Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

“Ndichadzipa mwoyo wokuti dzindizive, kuti ndini Jehovha; uye dzichava vanhu vangu.”—JER. 24:7.

1, 2. Nei vamwe vangafarira maonde?

UNOFARIRA maonde here, manyoro kana akaomeswa? Vakawanda vanoafarira zvokuti anorimwa kwakawanda. VaJudha vekare vaikoshesa maonde. (Nah. 3:12; Ruka 13:6-9) Maonde anonzi akanakira utano zvokuti vamwe vanoti anoita kuti mwoyo ushande zvakanaka.

2 Jehovha akambotaura nezvemaonde panyaya ine chokuita nemwoyo. Mwari aisatsanangura kubatsirwa kwatinoitwa nokudya maonde. Aitaura achifananidzira. Zvaakataura achishandisa muprofita Jeremiya zvine chokuita nemwoyo wako uye mwoyo yehama neshamwari dzako. Patinenge tichikurukura zvaakataura, funga kuti izvi zvingabatsira sei vaKristu.

3. Maonde anotaurwa muchitsauko 24 chaJeremiya anomirirei?

3 Ngatitangei nokukurukura zvakataurwa naMwari panguva yaJeremiya nezvemaonde. Muna 617 B.C.E., rudzi rwaJudha rwainge rwashata pakunamata. Mwari akaratidza Jeremiya zvaizoitika, achizvifananidza nemaonde, “akanaka kwazvo” uye “akaipa kwazvo.” (Verenga Jeremiya 24:1-3.) Maonde akaipa aimirira Mambo Zedhekiya nevamwe vakaita saiye vaizoitirwa zvakaipa naMambo Nebhukadhinezari nemauto ake. Asi zvakadini naEzekieri, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vaitova muBhabhironi nechekare, uye vamwe vaJudha vaizoendeswa ikoko? Vainge vakaita semaonde akanaka. Vamwe vavo vaizodzokera kunovakazve Jerusarema netemberi yaro. Nokufamba kwenguva, izvozvo zvakazoitika.—Jer. 24:8-10; 25:11, 12; 29:10.

4. Mashoko akataurwa naMwari nezvemaonde akanaka angatikurudzira sei?

4 Jehovha akati nezvenhapwa dzaimirirwa nemaonde akanaka: “Ndichadzipa mwoyo wokuti dzindizive, kuti ndini Jehovha; uye dzichava vanhu vangu.” (Jer. 24:7) Irworwo ndirwo rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino, uye runokurudzira zvechokwadi! Mwari ane chido chokupa  vanhu ‘mwoyo wokuti vamuzive.’ Pano, “mwoyo” unomirira mafungiro emunhu. Chokwadi, unoda kuva nemwoyo wakadaro uye kuva mumwe wevanhu vake. Kuti zvidaro, unofanira kutora matanho aya, kudzidza uye kushandisa Shoko rake, kupfidza uye kutendeuka, kutsaurira upenyu hwako kuna Mwari, uye kubhabhatidzwa muzita raBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene. (Mat. 28:19, 20; Mab. 3:19) Ungave wakatotora matanho iwayo, kana kuti unogara uchiwadzana neZvapupu zvaJehovha uye uri kutora matanho acho.

5. Jeremiya paakanyora nezvemwoyo, ainyanya kutaura nezvemwoyo yavanaani?

5 Pasinei nokuti takatora matanho iwayo ose here kana kuti mamwe acho, tinofanira kufunga nezvemafungiro edu uye maitiro. Unogona kuona chikonzero nei tichifanira kudaro pane zvakanyorwa naJeremiya nezvemwoyo. Zvimwe zvitsauko zvebhuku raJeremiya zvinotaura nezvemamwe marudzi, asi bhuku iri rinonyanya kutaura nezverudzi rwaJudha paitonga mamwe madzimambo arwo mashanu. (Jer. 1:15, 16) Jeremiya ainyanya kutaura nevarume, vakadzi, uye vana vainge vari murudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha. Madzibaba avo ainge asarudza zvichibva pamwoyo kuti ave rudzi rwaMwari. (Eks. 19:3-8) Uye munguva yaJeremiya, vanhu vacho vakataura voga kuti vainge vakazvitsaurira kuna Mwari. Vakati: “Tauya kwamuri, nokuti imi, haiwa Jehovha, muri Mwari wedu.” (Jer. 3:22) Zvisinei, unofunga kuti mwoyo yavo yainge yakaita sei?

VAIFANIRA KUVHIYIWA MWOYO WOKUFANANIDZIRA HERE?

6. Nei tichifanira kufarira chaizvo zvakataurwa naMwari nezvemwoyo?

6 Vanachiremba vemazuva ano vanogona kushandisa michina yemhando yepamusoro kuona zvakaita mwoyo uye kushanda kwawo. Asi Jehovha anogona kuita zvinopfuura izvozvo, sezvaakaita munguva yaJeremiya. Mwari ane unyanzvi hunoshamisa, sezvatinoona mumashoko ake okuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva? Ini, Jehovha, ndinonzvera mwoyo, . . . kuti ndipe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake, zvinoenderana nezvibereko zvezvaakaita.” (Jer. 17:9, 10) ‘Kunzvera mwoyo’ uku kwakasiyana nezvinoitwa nachiremba paanoongorora mwoyo chaiwo, uyo unogona kurova kane mabhiriyoni matatu mumakore 70 kana 80. Jehovha aitaura nezvemwoyo wokufananidzira. “Mwoyo” iwoyo unoreva zvose zvakaita munhu nechomukati, zvinosanganisira zvido zvake, mafungiro, maonero, uye zvinangwa. Iwe une mwoyo wakadaro. Mwari anogona kuuongorora, uye iwe unogona kuuongororawo zvishoma.

7. Jeremiya akatsanangura sei mwoyo yevaJudha vakawanda vepanguva yake?

7 Kuti tigadzirire kuongororwa uku, tingabvunza kuti, ‘Mwoyo wokufananidzira wevaJudha vakawanda vepanguva yaJeremiya wainge wakaita sei?’ Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatifungei nezvemashoko asina kujairika akashandiswa naJeremiya, okuti: “Imba yose yaIsraeri ine mwoyo isina kudzingiswa.” Aisataura nezvekudzingiswa chaiko kwaiitwa vanhurume vechiJudha, nokuti ainge ati: “‘Tarirai! Mazuva ari kuuya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichaita kuti vanhu vose vakadzingiswa asi vachiri pakusadzingiswa vazvidavirire.’” Saka kunyange varume vechiJudha vainge vakadzingiswa vainge vaine “mwoyo isina kudzingiswa.” (Jer. 9:25, 26) Izvi zvairevei?

8, 9. VaJudha vakawanda vaifanira kuitei nemwoyo yavo?

8 Tinowana pfungwa inotibatsira kunzwisisa mashoko okuti “mwoyo isina kudzingiswa” pane zvakakurudzirwa vaJudha naMwari kuti vaite: “Bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu, imi varume vaJudha nevagari vomuJerusarema; kuti hasha  dzangu dzirege kubuda . . . nokuda kwokuipa kwezvamakaita.” Asi zvakaipa zvavaiita zvakatangira pai? Mukati, mumwoyo mavo. (Verenga Mako 7:20-23.) Chokwadi, Mwari akashandisa Jeremiya kuti aratidze paibva zvakaipa zvaiitwa nevaJudha. Mwoyo yavo yainge yakaoma uye ichipandukira. Zvavaivavarira uye zvavaifunga zvaisafadza Mwari. (Verenga Jeremiya 5:23, 24; 7:24-26.) Mwari akavaudza kuti: “Zvidzingisei kuna Jehovha, uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu.”—Jer. 4:4; 18:11, 12.

9 Saka vaJudha vepanguva yaJeremiya vaifanira kuvhiyiwa mwoyo wokufananidzira, vaifanira ‘kudzingiswa mwoyo,’ sezvainge zvaitwa nevaya vepanguva yaMosesi. (Dheut. 10:16; 30:6) ‘Kubvisa zvikanda zvepamberi zvemwoyo yavo’ kwaireva kubvisa chaiita kuti mwoyo yavo iome, iwo mafungiro avo, zvido, kana kuti zvavaivavarira izvo zvaipesana nezvaMwari.—Mab. 7:51.

‘MWOYO WOKUTI TIMUZIVE’ MAZUVA ANO

10. Sezvakaratidzwa naDhavhidhi, tinofanira kuva nechido chei?

10 Tinotenda chaizvo kuti Mwari anoita kuti tinzwisise mwoyo wokufananidzira! Asi vamwe vangashamisika kuti ‘Nei Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvichifanira kufunga nezvenyaya iyi?’ Hakusi kuti vaKristu vakawanda vari muungano vari kuita zvakaipa kana kuti vari kuva ‘semaonde akaipa,’ sezvaiitwa nevaJudha vakawanda kare. Vashumiri vaMwari mazuva ano vanhu vakazvipira, vakachena. Kunyange zvakadaro, fungisisa kuteterera Jehovha kwakaita Dhavhidhi achiti: “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa.”—Pis. 17:3; 139:23, 24.

11, 12. (a) Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuongorora mwoyo wake? (b) Chii chisingazoitwi naMwari?

11 Jehovha anoda kuti mumwe nomumwe wedu ave noukama hwakanaka naye uye zvoramba zvakadaro. Achitaura nezvemunhu akarurama, Jeremiya akabvuma kuti: “Imi, haiwa Jehovha wemauto, munoongorora munhu akarurama; munoona itsvo nomwoyo.” (Jer. 20:12) Kana Wemasimbaose achiongorora kunyange mwoyo wemunhu akarurama, hatifaniri here kunyatsozviongororawo? (Verenga Pisarema 11:5.) Patinenge tichidaro, tingaona mafungiro, chinangwa, kana kuti pfungwa yakadzika midzi inoda kugadziriswa. Tingaona kuti pane chiri kuita kuti mwoyo wedu uve wakati omei, kana kuti kuita sokuti ‘une chikanda’ chatinoona kuti chinofanira kubviswa. Kuita izvozvo kuvhiya mwoyo wokufananidzira. Kana uchibvuma kuti zvingava zvakanaka kuongorora mwoyo wako wokufananidzira, ungatsvaka chii mauri? Uye ungagadzirisa sei chero chinenge chichida kugadziriswa?—Jer. 4:4.

12 Chokwadi ndechokuti: Hatifaniri kutarisira kuti Jehovha atimanikidze kuchinja. Akati vaya vainge vakaita se“maonde akanaka” ‘aizovapa mwoyo wokuti vamuzive.’ Haana kuti aizovamanikidza kuchinja mwoyo yavo. Vaifanira kuva nechido chokuva nemwoyo usina kuoma wairatidza kuti vaiziva Mwari. Hatingadi kuitawo izvozvo here?

Kuongorora mwoyo uye kugadzirisa zvido zvisina kukodzera kuchaita kuti tikomborerwe

13, 14. Mwoyo womuKristu ungave uchimukuvadza pakudii?

 13 Jesu akati: “Mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.” (Mat. 15:19) Zviri pachena kuti kana mwoyo wakaoma ukaita kuti hama iite upombwe kana ufeve yoramba isingapfidzi, inogona kusafarirwa naMwari zvachose. Asi kunyange munhu asina kuita chivi chakadaro angave achibvumira chido chakaipa kukura mumwoyo make. (Verenga Mateu 5:27, 28.) Pakadai, kuzviongorora mwoyo ndipo pakungabatsira. Kana ukaongorora mwoyo wako, ungaona here chido chakaipa chaunacho chokuda munhukadzi kana munhurume, chido chiri mumwoyo icho Mwari aisazofarira uye chinofanira kubviswa?

14 Kana kuti hama isina hayo ‘kuponda’ ingave ichirega kugumbuka kuchikura mumwoyo mayo zvokusvika pakuvenga mumwe muKristu. (Revh. 19:17) Ichaita zvose zvainokwanisa here kuti ibvise pfungwa dzakadaro dzingaita kuti mwoyo wayo uome?—Mat. 5:21, 22.

15, 16. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti muKristu angava sei ‘nemwoyo usina kudzingiswa.’ (b) Nei uchifunga kuti ‘mwoyo usina kudzingiswa’ hauzofadzi Jehovha?

15 Zvinofadza kuti vaKristu vakawanda havana ‘dambudziko remwoyo’ rakadaro. Asi Jesu akataurawo nezve“kufunga kwakaipa.” Aya maonero kana kuti mafungiro anogona kukanganisa zvakawanda muupenyu. Somuenzaniso, munhu angava nepfungwa isiriyo panyaya yokuvimbika kuhama dzake. Ichokwadi kuti vaKristu vanofanira kuva no“rudo rukuru rwokuzvarwa narwo” kuhama dzavo, havafaniri kuva sevakawanda vasina rudo rwakadaro ‘mumazuva ano okupedzisira.’ (2 Tim. 3:1, 3) Zvisinei, tinogona kubva tanyanyisa pakuratidza rudo irworwo. Vakawanda vanofunga kuti ukama hweropa hunokosha chaizvo. Saka vangaita zvose zvavanogona kuti vareverere kana kuti vatsigire hama dzavo, vachitogumbukawo kana hama yavo yagumburwa. Funga kuti manzwiro akanyanyisa akadaro akaita kuti hanzvadzi dzaDhina dziitei. (Gen. 34:13, 25-30) Uye fungidzira zvaiva mumwoyo maAbsaromu, zvakaita kuti aponde mukoma wake Amnoni. (2 Sam. 13:1-30) “Kufunga kwakaipa” handiko here kwakakonzera zvose izvi?

16 Zvinonzwisisika kuti vaKristu vechokwadi havapondi. Zvisinei, mumwoyo mavo vangava here vakagumbukira mumwe muKristu akatadzira kana kuti wavanofunga kuti akatadzira hama yavo? Vangaramba kukokwa kumba nemuKristu akadaro wavanofunga kuti akatadzira hama yavo kana kuti vangasamukoka kumba kwavo. (VaH. 13:1, 2)  Kugumbuka kwakadaro uye kusava noushamwari kunoratidza kusava norudo uye hakufaniri kuonekwa senyaya yokutamba nayo. Chokwadi, Muongorori wemwoyo angationa setine “mwoyo isina kudzingiswa.” (Jer. 9:25, 26) Yeuka vaya vakakurudzirwa naJehovha kuti: “Bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu.”—Jer. 4:4.

KUVA ‘NEMWOYO WOKUTI TIZIVE’ MWARI UYE KURAMBA TIINAWO

17. Kutya Jehovha kuchatibatsira sei kuva nemwoyo unokurumidza kubvuma zvaanoda?

17 Asi ngatitii wakaongorora mwoyo wako wokufananidzira ukaona kuti hausi kunyatsogamuchira zano raJehovha sezvawaifanira kunge uchiita uye kuti unoita sokuti hauna “kudzingiswa”? Zvimwe wakaona kuti unotya vanhu, unoda mukurumbira kana kuti zvoumbozha, kana kuti une kakuoma musoro kana kakuzvitonga. Unenge usiri wokutanga kuva akadaro. (Jer. 7:24; 11:8) Jeremiya akanyora kuti vaJudha vainge vasina kutendeka vemunguva yake vaiva “nemwoyo yakasindimara uye inopandukira.” Akawedzera kuti: “Havana kuti: ‘Zvino, ngatityei Jehovha Mwari wedu, Iye anopa mvura zhinji nemvura yematsutso.’” (Jer. 5:23, 24) Izvozvo hazvipi here pfungwa yokuti kuwedzera kutya Jehovha uye kumuonga ndiko kunotibatsira kubvisa ‘chikanda chepamberi chemwoyo?’ Kutya kwakanaka kwakadaro kuchabatsira mumwe nomumwe wedu kuva nemwoyo unokurumidza kubvuma zvinodiwa naMwari.

18. Jehovha akavimbisei vaya vari musungano itsva?

18 Tinogona kushanda pamwe naJehovha sezvaanotipa ‘mwoyo wokuti timuzive.’ Izvozvo ndizvo zvaakavimbisa vakazodzwa vari musungano itsva, achiti: “Ndichaisa mutemo wangu mavari, uye ndichaunyora mumwoyo mavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.” Ko zvakadini nokunyatsomuziva? Akawedzera kuti: “Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, achiti, ‘Zivai Jehovha!’ nokuti vose vachandiziva, kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukuru wavo . . . Nokuti ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.”—Jer. 31:31-34. *

19. VaKristu vechokwadi vane tariro ipi inoshamisa?

19 Pasinei nokuti unotarisira kubatsirwa nesungano itsva uri kudenga kana kuti pasi pano, unofanira kuda kuziva Jehovha uye kuva mumwe wevanhu vake. Chinodiwa kuti ubatsirwe saizvozvo ndechokuti ukanganwirwe zvivi zvako pachishandiswa rudzikinuro rwaKristu. Pfungwa iyoyo yokuti unogona kukanganwirwa inofanira kuita kuti ukanganwire vamwe, kunyange vaya vaungave wakagumbukira chaizvo. Kuva nechido chokubvisa mumwoyo mako chero ruvengo rwurimo kuchabatsira mwoyo wako. Ucharatidza kuti unoda kushumira Jehovha uyewo kuti wava kusvika pakumuziva zviri nani. Uchava sevaya vakanzi naJehovha achishandisa Jeremiya: “Muchanditsvaka, mondiwana, nokuti muchanditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichaita kuti mundiwane.”—Jer. 29:13, 14.

^ ndima 18 Sungano itsva inokurukurwa muchitsauko 14 chebhuku raShoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya.