Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zviyeuchidzo zvaJehovha Zvakavimbika

Zviyeuchidzo zvaJehovha Zvakavimbika

“Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika, chinochenjedza asina zivo.”—PIS. 19:7.

1. Inyaya dzipi dzinogara dzichikurukurwa nevanhu vaMwari, uye kudzokorora nyaya idzodzo kunotibatsira sei?

PAWAIGADZIRIRA Chidzidzo cheNharireyomurindi, wakambozvibvunzawo here kuti, ‘Nyaya iyi hatina kumboidzidza here?’ Kana wava nenguva uchiwadzana neungano yechiKristu, zvimwe wakaona kuti dzimwe nyaya dzinogara dzichikurukurwa. Tinogara tichidzidza zvinhu zvakadai seUmambo hwaMwari, rudzikinuro, basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, uye unhu hwakadai serudo uye kutenda. Kudzokorora nyaya idzi kunotibatsira kuti tirambe takasimba pakutenda uye kuti tive “vaiti veshoko, kwete vanzwi chete.”—Jak. 1:22.

2. (a) Shoko riri muBhaibheri rokuti zviyeuchidzo rinowanzorevei? (b) Mitemo yaMwari yakasiyana sei neyevanhu?

2 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “chiyeuchidzo” rinowanzoreva mitemo, mirayiro uye mirau inopiwa vanhu naMwari. Mitemo yaJehovha yakavimbika nguva dzose uye yakasiyana neyevanhu inogara ichigadziridzwa. Ichokwadi kuti kare Mwari akapa mimwe mitemo isingachafaniri hayo kutevedzerwa nevanhu mazuva ano. Asi hazvirevi kuti mitemo iyoyo yaiva nepakakanganisika. Munyori wePisarema akati: “Kururama kwezviyeuchidzo zvenyu kunogara nokusingagumi.”—Pis. 119:144.

3, 4. (a) Zviyeuchidzo zvaJehovha zvingasanganisira chii? (b) VaIsraeri vaizobatsirwa sei nokuteerera zviyeuchidzo izvozvo?

3 Zvimwe wakaona kuti pamwe pacho zviyeuchidzo zvaJehovha zvinosanganisira mashoko enyevero. Rudzi rwaIsraeri rwaigara ruchinyeverwa naMwari achishandisa vaprofita. Somuenzaniso, vaIsraeri pavainge vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavanyevera kuti: “Chenjererai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa, mukatsauka, mukanamata vamwe  vanamwari mukavakotamira, Jehovha akakutsamwirai kwazvo.” (Dheut. 11:16, 17) Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akapa vanhu vake zviyeuchidzo zvakawanda zvinobatsira.

4 Kakawanda Jehovha akakurudzira vaIsraeri kuti vamutye, vateerere inzwi rake uye vatsvenese zita rake. (Dheut. 4:29-31; 5:28, 29) Kuteerera zviyeuchidzo izvi, kwaizoita kuti vawane makomborero akawanda.—Revh. 26:3-6; Dheut. 28:1-4.

VAISRAERI VAKAITA SEI NEZVIYEUCHIDZO ZVAMWARI?

5. Nei Jehovha akarwira Mambo Hezekiya?

5 VaIsraeri pavaiva munguva yakaoma, Mwari aigara achizadzisa vimbiso yake. Somuenzaniso, mambo weAsiriya, Saniheribhi paakapinda muJudha akaedza kubvisa Mambo Hezekiya pachigaro, Jehovha akapindira nokutuma ngirozi. Usiku humwe chete, ngirozi yaMwari yakaparadza “varume vose vakanga vakashinga, vaiva nesimba” veuto reAsiriya, zvokuti Saniheribhi akadzokera kumusha kwake achinyara. (2 Mak. 32:21; 2 Madz. 19:35) Nei Mwari akarwira Mambo Hezekiya? Nokuti Hezekiya “akaramba akanamatira kuna Jehovha. Haana kutsauka pakumutevera, asi akaramba achichengeta mirayiro yake.”—2 Madz. 18:1, 5, 6.

Zviyeuchidzo zvaJehovha zvakaita kuti Josiya atsigire kunamata kwechokwadi (Ona ndima 6)

6. Mambo Josiya akaratidza sei kuti aivimba naJehovha?

6 Mumwe munhu akateerera mirayiro yaJehovha ndiMambo Josiya. Kubvira achiine makore masere, “akaita zvakarurama pamberi paJehovha, . . . Haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.” (2 Mak. 34:1, 2) Josiya akaratidza kuti aivimba naJehovha nokubvisa zvidhori uye kudzorera kunamata kwechokwadi munyika yacho. Izvozvo zvakaita kuti iye nerudzi rwacho rwose vakomborerwe naMwari.—Verenga 2 Makoronike 34:31-33.

7. Chii chaiitika vaIsraeri pavaisateerera zviyeuchidzo zvaJehovha?

7 Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti dzimwe nguva vanhu vaMwari vaisanyatsovimba nezviyeuchidzo zvaJehovha. Kwemazana emakore, pamwe pacho vaiteerera pamwe vorega. Kutenda kwavo pakwaidzikira, vaiita sekunge vari ku“takurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa” sezvakataurwa nemuapostora Pauro. (VaEf. 4:13, 14) Uye sezvakagara zvataurwa, pavaisavimba nezviyeuchidzo zvaMwari, vaipinda muna taisireva.—Revh. 26:23-25; Jer. 5:23-25.

8. Tingadzidzei pane zvakaitwa nevaIsraeri?

8 Tingadzidzei pane zvakaitwa nevaIsraeri? Mazuva ano vashumiri vaMwari vanopiwawo  zano uye chirango. (2 Pet. 1:12) Shoko raMwari rakafemerwa rinogona kuita sechiyeuchidzo pose patinoriverenga. Sezvo tiine rusununguko rwokusarudza, tinogona kuteerera mirayiridzo yaJehovha kana kuti kuita zvatinofunga kuti zvakarurama mukuona kwedu. (Zvir. 14:12) Ngatimbokurukurai zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tivimbe nezviyeuchidzo zvaJehovha uye kuti tinobatsirwa sei nekuzviteerera.

ZVIISE PASI PAMWARI URARAME

9. Jehovha akaratidza sei kuti aitsigira vaIsraeri pavaiva murenje?

9 VaIsraeri pavakatanga rwendo rwavo rwemakore 40 ‘nomurenje rinotyisa,’ Jehovha haana kuvaudza kese kese nezvokuti aizovatungamirira sei, uye kuti aizovadzivirira nokuvatarisira sei. Asi akaramba achivaratidza kuti vaigona kuvimba naye nemirayiridzo yake. Achishandisa shongwe yegore masikati uye yemoto usiku, Jehovha akayeuchidza vaIsraeri kuti aivatsigira munguva yose yaaivatungamirira munzvimbo iyoyo yaisava nyore kufamba. (Dheut. 1:19; Eks. 40:36-38) Aivapawo zvinhu zvokurarama nazvo. “Nguo dzavo hadzina kusakara, netsoka dzavo hadzina kuzvimba.” Chokwadi, “hapana chavakashaya.”—Neh. 9:19-21.

10. Jehovha ari kutungamirira sei vanhu vake mazuva ano?

10 Mazuva ano vanhu vaMwari vava pedyo nenyika itsva yakarurama. Tinovimba here kuti Jehovha anogona kutipa zvatinoda kuti tipone pa“kutambudzika kukuru” kuri kuuya? (Mat. 24:21, 22; Pis. 119:40, 41) Ichokwadi kuti Jehovha haana kutipa shongwe yegore kana yemoto kuti ititungamirire kupinda munyika itsva. Asi ari kushandisa sangano rake kutibatsira kuti tirambe takamuka. Somuenzaniso, tinogara tichikurudzirwa kuti tisimbise kutenda kwedu nokuverenga Bhaibheri somunhu oga, kuva nemanheru oKunamata Kwemhuri, uye kugara tichipinda misangano uye tichibuda muushumiri. Panewo zvatakagadzirisa here kuti titevedzere mirayiridzo iyi? Kuita izvi kuchatibatsira kuti tive nokutenda kuchaita kuti tizopinda munyika itsva.

Kushandisa zviyeuchidzo zvaJehovha kunotibatsira kuti tiite kuti Dzimba dzedu dzoUmambo dzisakonzera njodzi uye dzive nyore kupinda (Ona ndima 11)

11. Mwari anoratidza sei kuti ane hanya nesu?

11 Mirayiridzo yatinowana haingotibatsiri chete kuramba takamuka pakunamata asi inotibatsirawo pane dzimwe nyaya dzeupenyu hwezuva nezuva. Dzimwe nyaya dzacho dzinosanganisira kuva nemaonero ari pakati nepakati panyaya yepfuma uye kuva neziso rakanaka kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo. Takabatsirwawo nemirayiridzo ine chokuita nezvokupfeka nekushambidzika, kusarudza varaidzo yakanaka, uye kusarudza kuti tinofanira kudzidza kusvika papi. Uye fungawo nezvezviyeuchidzo zvatakawana zvine chokuita nekudzivisa njodzi mudzimba dzedu, motokari, Dzimba dzoUmambo uye kugara takagadzirira njodzi dzinogona kuitika. Mazano akadai anoratidza kuti Mwari anoda kuti tigare zvakanaka.

ZVIYEUCHIDZO ZVAKABATSIRA VAKRISTU VEPAKUTANGA KURAMBA VAKATENDEKA

12. (a) Inyaya ipi yaigara ichidzokororwa naJesu kuvadzidzi vake? (b) Muenzaniso upi wokuzvinipisa wakaramba uchifungwa naPetro, uye unofanira kutibatsira sei?

12 Munguva yevaapostora, vanhu vaMwari vaigara vachipiwa zviyeuchidzo. Jesu aigara achiudza vadzidzi vake kuti vaifanira kuzvininipisa. Zvisinei, haana kungovaudza kuti kuzvininipisa kuita sei asi akavaratidza nomuenzaniso wake. Pazuva raakazofa, Jesu akaungana nevaapostora vake kuti vadye Paseka. Vaapostora pavaidya, Jesu akasimuka akavageza tsoka, basa raiwanzoitwa nemuranda. (Joh. 13:1-17) Vaapostora vakaramba vachiyeuka muenzaniso wake iwoyo wokuzvininipisa. Kwapera  makore anenge 30, muapostora Petro, uyo aivapowo pakudya ikoko, akapa vaainamata navo zano rine chokuita nekuzvininipisa. (1 Pet. 5:5) Muenzaniso waJesu, unofanira kuita kuti tizvininipise pane zvatinoitirana nevamwe.—VaF. 2:5-8.

13. Jesu akayeuchidza vadzidzi vake nezveunhu hupi hunokosha hwavaifanira kuva nahwo?

13 Jesu aigara achikurudzirawo vadzidzi vake kuti vave nokutenda kwakasimba. Vadzidzi vake pavakatadza kudzinga dhimoni raiva nemumwe mukomana, vakabvunza Jesu kuti: “Nei tisina kugona kuridzinga?” Jesu akapindura kuti: “Nokuda kwokutenda kwenyu kuduku. Nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, . . . hapana chinhu chamuchatadza.” (Mat. 17:14-20) Munguva yose yaaiita ushumiri hwake, Jesu aigara achidzidzisa vadzidzi vake kuti kutenda kunokosha chaizvo. (Verenga Mateu 21:18-22.) Tiri kushandisa mikana yatiinayo here kusimbisa kutenda kwedu tichishandisa mirayiridzo inokurudzira yatinowana kumagungano uye misangano yechiKristu? Kuungana uku kunofadza uye kunoitawo kuti tiratidze kuvimba kwatinoita naJehovha.

14. Nei zvichikosha kuti tive nerudo rwakaita serwaKristu?

14 Magwaro echiKristu echiGiriki akazara nezviyeuchidzo zvinotibatsira kuti tidanane. Jesu akataura kuti murayiro mukuru wechipiri ndewokuti “ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:39) Jakobho, munin’ina waJesu, akatiwo rudo “mutemo wamambo.” (Jak. 2:8) Muapostora Johani akanyora kuti: “Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare wamange muinawo kubvira pakutanga. . . Zvakare, ndiri kukunyorerai murayiro mutsva.” (1 Joh. 2:7, 8) Johani paakati “murayiro wekare” uye “murayiro mutsva” aireva murayiro upi? Aireva murayiro wekudanana. Waiva “wekare” pakuti painge papera makumi emakore “kubvira pakutanga,” pawakapiwa naJesu. Asi waivawo “mutsva” pakuti vadzidzi vaifanira kuratidza rudo rwokuzvipira, rwaigona kuzovabatsira pavaisangana matambudziko matsva. Sevadzidzi vaKristu, hationgi here nyevero dzinotibatsira kuti tisangozvifunga pachedu sezvinoitwa nenyika, izvo zvinogona kuita kuti tisada muvakidzani?

15. Chinangwa chikuru chaJesu paakauya panyika chaiva chei?

15 Jesu akaratidza kuti aifarira vanhu. Kuda kwaaiita vanhu tinokuona pakuporesa kwaaiita vanorwara uye kumutsa vakafa. Zvisinei, Jesu paakauya panyika chinangwa chake chikuru chaisava chokuporesa  varwere. Kuparidza uye kudzidzisa kwake ndiko kwainyanya kubatsira vanhu. Nei tichidaro? Tinoziva kuti vaya vakaporeswa uye vakamutswa naJesu vakazokwegura ndokufa, asi vaya vakateerera paaiparidza vachawana upenyu husingaperi.—Joh. 11:25, 26.

16. Basa rokuparidza Umambo uye rokuita kuti vanhu vave vadzidzi riri kuitwa zvakadini mazuva ano?

16 Basa rokuparidza rakatangwa naJesu rava kutoitwa zvakanyanya mazuva ano. Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 28:19) Ndizvo chaizvo zvavakaita uye isu tiri kuzviitawo! Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni manomwe zviri kushingaira kuzivisa Umambo hwaMwari munyika dzinopfuura 230 uye zviri kudzidza Bhaibheri nemamiriyoni evanhu. Kuparidza uku kunopa uchapupu hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira.

VIMBA NAJEHOVHA IYE ZVINO

17. Pauro naPetro vakapa mazano okutii?

17 Zvechokwadi, zviyeuchidzo zvakabatsira vaKristu vepakutanga kuti varambe vaine kutenda kwakasimba. Chimbofunga kuti Timoti anofanira kunge akakurudzirwa sei paakagamuchira tsamba yaibva kune muapostora Pauro uyo aiva mujeri kuRoma achimuudza kuti: “Ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano awakanzwa kwandiri.” (2 Tim. 1:13) Pashure pokunge akurudzira hama dzake dzechiKristu kuti dzive neunhu hwakadai sekutsungirira, kudanana kwazvo sehama uye kuzvidzora, muapostora Petro akati: “Ndichagara ndichida kukuyeuchidzai nezvezvinhu izvi, kunyange muchizviziva uye makamira zvakasimba muchokwadi.”—2 Pet. 1:5-8, 12.

18. VaKristu vepakutanga vaiona sei zviyeuchidzo?

18 Chokwadi, tsamba dzaPauro nedzaPetro dzaiva ne“mashoko akambotaurwa nevaprofita vatsvene.” (2 Pet. 3:2) Hama dzedu dzemunguva yevaapostora dzakaramba mirayiridzo yacho here? Kwete, nokuti kwaiva kuratidzwa kwerudo rwaMwari, uko kwaivabatsira kuti ‘varambe vachikura mumutsa usina kukodzera kuwanwa uye zivo pamusoro paIshe uye Muponesi wedu Jesu Kristu.’—2 Pet. 3:18.

19, 20. Nei tichifanira kuvimba nezviyeuchidzo zvaJehovha, uye izvozvo zvinotibatsira sei?

19 Mazuva ano tinotova nezvikonzero zvakakwana zvokuti tivimbe nezviyeuchidzo zvaJehovha, zviri muShoko rake rakavimbika, Bhaibheri. (Verenga Joshua 23:14.) Bhaibheri rinotiudza kuti kwezviuru zvemakore Mwari aibata sei vanhu vasina kukwana. Nhoroondo idzodzo dzakanyorwa kuti dzitibatsire. (VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11) Takaona kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri. Uprofita tingahufananidza nezviyeuchidzo zvinenge zvataurwa pachiine nguva. Somuenzaniso, mamiriyoni evanhu ari kuuya kuzonamata Jehovha, sezvakaprofitwa kuti zvaizoitika mu“mazuva okupedzisira.” (Isa. 2:2, 3) Kuipa kuri kuita zvinhu kuri kuzadzisawo uprofita hweBhaibheri. Uyewo sezvatotaurwa, basa rakakura rokuparidza riri kuitwa pasi pose riri kuzadzisa mashoko aJesu.—Mat. 24:14.

20 Tinogona kuvimba noMusiki wedu nokuti ave achizadzisa zvaakavimbisa. Zviyeuchidzo zvake zviri kutibatsira here? Tinofanira kuva nekutenda muzviyeuchidzo zvake. Izvozvo ndizvo zvakaitwa naRosellen. Anoti: “Pandakatanga kunyatsovimba naJehovha, ndakatangawo kunyatsoona kuti anondida, anondichengeta uye kuti anondisimbisa.” Dai tikabatsirwawo nekuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha.