Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakuru—Muchazorodza “Mweya Wakaneta Here”?

Vakuru—Muchazorodza “Mweya Wakaneta Here”?

Angela, * imwe hanzvadzi isina kuroorwa ichangopfuura makore 30, iri kuti ityei. Akamirira kushanyirwa nevakuru. Asi vachati chii? Ichokwadi kuti ane mimwe misangano yaasina kupinda, asi akaneta nekuti aswera achishanda kubasa kwake kwaanochengeta vakwegura. Ari kunetsekawo nezveutano hwaamai vake.

Dai uri iwe uri kushanyira Angela, waizokurudzira sei ‘mweya uyu wakaneta’? (Jer. 31:25) Ngatimbotangei taona kuti ungagadzirira sei kushanyira munhu uchinomufudza zvinozorodza?

FUNGA NEZVEMAMIRIRO EZVINHU EHAMA DZAKO

Dzimwe nguva tose tinoneta nebasa redu rokunyika uye raMwari. Somuenzaniso muprofita Dhanieri ‘akanzwa apera simba’ paakaratidzwa zvinhu zvaakanga asinganzwisisi. (Dhan. 8:27) Akabatsirwa pakauya ngirozi Gabrieri kwaari. Mutumwa waMwari akamubatsira kunzwisisa, akamuudza kuti minyengetero yake yakanga yanzwikwa naJehovha, ndokumuudzazve kuti akanga achiri “munhu anodiwa kwazvo.” (Dhan. 9:21-23) Pane imwewo nguva mashoko akanga anyatsosarudzwa akataurwa neimwe ngirozi, akasimbisa muprofita uyu akanga aneta.—Dhan. 10:19.

Usati washanya tanga wafunga nezvemamiriro ezvinhu ehama yako

Iwewo paunoshanyira hama ingave yakaneta kana kuti yakaora mwoyo, imbofunga nezvemamiriro ayo ezvinhu. Ari kusangana nematambudziko api? Matambudziko aya angave ari kumupedza simba sei? Ndezvipi zvakanaka zvaari kuita? “Ndinoisa  pfungwa dzangu pazvinhu zvakanaka zviri kuitwa nehama dzangu,” anodaro Richard, ava nemakore anopfuura 20 ari mukuru. Anowedzera kuti, “Kana ndikanyatsoongorora mamiriro avo ezvinhu ndisati ndavashanyira, zvinondiitira nyore kuwana nzira dzokuvakurudzira dzinoenderana nezviri kuvanetsa.” Kana uri kuenda nemumwe mukuru, madii kugara pasi moongorora mamiriro ezvinhu ehama yenyu?

ITA KUTI HAMA DZAKO DZISUNUNGUKE

Tose tinobvumirana kuti zvinogona kuti nyadzisei kutaura zvinenge zvichitinetsa. Somuenzaniso, hama yako ingaona zvichiiomera kuti itaure zviri mumwoyo kuvakuru vaishanyira. Saka ungaite sei kuti isununguke? Kunyemwerera zvinobva pamwoyo uye mashoko mashomanana okukurudzira zvinogona kubatsira. Michael, ava nemakore anopfuura 40 ari mukuru, anowanzotanga kufudza kwake nemashoko akadai sokuti: “Munoziva, chimwe chezvinhu zvinofadza mukuru kushanyira hama kudzimba dzavo vova nomukana wokuzivana. Saka kushanya kwataita uku ndanga ndakakutarisira chaizvo.”

Unogona kusarudza kutanga nemunyengetero wemwoyo wose. Muminyengetero yake, muapostora Pauro akataura nezvekutenda, rudo, uye kutsungirira kwehama dzake. (1 VaT. 1:2, 3) Paunotaura maonero aunoita zvakanaka zviri kuitwa nehama yako, unenge uchitogadzirira mwoyo wako newake kuti muzokurukura zvinovaka. Mashoko ako anogonawo kuzorodza. “Dzimwe nguva tinokanganwa zvakanaka zvatiri kuita,” anodaro Ray, ava nemakore ari mukuru. “Saka mumwe munhu akatiyeuchidza nezvazvo, zvinotizorodza zvikuru.”

MUPE CHIPO CHOMUDZIMU

Sezvakaitwa naPauro, unogona kumupa “chipo chomudzimu” nokumuudza kunyange pfungwa iri murugwaro rumwe chete chairwo. (VaR. 1:11) Somuenzaniso, hama iri kuzvidya mwoyo inganzwa seisingabatsiri,  sezvakamboitawo munyori wepisarema uyo akazvifananidza ‘nehombodo iri muutsi’ yakaunyana. (Pis. 119:83, 176) Watsanangura zvishoma mashoko orugwaro urwu, ungasimbisa hama yacho nokuiudza kuti haina “kukanganwa” mirayiro yaMwari.

Ungaitawo saizvozvo here nemufananidzo wedrakema rakarasika paunobatsira hanzvadzi yakasiya ungano zvishoma nezvishoma? (Ruka 15:8-10) Pamwe drakema iroro raiwedzera pamari yaida kutengeswa chimwe chinhu chaidiwa nemhuri. Mukakurukura mufananidzo uyu unogona kumubatsira kuona kuti anokosha muungano yechiKristu. Kana makurukura izvi ungasimbisa kuti Jehovha anomukoshesa serimwe remakwai ake maduku.

Hama dzedu dzinowanzonakidzwa nokutaura zvadzinofunga nezveBhaibheri. Saka usangotaura iwe wega! Kana waverenga rugwaro runoenderana nemamiriro avo ezvinhu, unogona kusarudza shoko rimwe chete kana imwe pfungwa womubvunza kuti anoiona sei. Somuenzaniso, averenga 2 VaKorinde 4:16, mukuru anogona kubvunza kuti, “Ko imi pachenyu pane pamakambonzwa here kuti mawedzerwa simba naJehovha kana kuti maitwa mutsva?” Izvi zvinogona kuita kuti ‘munyatsokurudzirana.’—VaR. 1:12.

Hama dzedu dzinowanzonakidzwa nokutaura zvadzinofunga nezveBhaibheri

Unogonawo kuzorodza hama yako nokukurukura nezvemumwe munhu wemuBhaibheri ane mamiriro ezvinhu akaita seake. Munhu akaora mwoyo angabatsirwa nenyaya yaHana kana kuti Epafrodhito, avo vaimboora mwoyo asi Mwari airamba achivakoshesa. (1 Sam. 1:9-11, 20; VaF. 2:25-30) Wadii kukurukura mienzaniso yakanaka yomuBhaibheri kana mamiriro ezvinhu achibvumira?

ONA KUTI ZVAMAKAKURUKURA ZVIRI KUSHANDA HERE

Unogona kuratidza kuti unonyatsoda hama dzako nehanzvadzi nokuzobvunza kana kushanya kwamakaita kwakavabatsira. (Mab. 15:36) Pamunenge mava kuonekana, munogona kuona zvichibatsira kuronga kuti muzobuda mose muushumiri. Bernard, mumwe mukuru ane ruzivo, paanoonanazve nehama kana kuti hanzvadzi yaachangobva kushanyira, anogona kubvunza nezvekushanya kwacho achiti: “Chimbondiudzai kuti zvakafamba zvakanaka here?” Kana ukanyatsoratidza kuti unoda hama dzako zvakadai, unogona kuona kana pachiine zvimwe zvingada kuitwa.

Iye zvino hama dzedu nehanzvadzi ndipo padzava kutonyanya kuda kuratidzwa kuti dzinodiwa uye kuti munodzinzwisisa. (1 VaT. 5:11) Saka usati washanya, tanga wafunga nezvemamiriro avo ezvinhu. Nyengetera nezvazvo. Tsvaga magwaro akakodzera. Kana ukadaro uchawana mashoko akakodzera anozorodza “mweya wakaneta”!

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.