Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Akavadzivirira Mumimvuri Yemakomo

Jehovha Akavadzivirira Mumimvuri Yemakomo

MUMWE mukadzi achingobuda mumba make mangwanani anoona padhoo pake paine pasuru. Anoitora otarira tarira kuti aone kuti yasiyiwa naani, asi anoona mumugwagwa musina munhu. Panofanira kunge paine munhu aisiya usiku. Anopenengura zvishoma kuti aone kuti munei, obva akurumidza kupinda mumba ozvivharira. Ari kutizei? Pasuru iyi ine mabhuku anotsanangura Bhaibheri airambidzwa! Anobva anyengetera nechomumwoyo akabata pasuru iyi, achitenda Jehovha nezvokudya izvi zvinokosha pakunamata.

Zvinhu zvakaita seizvi zvaiitika muGermany mumakore ekuma1930. Kubvira pakatanga kutonga vaNazi muna 1933, basa reZvapupu zvaJehovha rakatanga kurambidzwa munzvimbo dzakawanda. “Takanga tiine chokwadi kuti kuziviswa kwaJehovha nezita rake kwaisazomiswa nemutemo iwoyo wakanga wadzikwa nemunhu,” anodaro Richard Rudolph, uyo ava nemakore anopfuura 100. * “Mabhuku anotsanangura Bhaibheri aikosha pakudzidza uye pakuita ushumiri. Zvisinei, mabhuku aya akanga asisawanike nyore nekuti akanga arambidzwa. Tainetseka kuti basa iri raizoenderera mberi sei.” Pasina nguva Richard akaona kuti aigona kubatsira kuti mabhuku awanike nenzira yakanga isina kumbofungwa nezvayo. Aizounzwa nemumimvuri yemakomo.—Vat. 9:36.

NZIRA DZAISHANDISWA ZVISIRI PAMUTEMO

Ukakwidza nerwizi rwaElbe (kana Labe), unozopedzisira wasvika pamakomo anonzi Krkonoše, ayo ari pamuganhu weCzech Republic nePoland. Kunyange zvazvo akangoreba mamita angasvika 1 600, makomo aya anotonhora kupfuura mamwe ose ari muEurope. Sinou inosvika mamita matatu inofukidza makomo aya kwehafu yegore. Vamwe vanopinda munzvimbo iyi vachiitora seisingatonhore vanogona kungoerekana vafukidzwa nemhute hobvu inowanzoitika pamusoro pemakomo aya.

Kwemazana emakore, makomo aya akashanda kuganhura nzvimbo dzakadai sematunhu, nzvimbo dzaitongwa nemadzimambo uye nyika. Mapurisa aiomerwa nekufamba munzvimbo iyi, saka kare vakawanda vaigara munzvimbo iyi vaiyambutsa zvinhu  zvisiri pamutemo nemumakomo aya. Kuma1930, makomo makuru aya paaiva muganhu weCzechoslovakia neGermany, Zvapupu zvakashinga zvakatanga kushandisa nzira idzi dzaimboshandiswa nevanhu vaiyambutsa zvinhu zvisiri pamutemo. Zvapupu zvaidzishandisa kuitei? Kuyambutsa mabhuku anotsanangura Bhaibheri anokosha kubva kwaaiwanika nyore. Richard aiva pakati peZvapupu izvozvo paaiva muduku.

Hama nehanzvadzi dzaipfeka sevanhu vari kubvakacha, dzaitakura mabhuku dzichipfuura nemumakomo makuru dzichipinda muGermany

KUKWIDZA MAKOMO AITYISA

“Pakupera kwevhiki, taikwira makomo tiri mumapoka ehama dzechiduku dzinenge nomwe takapfeka sevanhu vari kungobvakacha,” anoyeuka kudaro Richard. “Tichibva kudivi reGermany, zvaititorera maawa anenge matatu kuti tipfuure mumakomo aya tisvike kuŠpindlerův Mlýn,” imwe nzvimbo inobvakachira vanhu iri makiromita anenge 16,5 tichipinda muCzech Republic. Mazuva iwayo vanhu vakawanda vemuGermany vaigara munzvimbo iyi. Mumwe wavo, murimi, akabvuma kubatsira hama dzedu. Achishandisa ngoro yaidhonzwa nemabhiza yaiwanzoshandiswa kutakura vashanyi, aitakura mabhokisi emabhuku kubva kune rimwe guta riri pedyo, kwaainge asiyiwa nechitima chaibva kuPrague. Aiendesa mabhokisi acho kupurazi rake oaviga munzvimbo yaichengeterwa uswa hwezvipfuwo uye aizouya achitorwa nevanhu vaizoatakura vachiaendesa kuGermany.

Richard anoenderera mberi achiti: “Pataisvika papurazi racho, taibva taisa mabhuku acho mumabhegi ataibereka kumusana akanga akagadzirirwa kutakura zvinhu zvinorema. Mumwe nemumwe wedu aitakura inenge 50kg.” Kuti vasabatwa, vaifamba murima vachitanga zuva richangovira vozosvika zuva rava kubuda. Ernst Wiesner uyo aiva mutariri wedunhu muGermany panguva iyi anotsanangura zvavaiita kuti vasabatwe: “Hama mbiri dzaifamba nechemberi uye kana vakasangana nemunhu vaibva vapa vamwe vavo chiratidzo vachishandisa matochi avo. Izvi zvaibva zvachenjedza hama dzaitevera dziri mamita anenge 100 dzakatakura mabhegi anorema, kuti dzivande mumakwenzi kusvikira hama idzi dzaiva mberi dzadzoka dzichitaura mashoko avaingoziva ivo chete, ayo aichinjwa vhiki nevhiki.” Asi mapurisa eGermany aipfeka yunifomu dzebhuruu handiwo oga aityisa.

“Mamwe manheru ndakanonoka kupedza basa,” anoyeuka kudaro Richard, “saka pandakazosimuka kuti ndiende kuCzech dzimwe hama dzakanga dzatoenda  kare. Ndakafamba kwasviba uye kuine mhute, ndichigwagwadza nechando chemvura yainaya. Ndakarasika mumiti yemupine, ndikatora maawa ndichishaya kwekubuda nakwo. Vanhu vakawanda vaibvakacha munzvimbo iyi vakafa nenzira iyoyo. Ndakatozosangana nehama dzangu padzakanga dzava kudzoka kwava kuda kuedza.”

Kwemakore anenge matatu, boka duku iri rehama dzakashinga raienda kumakomo aya vhiki nevhiki. Munguva yechando, vaitakura mabhuku aya vachifamba nezvinhu zvinosungirirwa pasi pebhutsu zvinotsvedza muchando. Mamwe mazuva mapoka ehama dzingasvika 20, dzaiyambuka muganhu masikati dzichishandisa nzira dzinoshandiswa kukwira mumakomo. Vaienda nehanzvadzi kuti vanhu vaivaona vafunge sekuti vaiva vanhuwo zvavo vaibvakacha. Vamwe vavo vaifamba nechemberi uye vaikanda heti mudenga vakaona munhu wavaifungira.

Sinou yainge yakazara pamusoro pemakomo yaiita kuti zvityise kupfuura nemo

Chii chaizoitika kana vanhu ava vauya nemabhuku avanenge vafamba nawo neusiku? Paiva neurongwa hwekuti mabhuku acho abve angopiwa vanhu. Vaizviita sei? Mabhuku acho aiiswa mumabhokisi sesipo obva aendeswa kuchiteshi chezvitima kuHirschberg. Mabhokisi aitumirwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzemuGermany, kwaaizotorwa nehama nehanzvadzi vozoatumira nekungwarira kuhama dzavainamata nadzo sezvatanga kutaurwa munyaya ino. Danho rimwe nerimwe rakanga rakabatana nerimwe zvokuti kudai paizongoita mumwe chete aikanganisa zvaizokonzera dambudziko rakakura. Asi mumwe musi zvinhu zvakazoenda nepavaisatarisira.

Muna 1936, pamwe paisvikira mabhuku pakawanikidzwa pedyo neBerlin. Pazvinhu zvakawanika ipapo paiva nemabhokisi matatu akatumirwa nemumwe munhu asina kuzivikanwa kubva kuHirschberg. Mapurisa akaongorora runyoro rwaivapo kuti vabate munhu aiva nebasa rakakura chaizvo pakufambiswa kwemabhuku vakabva vamusunga. Izvi zvichangoitika, vamwe vaviri vakasungwawo, kusanganisira Richard Rudolph. Hama idzi dzakaudza mapurisa kuti ndidzo dzaiita basa iri rose, saka izvi zvakaita kuti vamwe vakwanise kuramba vachiita basa iri rekutakura mabhuku raityisa.

ZVATINODZIDZA

Kwemakore, mabhuku aya aitakurwa mumabhegi ekubereka kumusana nemumakomo akabatsira chaizvo Zvapupu zvemuGermany kuwana mabhuku anokosha anotsanangura Bhaibheri. Asi mabhuku aisangoyambutswa nemumakomo aya chete. Mauto eGermany asati apinda muCzechoslovakia muna 1939, paiva nedzimwe nzira dzaishandiswa dzaitevedza muganhu wenyika iyi. Mune dzimwe nyika dzakaganhurana neGermany, dzakadai seFrance, Netherlands, uye Switzerland, Zvapupu zvaiisa upenyu hwazvo pangozi kuti zviendesere hama dzavo dzaitambudzwa zvokudya zvinotsigira pakunamata.

Mazuva ano vakawanda vedu tinogona kuwana mabhuku anotsanangura Bhaibheri akawanda sezvatingada, ekuverenga kana kuti ekuteerera. Ungave uchiwana mabhuku paImba yoUmambo kana kuti uchiakopa panzvimbo yedu yekubudisira mashoko yejw.org, wadii kumbofunga nezvebasa rinoitwa kuti ukwanise kuwana mabhuku aya? Zvimwe haana hawo kuyambutswa pakati peusiku nemumakomo akazara sinou, asi pane basa rakakura rakaitwa nehama dzako dzakawanda dzaunonamata nadzo dzinozvipira kukushandira.

^ ndima 3 Aiva muUngano yeHirschberg yaiva muSilesia. Guta reHirschberg iye zvino rava kunzi Jelenia Góra uye riri nechokumavirira kwePoland.