Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Tisaneta’

‘Tisaneta’

“Tisarega kuita zvakanaka.”—VAG. 6:9.

1, 2. Kufungisisa nezvesangano raJehovha kunoita kuti tiwedzere sei kuva nechivimbo?

TINOSHAMISWA chaizvo patinofunga kuti tiri chikamu chesangano rakakura riri kudenga nepanyika. Zvakaratidzwa Ezekieri zviri muchitsauko 1 uye zvakaratidzwa Dhanieri zviri muchitsauko 7 zvinonyatsoratidza zviri kuitwa naJehovha kuti azadzise chinangwa chake. Jesu ari kutungamirira chikamu chesangano raJehovha chepanyika kuti chiise pfungwa pakuparidza mashoko akanaka, kutsigira pakunamata vaya vari kuita basa iri uye kusimudzira kunamata Jehovha. Chokwadi izvi zvinoita kuti tivimbe nesangano raJehovha!—Mat. 24:45.

2 Tiri kufambirana nesangano iri rinoshamisa here? Kuda kwatinoita chokwadi kuri kuwedzera here kana kuti kuri kudzikira? Patinofunga nezvemibvunzo iyoyo, tinogona kuona kuti tava kuneta kana kuti hatichashingairi sezvataiita. Izvozvo zvinogona kuitika. Munguva yevaKristu vepakutanga, muapostora Pauro aifanira kukurudzira vaKristu vaainamata navo kuti vatevedzere kushingaira kwaiita Jesu. Pauro akati izvi zvaizovabatsira kuti ‘vasaneta vopera simba pamweya yavo.’ (VaH. 12:3) Saizvozvowo, kunyatsoongorora kwatakaita nyaya yakapfuura, inotaura zviri kuitwa nesangano raJehovha, kunofanira kuva kwakatibatsira chaizvo kuramba tichishingaira uye tichitsungirira.

3. Chii chatinofanira kuita kuti tisaneta, uye munyaya ino tichakurukurei?

3 Zvisinei, Pauro akaratidza kuti pane zvakawanda zvinodiwa kuti tisaneta. Akati tinofanira “kuita zvakanaka.” (VaG. 6:9) Saka tine zvatinotofanira kuita. Ngatikurukurei zvinhu zvishanu zvinogona kutibatsira kuti tirambe takasimba uye kuti tifambirane nesangano raJehovha. Tikadaro, tinogona kuona kana paine zvatinofanira kugadzirisa somunhu oga kana kuti semhuri.

 NGATIUNGANEI KUTI TIKURUDZIRANE UYE TINAMATE

4. Nei tingati kuungana chinhu chinokosha pakunamata kwechokwadi?

4 Kuungana kwagara kuri chinhu chinokosha kuvashumiri vaJehovha. Kudenga, panguva dzakakodzera, ngirozi dzinonzi dziuye pamberi paJehovha. (1 Madz. 22:19; Job. 1:6; 2:1; Dhan. 7:10) MuIsraeri yekare, vanhu vose vaifanira kuungana “kuti vateerere uye kuti vadzidze.” (Dheut. 31:10-12) VaJudha vaiva netsika yokuenda kumasinagogi kunoverenga Magwaro. (Ruka 4:16; Mab. 15:21) Ungano yechiKristu payakaumbwa, kuungana kwainge kuchiri kukosha, uye kuchiri kukosha chaizvo pakunamata kwedu. VaKristu vechokwadi ‘vanorangarirana kuti vakurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.’ Tinoda kuramba ‘tichikurudzirana, kunyanya zvatinoona zuva raJehovha richiswedera pedyo.’—VaH. 10:24, 25.

5. Tingakurudzirana sei pamisangano yedu?

5 Imwe nzira inokosha yatinokurudzirana nayo ndeyokupindurawo pamisangano. Tinogona kutaura zvatinotenda paruzhinji nokupindura mubvunzo wakadhindwa, nokutaura kushanda kunoita rugwaro, nokurondedzera muchidimbu zvakaitika zvinoratidza zvakanakira kushandisa mazano eBhaibheri, kana kuti nedzimwewo nzira. (Pis. 22:22; 40:9) Chokwadi unobvuma kuti pasinei nokuti tava nemakore akawanda sei tichipinda misangano, tinoramba tichikurudzirwa nokunzwa mhinduro dzinobva pamwoyo dzehama nehanzvadzi dzedu, vakuru nevaduku.

6. Misangano yedu inotibatsira sei kuti tirambe takamuka pakunamata?

6 Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei Mwari wedu achikoshesa chaizvo nyaya yokuti tigare tichiungana? Misangano yedu nemagungano zvinotibatsira kuti titaure noushingi uye titsungirire patinosangana mundima nevanhu vanoshora kana kuti vasingafariri. (Mab. 4:23, 31) Kutenda kwedu kunosimbiswa nehurukuro dzinobva muMagwaro. (Mab. 15:32; VaR. 1:11, 12) Kudzidziswa uye kukurudzirana kwatinoita patinoungana kuti tinamate kunotibatsira kuti tiwane mufaro wechokwadi uye “runyararo mumazuva edambudziko.” (Pis. 94:12, 13) Dare Rokudzidzisa reDare Rinodzora ndiro rinoona nezvekurongwa kwemapurogiramu ose ezvokunamata kuti vanhu vaJehovha vari munyika yose vadzidziswe. Tinoonga chaizvo urongwa hwatinoitirwa kuti tinyatsodzidziswa pamisangano yedu vhiki roga roga pagore!

7, 8. (a) Chinangwa chikuru chemisangano yedu yeungano ndechei? (b) Misangano inokubatsira sei pakunamata?

7 Zvisinei, pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura kubatsirwa kwatinoitwa nemisangano yedu. Chinangwa chikuru chokuungana kwedu ndechokunamata Jehovha. (Verenga Pisarema 95:6.) Tine ropafadzo yakazonaka yokurumbidza Mwari wedu anoshamisa! (VaK. 3:16) Jehovha akakodzerwa nokuti tigare tichimunamata nokupinda uye nokupindurawo pamisangano yedu. (Zvak. 4:11) Ndosaka tichikurudzirwa kuti ‘tisarega kuungana kwedu, setsika ine vamwe’!—VaH. 10:25.

8 Tinoona misangano yedu yechiKristu seurongwa hunotibatsira kutsungirira kusvikira Jehovha aparadza nyika ino yakaipa here? Kana tichidaro, misangano ichava chimwe chezvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe” chatinofanira kuwanira nguva muupenyu hwedu hune zvakawanda. (VaF. 1:10) Kuti tizosvika pakukundikana kuva pamwe chete nehama dzedu kuti tinamate Jehovha, panofanira kuva nechikonzero chakakura chaizvo.

 TSVAGA VANHU VANODA CHOKWADI

9. Tinoziva sei kuti basa rokuparidza rinokosha?

9 Kushingaira pabasa rokuparidza kunotibatsirawo kuti tirambe tichifambirana nesangano raJehovha. Jesu ndiye akatanga basa iri paaiva panyika. (Mat. 28:19, 20) Kubvira ipapo, basa rokuparidza Umambo nerokuita kuti vanhu vave vadzidzi ndiro rave richinyanya kukosheswa nesangano rose raJehovha. Pane zvakawanda zviri kuitika mazuva ano zvinoratidza kuti ngirozi dziri kutsigira basa redu uye dziri kutitungamirira kuvanhu vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.” (Mab. 13:48; Zvak. 14:6, 7) Chikamu chesangano raJehovha chepanyika chiripo mazuva ano uye chakarongwa kuti chitsigire basa iri rinokosha chaizvo. Ushumiri ndihwo hunonyanya kukoshawo here muupenyu hwedu?

10. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti tingaramba sei tichida chaizvo chokwadi. (b) Ushumiri hwave huchikubatsira sei kuti usaneta?

10 Kushingaira muushumiri kunotibatsira kuti tirambe tichida chaizvo chokwadi. Funga zvakataurwa naMitchel ava nenguva ari mukuru uye piyona wenguva dzose. Anoti: “Ndinoda chaizvo kuudza vanhu chokwadi. Ndinofunga nezvenyaya itsva inenge iri muNharireyomurindi kana Mukai! uye ndinoshamiswa kuti magazini imwe neimwe inonyatsonyorwa zvakanakanaka, zvinoratidza uchenjeri, uye kunzwisisa. Ndinonzwa ndiine chido chokuenda muushumiri kuti ndione kuti vanhu  vanoita sei nemashoko acho, uye zvandingaita kuti vafarire. Ushumiri hwangu hunoita kuti ndirambe ndakasimba. Ndinoedza kuita zvimwe zvose ndisati ndaenda kuushumiri kana kuti ndapedza.” Saizvozvowo, kugara takabatikana mubasa redu dzvene kunogona kutibatsira kuramba takasimba mumazuva ano okupedzisira.—Verenga 1 VaKorinde 15:58.

DZIDZA MABHUKU ANOTISIMBISA PAKUNAMATA

11. Nei tichifanira kunyatsoshandisa zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvatinopiwa naJehovha?

11 Jehovha akatipa mabhuku akawanda ane zvokudya zvinotisimbisa pakunamata. Hapana mubvunzo kuti unoyeuka pawakamboverenga rimwe bhuku, ukati: ‘Izvi ndizvo chaizvo zvandange ndichida! Zvinoita sokuti Jehovha akaita kuti zvinyorerwe ini!’ Izvozvo hazvina kungoitika zvoga. Jehovha anotirayiridza uye anotitungamirira achishandisa urongwa uhwu. Akati: “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.” (Pis. 32:8) Tinoedza here kudzidza mabhuku ose atinopiwa anosimbisa pakunamata uye kufungisisa zvatinoverenga? Kuita izvozvo kuchatibatsira kuramba tichibereka zvibereko tosasvava pakunamata mumazuva ano okupedzisira akaoma.—Verenga Pisarema 1:1-3; 35:28; 119:97.

12. Chii chingatibatsira kuti tisarerutsa zvokudya zvinotisimbisa pakunamata?

12 Zvakanaka kuti tifunge basa rinoitwa pakuita kuti tigare tichiwana zvokudya izvi zvinosimbisa pakunamata. Dare Rokunyora reDare Rinodzora ndiro rinoona nezvekutsvakurudzwa, kunyorwa, kuverengwa kuti anatsiridzwe, kushandiswa kwemifananidzo, uye kushandurwa kwemabhuku edu pamwe nezvinoiswa panzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti. Mapazi anoita basa rokudhinda anoendesa mabhuku kuungano dziri pedyo uye dziri kure. Basa rose iri rinoitirwei? Kuti vanhu vaJehovha vapiwe zvokudya zvakakwana pakunamata. (Isa. 65:13) Tose zvedu ngatibishairei kudzidza mabhuku ose iwayo atinopiwa nesangano raJehovha.—Pis. 119:27.

TSIGIRA URONGWA HWESANGANO

13, 14. Ndivanaani vari kutsigira urongwa hwaJehovha kumatenga, uye tingahutsigirawo sei pasi pano?

13 Pane zvakaratidzwa muapostora Johani, Jesu anoonekwa akatasva bhiza jena kuti akunde vaya vanopandukira Jehovha. (Zvak. 19:11-15) Chokwadi, kutenda kwedu kunosimbiswa chaizvo nokuziva kuti ngirozi dzakatendeka uye vakazodzwa vakatomutsirwa kudenga, vari kutevera Jesu! (Zvak. 2:26, 27) Iwoyo muenzaniso wakazonaka wokutsigira urongwa hwaJehovha!

14 Boka guru rinonyatsotsigirawo basa rehama dzakazodzwa dzaKristu dzichiri panyika uye dziri kutungamirira musangano mazuva ano. (Verenga Zekariya 8:23.) Mumwe nomumwe wedu angatsigira sei urongwa hwaJehovha? Imwe nzira ndeyokuzviisa pasi pevaya vari kutungamirira. (VaH. 13:7, 17) Izvi zvinotangira muungano medu chaimo. Zvatinotaura nezvevakuru zvinoita kuti vamwe vavaremekedze uye varemekedze basa ravo here? Tinokurudzira vana vedu kuremekedza varume ava vakatendeka uye kutsvaka rubatsiro runobva muMagwaro kwavari here? Uyewo, tinokurukura here semhuri nezvekutsigira kwatingaita basa romunyika yose nemari yedu? (Zvir. 3:9; 1 VaK. 16:2; 2 VaK. 8:12) Tinokoshesa here ropafadzo yokuchengeta Imba yoUmambo yakanaka? Mudzimu waJehovha unoshanda wakasununguka pane kuremekedzana uye kubatana kwakadaro. Pachishandiswa mudzimu mutsvene iwoyo,  tinogara tichibatsirwa kuti tisaneta mumazuva ano okupedzisira.—Isa. 40:29-31.

RARAMA MAERERANO NEZVATINOPARIDZA

15. Nei tichifanira kugara tichirwa kuti tirarame zvinoenderana nechinangwa chaJehovha?

15 Chokupedzisira, kuti titsungirire uye tirambe tichifambirana nesangano raJehovha, tinofanira kuramba tichirarama zvinoenderana nezvatinoparidza tichiva “nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.” (VaEf. 5:10, 11) Tinogara tiri muhondo yokurwisana nemiviri yedu ine chivi, miedzo yaSatani uye nyika ino yakaipa. Vamwe venyu, imi hama nehanzvadzi, mave muchirwa zuva rega rega kuti murambe muine ukama hwakanaka naJehovha. Izvozvo zvinoita kuti akudei chaizvo. Musakanda mapfumo pasi! Kurarama maererano nechinangwa chaJehovha kuchaita kuti tigutsikane chaizvo uye kuti tive nechokwadi chokuti hatisi kunamatira pasina.—1 VaK. 9:24-27.

Bishaira kubatsira vamwe kuti vaone kuti vanogona kuvawo chikamu chesangano raJehovha rakakura

16, 17. (a) Tinofanira kuitei kana tikaita chivi chakakura? (b) Zvakaitika kuna Anne zvinogona kutibatsira sei?

16 Zvisinei, tinofanira kuitei kana tikaita chivi chakakura? Tinofanira kukurumidza kutsvaka rubatsiro. Kuvanza chivi chacho kunongoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Yeuka kuti Dhavhidhi akati paasina kureurura zvivi zvake, ‘mapfupa ake akasakara nokugomera kwaaiita zuva rose.’ (Pis. 32:3) Chokwadi, kuvanza zvivi kunoita kuti tisafara uye tinete pakunamata, “asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”—Zvir. 28:13.

17 Funga zvakaitika kuna Anne. * Anne akava piyona wenguva dzose asati asvitsa makore 20. Asi akatangawo kurarama upenyu husingaenderani nechiKristu. Izvi zvakamukanganisa chaizvo. Anoti: ‘Hana yangu yainditongesa. Ndaisafara uye ndaigara ndakaora mwoyo.’ Akaitei? Anotaura kuti rimwe zuva kumisangano kwakakurukurwa Jakobho 5:14, 15. Anne akaona kuti aida rubatsiro uye akakumbira vakuru kuti vamubatsire. Paanofunga zvakaitika anoti: “Magwaro iwayo mapiritsi atinopiwa naJehovha kuti tipore pakunamata. Mapiritsi iwayo haasi nyore kuamedza, asi anorapa. Ndakateerera zano riri mumagwaro iwayo, uye rakashanda.” Iye zvino kwapera makore, uye Anne asimbazve pakunamata, ava kushumira Jehovha nehana yakachena.

18. Tinofanira kutsidza mumwoyo kuitei?

18 Chokwadi iropafadzo kurarama mumazuva ano okupedzisira uye kuva musangano raJehovha rinoshamisa! Ngatitsidzei mumwoyo kuti tisambofa takarerutsa zvatiinazvo. Ngatishandei semhuri kuti tigare tichipinda misangano neungano yedu kuti tinamate, kuti tibishaire kutsvaga vanhu vanoda chokwadi mundima yedu uye kuti tikoshese zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvatinogara tichiwana. Ngatitsigirewo vaya vari kutungamirira, torarama zvinoenderana nemashoko atinoparidza. Kana tikadaro, tichafambirana nesangano raJehovha uyewo hatizoneti pakuita zvakanaka!

^ ndima 17 Zita rakachinjwa.