Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uchapa Zvibayiro Zvokutsigira Umambo Here?

Uchapa Zvibayiro Zvokutsigira Umambo Here?

“Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VAK. 9:7.

1. Vakawanda vanozvipira pazvinhu zvakaita sei uye nei vachidaro?

VANHU vanozvipira kuita zvinhu zvavanoona zvichikosha kwavari. Vabereki vanoshandisa nguva yavo, mari uye simba ravo kuti vabatsire vana vavo. Vamhanyi vechiduku vanenge vachida kuzomiririra nyika yavo pamakwikwi emaOlympic vanopedza maawa akawanda pazuva vachidzidzira zvakasimba, vamwe vezera ravo pavanenge vachiita zvemafaro. Jesu akatoregawo zvimwe zvinhu kuti aite zvinhu zvaaikoshesa. Haana kutsvaka zvinhu zvoumbozha uye haana kuita vana. Asi akasarudza kuisa pfungwa pakuita kuti basa roUmambo rienderere mberi. (Mat. 4:17; Ruka 9:58) Vateveri vake vakasiyawo zvinhu zvakawanda kuti vatsigire Umambo hwaMwari. Vainyanya kukoshesa kuti basa roUmambo rienderere mberi uye vakasiya zvimwe zvinhu kuti vatsigire basa iroro zvizere. (Mat. 4:18-22; 19:27) Saka tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Chii chandinonyanya kukoshesa muupenyu hwangu?’

2. (a) VaKristu vose vechokwadi vanofanira kuzvipira kuita zvinhu zvipi? (b) Vamwe vanokwanisa kuzvipira kuita mamwe mabasa api?

2 Panewo kumwe kuzvipira kunofanira kuitwa nevaKristu vose vechokwadi uye kunokosha kana tichida kuva neukama hwakanaka naJehovha uye kuramba tiinahwo. Kuzvipira uku kunosanganisira kushandisa nguva yedu nesimba redu kuita zvinhu zvakadai sokunyengetera, kuverenga Bhaibheri, kunamata kwemhuri, kupinda misangano uye kubuda muushumiri. * (Josh. 1:8; Mat. 28:19, 20; VaH. 10:24, 25) Nemhaka yokushanda nesimba kwatiri kuita uye kukomborerwa kwatiri kuitwa naJehovha, basa rokuparidza riri  kuwedzera uye vakawanda vari kuramba vachidirana ku“gomo reimba yaJehovha.” (Isa. 2:2) Kuti vatsigire mabasa ane chokuita neUmambo, vakawanda vanozvipira kushanda paBheteri, kubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo uye Dzimba dzeMagungano, kuronga magungano, kana kuyamura vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga. Kuzvipira kuita mamwe mabasa aya handiko kunoita kuti munhu awane upenyu husingaperi, asi kunokosha pakutsigira basa roUmambo.

3. (a) Tinobatsirwa sei patinozvipira kutsigira Umambo? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

3 Iye zvino basa roUmambo rava kuda kutsigirwa zvakanyanya. Zvinofadza kuti vakawanda vari kupa Jehovha zvibayiro vachida. (Verenga Pisarema 54:6.) Kuzvipira ikoko kunoita kuti tifare chaizvo sezvatinomirira kuuya kwoUmambo hwaMwari. (Dheut. 16:15; Mab. 20:35) Zvisinei, mumwe nomumwe wedu anofanira kunyatsozviongorora. Pane here zvatingaita kuti tizvipire kuita mamwe mabasa okutsigira Umambo? Tiri kushandisa sei nguva yedu, mari, simba uye unyanzvi hwedu? Zvii zvatinofanira kungwarira? Ngatikurukurei muenzaniso watingatevedzera pakupa zvibayiro izvozvo zvokuzvidira, zvoita kuti tiwane mufaro wakawedzerwa.

ZVIBAYIRO ZVAIPIWA NEVAISRAERI

4. VaIsraeri vaibatsirwa sei nokupa zvibayiro?

4 VaIsraeri vaipa zvibayiro kuti vakanganwirwe zvivi. Zvibayiro zvaikoshawo kuti vafarirwe naJehovha. Zvimwe zvibayiro zvaiva zvokuzvidira asi zvimwe zvacho vaitosungirwa kuzvipa. (Revh. 23:37, 38) Vanhu vaigona kupa zvinopiwa zvinopiswa sezvipo kana kuti zvinopiwa zvokuzvidira kuna Jehovha. Somuenzaniso, pakatsaurirwa temberi mumazuva aSoromoni, pakapiwa zvinopiwa zvakawanda chaizvo.—2 Mak. 7:4-6.

5. Urongwa hupi hwakaitirwa varombo naJehovha?

5 Jehovha aiziva kuti vanhu vaisazopa zvinhu zvakaenzana, saka aida kuti munhu ape zvinoenderana nezvaaikwanisa. Mutemo waJehovha waiti ropa remhuka raifanira kuteurwa uye uyu waiva “mumvuri wezvinhu zvakanaka” zvaizouya nekuMwanakomana wake, Jesu. (VaH. 10:1-4) Zvisinei, Jehovha ainzwisisa kuti munhu aigona kutadza kuwana gwai kana kuti mombe kuti ape sechibayiro. Somuenzaniso, mutemo waiti munhu aigona kupa  chinopiwa chemagukutiwa uye Mwari aichigamuchira. Saka kunyange varombo vaigona kupa chibayiro kuna Jehovha vachifara. (Revh. 1:3, 10, 14; 5:7) Kunyange zvazvo mhuka dzaibayirwa dzaigona kusiyana, pane zvinhu zviviri zvaifanira kuitwa nemunhu mumwe nomumwe aipa zvibayiro zvokuzvidira.

6. Munhu wose aipa zvibayiro aifanira kuitei, uye nei zvaikosha kuti aite izvozvo?

6 Chokutanga, munhu aifanira kupa zvakanaka chaizvo pane zvaaiva nazvo. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti chero chinopiwa chavaipa chaifanira kuva chakanaka ‘kuti vafarirwe.’ (Revh. 22:18-20) Kana chibayiro chacho chaiva chemhuka yakaremara, Jehovha aisazochigamuchira. Chechipiri, munhu aipa chibayiro aifanira kunge akachena uye asina kusvibiswa. Munhu akanga asina kuchena aifanira kutanga apa chinopiwa chechivi kana kuti chinopiwa chemhosva kuitira kuti avezve noukama naJehovha, ozopa chinopiwa chokuzvidira. (Revh. 5:5, 6, 15) Iyi yakanga isiri nyaya yokutamba nayo. Jehovha akataura kuti munhu aizodya chibayiro chokugoverana icho chaisanganisira zvinopiwa zvokuzvidira iye asina kuchena, aifanira kuparadzwa. (Revh. 7:20, 21) Asiwo munhu paaipa chibayiro aine ukama hwakanaka naJehovha uye chibayiro chake chisina kuremara, munhu iyeye aigona kufara chaizvo.—Verenga 1 Makoronike 29:9.

KUPA ZVIBAYIRO MAZUVA ANO

7, 8. (a) Vakawanda vanowana mufaro wakadii pavanopa zvibayiro zvokutsigira Umambo? (b) Zvinhu zvipi zvatinazvo zvatinogona kupa Jehovha?

7 Mazuva ano vakawanda vanozvipirawo kuita basa raJehovha, uye Jehovha anofadzwa naizvozvo. Kushumira hama dzedu kune mibayiro. Imwe hama inovaka Dzimba dzoUmambo uye inobatsira vanenge vawirwa nenjodzi dzinoitika dzoga yakataura kuti kugutsikana kwainowana nokuita mabasa iwayo hakutsananguriki. Yakati, “Kuona kufara uye kuonga kunoita hama nehanzvadzi padzinenge dzava muImba yoUmambo itsva kana kuti padzinenge dzabatsirwa panoitika njodzi dzinongoitika dzoga, kunoita kuti ndione kuti basa rangu rinokosha.”

Zvinopiwa zvakawanda zvaiva zvokuzvidira, sezvakangoita zvibayiro zvatinopa mazuva ano (Ona ndima 7-13)

8 Sangano raJehovha remazuva ano ragara richitsvaka mikana yokutsigira basa raJehovha. Muna 1904, Hama C. T. Russell vakanyora kuti: “Mumwe nomumwe  anofanira kuzviona sokuti akagadzwa naIshe kuti atarisire mashandisiro aanoita nguva yake, simba, mari yake, nezvimwewo, uye anofanira kunyatsoshandisa zvinhu izvi, kuti Tenzi akudzwe.” Kunyange zvazvo tichiwana makomborero akawanda, tinorasikirwa nezvimwe zvinhu patinopa zvibayiro kuna Jehovha. (2 Sam. 24:21-24) Tinganyatsoshandisa here zvinhu zvatinazvo?

Nhengo dzeBheteri kuAustralia

9. Izano ripi raJesu riri pana Ruka 10:2-4 ringatibatsira pakushandisa kwatinoita nguva yedu?

9 Nguva yedu. Zvinotora nguva yakawanda nesimba kushandura uye kudhinda mabhuku edu, kuvaka nzvimbo dzokunamatira, kuronga magungano, kubatsira panoitika njodzi uye kuita zvimwe zvinhu zvakawanda zvinokosha. Tinongova nemaawa 24 chete pazuva, asi Jesu akapa zano rinogona kutibatsira kuti tishandise nguva yedu zvakanaka. Paakatuma vadzidzi vake kuti vanoparidza, akavaudza kuti “musakwazisa muchimbundira chero munhu upi zvake mumugwagwa.” (Ruka 10:2-4) Nei Jesu akavapa mirayiridzo iyoyo? Mumwe muongorori weBhaibheri anoti: “Kukwazisana kwaiita vanhu Vokumabvazuva kwakasiyana nezvatinoita zvokukotama zvishoma, kana kuti kutambanudza ruoko, asi vaitombundirana kakawanda, vaipfugama uye vaiita sokunge vatorara pasi. Zvose izvi zvaitora nguva yakawanda.” Jesu akanga asiri kukurudzira vateveri vake kuti vasava netsika. Asi akanga achivabatsira kuti vaone kuti nguva yavaiva nayo yaiva shoma uye vaifanira kunyatsoishandisa kuita zvinhu zvinonyanya kukosha. (VaEf. 5:16) Tingashandisa here zano iri kuitira kuti tiwane nguva yakawanda yokuita basa roUmambo?

Vaparidzi voUmambo vari paImba yoUmambo kuKenya, Africa

10, 11. (a) Zvipo zvatinopa kutsigira basa romunyika yose zvinoshandiswa sei? (b) Izano ripi riri pana 1 VaKorinde 16:1, 2 ringatibatsira?

10 Mari yedu. Mari yakawanda inodiwa kutsigira mabasa oUmambo. Gore negore makumi emamiriyoni emadhora anoshandiswa pakutarisira vatariri vanofambira, mapiyona chaiwo uye mamishinari. Kubva muna 1999, Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 24 500 dzakavakwa munyika dzisina kupfuma. Asi pachiri kudiwa dzimwe Dzimba dzoUmambo dzinenge 6 400. Mwedzi woga woga panodhindwa magazini eNharireyomurindi neMukai! anenge mamiriyoni 100. Zvose izvi zvinotsigirwa nezvipo zvokuzvidira.

11 Muapostora Pauro akapa zano rokushandisa patinenge tichifunga kupa zvipo. (Verenga 1 VaKorinde 16:1, 2.) Afemerwa naMwari, akakurudzira vaainamata navo vokuKorinde kuti vasamirira kupera kwevhiki vozoona zvinenge zvasara, asi vaifanira kutsaura mari pakutanga kwevhiki maererano nezvavaikwanisa. Sezvaingoitwa nevaKristu vepakutanga, mazuva ano hama nehanzvadzi dzinogara dzaronga zvadzinoda kuzopa maererano nezvadzinokwanisa. (Ruka 21:1-4; Mab. 4:32-35) Jehovha anokoshesa rupo irworwo.

Hama yakazvipira kushanda neDare Rokuvaka Romunharaunda kuTuxedo, New York, U.S.A.

12, 13. Zvii zvingaita kuti vamwe vazeze kushandisa simba ravo neunyanzvi hwavo, asi Jehovha anovabatsira sei?

12 Simba redu nounyanzvi hwedu. Jehovha anotibatsira kuti tishandise simba redu nounyanzvi hwedu kuti titsigire Umambo. Anovimbisa kutibatsira patinenge taneta. (Isa. 40:29-31) Tinonzwa sokuti hatina unyanzvi hwakakwana here kuti titsigire basa iri? Tinofunga kuti pane vamwe vanonyatsokwanisa kuita basa racho kutipfuura here? Yeuka kuti Jehovha anogona kunatsiridza unyanzvi hwedu sezvaakangoita kuna Bhezareri naOhoriyabhi.—Eks. 31:1-6; ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.

13 Jehovha anoda kuti timupe zvakanaka pane zvatinazvo uye kuti tisazeza. (Zvir. 3:27) Paivakwazve temberi, Jehovha  akaudza vaJudha vaiva muJerusarema kuti vafungisise zvavaiita pakutsigira basa rokuvaka. (Hag. 1:2-5) Vainge vatsauswa uye pfungwa dzavo dzainge dzisisiri pabasa. Zvakanaka kuti tifungisise kana zvinhu zvatinoisa pokutanga zvichienderana nezvinokosheswa naJehovha. Tingaita kuti ‘mwoyo yedu ifunge nezvenzira dzedu’ here kuitira kuti tikwanise kunyatsoita basa roUmambo mumazuva ano okupedzisira?

ZVIBAYIRO ZVINOENDERANA NEZVATINAZVO

14, 15. (a) Tinokurudzirwa sei nemuenzaniso wehama dzedu dzinotambura? (b) Tinofanira kuva nechido chei?

14 Hama dzedu dzakawanda dzinogara munyika dzinotambura. Sangano redu rinoedza ‘kuzadzisa’ kushayiwa kwehama dzedu dzinogara munyika dzakadaro. (2 VaK. 8:14) Asi kunyange hama dzisina zvakawanda dzinokoshesa ropafadzo yokupa. Jehovha anofara paanoona varombo vachipa vachifara.—2 VaK. 9:7.

15 Mune imwe nyika ine urombo chaizvo muAfrica, dzimwe hama dzinokamura chikamu chiduku chebindu radzo dzoshandisa mari inobuda ipapo kutsigira basa roUmambo. Munyika iyoyo, maivawo neImba yoUmambo yaifanira kuvakwa. Hama nehanzvadzi dzomunzvimbo iyoyo dzaida kubatsira. Zvisinei, basa racho raizoitwa mumwaka wokudyara zvirimwa. Sezvo hama dzaida chaizvo kutsigira basa iri, dzaivaka Imba yoUmambo masikati, dzozoenda kuminda manheru. Chokwadi ikoko kuzvipira kwakakura! Izvi zvinotiyeuchidza nezvehama dzaiva kuMakedhoniya. Hama idzi dzaiva ‘nourombo hukuru,’ asi dzakateterera kuti dziwane ropafadzo yokubatsira pane zvaiitwa. (2 VaK. 8:1-4) Dai mumwe nomumwe wedu akapawo ‘zvinoenderana nechikomborero chatakapiwa naJehovha.’—Verenga Dheuteronomio 16:17.

16. Tingaita sei kuti tive nechokwadi chokuti zvibayiro zvedu zvinogamuchirika kuna Jehovha?

16 Zvisinei, pane zvatinofanira kungwarira. Sezvaifanirawo kuitwa nevaIsraeri, tinofanira kuva nechokwadi chokuti zvibayiro zvedu zvokuzvidira zvinogamuchirika kuna Mwari. Hatifaniri kubva taregeredza mabasa anokosha ane chokuita nemhuri dzedu uye kunamata Jehovha. Kuzvipira kwatinoita kushandisa nguva yedu uye simba redu tichibatsira vamwe hakufaniri kutitadzisa kuriritira mhuri dzedu uye kudzitarisira pakunamata. Kana tikatadza kuita izvozvo zvinenge zvichiita sokuti tiri kupa zvatisina. (Verenga 2 VaKorinde 8:12.) Uyewo, tinofanira kuramba takasimba pakunamata. (1 VaK. 9:26, 27) Asi iva nechokwadi chokuti kana tikararama tichiita zvinotaurwa neBhaibheri, zvibayiro zvedu zvichaita kuti tifare uye tigutsikane chaizvo uye ‘zvichagamuchirika kwazvo’ kuna Jehovha.

ZVIBAYIRO ZVEDU ZVINOKOSHA CHAIZVO

17, 18. Tinonzwa sei nezviri kuitwa nevose vari kupa zvibayiro zvokutsigira Umambo, uye tose tinofanira kufungisisei?

17 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dziri ‘kuzvidurura sechinopiwa chinonwiwa’ padzinotsigira mabasa oUmambo. (VaF. 2:17) Tinoonga chaizvo vaya vanoita mabasa iwayo. Tinoongawo rupo uye kuzvipira kunoita madzimai nevana vehama dzinotungamirira mubasa roUmambo.

18 Pane basa rakakura rinofanira kuitwa rokutsigira Umambo. Dai tose tikanyengetera tichifungisisa zvatingaita kuti titsigire zvizere basa iri. Unogona kuva nechokwadi chokuti uchawana mibayiro yakakura iye zvino uye yakatonyanya kukura “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.”—Mako 10:28-30.

^ ndima 2 Ona nyaya inoti “Kupa Jehovha Zvibayiro Zvomweya Wose” iri muNharireyomurindi, yaJanuary 15, 2012, mapeji 21-25.