NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA April 2013

Magazini ino ichatsanangura kudzidza kwatingaita Bhaibheri kuitira kuti tishandise uchenjeri hunobva kuna Mwari muushumiri uye muupenyu hwedu.

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMexico

Ona kuwanda kwevechiduku vakakunda zvipingamupinyi kuti vawedzere ushumiri hwavo hwechiKristu.

Nyatsobatsirwa Nokuverenga Bhaibheri

Bhaibheri richatibatsira kana tikaridzidza uye tikashandisa zvarinodzidzisa. Ona kuti ungaitei kuti ubatsirwe zvakanyanya nokuverenga Bhaibheri.

Batsirwa Uye Batsira Vamwe neShoko raMwari

Unokoshesa Bhaibheri here? Kudzidza 2 Timoti 3:16 kuchasimbisa kutenda kwaunoita chipo ichi chinobva kuna Jehovha.

NYAYA YEUPENYU

Makore 50 Ebasa Renguva Yakazara Pedyo neArctic Circle

Verenga nyaya youpenyu yaAili naAnnikki Mattila, avo vakadzidza kuvimba naJehovha pavaishanda semapiyona chaiwo kuchamhembe kweFinland.

‘Ivai Nechokwadi Chezvinhu Zvinonyanya Kukosha’

Tine ropafadzo yokuva chikamu chesangano raMwari riri kudenga nepanyika. Tingaratidza sei kuti tinotsigira basa rariri kuita mazuva ano?

‘Tisaneta’

Chii chichatibatsira kuramba tichifambirana nesangano raJehovha uye kuti tirambe tichishingaira mubasa raMwari?

Waizviziva Here?

Jesu akagara ataura kuti temberi yaJehovha yaizoparadzwa zvachose. Temberi yomuJerusarema yakazombovakwazve here gore ra70 C.E. rapfuura?