Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sarudza Nokuchenjera

Sarudza Nokuchenjera

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.”—ZVIR. 3:5.

1, 2. Unoda kuita zvisarudzo here, uye unonzwa sei nezvimwe zvisarudzo zvawakaita?

ZUVA nezuva tinoita zvisarudzo zvakawanda. Unoona sei nyaya yokuita zvisarudzo? Vamwe vanhu vanoda kuzvisarudzira zvokuita pane zvose. Vanoti vane kodzero yokuzvisarudzira uye havatombodi kuti mumwe munhu avasarudzire. Zvisinei, kune vamwewo vanotya kuita zvisarudzo zvinokosha muupenyu hwavo. Vamwe vanotsvaka mazano mumabhuku kana kuti kuna vanachipangamazano uye zvichida vanotopedza mari yakawanda kuti vawane mazano avanoda.

2 Vakawanda vedu tine maonero ari pakati nepakati panyaya iyi. Tinoziva kuti kunyange zvazvo pane zvimwe zvatisingakwanisi kusarudza muupenyu, zvakawanda zvacho tinokwanisa kuzvisarudzira. (VaG. 6:5) Asi tinogona kunge tichibvumawo kuti hazvisi zvisarudzo zvose zvatinoita zvinoratidza kuchenjera kana kuti zvinobatsira.

3. Chii chatinacho chingatibatsira pakuita zvisarudzo, asi idambudziko ripi rinoramba riripo?

3 Sevashumiri vaJehovha, tinofara kuti Jehovha akatipa mirayiridzo yakajeka pazvinhu zvakawanda zvinokosha muupenyu. Tinoziva kuti kana tikatevedzera mirayiridzo iyoyo tinogona kuita zvisarudzo zvichafadza Jehovha uye zvichatibatsira. Asi tinogona kusangana nezvimwe zvinhu zvisingataurwi zvakajeka muShoko raMwari. Saka pakadaro tingasarudza sei zvokuita? Somuenzaniso, tinoziva kuti hatifaniri kuba. (VaEf. 4:28) Asi vamwe vanoti hapana chakaipa kuti munhu atore chinhu chisiri chake kana chinhu chacho chisinganyanyi kukosha kana kuti achinyatsochida. Tingasarudza sei zvokuita kana pasina mutemo wakanyorwa? Chii chingatibatsira pakuita zvisarudzo?

IVA NEPFUNGWA DZAKANAKA

4. Dzimwe nguva patinenge tichifanira kuita chisarudzo, tinopiwa zano ripi?

4 Kana tikaudza mumwe muKristu kuti tinoda kuita  chisarudzo chinokosha, angatiudza kuti tinofanira kusarudza tiine pfungwa dzakanaka. Chokwadi iroro izano rakanaka. Bhaibheri rinotipa nyevero iyi panyaya yokumhanyirira kuita zvinhu: “Munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvir. 21:5) Asi zvinorevei kuva nepfungwa dzakanaka? Zvinongoreva here kuti tinofanira kumbomira tofungisisa nyaya yacho, toshandisa kunzwisisa uye tosarudza zvakanaka? Zvose izvi zvinotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka, asi kuva nepfungwa dzakanaka kunosanganisira zvakawanda.—VaR. 12:3; 1 Pet. 4:7.

5. Nei tose tiine pfungwa dzisina kunyatsonaka?

5 Tinofanira kubvuma kuti tose hatina kuberekwa tiine pfungwa dzakanyatsonaka. Nei zvakadaro? Nokuti takaberekwa tiine chivi saka tine muviri usina kukwana uye pfungwa dzisina kunyatsonaka. (Pis. 51:5; VaR. 3:23) Uyewo, vakawanda vedu taimbova ‘takapofumadzwa’ pfungwa naSatani; taisaziva Jehovha uye mitemo yake yakarurama. (2 VaK. 4:4; Tito 3:3) Saka, kudai taizoita zvisarudzo zvichibva pane zvatinofunga kuti zvakarurama uye zvine musoro, taigona kungoita chisarudzo chisina kunaka pasinei nokuti tafungisisa zvakadini.—Zvir. 14:12.

6. Chii chingatibatsira kuti tive nepfungwa dzakanaka?

6 Kunyange zvazvo tiine muviri usina kukwana uye pfungwa dzisina kunyatsonaka, Baba vedu vokudenga Jehovha vakakwana pane zvose. (Dheut. 32:4) Zvinofadza kuti vakaita kuti tikwanise kuchinja pfungwa dzedu uye kuti tive nepfungwa dzakanaka. (Verenga 2 Timoti 1:7.) SevaKristu, tinoda kushandisa pfungwa toita zvisarudzo zvine musoro. Tinofanira kudzora mafungiro uye manzwiro edu totevedzera mafungiro, manzwiro uye maitiro aJehovha.

7, 8. Rondedzera nyaya inoratidza kuti munhu anogona kuita chisarudzo chakanaka pasinei nematambudziko aanosangana nawo.

7 Funga muenzaniso uyu. Vamwe vanhu vanotamira kune dzimwe nyika vane tsika yokutumira vana vavo vachangoberekwa kuhama dzavo dziri kumusha kuti vanochengetwa ivo voramba vachishanda vachiwana mari. * Mumwe mukadzi ainge atamira kune imwe nyika akabereka mwana mukomana. Panguva iyoyo, akatanga kudzidza Bhaibheri uye kufambira mberi pakunamata. Hama neshamwari dzakatanga kumanikidza mukadzi uyu nemurume wake kuti vatumire mwana kumusha kuna mbuya nasekuru. Zvisinei, kudzidza Bhaibheri kwaaiita kwakamubatsira kuona kuti somubereki, aiva nebasa raakapiwa naMwari rokurera mwana wake. (Pis. 127:3; VaEf. 6:4) Aizotevedzera here tsika yaionekwa nevakawanda seyakanaka? Kana kuti aizotevedzera zvaaidzidza muBhaibheri kunyange zvazvo zvaigona kuita kuti ave nedambudziko remari uye ashorwe nevanhu? Kudai uriwe waizoita sei?

8 Achinetseka, mukadzi uyu akanyengetera kuna Jehovha achitsvaka mazano. Paakataura neaimudzidzisa Bhaibheri uye vamwe vomuungano, akatanga kunzwisisa mafungiro aJehovha panyaya iyi. Akafungawo nezvekukanganisika kunoita vana pavanenge vaparadzaniswa nevabereki vavo vachiri vaduku. Pashure pokunge afungisisa nyaya yacho achishandisa Magwaro, akaona kuti zvaiva zvisina kunaka kuti aendese mwana kumusha. Murume wake paakaona kumhanya-mhanya kwakaita ungano kuti ivabatsire uye kuti mwana wavo aifara aine utano hwakanaka, akabvuma kudzidza Bhaibheri uye  akatanga kupinda misangano nemudzimai wake.

9, 10. Zvinorevei kuva nepfungwa dzakanaka, uye tingava sei nadzo?

9 Uyu unongova muenzaniso mumwe chete unoratidza kuti kuva nepfungwa dzakanaka hakurevi kuti tinofanira kungotevedzera zvatinofunga kana zvinofungwa nevamwe kuti zvine musoro kana kuti zviri nyore. Tinogona kufananidza pfungwa dzedu nemwoyo zvisina kukwana newachi iri kumhanya kana kuti iri kunonoka. Kushandisa wachi yakadaro kunogona kuita kuti tipinde mumatambudziko akakura. (Jer. 17:9) Tinoda kuti pfungwa dzedu nemwoyo zvitungamirirwe nemitemo yaMwari yakavimbika.—Verenga Isaya 55:8, 9.

10 Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvir. 3:5, 6) Ona mashoko okuti “urege kuvimba nokunzwisisa kwako.” Anoteverwa nemashoko okuti “funga nezva[Jehovha].” Iye ndiye ane pfungwa dzakanyatsonaka. Saka pose patinenge tichida kuita chisarudzo, tinofanira kutarisa muBhaibheri kuti tizive maonero aMwari. Kana tadaro, tinofanira kubva tasarudza maererano nemaonero ake. Kutevedzera mafungiro aJehovha ikoko ndiko kunonzi kuva nepfungwa dzakanaka.

ROVEDZA SIMBA RAKO ROKUNZWISISA

11. Munhu anofanira kuita sei kana achida kudzidza kuita zvisarudzo zvokuchenjera?

11 Kudzidza kusarudza nokuchenjera uye kuita zvaunenge wasarudza hakusi nyore. Izvi zvingatonyanya kuomera vachangobhabhatidzwa kana kuti vaya vari kutanga kufambira mberi kuti vakure pakunamata. Zvisinei, vanhu vakadaro, vanokwanisa kufambira mberi. Chimbofunga zvinoitwa nemucheche paanenge achidzidzira kufamba. Kuti asadonha, anofanira kuita nhanho pfupi uye anofanira kuramba achidzidzira. Ndizvo zvazvakaitawo kuvacheche pakunamata panyaya yokuita zvisarudzo zvokuchenjera. Yeuka kuti muapostora Pauro akatsanangura vanhu  vakuru sevaya “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.” Mashoko okuti “nokurishandisa kwavanoita” uye “rirovedzwe” ose ane pfungwa yokuramba uchiita chimwe chinhu, uye ndizvo zvinofanira kuitwa nevatsva.—Verenga VaHebheru 5:13, 14.

Patinoita zvisarudzo zvakanaka zuva nezuva, tinenge tichirovedza masimba edu okunzwisisa (Ona ndima 11)

12. Tingaita sei kuti tizokwanisa kuita zvisarudzo nokuchenjera?

12 Sezvambotaurwa, zuva nezuva tinofanira kuita zvisarudzo zvakawanda, zvikuru nezviduku. Maererano nekumwe kuongorora, inoda kusvika hafu yezvisarudzo zvatinoita tinongoerekana tazviita nokuti ndizvo zvatakajaira kwete nokuti tatanga tanyatsofunga. Somuenzaniso, mangwanani oga oga ungafanira kusarudza kuti wopfekei. Ungaiona senyaya diki, wosarudza usina kunyatsofunga, kunyanya kana uri kumhanya-mhanya. Asi zvinokosha kufunga kuti zvaunopfeka zvinoenderana here nezvinofanira kuitwa nemushumiri waJehovha. (2 VaK. 6:3, 4) Paunotenga zvekupfeka, ungafunga nezvekutenga zviri mufashoni asi unombofungawo here kuti zvine mwero uye zvinodhura zvakadini? Kusarudza zvakanaka panyaya idzi kuchaita kuti tikwanise kurovedza simba redu rokunzwisisa, uye izvozvo zvichatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya dzakakura.—Ruka 16:10; 1 VaK. 10:31.

IVA NECHIDO CHOKUITA ZVAKARURAMA

13. Chii chinodiwa kuti tikwanise kuita zvatinenge tasarudza?

13 Tose tinoziva kuti kusarudza zvakarurama kwakasiyana nokuzoita zvatinenge tasarudza. Somuenzaniso, vamwe vanenge vachida kurega kusvuta vanokundikana nokuti vanenge vasina chido chakasimba chokurega. Kuti munhu abudirire kuita zvaanenge asarudza anofanira kuva nechido chakasimba. Vamwe vanoti chido chokuita chimwe chinhu chakafanana nemhasuru. Kana tikagara tichishandisa mhasuru kana kuti tichiirovedza, inosimba. Asi kana isingashandiswi, inoshaya simba kana kudzikira. Saka chii chingatibatsira kusimbisa chido chokuita zvatinenge tasarudza? Tinofanira kutsvaka rubatsiro kuna Jehovha.—Verenga VaFiripi 2:13.

14. Nei Pauro aiva nesimba rokuita zvaaiziva kuti aifanira kuita?

14 Pauro akazvionera ega kuti hazvisi nyore kuita zvakanaka. Akambochema-chema achiti: “Simba rokuda ririmo mandiri, asi simba rokuita zvakanaka harimo.” Aiziva zvaaida kuita kana kuti zvaaifanira kuita asi dzimwe nguva pane zvaimutadzisa kuzviita. Akabvuma kuti: “Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati, asi ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” Saka hapana zvaaikwanisawo kuita here? Zviripo. Akati: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaR. 7:18, 22-25) Akazonyorawo kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaF. 4:13.

15. Nei tichifanira kutsunga kuita zvakarurama uye nei tisingafaniri kuva nemwoyo miviri?

15 Chokwadi, kuti tifadze Mwari tinofanira kusarudza zvakanaka totsunga kuzviita. Yeuka mashoko aya aEriya aakaudza vanamati vaBhaari uye vaIsraeri vakanga vapanduka paGomo reKameri okuti: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini? Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari, muteverei.” (1 Madz. 18:21) Vanakomana vaIsraeri vaiziva zvavaifanira kuita asi vaiva ne“mwoyo miviri,” vasingaiti chisarudzo. Joshua akanga akasiyana navo. Makore  akanga apfuura, ainge akaratidza muenzaniso wakanaka paakaudza vaIsraeri kuti: “Kana zvakaipa kwamuri kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira . . . Asi ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.” (Josh. 24:15) Iye nevamwe vake vakakomborerwa sei nechisarudzo ichi? Vakazopinda muNyika Yakapikirwa, “nyika inoyerera mukaka nouchi.”—Josh. 5:6.

SARUDZA NOKUCHENJERA UKOMBORERWE

16, 17. Taura muenzaniso unoratidza kuti kuita zvisarudzo zvinoenderana nezvinodiwa naMwari kunobatsira.

16 Funga muenzaniso uyu wemazuva ano. Imwe hama ichangobhabhatidzwa, ine mudzimai nevana vaduku vatatu. Rimwe zuva, mumwe waanoshanda naye akamuudza kuti vaigona kunoshanda kune imwe kambani inobhadhara chaizvo uye inobatsirawo pane zvakawanda. Akafungisisa akanyengetera nezvenyaya yacho. Ainge asarudza basa raaiita panguva iyoyo raisanyatsobhadhara kuitira kuti asashanda pakupera kwevhiki zvichiita kuti apinde misangano uye abude muushumiri nemhuri yake. Akafungisisa ndokuona kuti kana akachinja basa aizopedza nguva yakareba asingapindi misangano uye kuparidza. Dai uriwe waizoita sei?

17 Paakafungisisa kuti kuchinja basa kwaizomukanganisa sei pakunamata, akaramba basa racho rinobhadhara. Unofunga kuti akazodemba here nezvaakasarudza? Kana. Akaona kuti kukomborerwa pakunamata kwaikosha chaizvo kwaari nemhuri yake kupfuura kuva nemari yakawanda. Iye nemudzimai wake vakafara chaizvo mwanasikana wavo mukuru, ane makore gumi paakataura kuti aida vabereki vake, aida hama nehanzvadzi uye aida Jehovha zvakanyanya. Mwanasikana wavo akataura kuti aida kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha obhabhatidzwa. Anofanira kunge akaonga chaizvo muenzaniso wakanaka wababa vake wokuisa kunamata Jehovha pokutanga muupenyu!

Sarudza nokuchenjera uwane mufaro pavanhu vaMwari (Ona ndima 18)

18. Nei zvichikosha kuti tisarudze nokuchenjera zuva nezuva?

18 Mosesi Mukuru, Jesu Kristu, ava nemakumi emakore achitungamirira vanamati vechokwadi vaJehovha nemurenje renyika yaSatani. SaJoshua Mukuru, Jesu ava kuda kugumisa mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino otungamirira vateveri vake kupinda munyika itsva yokururama yatakavimbiswa. (2 Pet. 3:13) Saka, iye zvino haisi nguva yokuti tive nemafungiro edu ekare, maitiro, tsika uye zvinangwa. Inguva yokuti tinyatsonzwisisa kuti Mwari anoda kuti tive vanhu vakaita sei. (VaR. 12:2; 2 VaK. 13:5) Zvaunosarudza zuva nezuva ngazviratidze kuti uri munhu akakodzera kuwana makomborero aMwari asingaperi.—Verenga VaHebheru 10:38, 39.

^ ndima 7 Tsika iyi inoitirwawo kuti vanasekuru navanambuya vazodadira hama neshamwari dzavo vachidziratidza vazukuru vavo.