Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Farira Zviyeuchidzo zvaJehovha

Farira Zviyeuchidzo zvaJehovha

“Ndakaita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nokusingagumi.”—PIS. 119:111.

1. (a) Vanhu vanoita sei pavanopiwa zviyeuchidzo, uye nei vachidaro? (b) Kuzvikudza kungakanganisa sei maonero atinoita zano?

VANHU pavanoudzwa zvokuita, zvavanoita zvinosiyana-siyana. Kana munhu akapiwa zano nemumwe munhu ane masimba anogona kuribvuma, asi kana akaripiwa newezera rake kana kuti munhu ari pasi pake anogona kuriramba zvachose. Manzwiro anoita vanhu pavanopiwa chirango anosiyanawo chaizvo. Vamwe vangagumbuka, kurwadziwa, kana kuti kunyara. Asi vamwe vanonzwa vakurudzirwa kana kuti vanova neshungu dzokuita zvakanaka. Nei vachiita zvakasiyana? Chimwe chinokonzera izvozvo kuzvikudza. Chokwadi kuzvikudza kunogona kukanganisa maonero emunhu kuchiita kuti asateerere zano otadza kubatsirwa.—Zvir. 16:18.

2. Nei vaKristu vechokwadi vachikoshesa mazano anobva muShoko raMwari?

2 Asi vaKristu vechokwadi vanokoshesa mazano anobatsira, kunyanya kana achibva muShoko raMwari. Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinotipa uchenjeri, zvichitidzidzisa uye zvinotibatsira kudzivisa misungo yekuda pfuma, unzenza uye kushandisa madhiragi kana kuti kudhakwa. (Zvir. 20:1; 2 VaK. 7:1; 1 VaT. 4:3-5; 1 Tim. 6:6-11) Uyewo kuteerera zviyeuchidzo zvaMwari kunoita kuti tifare “nokuda kwokufara kwomwoyo.”—Isa. 65:14.

3. Mafungiro api aiva nemunyori wepisarema atingatevedzera?

3 Kuti tichengetedze ukama hwedu naBaba vedu vokudenga, tinofanira kuramba tichiteerera mirayiridzo yaJehovha muupenyu hwedu. Zvakanaka chaizvo kana tikava nemafungiro emunyori wepisarema uyo akati: “Ndakaita kuti zviyeuchidzo zvenyu zvive zvangu nokusingagumi, nokuti ndizvo zvinopembererwa nomufaro nomwoyo wangu.” (Pis. 119:111) Tinofarirawo here  mirayiro yaJehovha, kana kuti dzimwe nguva tinoiona seinorema? Kunyange zvazvo dzimwe nguva tingaomerwa nokugamuchira zano ratinenge tapiwa, hatifaniri hedu kuora mwoyo. Tine zvatinokwanisa kuita kuti tivimbe zvizere neuchenjeri hwaMwari! Ngationei zvinhu zvitatu zvingatibatsira.

WEDZERA KUVIMBA NAJEHOVHA NOKUNYENGETERA

4. Dhavhidhi akaramba achiitei muupenyu hwake?

4 Muupenyu hwaMambo Dhavhidhi, zvinhu zvaimbomunakira uye zvaimbomuomera, asi akaramba achivimba zvizere neMusiki wake. Akati: “Ndinosimudzira mweya wangu kwamuri, haiwa Jehovha. Haiwa Mwari wangu, ndakavimba nemi.” (Pis. 25:1, 2) Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti avimbe naBaba vake vokudenga zvakadaro?

5, 6. Shoko raMwari rinotii nezveukama hwaiva naDhavhidhi naJehovha?

5 Vakawanda vanongonyengetera kuna Mwari kana vapinda mumatambudziko. Waizonzwa sei kudai shamwari yako kana kuti hama yako yaingotaura newe chete painenge ichida mari kana kuti ichida kuitirwa zvimwe zvinhu? Nekufamba kwenguva ungapedzisira usisaione zvakanaka. Zvisinei, Dhavhidhi aisadaro. Ukama hwake naJehovha hwairatidza kuti aiva nokutenda muna Mwari uye aimuda chaizvo muupenyu hwake hwose, mukufara nomukutambudzika.—Pis. 40:8.

6 Ona zvakataurwa naDhavhidhi achirumbidza uye achionga Jehovha: “Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei panyika pose, imi mune kukudzwa kunorondedzerwa kumusoro kwematenga!” (Pis. 8:1) Izvi hazviratidzi here kuti Dhavhidhi aiva noukama hwakasimba naBaba vake vokudenga? Kunzwisisa kwaiita Dhavhidhi ukuru hwaMwari nokubwinya kwake kwakaita kuti arumbidze Jehovha “zuva rose.”—Pis. 35:28.

7. Tinobatsirwa sei nokuswedera pedyo naMwari tichinyengetera?

7 Sezvakaitwa naDhavhidhi, tinofanirawo kugara tichitaura naJehovha kuti tivimbe naye. Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Kuswedera pedyo naMwari tichinyengetera kunotibatsirawo kuti tive nomudzimu mutsvene.—Verenga 1 Johani 3:22.

8. Nei tisingafaniri kudzokorora dzokorora mashoko patinenge tichinyengetera?

8 Paunonyengetera, unowanzodzokorora dzokorora mashoko here? Kana uchidaro, wana nguva yokufunga zvauri kuda kutaura. Shamwari yedu kana kuti mumwe munhu woukama angafara here kana tikadzokorora dzokorora mashoko pose patinotaura naye? Angapedzisira asisateereri zvatinotaura. Ichokwadi kuti Jehovha haazomboregi kuteerera munyengetero wemwoyo wose wemushumiri wake akavimbika. Asi hatifaniri kudzokorora dzokorora mashoko patinenge tichitaura naye.

9, 10. (a) Zvii zvimwe zvatingataura muminyengetero yedu? (b) Chii chingatibatsira kupa minyengetero inobva pamwoyo?

9 Chokwadi kana tichida kuva pedyo naMwari hatifaniri kunyengetera tisina kufungisisa zvatinoda kutaura. Patinonyanya kuudza Jehovha zviri pamwoyo, tichaswedera pedyo naye uye tichawedzera kuvimba naye. Saka ndezvipi zvimwe zvatingataura muminyengetero yedu? Shoko raMwari rinopindura kuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” (VaF. 4:6) Saka tinogona kunyengetera nezvechinhu chero chipi zvacho chine chokuita noukama hwedu naMwari kana kuti upenyu hwedu semumwe wevashumiri vake.

10 Tinobatsirwa nokuongorora mashoko evarume nevakadzi vakatendeka vane minyengetero iri muBhaibheri. (1 Sam. 1:10, 11; Mab. 4:24-31) MuMapisarema mune  minyengetero inobva pamwoyo nenziyo dzaiimbirwa Jehovha. Minyengetero iyoyo nenziyo zvinoratidza manzwiro ose evanhu akadai sekurwadziwa zvisingaite uye mufaro mukuru. Kuongorora mashoko iwayo evanhu vakavimbika kunogona kutibatsira kunyengetera kuna Jehovha zvichibva pamwoyo.

FUNGISISA ZVIYEUCHIDZO ZVAMWARI

11. Nei tichifanira kufungisisa mazano aMwari?

11 Dhavhidhi akati: “Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika, chinochenjedza asina zivo.” (Pis. 19:7) Kunyange zvazvo tiine ruzivo rushoma, tinogona kuva vakachenjera kana tikateerera mirayiro yaMwari. Zvisinei, mamwe mazano omuMagwaro anoda kuti tifungisise kana tichida kunyatsobatsirwa nawo. Somuenzaniso, tinoda kuramba takavimbika kana tikamanikidzwa kuita zvimwe zvinhu kuchikoro kana kubasa, kuteerera zvinotaurwa naMwari panyaya yeropa, kuramba tisina kwatakarerekera sevaKristu uye kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yemapfekero nokushambidzika. Kunzwisisa maonero aMwari panyaya idzi, kuchatibatsira kuti tigadzirire matambudziko angauya. Zvadaro, tinogona kutsidza mumwoyo medu zvatichaita kana paine zvamuka. Kugara tafunga saizvozvo uye tagadzirira kunogona kuita kuti tisazorwadziwa.—Zvir. 15:28.

12. Tinofanira kufunga nezvei kuti tichengete zviyeuchidzo zvaMwari?

12 Sezvatinomirira kuzadziswa kwezvakavimbiswa naMwari, mararamiro edu anoratidza here kuti tiri kuramba takamuka pakunamata? Somuenzaniso, tinonyatsodavira here kuti Bhabhironi Guru rava kuda kuparadzwa? Tichiri kunyatsobvuma here kuti tichawana makomborero akadai seupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano, sezvataiita patakatanga kudzidza nezvawo? Tichiri kushingaira muushumiri here tisingaregi zvimwewo zvinhu zvoupenyu zvichitivhiringa? Tichiri kukoshesa here tariro yokumutswa kwevakafa, kutsveneswa kwezita raJehovha, uye kurevererwa kwouchangamire hwake? Kufungisisa mibvunzo iyi kunogona kutibatsira ‘kuita kuti zviyeuchidzo zvaMwari zvive zvedu nokusingagumi,’ sezvakataurwa nemunyori wepisarema.—Pis. 119:111.

13. Nei vaKristu vepakutanga vaiomerwa nokunzwisisa zvimwe zvinhu? Taura muenzaniso.

13 Iye zvino tingasanzwisisa zvimwe zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri nokuti nguva yaJehovha yokuzvijekesa haisati yakwana. Jesu aigara achiudza vaapostora vake kuti aifanira kutambura ozourayiwa. (Verenga Mateu 12:40; 16:21.) Asi vaapostora havana kunzwisisa zvaaireva. Vakazozvinzwisisa pashure pokunge aurayiwa uye amutswa, azviratidza kuvadzidzi vakawanda uye “avhura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.” (Ruka 24:44-46; Mab. 1:3) Saizvozvowo, vateveri vaKristu havana kunzwisisa kuti Umambo hwaMwari hwaizogadzwa kudenga, kusvikira vadururirwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E.—Mab. 1:6-8.

14. Makore okuma1900 achangotanga, hama dzakawanda dzakaratidza sei muenzaniso wakanaka pasinei nokuti manzwisisiro adzaiita mazuva okupedzisira akanga asiriwo?

14 Saizvozvowo, makore okuma1900 achangotanga, vaKristu vechokwadi vaiva netarisiro dzisiri dzechokwadi nezve“mazuva okupedzisira.” (2 Tim. 3:1) Somuenzaniso, muna 1914, vamwe vaifunga kuti nguva yokuti vatorwe vaende kudenga yainge yava kuda kusvika. Zvavaitarisira pazvisina kuzadziswa, kunyatsoongororazve Magwaro kwakaratidza kuti paiva nebasa rakakura rokuparidza raifanira kuitwa. (Mako 13:10) Saka muna 1922, J. F. Rutherford, uyo aitungamirira basa rokuparidza, akaudza vanhu vaiva pagungano renyika  dzakawanda rakaitirwa muCedar Point, Ohio, U.S.A. kuti: “Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Kubva ipapo, vashumiri vaJehovha vemazuva ano vanozivikanwa nokuzivisa “mashoko akanaka oumambo.”—Mat. 4:23; 24:14.

15. Tinobatsirwa sei nokufungisisa mabatiro ange achiita Mwari vanhu vake?

15 Kufungisisa mabatiro akanaka ave achiita Jehovha vanhu vake vekare uye vemazuva ano, kunoita kuti tive nechivimbo chakasimba chokuti achazadzisa chinangwa chake mune ramangwana. Uyewo zviyeuchidzo zvaMwari zvinotibatsira kuti tirambe tiine chivimbo nouprofita hwake husati hwazadziswa. Tinogona kuva nechokwadi chokuti kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tivimbe nezvaakavimbisa.

WEDZERA KUVIMBA NAMWARI NOKUITA ZVINHU ZVOKUNAMATA

16. Tinobatsirwa sei patinoramba tichishanda nesimba muushumiri?

16 Mwari wedu Jehovha, ndiMwari ane simba guru uye ndiMwari anogara achiita basa. Munyori wepisarema akabvunza kuti: “Ndiani ane simba kufanana nemi, haiwa Jah?” Akawedzera kuti: “Ruoko rwenyu rune simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakakwidziridzwa.” (Pis. 89:8, 13) Saka Jehovha anoonga uye anokomborera zvatinoita kuti titsigire Umambo. Anova nechokwadi chokuti vashumiri vake, vangava varume kana vakadzi, vaduku kana vakuru, havagariri maoko uye havadyi “zvokudya zvousimbe.” (Zvir. 31:27) Tichitevedzera Musiki wedu, tinoshanda nesimba pakuita mabasa echiKristu. Kushumira Mwari nemwoyo wose kunotibatsira uye kunoita kuti Jehovha ade kukomborera ushumiri hwedu.—Verenga Pisarema 62:12.

17, 18. Nei tingati mabasa okutenda anotibatsira kuti tivimbe nezvatinoudzwa naJehovha? Taura muenzaniso.

 17 Mabasa okutenda anotibatsira sei kuti tivimbe naJehovha? Funga nezvenhoroondo iri muMagwaro yokupinda kwevaIsraeri muNyika Yakapikirwa. Jehovha akanga arayira vapristi vaiva vakatakura areka yesungano kuti vafambe vachipinda muRwizi rwaJodhani. Asi vaIsraeri pavakasvika vakaona kuti mvura yainge yanaya yakanga yaita kuti rwizi rwacho rwufashukire. VaIsraeri vaizoita sei? Vaizodzika musasa pamahombekombe erwizi vomirira kwemavhiki kuti mvura yacho idzikire here? Aiwa, vakanyatsovimba naJehovha vachibva vatevedzera mirayiridzo yake. Chii chakazoitika? Nyaya yacho inoti: “Tsoka dzevapristi padzakangonyura, rwizi rwakamira kuyerera, . . . uye vapristi vakamira murwizi rwakanga rusisina mvura pedyo neJeriko munhu wose achiyambuka.” (Josh. 3:12-17, Contemporary English Version) Zvinofanira kunge zvaifadza chaizvo kuona mvura iyoyo yaiva nesimba ichimiswa! Chokwadi, kutenda kwevaIsraeri muna Jehovha kwakasimbiswa nokuti vakavimba nemirayiridzo yake.

Uchavimba naMwari here sezvakaitwa nevanhu vaJehovha vomunguva yaJoshua? (Ona ndima 17, 18)

18 Mazuva ano Jehovha haachaitiri vanhu vake zvishamiso izvozvo asi anokomborera mabasa avo okutenda. Mudzimu mutsvene waMwari unovapa simba rokuti vaite basa ravakapiwa rokuparidza mashoko oUmambo pasi pose. Uye Kristu Jesu, Chapupu chikuru chaJehovha, akavimbisa vadzidzi vake paakanga amutswa kuti aizovatsigira mubasa iri rinokosha paakati: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi . . . Ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:19, 20) Vashumiri vaMwari vakawanda vainyara kana kutya, vakazvionera vega kuti mudzimu mutsvene waMwari wakavapa ushingi hwokutaura nevanhu vavasingazivi mubasa romumunda.—Verenga Pisarema 119:46; 2 VaKorinde 4:7.

19. Pasinei nezvatisingakwanisi kuita, tine chokwadi chei?

19 Dzimwe hama nehanzvadzi hadzichakwanisi kuita zvimwe zvinhu nemhaka yokurwara kana kuti kukura. Asi dzinogona kuva nechokwadi chokuti “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose” anonzwisisa mamiriro ezvinhu emuKristu wechokwadi mumwe nomumwe. (2 VaK. 1:3) Anoonga zvose zvatinoita kuti titsigire Umambo. Tose tinofanira kuyeuka kuti kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaKristu ndiko kunonyanya kuchengetedza mweya wedu uri mupenyu asi tichiita zvose zvatinokwanisa.—VaH. 10:39.

20, 21. Tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha?

20 Kunamata kwedu kunosanganisira kushandisa nguva yedu, simba uye zvinhu zvedu nepose patinogona napo. Chokwadi, tinoda kuita “basa romuevhangeri” nemwoyo wose. (2 Tim. 4:5) Tinoda kuita basa iri nokuti rinobatsira vamwe kuti “vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Zviri pachena kuti kukudza uye kurumbidza Jehovha kunoita kuti tipfume pakunamata. (Zvir. 10:22) Uye kunoitawo kuti tinyatsovimba neMusiki wedu.—VaR. 8:35-39.

21 Sezvatadzidza, kuvimba naJehovha kuti atipe mirayiridzo youchenjeri hakungoerekani kwaitika; tinotofanira kushanda nesimba. Saka ngatigarei tichivimba naJehovha nokunyengetera. Fungisisa kuti Jehovha akazadzisa sei zvinangwa zvake kare uye kuti achazvizadzisa sei mune remangwana. Uye ramba uchiwedzera kuvimba kwaunoita naJehovha nokuita mabasa okunamata. Chokwadi, zviyeuchidzo zvaJehovha zvichagara nokusingaperi. Newe unogonawo kugara nokusingaperi!