Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Vakawanda Zvokudya Pachishandiswa Vashoma

Kupa Vakawanda Zvokudya Pachishandiswa Vashoma

“Amedura zvingwa, [Jesu] akazvipa vadzidzi, vadzidzi vakazvipawo mapoka acho evanhu.”—MAT. 14:19.

1-3. Tsanangura kuti Jesu akapa sei vanhu vakawanda zvokudya pedyo neBhetisaidha. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

FUNGIDZIRA zviri kuitika. (Verenga Mateu 14:14-21.) Paseka ya32 C.E. yava kuda kusvika. Jesu nevadzidzi vake vane boka revarume 5 000 tisingabatanidzi vakadzi nevana vaduku, pane imwe nzvimbo isingagari vanhu pedyo nemusha weBhetisaidha, uri kumahombekombe ekuchamhembe eGungwa reGarireya.

2 Jesu paanoona boka revanhu anosiririswa navo saka anobva arapa varwere vavo uye kuvadzidzisa zvakawanda nezveUmambo hwaMwari. Ava manheru, vadzidzi vanoudza Jesu kuti aendese vanhu kuti vapinde mumisha iri pedyo uye vazvitengere zvokudya. Asi Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Imi vapei zvokudya.” Mashoko ake anofanira kunge anoita kuti vavhiringidzike nokuti panongova nezvingwa zvishanu nehove duku mbiri chete.

3 Anzwa tsitsi, Jesu anoita chishamiso uye chishamiso ichocho ndicho choga chakanyorwa nevanyori veEvhangeri vose vari vana. (Mako 6:35-44; Ruka 9:10-17; Joh. 6:1-13) Jesu anoudza vadzidzi vake kuti varayire vanhu vose kuti vatsenhame pauswa hwakasvibirira vari mumapoka evanhu 50 uye 100. Pashure pokunge akumbira chikomborero, anomedura chingwa nehove. Zvadaro, pane kuti iye pachake ape vanhu zvokudya zvacho, Jesu anozvipa ‘vadzidzi, vadzidzi vozvipawo mapoka acho evanhu.’ Zvinoshamisa kuti vanhu vadya vakaguta zvokuti zvimwe zvatosara! Pafunge: Jesu apa zviuru zvevanhu zvokudya achishandisa vashoma, kureva vadzidzi vake. *

4. (a) Jesu ainyanya kukoshesa kupa vanhu zvokudya zvipi, uye nei? (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

4 Jesu aitonyanya kukoshesa kupa vateveri vake zvokudya zvokunamata. Aiziva kuti kana munhu akadya zvokudya zvokunamata, kureva chokwadi chiri muShoko raMwari, anowana upenyu husingaperi. (Joh. 6:26, 27;  17:3) Jesu akapa boka revanhu chingwa nehove nokuti ainzwa tsitsi uye tsitsi idzodzo ndidzo dzakaitawo kuti apedze nguva yakareba achidzidzisa vateveri vake. (Mako 6:34) Asi aiziva kuti nguva yake ari panyika yaizova pfupi uye kuti aizodzokera kudenga. (Mat. 16:21; Joh. 14:12) Aizokwanisa sei kuramba achipa zvokudya zvokunamata vateveri vake vari panyika iye ari kudenga? Aizongopa vakawanda zvokudya achishandisa vashoma sezvaainge amboita. Asi vashoma ivavo vaizova vanaani? Ngationei kuti munguva yevaapostora, Jesu akashandisa sei vanhu vashoma kupa zvokudya vateveri vake vakazodzwa vakawanda. Munyaya inotevera, tichazokurukura mubvunzo unonyanya kukosha kwatiri somunhu mumwe nomumwe wokuti: Tingaziva sei vashoma vari kushandiswa naKristu kuti vatipe zvokudya mazuva ano?

Zviuru zvevanhu zvakapiwa zvokudya pachishandiswa vashoma (Ona ndima 4)

JESU ANOSARUDZA VASHOMA

5, 6. (a) Chisarudzo chipi chinokosha chakaitwa naJesu kuti ave nechokwadi chokuti vateveri vake vaizoramba vachiwana zvokudya zvokunamata paaizofa? (b) Jesu akabatsira sei vaapostora vake kuti vazokwanisa kuita basa rinokosha paaizofa?

5 Murume akangwara anogara aronga kuti mhuri yake ichazorarama sei kana afa sezvo ari iye musoro. Saizvozvowo, Jesu uyo aizova Musoro weungano yechiKristu, akaita urongwa hwokuti vateveri vake vazotarisirwa pane zvokunamata paaizofa. (VaEf. 1:22) Somuenzaniso, anenge makore maviri asati afa, Jesu akaita chisarudzo chinokosha. Akasarudza vokutanga vevashoma vaaizoshandisa kupa zvokudya kune vakawanda. Chimbofunga zvakaitika.

6 Apedza kunyengetera usiku hwose, Jesu akashevedza vadzidzi vake achibva asarudza vaapostora 12. (Ruka 6:12-16) Kwemakore maviri akatevera, aiva pedyo zvakanyanya nevaapostora ivavo 12, achivadzidzisa nezvaaitaura uye nemuenzaniso wake. Aiziva kuti vaifanira kudzidza zvakawanda; zvokuti vakatoramba vachinzi “vadzidzi.” (Mat. 11:1; 20:17) Aigara achivapa zano rinobatsira uye akavadzidzisa zvakawanda muushumiri. (Mat. 10:1-42; 20:20-23; Ruka 8:1; 9:52-55) Zviri pachena kuti akanga achizviitira kuti vazokwanisa kuita basa rinokosha paaizofa uye paaizodzokera kudenga.

7. Mashoko api akataurwa naJesu anotibatsira kuziva basa raizonyanya kuitwa nevaapostora?

7 Basa revaapostora raizova rei? Pendekosti ya33 C.E. zvayaiswedera pedyo, zvaiva pachena kuti vaapostora vaizova ‘nenzvimbo youtariri.’ (Mab. 1:20) Asi vaizenge vachinyanya kuitei? Pashure pokunge amutswa, Jesu ane mashoko aakaudza muapostora Petro anotibatsira kuziva basa ravaizoita. (Verenga Johani 21:1, 2, 15-17.) Jesu akaudza Petro paine vamwe vaapostora kuti: “Dyisa makwai angu maduku.” Saka nemashoko aya, Jesu akaratidza kuti vaapostora vake vaizova vamwe vevashoma vaaizoshandisa pakupa zvokudya zvokunamata kune vakawanda. Izvi zvinonyatsoratidza kuda kunoita Jesu ‘makwai ake maduku’! *

KUPA ZVOKUDYA VAKAWANDA KUBVA PAPENDEKOSTI ZVICHIENDA MBERI

8. Vatendi vatsva vaiva paPendekosti vakaratidza sei kuti vakanyatsoona nzira yaishandiswa naKristu?

8 Kubva paPendekosti ya33 C.E., Kristu akanga amutswa akashandisa vaapostora vake kupa zvokudya vamwe vadzidzi vake vose vakazodzwa. (Verenga Mabasa 2:41, 42.) VaJudha nevamwe vainge vatendeukira kuchiJudha ndokuva vaKristu vakazodzwa nemudzimu pazuva iroro, vakanyatsoona kuti iyi ndiyo nzira yaaishandisa. Vasingazezi, “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.” Maererano neimwe nyanzvi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vakaramba vachizvipira” rinogona kureva “kuva akavimbika uye kutsigira zvakasimba chinhu chimwe chete.” Vatendi vatsva ava vaiva nenzara yakasimba yezvokudya  zvokunamata uye vainyatsoziva kwokuzviwana. Vaivimba zvakasimba nevaapostora kuti vavatsanangurire mashoko nemabasa aJesu uye kuti vavajekesere zvairehwa nemagwaro aitaura nezvake. *Mab. 2:22-36.

9. Vaapostora vakaratidza sei kuti vakaramba vakaisa pfungwa pabasa rainyanya kukosha rokudyisa makwai aJesu?

9 Vaapostora vakaramba vakaisa pfungwa pabasa rainyanya kukosha rokudyisa makwai aJesu. Somuenzaniso, ona zvavakaita pakamuka imwe nyaya yaigona kugumbura vamwe uye yaigona kuita kuti muungano yakanga ichangoumbwa muve nemapoka. Sezvineiwo apa paitotaurwa zvokudya chaizvo. Chirikadzi dzaitaura chiGiriki dzakanga dzichidarikwa pakugoverwa kwezvokudya kwezuva nezuva, asi chirikadzi dzaitaura chiHebheru dzakanga dzisingadarikwi. Vaapostora vakagadzirisa sei nyaya iyi yaigona kuparadzanisa vanhu? “Vane gumi nevaviri” vakasarudza varume vanomwe vaikodzera kuti vatarisire ‘basa raifanira kuitwa’ rokugoverwa kwezvokudya. Vaapostora, avo vainge vamboita basa rokugovera zvokudya pakaitwa chishamiso naJesu chokupa mapoka evanhu zvokudya, vakaona kuti zvainyanya kukosha kuti vaise pfungwa dzavo pabasa rokupa zvokudya zvokunamata. Saka, vakazvipira kuita “ushumiri hweshoko.”—Mab. 6:1-6.

10. Kristu akashandisa sei vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema?

10 Pakazosvika 49 C.E., vaapostora vakanga vachiri vapenyu vakanga vava kushanda nevamwe varume vakuru vaikodzera. (Verenga Mabasa 15:1, 2.) “Vaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema” vaishanda sedare rinodzora. SeMusoro weungano, Kristu akashandisa boka duku iri revarume vaikodzera kuti vagadzirise nyaya dzaiva nechokuita nedzidziso uye kuti vatungamirire basa rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo.—Mab. 15:6-29; 21:17-19; VaK. 1:18.

11, 12. (a) Chii chinoratidza kuti Jehovha akakomborera urongwa hwaishandiswa neMwanakomana wake kupa zvokudya ungano dzaivapo munguva yevaapostora? (b) Nzira yaishandiswa naKristu kupa zvokudya zvokunamata yainyatsooneka sei?

11 Jehovha akakomborera here urongwa hwaishandiswa neMwanakomana wake kupa zvokudya ungano dzemunguva yevaapostora? Chokwadi akakomborera! Tinozviziva sei? Bhuku raMabasa rinotiudza kuti: “Zvino [muapostora Pauro nevamwe vaaifamba navo] zvavaifamba nomumaguta vaipa vakanga varimo mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru vaiva  muJerusarema kuti vachengete. Naizvozvo, chokwadi, ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.” (Mab. 16:4, 5) Ona kuti ungano idzodzo dzakabudirira nokuti dzainge dzakavimbika uye dzaitsigira dare rinodzora raiva muJerusarema. Izvi hazviratidzi here kuti Jehovha aikomborera urongwa hwaishandiswa neMwanakomana wake pakupa ungano zvokudya? Tinofanira kuyeuka kuti kubudirira pakunamata kunongoitika chete kana paine chikomborero chaJehovha.—Zvir. 10:22; 1 VaK. 3:6, 7.

12 Kusvika pari zvino, taona kuti Jesu aishandisa nzira imwe chete paaipa vateveri vake zvokudya: Aipa vakawanda zvokudya achishandisa vashoma. Nzira yaaishandisa pakupa zvokudya zvokunamata yainyatsooneka. Uyewo vaapostora, avo vaiva nhengo dzokutanga dzedare rinodzora, vairatidza kuti vaitsigirwa naJehovha. Mabasa 5:12 inoti: “Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaramba zvichiitwa nemaoko evaapostora pakati pevanhu.” * Saka pakanga pasina chikonzero chokuti vanhu vakava vaKristu vanetseke kuti, ‘Chokwadi ndivanaani vari kushandiswa naKristu kupa makwai ake zvokudya?’ Asi pakazosvika makore okuma100 C.E., zvinhu zvakachinja.

Munguva yevaapostora, zvaiva pachena kuti ndivanaani vaishandiswa naJesu pakupa ungano zvokudya (Ona ndima 12)

MASORA PAAINGE AKAWANDA KUPFUURA MADZINDE EGOROSI

13, 14. (a) Iyambiro ipi yakapiwa naJesu yaiva nechokuita nokukanganiswa kweungano, uye mashoko ake akatanga kuzadziswa rini? (b) Mapoka api maviri aizokanganisa ungano? (Ona mamwe mashoko.)

13 Jesu akagara ataura kuti ungano yechiKristu yaizokanganiswa. Yeuka kuti mumufananidzo wake wegorosi nemasora, Jesu akayambira kuti gorosi rakanga richangodyarwa mumunda (vaKristu vakazodzwa) raizokurirwa nemasora (vaKristu vokunyepera). Akati mapoka acho ari maviri aizoregwa achikura pamwe chete kusvika panguva yokukohwa, iyo yaizotanga pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 13:24-30, 36-43) Hapana kumbotora nguva mashoko aJesu asati atanga kuzadziswa. *

14 Munguva yevaapostora, kutsauka pakutenda kwakatanga asi vaapostora vaJesu vakatendeka vaiita “sesimba rinodzivisa,” vachiita kuti dzidziso dzenhema dzisasvibisa uye dzisakanganisa ungano. (2 VaT. 2:3, 6, 7) Zvisinei, pakazofa muapostora wokupedzisira, kutsauka pakutenda kwakadzika midzi uye kwakapararira mumwaka wokukura uyo waiva wakareba mazana emakore. Uyewo, panguva iyoyo masora akawanda kupfuura madzinde egorosi. Pakanga pasina nzira yakarongwa yaishandiswa kupa zvokudya zvokunamata. Izvozvo zvaizochinja. Asi zvaizochinja rini?

NDIVANAANI VAIZOPA ZVOKUDYA MUNGUVA YOKUKOHWA?

15, 16. Kushingaira kwaiita Vadzidzi veBhaibheri pakudzidza Magwaro kwakaguma nei, uye mubvunzo upi unovapo?

15 Mwaka wokukura zvawainge wava kuguma, vanhu vakatanga kuda chokwadi cheBhaibheri zvakasimba. Yeuka kuti kuma1870, boka duku revanhu vaitsvaka chokwadi nemwoyo wose rakatanga kuungana uye rakatanga makirasi eBhaibheri, risina kubatana nevaKristu vokunyepera vaiva mumachechi uye mapoka echiKristudhomu, vanofananidzwa nemasora. Vachizvininipisa uye vachida kunyatsoziva chokwadi, Vadzidzi veBhaibheri ivavo, sokuzvidana kwavaiita, vainyengetera uye vainyatsoongorora Magwaro.—Mat. 11:25.

16 Kushingaira kwaiita Vadzidzi veBhaibheri pakudzidza Magwaro kwakabatsira chaizvo. Varume nevakadzi ivavo vakavimbika vakafumura dzidziso dzenhema uye vaidzidzisa chokwadi cheBhaibheri, vachibudisa uye vachiparadzira mabhuku eBhaibheri kwose kwose. Basa ravo rakafarirwa nevakawanda vaiva nenzara nenyota yekunzwa chokwadi cheBhaibheri. Izvi zvinoita  kuti pave nomubvunzo wokuti: Zvinoreva here kuti Vadzidzi veBhaibheri vaivapo 1914 asati asvika, ndivo vaishandiswa naKristu kupa makwai ake zvokudya? Kwete. Vakanga vachiri mumwaka wokukura uye nzira yaizoshandiswa pakupa zvokudya zvokunamata yakanga ichiri kuumbwa. Nguva yokuti vaKristu vokunyepera vakaita semasora vaparadzaniswe nevaKristu vechokwadi vakaita segorosi, yakanga isati yasvika.

17. Zviitiko zvipi zvinokosha zvakatanga muna 1914?

17 Sezvatakadzidza munyaya yapfuura, mwaka wokukohwa wakatanga muna 1914. Mugore iroro, pane zviitiko zvinokosha zvakatanga kuitika. Jesu akagadzwa kuva Mambo uye mazuva okupedzisira akatanga. (Zvak. 11:15) Kubva muna 1914 kusvika kwokutanga kwa1919, Jesu akauya naBaba vake kuzoita basa rinokosha rokuongorora uye kuchenesa temberi yomudzimu. * (Mar. 3:1-4) Zvadaro, kuunganidza gorosi kwakatanga muna 1919. Saka nguva yokuti Kristu asarudze nzira imwe chete yakarongwa yokupa zvokudya zvokunamata yakanga yazosvika here? Chokwadi yainge yasvika!

18. Jesu akagara ataura kuti aizosarudza chii, uye mubvunzo upi unokosha waivapo mazuva okupedzisira achangotanga?

18 Muuprofita hwake hwemazuva okupedzisira, Jesu akataura kuti aizosarudza nzira yaaizoshandisa kupa ‘zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.’ (Mat. 24:45-47) Inzira ipi iyoyo? Aizoshandisa nzira yakafanana neyaakashandisa munguva yevaapostora, yokupa vanhu vakawanda zvokudya achishandisa vashoma. Asi mazuva okupedzisira achangotanga, mubvunzo unokosha waivapo ndewokuti, Vashoma vacho vachava vanaani? Mubvunzo iwoyo nemimwe ine chokuita nouprofita hwaJesu, ichakurukurwa munyaya inotevera.

 

^ ndima 3 Ndima 3: Pane imwezve nguva Jesu paakaita chishamiso chokupa zvokudya varume 4 000, tisingabatanidzi vakadzi nevana vaduku, akatangazve azvipa “vadzidzi, vadzidzi vakapawo mapoka acho evanhu.”—Mat. 15:32-38.

^ ndima 7 Ndima 7: Panguva yakararama Petro, ‘makwai maduku’ ose aizodyiswa, aiva netariro yokuenda kudenga.

^ ndima 8 Ndima 8: Mashoko okuti vatendi vatsva “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora” anoratidza kuti vaapostora vaigara vachiita basa rokudzidzisa. Zvimwe zvaidzidziswa nevaapostora zvakanyorwa mumabhuku akafuridzirwa ayo ava chikamu cheMagwaro echiKristu echiGiriki.

^ ndima 12 Ndima 12: Kunyange zvazvo vamwe vanhu vasiri vaapostora vakagamuchira zvipo zvinoshamisa zvomudzimu, zvinoita sokuti kakawanda vanhu vaitowana zvipo izvi kana vazvipiwa nevaapostora kana kuti paine mumwe wevaapostora.—Mab. 8:14-18; 10:44, 45.

^ ndima 13 Ndima 13: Mashoko omuapostora Pauro ari pana Mabasa 20:29, 30 anoratidza kuti ungano yaizokanganiswa nemapoka maviri. Rokutanga, raiva revaKristu vokunyepera (“masora”) ‘vaizopinda pakati’ pevaKristu vechokwadi. Rechipiri raiva revamwe vaizobva “pakati” pevaKristu vechokwadi, vaizotsauka pakutenda, vachitaura “zvinhu zvisina kururama.”

^ ndima 17 Ndima 17: Ona nyaya inoti “Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose,” iri mumagazini ino papeji 11 ndima 6.