Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

VaIsraeri vaiuraya vanhu vaipara mhosva nokuvaturika pamatanda here?

Kare marudzi akawanda aiuraya vamwe vanhu vaipara mhosva nokuvaroverera padanda. VaRoma vaisungirira munhu akadaro kana kuti kumuroverera nezvipikiri padanda, uye aitora mazuva ari mupenyu, ozofa pamusana pokurwadziwa, nyota, nzara, uye mamiriro okunze. VaRoma vaiona kuroverera munhu padanda sechirango chinonyadzisa chaingopiwa vanhu vakaderera chaizvo vaipara mhosva.

Zvakadini nerudzi rwekare rwevaIsraeri? VaIsraeri vaiuraya vanhu vaipara mhosva nokuvaturika pamatanda here? Mutemo waMosesi wairayira kuti: “Kana munhu akaita chivi chakakodzera kutongerwa rufu, akaurayiwa, ukamuturika padanda, chitunha chake hachifaniri kurara usiku hwose chiri padanda; asi unotofanira kumuviga zuva iroro.” (Dheut. 21:22, 23) Saka zviri pachena kuti panguva inotaurwa muMagwaro echiHebheru, munhu aitongerwa rufu aitanga aurayiwa ozoturikwa padanda kana pamuti.

Panyaya iyi, Revhitiko 20:2 inoti: “Munhu wose pavanakomana vaIsraeri, uye mutorwa wose anogara pakati paIsraeri, anopa Moreki mumwe wevana vake, chokwadi anofanira kuurayiwa. Vanhu vomunyika yacho vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa.” Vanhu vaiva ne“mudzimu wokusvikirwa kana kuti mudzimu wokufembera” vaifanirawo kuurayiwa. Vaiurayiwa sei? ‘Nokuvatema nematombo.’—Revh. 20:27.

Pana Dheuteronomio 22:23, 24, tinoverenga kuti: “Kana pakava nemhandara yakavimbiswa kuti icharoorwa nomurume, mumwe murume akaiwana muguta, akarara nayo, munofanira kuvabudisawo vose kunze kwegedhi reguta iroro movatema nematombo, vafe, musikana wacho nokuti haana kuridza mhere muguta, uye murume wacho nokuti akanyadzisa mudzimai womumwe wake. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.” Izvi zvinoratidza kuti vaIsraeri vepakutanga vaiwanzouraya vaya vaiva nemhosva dzakakura nokuvatema nematombo. *

Zviri pachena kuti panguva inotaurwa muMagwaro echiHebheru, munhu aitongerwa rufu aitanga aurayiwa ozoturikwa padanda kana pamuti

Dheuteronomio 21:23 inotaura kuti “munhu akaturikwa chinhu chakatukwa naMwari.” Chokwadi, kuturikwa padanda kwechitunha chemunhu akaipa “akatukwa naMwari,” kwaibatsira vaIsraeri. Kuita izvozvo kwaiva yambiro kune vamwe vaimuona.

^ ndima 6 Nyanzvi dzakawanda dzinobvuma kuti maererano noMutemo, munhu aipara mhosva aiurayiwa asati aturikwa padanda. Zvisinei, pane uchapupu hwokuti pakazosvika nguva yevaKristu, vamwe vanhu vaipara mhosva vairovererwa vari vapenyu nevaJudha vozofira padanda.