Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Temberi yomuJerusarema yakazombovakwazve here gore ra70 C.E. rapfuura?

JESU akati hapana dombo retemberi yaJehovha raizombosiyiwa riri pamusoro perimwe dombo uye uprofita uhwu hwakazadziswa mauto eRoma aitungamirirwa naTitus paakaparadza Jerusarema muna 70 C.E. (Mat. 24:2) Papfuura nguva, Mambo Julian akaronga kuvakazve temberi.

Julian ave achinzi ndiye mambo wechihedheni wokupedzisira weRoma. Aiva mwana womunin’ina waConstantine uye akadzidziswa dzidziso dzainzi ndedzechiKristu. Asi paakanzi ava mambo muna 361 C.E., akaramba pachena dzidziso idzodzo uye chiKristu chaiita zvakaipa chepanguva yake achitsigira chihedheni. Mabhuku anotaura zvakaitika kare anomuti “Mupanduki.”

Julian aisema chiKristu. Chimwe chikonzero chingangova chokuti paaiva nemakore matanhatu, akaona vanhu vaizviti vaKristu vachiuraya baba vake nedzimwe hama dzake. Maererano nezvinotaurwa nevanyori vezvakaitika kare vechechi, Julian akakurudzira vaJudha kuvakazve temberi yavo, achifunga kuti izvi zvaizoratidza kuti Jesu aiva muprofita wenhema. *

Vanyori vezvakaitika kare havarambi kuti Julian akaronga kuvakazve temberi. Chavanoitirana nharo ndechokuti akazotanga basa racho rokuvaka here uye kuti kana akaritanga chii chakazorimisa. Asi pane chinhu chimwe chete chechokwadi. Julian akaurayiwa asati asvitsa makore maviri ari pachigaro uye zvokuvakazve temberi zvakabva zvapararawo.

Mufananidzo uyu wakaiswa nechepamusoro penzvimbo yaimbova netemberi unoratidza zvainofanira kunge yainge yakaita mumazuva aJesu

^ ndima 5 Jesu haana kuti temberi yaisazombovakwazve asi akati yaizoparadzwa uye izvozvo zvakaitika muna 70 C.E.