Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Mambo Akafara Chaizvo!

Mambo Akafara Chaizvo!

MAIVA muna August 1936, mumuzinda wamambo wokuSwaziland. Robert naGeorge Nisbet vainge vachangopedza kuridza mumhanzi uye hurukuro dzaHama J. F. Rutherford vachishandisa motokari ine gudzanzwi. Mambo Sobhuza II akafara chaizvo. “Akazotiomesera paakati aida kutenga giramufomu, marekodzi, negudzanzwi zvataishandisa pakuparidza mashoko oUmambo!,” anotsanangura kudaro George.

Robert akabva ataura kuti aiva neurombo kuti zvinhu izvi zvaisatengeswa. Chikonzero chaiva chokuti zvaiva zvomuridzi. Asi Mambo akati aida kuziva muridzi wacho.

Robert akapindura kuti, “Ndezvemumwe Mambo.” VaSobhuza vakabva vabvunza kuti Mambo wacho aiva ani. Robert akati, “NdiJesu Kristu, Mambo weUmambo hwaMwari.”

“Chokwadi iyeye ndiMambo mukuru,” VaSobhuza vakadaro vachiratidza ruremekedzo. “Hapana chandichatora pazvinhu zvake.”

Robert akanyora kuti: ‘Ndakashamiswa chaizvo namambo iyeye Mambo Sobhuza. Aiita Chirungu chokusvisvina asi asina kana kakuzvitutumadza kana kakudada, aitaurika naye uye aisapoterera. Ndakagara naye muhofisi make kweanenge maminitsi 45, George achiridza mumhanzi panze.’

Robert akaenderera mberi achiti, ‘Musi iwoyo, takazoshanyira The Swazi National School uye ikoko takanakidzwa zvatanga tisati tamboita. Takapupurira mukuru wechikoro uye akanyatsoteerera. Patakati taida kuridzira chikoro chese hurukuro dzakarekodhwa tichishandisa giramufomu, akafara chaizvo akati vana vanenge zana vagare pauswa kuti vateerere. Takaudzwa kuti chikoro chacho chesekondari chaidzidzisa vakomana kurima, kuveza, kuvaka, Chirungu, nemasvomhu; vasikana vachidzidziswa kuva vanamukoti, mabasa epamba nezvimwewo. Takazoudzwa kuti mbuya vaMambo Sobhuza ndivo vakatanga chikoro chacho.’ *

Vana vechikoro chesekondari vaivapo pahurukuro yavose yakapiwa muSwaziland muna 1936

Kubvira muna 1933, Mambo Sobhuza aifarira kuteerera mapiyona aishanyira muzinda wake. Mumwe musi akatounganidza masoja ake zana aimuchengetedza kuti ateerere  mashoko oUmambo. Akanyoresa kuti agare achigamuchira magazini edu uye akatambira mabhuku edu. Hazvina kutora nguva kuti apedzisire atova neraibhurari yemabhuku edu! Akaramba ainayo pasinei nokurambidzwa kwakaitwa mabhuku edu munguva yehondo yenyika yechipiri nehurumende yeBritain yaitonga Swaziland!

Mambo Sobhuza II akaramba achibvumira Zvapupu kupinda mumuzinda wake kuLobamba, uye aitokokawo vafundisi kuti vauye kuzoteerera hurukuro dzeBhaibheri. Rimwe zuva Helvie Mashazi, Chapupu chomunzvimbo iyoyo, paaitsanangura Mateu 23, vamwe vafundisi vakasimuka nehasha uye vakaedza kumugarisa pasi. Asi Mambo akapindira, akati Hama Mashazi vaenderere mberi. Mambo wacho akatoudza vaiteerera kuti vanyore ndima dzose dzeBhaibheri dzaitaurwa muhurukuro yacho!

Pashure pokuteerera hurukuro yakapiwa neimwe hama piyona, vamwe vafundisi vana vaivapo vakapindurudza kora dzavo dzeufundisi ndokuti: “Hatisisiri vafundisi asi tava Zvapupu zvaJehovha.” Vakabva vabvunza piyona wacho kana aiva nemabhuku akafanana neaiva naMambo wavo.

Kubva kuma1930 kusvika paakazofa muna 1982, Mambo Sobhuza airemekedza Zvapupu zvaJehovha uye aisabvumira kuti zvitambudzirwe kusatevedza tsika dzemuSwaziland. Saka Zvapupu zvaimutenda chaizvo, uye paakafa zvakamuchema nomwoyo wose.

Pakatanga gore ra2013, muSwaziland makanga mava nevaparidzi voUmambo vanopfuura 3 000. Vagari vemo vanoti pfuurei miriyoni imwe chete, saka muparidzi oga oga ane vanhu 384 vokuparidzira. Muna 2012, mapiyona anopfuura 260 aishingaira kuparidza ari muungano 90, uye vanopfuura 7 496 vakapinda Chirangaridzo. Zviri pachena kuti pachiine mukana wokuwedzera. Chokwadi kushanya kwakaitwa nehama idzodzo kare ikako kuma1930 kwakaita kuti chokwadi chitange kudzika midzi muSwaziland.—Kubva mudura renhoroondo yedu kuSouth Africa.

^ ndima 8 The Golden Age, June 30, 1937, peji 629.