gare gare, chimwe Chapupu chakati nezvemukadzi uyu: “Zvose zvaaitaura nezvedu aizvitaura achishamisika uye nemanyukunyuku.” Pagungano rawakapinda, wakambonzwawo vamwe vanhu vaicherechedza Zvapupu vachitaura zvakafanana here?

19. Tinofanira kuva nechido chakasimba chokuitei, uye nei tichifanira kuva nechido ichocho?

19 Pane zvose zvataurwa, uye nezvimwe zvakawanda, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuti ivo zvechokwadi “vagari venguva duku” munyika ino yakaipa yaSatani. Uye vane chido chakasimba chokuti varambe vakadaro. Vane tariro yakasimba chaizvo yokuti munguva pfupi vachagara narini narini munyika itsva yaMwari yakarurama. Handizvo zvaunotarisirawo here?