Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Itai Izvi Muchindiyeuka’

‘Itai Izvi Muchindiyeuka’

“Pashure pokunge aonga, [akamedura chingwa] akati: ‘Ichi chinomirira muviri wangu uri kupiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’”—1 VAK. 11:24.

1, 2. Vaapostora vangave vaifungei Jesu asati aenda kuJerusarema kokupedzisira?

‘ZVAKUSISINA makore, tava kukwanisa kuona mwedzi. Manheru apfuura varindi vomuJerusarema vanofanira kunge vakaona mwedzi uchigara. Dare reSanihedrini parakangoziva kuti mwedzi wagara, rakabva razivisa kuti mwedzi waNisani watanga. Shoko rakabva ratumirwa kwose kwose pachishandiswa zviratidzo zvomoto uye nhume, zvokuti rakatosvikawo nekuno. Chokwadi, Jesu anofanira kunge achada kuenda kuJerusarema kuti asvike Paseka isati yatanga.’

2 Zvichida izvi ndizvo zvaifungwa nevamwe vaiva naJesu kuPereya (mhiri kweJodhani) parwendo rwake rwokupedzisira rwokuJerusarema. (Mat. 19:1; 20:17, 29; Mako 10:1, 32, 46) VaJudha pavaingoziva musi wokutanga wemwedzi waNisani, vaibva vamirira kwemazuva 13 kuti vapemberere Paseka painyura zuva musi waNisani 14.

3. Nei vaKristu vachida kuziva nezvemusi waichengetwa Paseka?

3 Kudya kwaShe Kwemanheru kuchaitwa musi wa14 April, 2014 zuva ranyura uye musi uyu unoenderana newaichengetwa Paseka. Iwoyo uchange uri musi unokosha kuvaKristu vose vechokwadi nevaya vanofarira. Nei? Nemhaka yezvatinoverenga pana 1 VaKorinde 11:23-25 zvokuti: “Jesu muusiku hwaakanga achizogamuchidzwa, akatora chingwa, uye, pashure pokunge aonga, akachimedura, akati: ‘Ichi chinomirira muviri wangu uri kupiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’ Akaitawo saizvozvo nekapu.”

4. (a) Mibvunzo ipi ine chokuita neChirangaridzo ingamuka? (b) Musi weChirangaridzo unosarudzwa sei gore negore? (Ona bhokisi rakanzi  “Chirangaridzo cha2014.”)

4 Tinovimba kuti uchange uripo pachiitiko ichi chimwe chete chakanzi naJesu chichengetwe nevateveri vake gore negore. Zvibvunze kuti: ‘Ndinofanira kugadzirira sei Chirangaridzo? Zvii zvichashandiswa? Musangano wacho uchaitwa sei? Uye nei Chirangaridzo nezvichashandiswa zvichikosha kwandiri?’

 CHINGWA NEWAINI

5. Jesu akaita kuti vaapostora vake vagadzirire chii paPaseka yokupedzisira ainavo?

5 Jesu paakaudza vaapostora kuti vagadzirire imba yavaizodyira Paseka, haana kuti vashongedze imba yacho zvemaoresa, asi zvichida aingoda imba yakakodzera, yakachena uye yavaikwana vose. (Verenga Mako 14:12-16.) Vaizogadzirira zvinhu zvaidiwa pakudya kwacho, zvaisanganisira chingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku. Pavakapedza kudya Paseka, Jesu akatanga kutaura nezvechingwa newaini.

6. (a) Paseka yapera, Jesu akati chii nezvechingwa? (b) PaChirangaridzo panoshandiswa chingwa chakaita sei?

6 Muapostora Mateu uyo aivapowo, akazonyora kuti: “Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai, mudye.’” (Mat. 26:26) “Chingwa” chacho chainge chisina kuviriswa sechaishandiswa paPaseka. (Eks. 12:8; Dheut. 16:3) Chaigadzirwa neupfu hwegorosi nemvura, chisina mbiriso kana zvimwe zvokurungisa zvakadai semunyu. Chingwa chacho chaisasimuka nokuti chainge chisina mbiriso. Chainge chisina zvimwe zvaiwedzerwa chiri chipapata uye chiri nyore kumedura. Mazuva ano kana Chirangaridzo chava pedyo, vakuru veungano vanogona kukumbira mumwe munhu kuti agadzire chingwa chacho achishandisa upfu hwegorosi nemvura, achichibika mupani ine tumafuta twushoma. (Kana pasina upfu hwegorosi, chinogona kubikwa neupfu hwemupunga, hwechibage, hwebhari kana zvimwe zvakada kudaro.) Chingwa chinoshandiswa nevaJudha chinonzi matzoth chisingawedzerwi chimera, mazai kana hanyanisi, chinogona kushandiswawo.

7. Jesu akataura nezvewaini yakaita sei, uye paChirangaridzo panogona kushandiswa waini yakaita sei?

7 Mateu akatiwo: “[Jesu] akatora kapu uye aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose.’” (Mat. 26:27, 28) Kapu yakatorwa naJesu yaiva newaini tsvuku. (Yaisava muto wemazambiringa achangosvinwa, nokuti pakanga patova nenguva yakareba mazambiringa akohwewa.) Waini haina kushandiswa paPaseka yokutanga muIjipiti asi Jesu haana kuona paine chakaipa nokuishandisa paPaseka. Akatoshandisa imwe yacho  paKudya kwaShe Kwemanheru. Saka vaKristu vanoitawo kuti paChirangaridzo pave newaini. Sezvo pakanga pasina zvimwe zvaifanira kuwedzerwa kuti ropa raJesu rishande, waini inoshandiswa paChirangaridzo inenge isina zvimwe zvinodhaka zvakadai sebrandy kana kuti tumwe twunoita kuti inhuwirire. Waini tsvuku isina zvimwe zvinowedzerwa, ndiyo inofanira kushandiswa. Munogona kuzvigadzirira mega kana kuita zvokutenga waini yakadai seBeaujolais, Burgundy, kana kuti Chianti.

ZVINOMIRIRWA NECHINGWA NEWAINI

8. Nei vaKristu vachikoshesa zvinomirirwa nechingwa newaini?

8 Muapostora Pauro akanyatsojekesa kuti vamwe vaKristu vasiri vaapostora vaifanirawo kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Akanyorera vaainamata navo kuKorinde kuti: “Ndakagamuchira kubva kunaShe zviya zvandakakugamuchidzaiwo, kuti Ishe Jesu . . . akatora chingwa, uye, pashure pokunge aonga, akachimedura, akati: ‘Ichi chinomirira muviri wangu uri kupiwa nokuda kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’” (1 VaK. 11:23, 24) Saka nanhasi vaKristu vachiri kuchengeta chiitiko ichi chinokosha gore negore uye vanokoshesa zvinomirirwa nechingwa newaini.

9. Vamwe vane maonero api asina kururama nezvechingwa chakashandiswa naJesu?

9 Vamwe vanhu vanoenda kuchechi vanoti Jesu akati: ‘Uyu muviri wangu,’ saka vanodavira kuti pakaitika chishamiso chokuti chingwa chakachinja kuva nyama yake chaiyo. Zvisinei izvozvo hazvisi zvechokwadi. * Zvose zviri zviviri, muviri waJesu nechingwa chisina kuviriswa, zvakanga zviri pamberi pevaapostora vakatendeka. Zviri pachena kuti Jesu akashandisa mutauro wokufananidzira, sezvaaiita kakawanda.—Joh. 2:19-21; 4:13, 14; 10:7; 15:1.

10. Chingwa chinoshandiswa paKudya kwaShe Kwemanheru chinomirirei?

 10 Chingwa chaiva pamberi pevaapostora uye chavakanga vava kuda kudya, chaimirira muviri waJesu. Muviri upi? Pane imwe nguva vashumiri vaMwari vaifunga kuti sezvo Jesu akamedura chingwa asi pasina kana pfupa rake rakatyorwa, chingwa chaimirira “muviri waKristu,” kureva ungano yevaKristu vakazodzwa. (VaEf. 4:12; VaR. 12:4, 5; 1 VaK. 10:16, 17; 12:27) Zvisinei, nokufamba kwenguva, pashure pokunge tanyatsoongorora Magwaro, takazonzwisisa kuti chingwa chinomirira muviri waJesu wenyama waakanga agadzirirwa. Jesu “akatambura panyama,” uye akatozorovererwa. Saka paKudya kwaShe Kwemanheru, chingwa chinomirira muviri iwoyo waJesu wenyama ‘waakatakura nawo zvivi zvedu.’—1 Pet. 2:21-24; 4:1; Joh. 19:33-36; VaH. 10:5-7.

11, 12. (a) Jesu akati chii nezvewaini? (b) Waini inoshandiswa paKudya kwaShe Kwemanheru inomirirei?

11 Izvi zvinotibatsira kunzwisisa zvakazotaurwa naJesu nezvewaini. Tinoverenga kuti: “Akaitawo saizvozvo nekapu, paakanga apedza kudya kwemanheru, achiti: ‘Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu.’” (1 VaK. 11:25) MaBhaibheri akawanda anoshandisa mashoko akafanana neari muBhaibheri Dzvene okuti: “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu.” (Tisu tatsveyamisa mashoko.) Jesu aireva here kuti kapu (mukombe) yaainge akabata ndiyo sungano itsva? Kwete. Shoko rokuti “kapu” raireva zvaiva mukapu yacho, kureva waini. Jesu akati waini yacho yaimirirei? Akati yaimirira ropa rake raizoteurwa.

12 MuEvhangeri yaMako, Jesu akati: “Iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji.” (Mako 14:24) Chokwadi, ropa raJesu ‘raizodururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.’ (Mat. 26:28) Saka, waini tsvuku inonyatsokodzera kumirira ropa raJesu. Pachishandiswa ropa iroro, tinogona kusunungurwa norudzikinuro, “iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu.”—Verenga VaEfeso 1:7.

Vaapostora vakanwa waini yaimirira ropa raJesu resungano (Ona ndima 11, 12)

KUYEUKA RUFU RWAKRISTU

13. Tsanangura kuti Chirangaridzo chorufu rwaKristu chinoitwa gore negore chinoyeukwa sei.

13 Kana kachizova kekutanga kupinda Chirangaridzo neZvapupu zvaJehovha, zvii zvauchaona? Chirangaridzo chichaitirwa munzvimbo yakanaka uye yakachena zvokuti munhu wose anenge aripo achanzwa akasununguka achinakidzwa nepurogiramu. Panogona kuiswa maruva asingashamisiri, asi hauzotadziswi kuisa pfungwa dzako papurogiramu nezvinhu zvakashongedzwa zvakawanda-wanda zvinoita sokuti muri papati. Mukuru anokwanisa achakurukura zvakajeka uye zvine ruremekedzo zvinotaurwa neBhaibheri nezvechiitiko chacho. Achabatsira vose kunzwisisa zvatakaitirwa naKristu paakafa serudzikinuro kuti tiwane upenyu. (Verenga VaRoma 5:8-10.) Mukurukuri achatsanangura tariro mbiri dzine vaKristu dzinotaurwa muBhaibheri.

14. Mukurukuri achataura nezvetariro dzipi paanenge achipa hurukuro yeChirangaridzo?

14 Imwe tariro ndeyekunotonga naKristu kudenga, uye kunongova nevateveri vaKristu vashomanana vane tariro iyoyo vakadai sevaapostora vakatendeka. (Ruka 12:32; 22:19, 20; Zvak. 14:1) Vamwe vaKristu vakatendeka vakawanda vari kushumira Mwari iye zvino vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Kuda kwaMwari kuchabva kwaitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga, uye izvi ndizvo zvave zvichinyengetererwa nevaKristu. (Mat. 6:10) Uyewo Magwaro anoratidza kuti vachararama upenyu hwakanaka chaizvo nokusingaperi.—Isa. 11:6-9; 35:5, 6; 65:21-23.

15, 16. Murayiro waJesu une chokuita nechingwa unotevedzerwa sei paKudya kwaShe Kwemanheru?

15 Hurukuro iyoyo painenge yava kupera,  mukurukuri achataura kuti yava nguva yokuita zvakanzi naJesu vaapostora vaite. Sezvambotaurwa, pachashandiswa chingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku. Izvi zvinogona kunge zviri patafura inenge iri pedyo nemukurukuri. Achaverenga muBhaibheri zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paakatanga chiitiko ichi. Somuenzaniso, muna Mateu tinoverenga kuti: “Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.’” (Mat. 26:26) Jesu akamedura chingwa chisina kuviriswa kuti ape chimwe kuvaapostora vaainge akagara navo. Pachaitwa Chirangaridzo musi wa14 April, uchaona chingwa chisina kuviriswa chakatomedurwa chiri mundiro.

16 Pachashandiswa ndiro dzinokwana kuitira kuti chingwa chisvike kuvanhu vose munguva pfupi. Hapazovi netutsika twunotevedzerwa. Pachatanga papiwa munyengetero mupfupi, ndiro dzofambiswa nenzira yakarongeka, zvichienderana nokuti zvinonyatsoita ndezvipi. Vashoma ndivo vachadya chingwa (kana kuti pachatoshaikwa vanodya), sezvakaitika muungano dzakawanda paChirangaridzo cha2013.

17. Murayiro waJesu une chokuita newaini unotevedzerwa sei paChirangaridzo?

17 Mukurukuri achabva averenga zvakazotaurwa naMateu zvokuti: “[Jesu] akatora kapu uye aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.’” (Mat. 26:27, 28) Pachitevedzerwa izvozvo, pachapiwa mumwe munyengetero uye “kapu” dzewaini tsvuku dzichafambiswa kune munhu wose anenge aripo.

18. Nei zvichikosha kuva paChirangaridzo kunyange zvazvo pakava nevashoma kana kutoshaikwa vanodya chingwa nokunwa waini?

18 Vakawanda vachange varipo vachasarudza kusadya chingwa uye kunwa waini pazvichange zvichifambiswa nokuti Jesu akataura kuti vaya vachatonga naye muUmambo hwake hwokudenga ndivo chete vanofanira kudya nokunwa. (Verenga Ruka 22:28-30; 2 Tim. 4:18) Vamwe vose vachange varipo vanenge vachingocherechedza zvavo vachiratidza ruremekedzo. Kunyange zvakadaro, kuva paKudya kwaShe Kwemanheru kunokosha nokuti kunoratidza kuti vanokoshesa chaizvo chibayiro chaJesu. Panenge pachiitwa Chirangaridzo, vanofungisisa nezvemakomborero avanogona kuwana nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Vane tariro yokuva mu“boka guru” richapona pa“kutambudzika kukuru” kuri kuuya. Vanamati ava ndivo vachange ‘vageza nguo dzavo refu, vodziita chena muropa reGwayana.’—Zvak. 7:9, 14-17.

19. Ungaitei kuti ugadzirire uye ubatsirwe neKudya kwaShe Kwemanheru?

19 Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinogadzirira musangano uyu unokosha. Pachine mavhiki kuti Chirangaridzo chiitwe, tichakoka vanhu vakawanda kuti vauye. Uyewo, pasara mazuva mashoma kuti chiitwe, vakawanda vedu tichaverenga nhoroondo yeBhaibheri yezvakaitwa naJesu uye zvakaitika mazuva mashoma Kudya kwaShe Kwemanheru kusati kwaitwa muna 33 C.E. Tichagara taronga kuti tive nechokwadi chokuti tichange tiripo. Zvakanaka kuti tisvike nziyo yokutanga nemunyengetero zvisati zvaitwa kuitira kuti titambire vaenzi uye kuti tinzwe purogiramu yose. Tose zvedu, vari muungano nevaenzi, tichabatsirwa chaizvo nokuvhurawo maBhaibheri edu mukurukuri paanenge achiverenga uye achitsanangura Magwaro. Chinonyanya kukosha ndechokuti kuvapo kwedu paChirangaridzo kucharatidza kuti tinoonga chaizvo chibayiro chaJesu uye kuti tinoteerera murayiro wake wokuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—1 VaK. 11:24.

^ ndima 9 Mumwe muongorori weBhaibheri wokuGermany anonzi Heinrich Meyer akati: ‘Sezvo Jesu ainge achiri mupenyu uye ropa rake risati rateurwa, hapana mumwe wevaapostora vaivapo angave akafunga kuti vaitodya muviri uye kunwa ropa raIshe. Jesu akashandisa mashoko ari nyore kunzwisisa kutsanangura zvinorehwa nechingwa newaini uye aisada kuti vaapostora vake vatadze kumunzwisisa.’