Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vagari Venguva Duku” Vanonamata Mwari Pamwe Chete

“Vagari Venguva Duku” Vanonamata Mwari Pamwe Chete

“Vokune imwe nyika vachava varimi venyu nevatarisiri venyu vemizambiringa. Asi imi muchanzi vapristi vaJehovha.”—ISA. 61:5, 6.

1. Vamwe vanhu vanoona sei vokune dzimwe nyika, asi nei izvozvo zvisina kunaka?

SEZVAKATAURWA munyaya yakapfuura, vanhu vanoshora munhu wokune imwe nyika vachimuti mubvakure, vachiratidza kuzvidza, kunyange kutomusema. Kuona vanhu veimwe nyika sevari pasi pevanhu vomunyika yedu kunoratidza kusaremekedza. Izvozvo zvinotoratidzawo kusaziva chokwadi chaicho. Bhuku rinonzi The Races of Mankind rinoti: “Marudzi evanhu akaita sevakoma nevanun’una sezvinotaurwa neBhaibheri.” Kakawanda vakoma nevanun’una vakasiyana chaizvo, asi vanoramba vari vakomana nevanun’una.

2, 3. Jehovha anoona sei vanhu vokune dzimwe nyika?

2 Chokwadi, tinogara nevanhu vokune dzimwe nyika pasinei nokuti tiri kupi. Ndizvo zvazvainge zvakaitawo panguva yevaIsraeri vekare, avo vaiva neukama hunokosha naJehovha Mwari pamusana pesungano yeMutemo. Vanhu vainge vasiri vaIsraeri vaiva nekodzero shoma, asi vaIsraeri vaifanira kuvaremekedza uye kuvabata zvakanaka. Iwoyo muenzaniso wakazonaka wokuti titevedzere! VaKristu vechokwadi havatombofaniri kusarura vamwe. Nemhaka yei? Muapostora Petro akati: “Chokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mab. 10:34, 35.

3 Vokune dzimwe nyika vaiva pakati pevaIsraeri vaibatsirwa nokuwadzana kwavaiita nevaIsraeri. Izvi zvairatidza maonero anoita Jehovha nyaya yacho sezvakazotaurwa nomuapostora Pauro papfuura makore, paakabvunza kuti: “NdiMwari wevaJudha chete here? Haasiriwo wevanhu vemamwe marudzi here? Chokwadi, wevanhu vemamwe marudziwo.”—VaR. 3:29; Joe. 2:32.

4. Nei zvinganzi pakati pa“Israeri waMwari” hapana vanhu vanonzi ndevokune dzimwe nyika?

 4 Pachishandiswa sungano itsva, ungano yevaKristu vakazodzwa yakatsiva rudzi rwaIsraeri, ikava rudzi rune ukama hunokosha naMwari. Saka vakazodzwa ava vanonzi “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) Uye sezvakatsanangurwa naPauro, murudzi rutsva urwu hamuna “muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, munhu wokune imwe nyika, muSitiya, muranda, munhu akasununguka, asi Kristu ndiye zvinhu zvose uye ari muna vose.” (VaK. 3:11) Saka tichifunga izvozvo, muungano yechiKristu maisazova nemunhu anonzi ndewokune imwe nyika.

5, 6. (a) Mubvunzo upi une chokuita naIsaya 61:5, 6 ungamuka? (b) “Vapristi vaJehovha” uye “vokune imwe nyika” vanotaurwa naIsaya ndivanaani? (c) Mapoka iwayo maviri anoita basa ripi rakafanana?

5 Asi mumwe munhu angashamisika nezvinotaurwa muchitsauko 61 chebhuku raIsaya, chine uprofita huri kuzadziswa muungano yechiKristu. Ndima 6 yechitsauko ichocho inotaura nezvevaya vaizova “vapristi vaJehovha.” Asi ndima 5 inotaura nezve“vokune imwe nyika” vaizoshanda pamwe ne“vapristi” ivavo. Izvi zvinganzi zvinorevei?

6 Tinonzwisisa kuti “vapristi vaJehovha” ivavo vaKristu vakazodzwa vanowana “kumuka kwokutanga” uye “vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvak. 20:6) Uyewo, pane vaKristu vakavimbika vakawanda vane tariro yepasi pano. Kunyange zvazvo vaKristu ava vachishanda uye vachiwadzana nevaya vachaenda kudenga, ivo vanogona kunzi vanhu vokune imwe nyika. Vanofara kutsigira uye kushanda pamwe ne“vapristi vaJehovha,” zvichiita sokuti “varimi” vavo uye ‘vatarisiri vemizambiringa.’ Vanoita sevari kuvabatsira pakurima kuti vakudze Mwari, vachitarisira uye kukohwa vanhu pane zvokunamata. Chokwadi, vakazodzwa uye “mamwe makwai” vanotsvaka uye vofudza norudo vanhu vane mwoyo yakatendeseka vane chido chokushumira Mwari nokusingaperi.—Joh. 10:16.

 “VAGARI VENGUVA DUKU” VAKAITA SAABRAHAMU

7. Mazuva ano vaKristu vakaita sei saAbrahamu nevamwe vakatendeka vekare?

7 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, vaKristu vechokwadi vakaita sevanhu vokune dzimwe nyika, kana kuti vagari venguva duku, munyika yakaipa yaSatani. Vakaita sevanhu vakatendeka vekare, vanosanganisira Abrahamu, vanonzi nezvavo vaiva “vagari venguva duku munyika yacho.” (VaH. 11:13) Pasinei netariro yatinayo, tine ropafadzo yokuva noukama hwakaita sehwaiva naAbrahamu naJehovha. Jakobho anotsanangura kuti “‘Abrahamu akatenda muna Jehovha, akanzi akarurama,’ uye akasvika pakunzi ‘shamwari yaJehovha.’”—Jak. 2:23.

8. Abrahamu akavimbiswei, uye akanzwa sei nezvekuzadziswa kwevimbiso iyoyo?

8 Mwari akavimbisa kuti mhuri dzose dzepanyika, kwete rudzi rumwe chete, dzaizokomborerwa pachishandiswa Abrahamu nevazukuru vake. (Verenga Genesisi 22:15-18.) Kunyange zvazvo zvaizotora makore akawanda kuti vimbiso iyi yainge yapiwa naMwari izadziswe, Abrahamu akaramba achivimba kuti yaizozadziswa. Iye nemhuri yake vakaramba vachitama-tama kwemakore anopfuura hafu youpenyu hwake. Panguva yose iyoyo, Abrahamu akaramba ari shamwari yaJehovha.

9, 10. (a) Tinogona kutevedzera muenzaniso waAbrahamu nenzira dzipi? (b) Tinogona kukoka vamwe kuti vazoitei?

9 Pasinei nokuti Abrahamu aisaziva kuti zvaizotora nguva yakareba sei kuti tariro yake izadziswe, akaramba achida Jehovha uye akazvipira kwaari. Maziso ake akaramba ari pane zvaiva mberi, uye haana kuva nenzvimbo yake pachake yokugara zvachose mune imwe nyika. (VaH. 11:14, 15) Chokwadi ticharatidza kuti takachenjera kana tikatevedzera muenzaniso waAbrahamu, nokuva noupenyu husina twakawanda-wanda, uye tisingazvidyi mwoyo nepfuma, kuva nezvinzvimbo, kana kuva nemabasa akanaka! Tinodirei kurarama sezvinongoitwa nevamwe vose vari munyika ino yava kuda kuguma? Pane chikonzero here chokuti titi nangananga nezvinhu zvichapfuura? Kufanana naAbrahamu, isu takananga kunyika iri nani chaizvo kupfuura iripo. Tine chido chokumirira kusvikira tariro yedu yazadziswa.—Verenga VaRoma 8:25.

Ucharamba wakaisa pfungwa pakuzadziswa kwezvakavimbiswa naMwari sezvakaita Abrahamu here?

10 Jehovha achiri kukoka vanhu vemarudzi ose kuti vakomborerwe pachishandiswa mbeu yaAbrahamu. Uye “vapristi vaJehovha” vakazodzwa, uyewo mamwe makwai kana kuti “vokune imwe nyika,” vari kuita basa iri rokukoka vanhu munyika yose mumitauro inopfuura 600.

IDA VANHU VEMARUDZI OSE

11. Soromoni akataurei zvaisanganisira vanhu vemamwe marudzi aisava vaIsraeri?

11 Paaitsaurira temberi muna 1026 B.C.E., maererano nezvainge zvavimbiswa Abrahamu naJehovha, Soromoni akati vanhu vemarudzi ose vaizouya kuzorumbidza Jehovha. Achinyengetera zvaibva pamwoyo, akati: “Uyewo kana munhu wokune imwe nyika, asiri wevanhu venyu vaIsraeri, anobva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu (nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru uye nezvoruoko rwenyu rune simba uye nezvoruoko rwenyu rwakatambanudzwa), akauya akanyengetera akatarira kuimba ino, teererai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji, muitire munhu wacho wokune imwe nyika maererano nezvose zvaanoshevedzera kwamuri; kuti marudzi ose enyika azive zita renyu, kuti akutyei sezvinoitwa nevanhu venyu vaIsraeri.”—1 Madz. 8:41-43.

12. Nei vamwe vanhu vachiona Zvapupu zvaJehovha sevanhu vasinganzwisisiki kana kuti “vokune imwe nyika”?

12 Munhu wokune imwe nyika munhu anenge achigara munyika isiri yake. Izvi ndizvo chaizvo zvakaita Zvapupu zvaJehovha. Vanotsigira hurumende yokudenga, Umambo hwaMwari huri kutungamirirwa  naKristu. Saka havatombopindiri mune zvematongerwo enyika, kunyange zvazvo vamwe vachivati vanhu vasinganzwisisiki uye vakasiyana nevamwe.

Hapana mumwe wavo anonzi naJehovha ndewokune imwe nyika

13. (a) Kuti munhu ndewokune imwe nyika zvinongova mupfungwa pakuti kudini? (b) Pakutanga Jehovha aida kuti pave nevanhu vanonzi ndevokune dzimwe nyika here? Tsanangura.

13 Vanhu vokune dzimwe nyika vanowanzozivikanwa nezvinovasiyanisa noruzhinji. Zvingava mutauro wavo, tsika, chitarisiko, kunyange mapfekero. Kunyange zvakadaro, zvinoita kuti vafanane nevamwe vose, pasinei norudzi rwavo, zvakawanda kupfuura zvinovasiyanisa nevamwe. Saka munhu anoonekwa sewokune imwe nyika pamusana pokusiyana nevamwe pane zvimwe zvinhu. Saka patinodzidza kusava nebasa nokusiyana uku kana kuti kwatinofunga kuti kusiyana, mashoko okuti “wokune imwe nyika” anenge asisina zvaanoreva. Kudai vanhu vose vari panyika vaiva pasi pehurumende imwe chete, hapana aizova munhu wokune imwe nyika. Pakutanga Jehovha aida kuti vanhu vose vave mhuri imwe chete inotongwa noumambo humwe chete, ihwo umambo hwake. Iye zvino pangava nezvakada kufanana naizvozvo pavanhu vari mumarudzi ose ari panyika here?

14, 15. Seboka, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kuitei?

14 Zvinozorodza kuva nevanhu vanoda vamwe vemarudzi ose munyika ine udyire uye ine vanhu vanopengeswa nokutsigira nyika yavo. Chokwadi, zvakaoma kuti tisasarura vamwe. Ted Turner, muridzi weCNN inobudisa nhau paterevhizheni, akataura nezvekushanda kwaakaita nevanhu vemamwe marudzi vanoverengeka vane matarenda achiti: “Zvaifadza chaizvo kusangana nevanhu ava. Ndakasvika pakuona vamwe vanhu kwete sevokune dzimwe nyika, asi sevamwe vangu vandinogara navo panyika. Ndakatanga kuona mashoko okuti ‘wokune imwe nyika’ seanoshora uye ndakadzika mutemo pavashandi veCNN kuti mashoko acho asashandiswa pakuverenga nhau kana kuti pakukurukurirana pabasa. Asi taizoshandisa mashoko okuti ‘vanhu vemarudzi akasiyana-siyana.’”

15 Munyika dzose, Zvapupu zvaJehovha seboka, ndizvo chete zvinoona nyaya iyi sezvinoitwa naMwari. Sezvo vakadzidza kuona zvinhu sezvinoita Jehovha, vakakwanisa kuchinja manzwiro uye mafungiro avanoita nezvevanhu vemamwe marudzi. Panzvimbo pokunyumwira, kufungira zvisizvo vanhu vemamwe marudzi kana kutovavenga, vakadzidza kuona kusiyana uye unyanzvi hwevanhu ivavo sezvinhu zvakazonaka. Wakambofungisisa here kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kukwanisa sei kuita izvi uye kuti wakabatsirwa sei pamabatiro aunoita vamwe?

 NYIKA ISINA VANHU VOKUNE DZIMWE NYIKA

16, 17. Kuzadziswa kwaZvakazarurwa 16:16 uye Dhanieri 2:44 kucharevei kwauri?

16 Pasina nguva, marudzi ose aripo nhasi acharwisana naJesu Kristu nemauto ake okudenga. Achange achirwa noUmambo hwaMwari muhondo yokupedzisira “inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.” (Zvak. 16:14, 16; 19:11-16) Makore anodarika 2 500 akapfuura, muprofita Dhanieri akafemerwa kuprofita zvaizoitika kuhurumende dzevanhu dzinorwisana nechinangwa chaMwari achiti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhan. 2:44.

17 Unogona here kufungidzira kuti kuzadziswa kwouprofita ihwohwo kucharevei kwauri? Miganhu yenyika yakaitwa nevanhu iyo inoita kuti vanhu vanzi ndevokune dzimwe nyika inenge isisiko. Chero kusiyana kwechitarisiko kana kuti zvimwewo zvichasara zvichange zvichingoratidza kusiyana kunofadza kwezvisikwa zvaMwari. Tarisiro inofadza yakadaro inofanira kutikurudzira tose kuramba tichirumbidza uye tichikudza Musiki wedu, Jehovha Mwari, sezvatinogona.

Unotarisira kurarama pakuchange kusisina miganhu yenyika yakaiswa nevanhu, uye kusisina munhu anonzi ‘ndewokune imwe nyika’ here?

18. Muenzaniso upi unoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha hazvioni vamwe sevokune dzimwe nyika?

18 Zvine musoro here kubvuma kuti kuchinja kwakadaro kunogona kuitika munyika yose? Hongu zvine musoro. Tine chivimbo chokuti zvichaitika. Nyaya yokudana mumwe munhu kuti “wokune imwe nyika” haisisina zvainonyatsoreva pakati peZvapupu zvaJehovha, nokuti havana basa nokuti munhu ndewerudzi rupi. Somuenzaniso, munguva pfupi yapfuura, mapazi avo maduku anoverengeka akabatanidzwa kuti basa rokutarisira rireruke uye kuti basa rokuparidza mashoko akanaka eUmambo riitwe zvakanaka. (Mat. 24:14) Mapazi acho paakabatanidzwa, hama dzaisafunga nezvemiganhu yenyika kutoti kana mitemo yenyika yaida kuti dzidaro. Ihwohwo ndehumwe uchapupu hunooneka hwokuti Jesu Kristu, Mutongi akagadzwa naMwari ari kubvisa miganhu yakaiswa nevanhu, uye kuti pasina nguva ‘achapedzisa kukunda kwake!’—Zvak. 6:2.

19. Mutauro wakachena wechokwadi uri kuita kuti pave nechii?

19 Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichibva mumarudzi akawanda uye zvichitaura mitauro yakasiyana-siyana, zvinotovavarira kutsigira mutauro wakachena wechokwadi. Izvi zvinoita kuti vabatane zvokuti hapana chingavaparadzanisa. (Verenga Zefaniya 3:9.) Iyi imhuri yemarudzi akawanda iri munyika ino yakaipa asi yakaparadzana nayo. Mhuri iyi yakabatana inongoratidza zvichange zvakaita nyika iri kuuya, nyika inenge isina anonzi uyu ndewokune imwe nyika. Munhu wose anenge aripo panguva iyoyo, achabvuma zvakataurwa nebhuku rine mashoko ari kwekutanga, kuti: “Marudzi evanhu akaita sevakoma nevanun’una sezvinotaurwa neBhaibheri.”—The Races of Mankind.