Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Unoshingairira Mabasa Akanaka’ Here?

‘Unoshingairira Mabasa Akanaka’ Here?

“Kristu Jesu . . . akazvipa nokuda kwedu kuti . . . [azvichenesere] vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.”—TITO 2:13, 14.

1, 2. Ndeipi ropafadzo yakazonaka ine Zvapupu zvaJehovha, uye unonzwa sei nezvayo?

VAKAWANDA vanoona kupiwa mubayiro wechinhu chakakura chavanenge vaita seropafadzo yakakura. Somuenzaniso, vamwe vakapiwa mubayiro unonzi Nobel Prize pamusana pokubishaira kuita kuti nyika dzisingaonani dzive norugare. Asi kutumwa naMwari somumiririri wake uye nhume kuti unobatsira vanhu kuti vave norugare noMusiki wavo iropafadzo yakakura chaizvo!

2 SeZvapupu zvaJehovha, tine ropafadzo iyoyo yakazonaka. Takapiwa basa naMwari uye naKristu, rokukumbira vanhu kuti ‘vayananiswe naMwari.’ (2 VaK. 5:20) Tiri kushandiswa naJehovha kuita basa rokuti vanhu vauye kwaari. Basa iri rakaita kuti vanhu vane mamiriyoni vari munyika dzinopfuura 235 vave noukama hwakanaka naMwari uye vave netariro yokuwana upenyu husingaperi. (Tito 2:11) Tichishingaira zvinobva pamwoyo, tinokoka “munhu wose anoda [kuti atore] mvura youpenyu asingatengi.” (Zvak. 22:17) Zvakakodzera kuti tinzi vanhu “vanoshingairira mabasa akanaka” nokuti tinoda chaizvo basa iri rinokosha uye tinobishaira kuriita. (Tito 2:14) Iye zvino ngatikurukurei kuti kushingairira kwedu mabasa akanaka kungatibatsira sei kuita kuti vanhu vauye kuna Jehovha. Imwe nzira yatinoita izvozvo ndeyokuparidza.

TEVEDZERA KUSHINGAIRA KWAJEHOVHA NAJESU

3. “Kushingaira kwaJehovha” kunotipa chivimbo chei?

3 Isaya 9:7 inotaura zvichaitwa neutongi hweMwanakomana waMwari ichiti: “Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.” Mashoko iwayo anoratidza kuti Baba vedu vokudenga vanoshingaira chaizvo kuti vanhu vapone. Muenzaniso waJehovha wokushingaira unonyatsoratidza kuti tinofanira kutsigira basa redu ratakapiwa naMwari rokuzivisa Umambo nemwoyo wose, nechido, uye tichishingaira. Chido chedu chakakura chokubatsira vanhu kuti vazive Mwari chinoratidza kushingaira  kunoita Jehovha. Saka zvatiri vashandi pamwe naMwari, mumwe nomumwe wedu akatsunga here kunyatsozivisa mashoko akanaka maererano nezvaanokwanisa?—1 VaK. 3:9.

4. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokutsungirira uye kushingaira muushumiri?

4 Fungawo nezvekushingaira kwaJesu. Akaratidza muenzaniso wakakwana wokutsungirira uye kushingaira muushumiri. Pasinei nokushorwa zvakanyanya, akaramba achishingairira basa rokuparidza kusvikira paakafa zvinorwadza. (Joh. 18:36, 37) Nguva yokuti abayire upenyu hwake payaiswedera, Jesu akatowedzera kutsunga kubatsira vamwe kuti vasvike pakuziva Jehovha.

5. Jesu akaita sei zvaienderana nemuenzaniso wake womuonde?

5 Somuenzaniso, gore ra32 C.E. rava kunopera, Jesu akapa mufananidzo womunhu aiva nemuonde waiva mumunda wemizambiringa usina chawakabereka kwemakore matatu. Mutarisiri wemizambiringa paakaudzwa kuti ateme muti wacho, akakumbira nguva yokuti ambouisa mupfudze. (Verenga Ruka 13:6-9.) Panguva iyoyo, vadzidzi vashoma chete ndivo vaigona kunzi ndivo vaiva zvibereko zvebasa raJesu rokuparidza. Asi sezvinoratidzwa mumuenzaniso iwoyo wemutarisiri wemizambiringa, Jesu akashandisa nguva pfupi yainge ichiripo, mwedzi inenge mitanhatu, kuwedzera basa rake rokuparidza muJudhiya nePereya. Mazuva mashoma asati afa, Jesu akachema vanhu verudzi rwake ‘vainzwa asi vasingadavidzi.’—Mat. 13:15; Ruka 19:41.

6. Nei tichifanira kuwedzera kushingaira pabasa redu roushumiri?

6 Sezvo mugumo wava pedyo, hazvikoshi here kuwedzera kushingaira kwatinoita pakuparidza? (Verenga Dhanieri 2:41-45.) Chokwadi, kuva Zvapupu zvaJehovha iropafadzo yakazonaka! Tisu chete panyika tiri kupa vanhu tariro yokugadziriswa kwematambudziko evanhu. Munguva pfupi yapfuura, mumwe mukadzi anobudisa nyaya dzake mupepanhau akataura kuti mubvunzo wokuti, “Nei zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka?” haupinduriki. Ibasa redu sevaKristu uye ropafadzo kuudza vose vanoda kuteerera mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yakadaro. Tine zvikonzero zvakanaka zvokuti ‘tipise nomudzimu’ patinoita basa redu ratakapiwa naMwari. (VaR. 12:11) Tichikomborerwa naMwari, kushingaira kwedu pabasa rouevhangeri kunogona kubatsira vamwe kuziva uye kuda Jehovha.

KUZVIPIRA KUNOKUDZA JEHOVHA

7, 8. Kuzvipira kunokudza sei Jehovha?

7 Sezvinoratidzwa nezvakaitika kumuapostora Pauro, ushumiri hwedu hungaguma “nokusarara usiku” uye “nguva dzokusava nezvokudya.” (2 VaK. 6:5) Mashoko aya anoratidza kuzvipira kwakakura uye angatiyeuchidza nezvemapiyona anoisa ushumiri pokutanga muupenyu asi achishanda kuti azvitsigire. Fungawo nezvemamishinari edu akazvipira ‘anozvidurura sechinopiwa chinonwiwa’ kuti ashumire vanhu mune dzimwe nyika. (VaF. 2:17) Zvakadini nevakuru vanoshanda zvakaoma vanombotadza kudya kana kurara kuti vatarisire makwai aJehovha? Tinewo vakura uye vaya vanorwara vanoita zvose zvavanokwanisa kuti vapinde misangano yechiKristu uye vabude muushumiri. Tinoonga chaizvo patinofunga nezvekuzvipira kwose uku kwevashumiri vaMwari. Zvose izvi zvinoita kuti vamwe vaone zvakanaka ushumiri hwedu.

8 Mumwe muverengi asiri Chapupu akanyorera pepanhau rinonzi Boston Target rokuLincolnshire, kuUnited Kingdom kuti: “Vanhu havachavimbi nezvitendero . . . Vakuru ava vemachechi vanoswera vachiitei? Havamboendi kunoonana nevanhu sezvaiita Kristu . . . Zvapupu zvaJehovha ndizvo chete chitendero chinoita sechine hanya, vanoenda uye vanoonana nevanhu uye vanonyatsobishaira kuparidza chokwadi.”  Munyika ino yakazara nevanhu vanongoda zvakavanakira, kuzvipira kwedu kunobatsira chaizvo pakukudza Jehovha Mwari.—VaR. 12:1.

Kungobuda muushumiri kwaunoita kunopa uchapupu hwakasimba kune vanoona

9. Chii chinogona kutikurudzira kuramba tichishingairira mabasa akanaka muushumiri hwedu?

9 Zvisinei, tingaitei kana zvichiita sokuti kushingairira kwedu ushumiri kuri kudzikira? Tingabatsirwa nokufungisisa zviri kuitwa naJehovha achishandisa basa rokuparidza. (Verenga VaRoma 10:13-15.) Vanhu vanogona kupona kana vakadana zita raJehovha vaine kutenda, asi havazoiti izvozvo kana tisina kuvaparidzira. Kuziva izvi kunofanira kutikurudzira kuramba tichishingairira mabasa akanaka uye kubishaira pakuzivisa mashoko akanaka eUmambo.

MUFAMBIRO WAKANAKA UNOUNZA VANHU KUNA MWARI

Vanhu vanoona kutendeseka kwako uye kushanda kwaunoita nesimba

10. Nei zvinganzi mufambiro wedu wakanaka unoita kuti vanhu vauye kuna Jehovha?

10 Kunyange zvazvo kushingaira kuchikosha pakuita ushumiri, handiko chete kunounza vanhu kuna Mwari. Mufambiro wakanaka wechiKristu ndiwo chinhu chechipiri pakushingairira mabasa akanaka chinoita kuti vanhu vauye kuna Mwari. Pauro akaratidza kukosha kwemufambiro wedu paakanyora kuti: “Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva.” (2 VaK. 6:3) Kutaura kwakanaka uye mufambiro wakanaka zvinoshongedza dzidziso yaMwari, zvichiita kuti vamwe vade kunamata Jehovha. (Tito 2:10) Kakawanda tinotonzwa zvakanaka zvinoitika vanhu vanoda chokwadi pavanoona mufambiro wedu wakaita sewaKristu.

11. Nei tichifanira kunyatsofungisisa zvinogona kukonzerwa nemufambiro wedu?

11 Kunyange zvazvo tichiziva kuti zvatinoita zvinogona kubatsira vanhu, chokwadi ndechokuti zvinogona kuvakanganisawo. Saka tingava tiri kubasa, pamba, kana kuti kuchikoro, tinoedza kusaita zvinhu zvingaita kuti vamwe vawanire mhosva ushumiri  hwedu kana mufambiro wedu. Kana tikava netsika yokuita chivi tichitoziva zvedu, izvozvo zvinogona kutikanganisa chaizvo. (VaH. 10:26, 27) Pfungwa iyi inofanira kuita kuti tinyatsofungisisa zvatinoita uye kuti vamwe vanoona sei upenyu hwedu. Tsika dzenyika ino zvadzinoramba dzichishata, vanhu vanoda chokwadi vachanyatsoonawo “kusiyana . . . kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.” (Mar. 3:18) Chokwadi, mufambiro wedu wakanaka wechiKristu unokosha chaizvo pakuyananisa vanhu naMwari.

12-14. Kutsungirira kwatinoita miedzo yokutenda kunoita kuti vamwe vaone sei ushumiri hwedu? Taura muenzaniso.

12 Paainyorera vaKorinde, Pauro akataura kuti ainge asangana nematambudziko, nhamo, kurohwa, uye kuiswa mujeri. (Verenga 2 VaKorinde 6:4, 5.) Patinosangana nemiedzo, kutsungirira kwedu kunogona kubatsira vanocherechedza kuti vagamuchire chokwadi. Somuenzaniso: Makore akapfuura, vanhu vakamboedza kutsvaira Zvapupu zvaJehovha mune imwe nzvimbo muAngola. Zvapupu zviviri zvakabhabhatidzwa nevanofarira 30 vaiva pamusangano vakasungwa. Vanhu vomunzvimbo yacho vakakokorodzwa kuti vaone Zvapupu zvichirohwa netyava kusvikira zvabuda ropa. Kunyange vakadzi nevana vakarohwawo zvine utsinye. Chinangwa chaiva chokutyisidzira vanhu kuti pasava neanoteerera Zvapupu zvaJehovha. Asi pashure pokunge Zvapupu zvarohwa paruzhinji, vakawanda munharaunda yacho vakaenda kwazviri ndokukumbira kudzidziswa Bhaibheri! Pashure paizvozvo, basa rokuparidza Umambo rakaenderera mberi, Zvapupu zvikawedzera chaizvo uye pakava nemakomborero akawanda.

13 Muenzaniso uyu unoratidza kuti kunyatsotsigira kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri kunogona kubatsira chaizvo vamwe. Hatizivi kuti vanhu vangani vakayananiswa naMwari pamusana pokushinga kwaPetro nevamwe vaapostora. (Mab. 5:17-29) Mazuva ano, vokuchikoro, vokubasa, kana kuti vemumhuri yedu vangabvuma chokwadi pavanoona kutsigira kwatinoita zvakarurama.

14 Chero panguva ipi zvayo, panenge pachitova nedzimwe hama dzedu dzinenge dzichitambudzwa. Somuenzaniso, muArmenia, hama dzinenge 40 dziri mujeri pamusana pokusatsigira zvematongerwo enyika, uye vamwe vakawanda vangangoiswa mujeri mumwedzi iri mberi. MuEritrea, vashumiri vaJehovha 55 vari mujeri, vamwe vacho vane makore okuberekwa anopfuura 60. MuSouth Korea, Zvapupu zvinenge 700 zviri mujeri pamusana pokutenda kwazvo. Zvinhu zvange zvakadaro kwemakore 60. Ngatinyengetererei kuti kutendeka kwehama dzedu dziri kutambudzwa munyika dzakasiyana-siyana kuite kuti Mwari arumbidzwe uye kubatsire vanhu vanoda zvakarurama kuti vatsigire kunamata kwechokwadi.—Pis. 76:8-10.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti kutendeseka kunogona kuita kuti vamwe vauye muchokwadi.

15 Kutendeseka kwedu kunogonawo kuita kuti vanhu vauye muchokwadi. (Verenga 2 VaKorinde 6:4, 7.) Somuenzaniso funga zvakaitika: Imwe hanzvadzi payaiisa mari mumuchina wematikiti mubhazi, mumwe munhu wayaizivana nayo akati yaisafanira kutenga tikiti nokuti yaienda pedyo. Hanzvadzi yacho yakatsanangura kuti yaifanira kutenga tikiti kunyange zvazvo yaienda pedyo. Pashure paizvozvo mumwe wayo akaburuka. Mutyairi webhazi akabva acheuka ndokubvunza hanzvadzi yacho kuti, “Muri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Hanzvadzi yacho yakati “Hungu, nei mabvunza?” “Ndanzwa muchikurukura nezvekutenga tikiti rebhazi, uye ndinoziva kuti Zvapupu zvaJehovha vari pakati pevashoma vanoita izvozvo uye vakatendeseka pane zvose zvavanoita.” Papera mwedzi mishoma,  mumwe murume akaenda kuhanzvadzi yacho pamisangano ndokuti, “Mandiziva here? Ndini mutyairi webhazi akataura nemi nezvekutenga tikiti. Pandakaona zvamakaita, ndakafunga zvokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.” Mukurumbira wedu wokuva vakatendeseka unoita kuti vamwe vazive kuti tiri vashumiri vakavimbika.

GARA UCHIRATIDZA UNHU HUNOKUDZA MWARI

16. Nei unhu hwakadai semwoyo murefu, rudo uye mutsa zvichibatsira vanhu kuti vauye kuna Jehovha? Ipa muenzaniso wezvinoitwa nevatungamiriri vezvitendero zvenhema.

16 Tinobatsirawo pakuita kuti vanhu vauye kuna Jehovha patinoratidza unhu hwakadai semwoyo murefu, rudo, uye mutsa. Vamwe vanotiona vangada kudzidza nezvaJehovha, chinangwa chake uye vanhu vake. Mafungiro uye mufambiro wevaKristu vechokwadi zvakanyatsosiyana nezvinoitwa nevanamati vanozvipira kuna Mwari zvokuda kungoonekwa. Vamwe vatungamiriri vezvitendero vakapfuma nokubira makwai avo kuti vawane dzimba uye motokari dzinodhura, uye mumwe akatoisa muchina wokufefetedza mhepo mudanga rembwa. Chokwadi vakawanda vanozviti vateveri vaKristu havatombodi ‘kupa pachena.’ (Mat. 10:8) Asi ‘vanorayiridza kuti vangowana mubhadharo’ uye zvakawanda zvavanodzidzisa hazvibvi muMagwaro, sezvaiita vapristi vemuIsraeri yekare vainge vakatsauka. (Mika 3:11) Unyengeri hwakadaro hahubatsiri chero ani zvake kuti ayanane naMwari.

17, 18. (a) Kuratidza unhu hwakaita sehwaJehovha muupenyu hwedu kunomukudza sei? (b) Chii chinokukurudzira kutsungirira kuita mabasa akanaka?

17 Vanhu vanobayiwa mwoyo nedzidziso dzechokwadi dzechiKristu uye mabasa akanaka anoitirwa vavakidzani. Somuenzaniso, pane imwe nguva mumwe piyona paaiparidza paimba neimba, akadzingwa neimwe chirikadzi yakura. Chirikadzi yacho yakati paakaridza bhero, yainge iri pamanera mukicheni, ichiedza kuchinja girobhu. Piyona wacho akati, “Zvine ngozi kuti muite izvozvo muri moga.” Akabva achinja girobhu racho ndokuenda zvake. Mwanakomana wechirikadzi yacho paakaziva zvainge zvaitika, akabayiwa mwoyo zvokuti akaedza kutsvaga hama yacho kuti aitende. Nokufamba kwenguva, mwanakomana wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri.

18 Nei wakatsunga kuramba uchiita mabasa akanaka? Pamwe imhaka yokuti unoziva kuti patinoshingaira muushumiri uye patinoita zvinhu zvinoenderana nokuda kwaMwari, tinokudza Jehovha uye tingabatsira vamwe kuti vapone. (Verenga 1 VaKorinde 10:31-33.) Kushingairira mabasa akanaka pakuparidza mashoko akanaka uye pakuva nemufambiro unokudza Mwari kunobva pachido chokuratidza kuda kwatinoita Mwari nevanhu. (Mat. 22:37-39) Kana tichishingairira mabasa akanaka, tichawana mufaro usingatauriki uye tichagutsikana iye zvino. Uyewo mune ramangwana tichafara kuona vanhu vose vachishingairira kunamata kwechokwadi vachikudza Musiki wedu, Jehovha.