Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

“Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”—MAT. 28:20.

1. (a) Rondedzera muchidimbu mufananidzo wegorosi nemasora. (b) Jesu akatsanangura kuti mufananidzo wacho unorevei?

MUMWE mufananidzo waJesu woUmambo, unotaura nezvemurimi anodyara mbeu yakanaka yegorosi uye muvengi anouya odyarawo masora mumunda imomo. Gorosi rinokurirwa nemasora, asi murimi anorayira varanda vake kuti “regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa.” Mumwaka wokukohwa, masora anoparadzwa uye gorosi rinounganidzwa. Jesu akatsanangura zvinorehwa nemufananidzo wacho. (Verenga Mateu 13:24-30, 37-43.) Mufananidzo iwoyo unoratidzei? (Ona chati yakanzi “Gorosi neMasora.”)

2. (a) Zviri kuitika mumunda wemurimi zvinofananidzirei? (b) Tichakurukura chikamu chipi chemufananidzo uyu?

2 Zviri kuitika mumunda wemurimi iyeye zvinoratidza maunganidziro aizoita Jesu boka rose regorosi kubva muvanhu uye kuti aizozviita rini. Boka regorosi rinoreva vaKristu vakazodzwa vachatonga naJesu muUmambo hwake. Kudyara kwakatanga paPendekosti ya33 C.E. Kuunganidza kuchapera kana vakazodzwa vachange vari vapenyu pachaguma nyika ino vaiswa chisimbiso chokupedzisira voendeswa kudenga. (Mat. 24:31; Zvak. 7:1-4) Sezvinongoita nzvimbo iri pamusoro pegomo inoita kuti munhu akwanise kuona zvinhu zviri kure, mufananidzo uyu unoita kuti tizive zvinhu zvaizoitika mumakore anenge 2 000. Zviitiko zvipi zvine chokuita neUmambo zvatinokwanisa kunzwisisa iye zvino? Mufananidzo uyu unotsanangura nguva yokudyara, yokukura, uye yokukohwa. Nyaya ino ichanyanya kukurukura nezvenguva yokukohwa. *

KUNYATSOTARISIRWA NAJESU

3. (a) Chii chakaitika nechokwokutanga kwemakore ekuma100 C.E.? (b) Maererano naMateu 13:28, mubvunzo upi wakabvunzwa, uye nani? (Onawo mamwe mashoko.)

3 Nechokwokutanga kwemakore ekuma100 C.E.,  ‘masora akaoneka’ vaKristu vokunyepera pavakatanga kuoneka mumunda wenyika. (Mat. 13:26) Pakazosvika makore ekuma300 C.E., vaKristu vakaita semasora vainge vawanda kupfuura vaKristu vakazodzwa. Yeuka kuti mumufananidzo wacho, varanda vakakumbira tenzi wavo mvumo yokudzura masora. * (Mat. 13:28) Tenzi wacho akatii?

4. (a) Mhinduro yaTenzi Jesu inoratidzei? (b) VaKristu vakaita segorosi vakatanga kunyatsooneka rini?

4 Jesu akataura nezvegorosi nemasora achiti: “Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa.” Murayiro uyu unoratidza kuti kubva munguva yevaapostora kusvika iye zvino, panyika pagara paine vaKristu vakazodzwa vakaita segorosi. Pfungwa iyoyo inotsigirwa nezvakazotaurwa naJesu kuvadzidzi vake kuti: “Ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:20) Saka vaKristu vakazodzwa vaizodzivirirwa naJesu mazuva ose kusvikira munguva yokuguma. Asi hatinyatsozivi kuti ndivanani vaiva veboka regorosi panguva iyoyo yakareba nokuti vaiva vashoma pane vaKristu vakaita semasora. Zvisinei, kuchine makumi emakore mwaka wokukohwa usati watanga, boka regorosi rakatanga kuoneka. Izvozvo zvakaitika sei?

NHUME ‘INOGADZIRA NZIRA’

5. Uprofita hwaMaraki hwakazadziswa sei Jesu paaiva panyika?

 5 Pachine mazana emakore Jesu asati ataura mufananidzo wegorosi nemasora, Jehovha akafemera muprofita wake Maraki kuti ataure zvinhu zvaienderana nezvakazotaurwa mumufananidzo waJesu. (Verenga Maraki 3:1-4.) Johani Mubhabhatidzi ndiye aiva ‘nhume yakagadzira nzira.’ (Mat. 11:10, 11)  Paakauya muna 29 C.E., nguva yokutongwa kwerudzi rwaIsraeri yainge yava pedyo. Jesu ndiye aiva nhume yechipiri. Akachenesa temberi yaiva muJerusarema kaviri, kekutanga achangotanga ushumiri hwake uye kechipiri hwava kunopera. (Mat. 21:12, 13; Joh. 2:14-17) Saka, basa raJesu rokuchenesa raizotora nguva yakati rebei.

6. (a) Uprofita hwaMaraki hwakanyanya kuzadziswa sei? (b) Jesu akaongorora temberi yomudzimu rini? (Onawo mamwe mashoko.)

 6 Uprofita hwaMaraki hwakanyanya kuzadziswa sei? Kwemakumi emakore 1914 asati asvika, C. T. Russell neshamwari dzake dzepedyo vakaita basa serakaitwa naJohani Mubhabhatidzi. Basa iroro rinokosha raisanganisira kuita kuti chokwadi cheBhaibheri chizivikanwe zvakare. Vadzidzi veBhaibheri vakadzidzisa chokwadi nezvechibayiro cherudzikinuro chaKristu, vakaratidza kuti dzidziso yokutsva mumoto yaiva yenhema, uye vakazivisa kuti Nguva dzeMamwe Marudzi dzainge dzava kuguma. Kunyange zvakadaro, kwaiva nemapoka akawanda ezvitendero aiti aitevera Kristu. Saka mubvunzo unokosha waifanira kupindurwa ndewokuti: Pamapoka iwayo nderipi raimirira gorosi? Kuti mubvunzo iwoyo upindurwe, Jesu akatanga kuongorora temberi yomudzimu muna 1914. Kuongorora ikoko uye basa rokuchenesa zvakatora nguva yakati rebei, kubva muna 1914 kusvika gore ra1919 richangotanga. *

MAKORE OKUONGORORA UYE OKUCHENESA

7. Jesu paakatanga kuongorora muna 1914, akaonei?

7 Jesu paakatanga kuongorora, akaonei? Kwemakore anodarika 30, boka reVadzidzi veBhaibheri raishanda nesimba uye raishandisa pfuma yaro kuti riite basa rakakura rokuparidza. * Jesu nengirozi vanofanira  kunge vakafara chaizvo pavakaona kuti madzinde mashoma iwayo egorosi akasimba, ainge asina kuvhungwa nemasora aSatani! Asi ‘kucheneswa kwevanakomana vaRevhi,’ kureva vakazodzwa, kwaifanira kuitwa. (Mar. 3:2, 3; 1 Pet. 4:17) Nei tichidaro?

8. Zvii zvakaitika gore ra1914 rapfuura?

8 Gore ra1914 rava kunopera, vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakaodzwa mwoyo nokuti vainge vasina kuenda kudenga. Muna 1915 na1916, kupikiswa kwavaiitwa nevamwe vaiva kunze kwesangano kwakaita kuti basa rokuparidza ridzikire. Zvinhu zvakatowedzera kuipa pakafa Hama Russell muna October 1916, nokuti kupikiswa kwainge kwava kubva kuvanhu vaiva musangano. Pavarume vanomwe vaitungamirira Watch Tower Bible and Tract Society, vana vavo havana kubvumirana nezvakanga zvasarudzwa zvokuti Hama Rutherford vatungamirire. Vakaedza kuita kuti hama dzipesane asi muna August 1917, vakabva paBheteri. Chokwadi uku kwaiva kuchenesa chaiko! Kwaivawo nevamwe Vadzidzi veBhaibheri vakatya vanhu. Kunyange zvakadaro, Vadzidzi veBhaibheri seboka vakabvuma kucheneswa naJesu uye vakachinja. Saka Jesu akavati vaiva vaKristu vechokwadi vanofananidzwa negorosi, asi akaramba vaKristu vose vokunyepera, kusanganisira vose vaiva mumachechi echiKristudhomu. (Mar. 3:5; 2 Tim. 2:19) Chii chakazoitika? Kuti tizive, ngatimbodzokerai kumufananidzo wegorosi nemasora.

CHII CHINOITIKA MWAKA WOKUKOHWA WATANGA?

9, 10. (a) Iye zvino tava kuda kukurukurei nezvemwaka wokukohwa? (b) Chii chakatanga kuitika mumwaka wokukohwa?

9 Jesu akati, “Kukohwa kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 13:39) Mwaka wokukohwa iwoyo wakatanga muna 1914. Tichakurukura zvinhu zvishanu zvakanzi naJesu zvaizoitika munguva iyoyo.

10 Chokutanga, kuunganidza masora. Jesu anoti: “Mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda.” Pashure pa1914, ngirozi dzakatanga “kuunganidza” vaKristu vakaita semasora nokuvaparadzanisa ne“vanakomana voumambo” vakazodzwa.—Mat. 13:30, 38, 41.

11. Chii chave chichisiyanisa vaKristu vechokwadi nevokunyepera?

11 Basa rokuunganidza zvaraifambira mberi, musiyano waiva pakati pemapoka aya maviri wakatanga kunyatsooneka. (Zvak. 18:1, 4) Pakazosvika 1919, zvakava pachena kuti Bhabhironi Guru rainge rawa. Chii chakanyanya kusiyanisa vaKristu vechokwadi nevokunyepera? Ibasa rokuparidza. Vaya vaitungamirira paVadzidzi veBhaibheri vakatanga kusimbisa kukosha kwekuti munhu wose aitewo basa rokuparidza Umambo. Somuenzaniso, kabhuku kakabudiswa muna 1919 kainzi To Whom the Work Is Entrusted, kakakurudzira vaKristu vakazodzwa vose kuti vaparidze paimba neimba. Kakati: “Basa racho rinoita serakakura chaizvo, asi nderaIshe, uye tichariita nesimba rake. Mune ropafadzo yokuriita.” Hama dzakaita sei? The Watch Tower ya1922 yakati kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Vadzidzi veBhaibheri vakawedzera basa ravo rokuparidza. Pasina nguva, vaKristu ivavo vakatendeka vakatanga kuzivikanwa nebasa rokuparidza paimba neimba, uye vachiri kuzivikanwa nebasa iroro.

12. Boka regorosi rakatanga kuunganidzwa rini?

12 Chechipiri, kuunganidza gorosi. Jesu anorayira ngirozi dzake kuti: ‘Unganidzai gorosi mudura rangu.’ (Mat. 13:30) Kubva muna 1919, vakazodzwa vave vachiunganidzwa muungano yechiKristu yakacheneswa. Kuunganidzwa kwevaKristu vakazodzwa vachange vari vapenyu pachaguma nyika ino kuchapera pavachapiwa mubayiro wavo wokudenga.—Dhan. 7:18, 22, 27.

13. Zvakazarurwa 18:7 inoratidza chii nezvemafungiro ari kuita hure kana kuti Bhabhironi Guru, kusanganisira chiKristudhomu?

 13 Chechitatu, kusvimha misodzi uye kugeda-geda mazino. Chii chinoitika pashure pokunge ngirozi dzasunga masora? Jesu akataura nezveboka remasora kuti: “Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.” (Mat. 13:42) Izvozvo zviri kuitika iye zvino here? Kwete. Mazuva ano, chiKristudhomu, sezvo chiri rimwe remasangano ari muBhabhironi Guru, hure, chichiri kuti: “Ndinogara samambokadzi, handisi chirikadzi, uye handizombochemi.” (Zvak. 18:7) Chokwadi, chiKristudhomu chinofunga kuti chine simba, ‘chichitozvigadza samambokadzi’ pamusoro pevatungamiriri vezvematongerwo enyika. Iye zvino vaya vanomirirwa nemasora vari kutozvitutumadza, kwete kusvimha misodzi. Asi izvozvo zvava kuda kuchinja.

Kushamwaridzana kunoita chiKristudhomu nevatungamiriri vezvematongerwo enyika kwava kuda kuguma (Ona ndima 13)

14. (a) VaKristu vokunyepera ‘vachageda-geda mazino’ avo rini uye nei? (b) Kunzwisisa kwatava kuita Mateu 13:42 kunoenderana sei nepfungwa iri pana Pisarema 112:10? (Onawo mamwe mashoko.)

14 Pakutambudzika kukuru, masangano ose echitendero chenhema paachange aparadzwa, vaya vaimboatsigira vachamhanya vachitsvaka pokuhwanda asi havazombowani nzvimbo yakachengeteka. (Ruka 23:30; Zvak. 6:15-17) Pavachaona kuti havachina kwokutizira kuti varege kuparadzwa, vachasvimha misodzi uye ‘vachageda-geda mazino’ nehasha. Sezvakaprofitwa naJesu nezvekutambudzika kukuru, panguva iyoyo yakaoma, ‘vachazvirova vachichema.’ *Mat. 24:30; Zvak. 1:7.

15. Chii chichaitika kumasora, uye izvozvo zvichaitika rini?

15 Chechina, kukandwa muvira romoto. Chii chichaitika kune vaya vanomirirwa nemwanda yemasora? Ngirozi “dzichavakanda muvira romoto.” (Mateu 13:42) Izvozvo zvinoreva kuparadzwa zvachose. Saka, vanhu ava vaimbova mumasangano echitendero chenhema vachaparadzwa pachikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru, Amagedhoni.—Mar. 4:1.

16, 17. (a) Chiitiko chipi chokupedzisira chinotaurwa naJesu mumufananidzo wake? (b) Nei tichiti chiitiko ichocho hachisati chazadziswa?

16 Chechishanu, kupenya zvakajeka. Jesu anopedzisa uprofita hwake nokuti: “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.” (Mat. 13:43) Izvozvo zvichaitika rini uye kupi? Mashoko aya haasati azadziswa. Jesu haana kutaura nezvezvinhu zviri kutoitika panyika iye zvino, asi zvichaitika kudenga. * Funga zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro.

17 Chokutanga chine chokuita nenguva yazvaizoitika. Jesu akati: “Panguva iyoyo vakarurama vachapenya.” Zviri pachena kuti mashoko okuti “panguva iyoyo” anoreva  nguva yainge ichangobva kutaurwa naJesu, iya ‘yokukandwa kwemasora muvira romoto.’ Izvozvo zvinoitika muchikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru. Saka ‘kupenya zvakajeka’ kwevakazodzwa kunofanira kuitikawo munguva iri mberi. Chechipiri chine chokuita nekwazvaizoitika. Jesu akati vakarurama ‘vachapenya muumambo.’ Izvozvo zvinorevei? Vakazodzwa vose vakatendeka vanenge vari panyika pachapera chikamu chokutanga chokutambudzika kukuru vachange vatoiswa chisimbiso kokupedzisira. Zvadaro, sezvinoratidzwa muuprofita hwaJesu nezvekutambudzika kukuru, vachaunganidzwa kudenga. (Mat. 24:31) Vari ikoko vachapenya “muumambo hwaBaba vavo,” uye hondo yeAmagedhoni ichangopera, vachafara pavachava mwenga waJesu panguva “yokuroora kweGwayana.”—Zvak. 19:6-9.

KUBATSIRWA KWATINOITWA

18, 19. Kunzwisisa mufananidzo waJesu wegorosi nemasora kunobatsira sei mumwe nomumwe wedu?

18 Mumwe nomumwe wedu anobatsirwa sei nezvinorehwa nemufananidzo uyu? Funga kubatsirwa kwatinoitwa munzira nhatu. Kutanga, kunodzamisa kunzwisisa kwedu. Mufananidzo uyu unotiratidza chikonzero chinokosha chinoita kuti Jehovha abvumire zvakaipa. “Akashivirira . . . midziyo yokuitirwa hasha” kuti agadzire “midziyo yengoni,” kureva boka regorosi. * (VaR. 9:22-24) Chechipiri unosimbisa chivimbo chedu. Mugumo zvaunoswedera pedyo, vavengi vedu vachawedzera kutirwisa, ‘asi havazokundi.’ (Verenga Jeremiya 1:19.) Sekudzivirira kwange kuchiita Jehovha boka regorosi kubvira kare, Baba vedu vokudenga vachava nesu “mazuva ose” ari mberi vachishandisa Jesu nengirozi.—Mat. 28:20.

19 Chechitatu, mufananidzo uyu unoita kuti tikwanise kuziva boka regorosi. Nei izvozvo zvichinyanya kukosha? Kuziva kuti vaKristu vakaita segorosi ndivanani kunotibatsira kuwana mhinduro yemubvunzo wakabvunzwa naJesu muuprofita hwake hwemazuva okupedzisira. Akabvunza kuti: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?” (Mat. 24:45) Nyaya mbiri dziri kutevera dzichapindura mubvunzo iwoyo zvinogutsa.

 

^ ndima 2 Ndima 2: Kuti uyeuke zvinorehwa nezvimwe zvikamu zvemufananidzo uyu, tinokukurudzira kuverenga nyaya inoti “Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2010.

^ ndima 3 Ndima 3: Varanda ivavo vanomirira ngirozi nokuti vaapostora vaJesu vainge vafa uye vakazodzwa vaiva panyika vaifananidzwa negorosi, kwete nevaranda. Mumufananidzo iwoyo, vaya vaikohwa masora vanozonzi ingirozi.—Mat. 13:39.

^ ndima 6 Ndima 6: Uku kugadziridzwa kwemanzwisisiro ataiita. Kare taifunga kuti kuongorora kwaJesu kwakaitika muna 1918.

^ ndima 7 Ndima 7: Kubva muna 1910 kusvika muna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakaparadzira mabhuku anoda kusvika 4 000- 000 uye maturakiti netumabhuku zvinodarika 200 000 000.

^ ndima 14 Ndima 14: Uku kugadziridzwa kwemanzwisisiro ataiita Mateu 13:42. Mabhuku edu aiti vaKristu vokunyepera vave ‘vachisvimha misodzi nokugeda-geda mazino avo’ kwemakumi emakore, vachichema kuti “vanakomana voumambo” vari kuvafumura kuti ivo “vanakomana veakaipa.” (Mat. 13:38) Zvisinei tinofanira kuziva kuti pfungwa yokugeda-geda mazino ine chokuita nokuparadzwa.—Pis. 112:10.

^ ndima 16 Ndima 16: Dhanieri 12:3 inoti “vane njere [vaKristu vakazodzwa] vachapenya sechiedza chokudenga.” Pavanenge vachiri panyika vanoita izvi nokuita basa rokuparidza. Asi Mateu 13:43 inotaura nezvenguva yavachapenya zvakajeka muUmambo hwokudenga. Kare taifunga kuti magwaro aya maviri aitaura nezvebasa rimwe chete rokuparidza.

^ ndima 18 Ndima 18: Ona bhuku raSwedera Pedyo naJehovha, mapeji 288-289.