Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Musakurumidza “Kuzununguswa Pakufunga Kwenyu”!

Musakurumidza “Kuzununguswa Pakufunga Kwenyu”!

“Hama, . . . tinokukumbirai kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu.”—2 VAT. 2:1, 2.

1, 2. Nei unyengeri hwanyanyisa mazuva ano uye hunogona kuwanika muzvinhu zvipi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

MAZUVA ano unyengeri hwazara munyika. Izvi hazvifaniri kutishamisa nokuti Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi munyengeri mukuru uye ndiye mutongi wenyika ino. (1 Tim. 2:14; 1 Joh. 5:19) Mugumo wenyika ino yakaipa zvaunoswedera pedyo, hasha dzaSatani dziri kuwedzera nokuti anoziva kuti asarirwa ne“nguva pfupi.” (Zvak. 12:12) Saka tinogona kutarisira kuti vaya vanoshandiswa naDhiyabhorosi vachatowedzera kunyengera vanhu, kunyanya vanotsigira kunamata kwechokwadi.

2 Dzimwe nguva vanobudisa nhau vanotaura mashoko anotsausa uye enhema pamusoro pevashumiri vaJehovha nezvavanotenda. Vanoshandisa mapepanhau, mapurogiramu epaterevhizheni uye Indaneti kuparadzira nhema idzi. Izvi zvinoita kuti vamwe vanhu vavhiringidzike vongobvuma nhema idzodzo.

3. Chii chingatibatsira kuti tisanyengerwa?

3 Kuti tisanyengerwa nomuvengi wedu, tine Shoko raMwari ‘rinobatsira pakururamisa zvinhu.’ (2 Tim. 3:16) Tsamba dzakanyorerwa vaKristu vokuTesaronika nomuapostora Pauro dzinoratidza kuti pane vamwe vaKristu vainge vatsauswa vachibvuma nhema. Akavakurudzira kuti ‘vasakurumidza kuzununguswa pakufunga kwavo.’ (2 VaT. 2:1, 2) Zvidzidzo zvipi zvatingawana pazano raPauro uye tingazvishandisa sei?

KUNYEVERWA PANGUVA YAKAKODZERA

4. VaKristu vokuTesaronika vakanyeverwa sei kuti varambe vachifunga nezvekuuya kwe“zuva raJehovha,” uye isu tinonyeverwawo sei?

4 Pauro akataura nezvekuuya kwe“zuva raJehovha” mutsamba yake yokutanga yaakanyorera ungano yokuTesaronika.  Aisada kuti vaainamata navo vave murima uye vasina kugadzirira. Akavati vaiva “vanakomana vechiedza,” uye akavakurudzira kuti ‘varambe vakamuka uye vakasvinura.’ (Verenga 1 VaTesaronika 5:1-6.) Iye zvino takamirira kuparadzwa kweBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose. Uku ndiko kuchava kutanga kwezuva guru raJehovha. Tinofara chaizvo kuti kunzwisisa kwatava kuita kuzadziswa kwechinangwa chaJehovha kwawedzera. Uyewo, kumisangano yechiKristu tinogara tichiwana zviyeuchidzo zvinotibatsira kuramba takasvinura. Kuteerera zviyeuchidzo izvozvo zvinogara zvichipiwa, kunogona kutisimbisa kuti tirambe takatsunga kuitira Mwari ‘basa dzvene nesimba redu rokufunga.’—VaR. 12:1.

Pauro akanyora tsamba dzaiva nenyevero dzaibatsira vaKristu (Ona ndima 4, 5)

5, 6. (a) Pauro akataura nezvei mutsamba yake yechipiri yaakanyorera vaTesaronika? (b) Munguva pfupi iri kuuya Mwari achaitei achishandisa Jesu uye tinofanira kuzvibvunza kuti chii?

5 Pauro akanyorerazve vaKristu vokuTesaronika tsamba yechipiri. Mutsamba iyi akataura nezvekutambudzika kuri kuuya, Ishe Jesu paachaparadza “vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka.” (2 VaT. 1:6-8) Chitsauko chechipiri chetsamba iyi chinoratidza kuti vamwe vaiva muungano iyoyo vainge vava “kuvhundutswa” nezuva raJehovha zvokuti vaifunga kuti rainge rava kutosvika. (Verenga 2 VaTesaronika 2:1, 2.) VaKristu vepakutanga vaingonzwisisa zvishoma nezvekuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Pauro akatozobvumawo pfungwa iyi paakanyora nezveuprofita achiti: “Tine zivo isina kukwana uye tinoprofita zvisina kukwana; asi kana zvakakwana zvasvika, zvisina kukwana zvichagumiswa.” (1 VaK. 13:9, 10) Kunyange zvakadaro, nyevero dzakanyorwa naPauro, muapostora Petro uye dzimwe hama dzakatendeka dzakazodzwa dzepanguva iyoyo, dzaigona kuvabatsira kuti varambe vaine kutenda.

6 Kuti aruramise mafungiro avo, Pauro akataura kuti zuva raJehovha risati rauya, paizova nokutsauka kukuru pakutenda uye “munhu asingateereri mutemo.” *  Kana izvozvo zvaitika, Ishe Jesu aizouya panguva yake yakakodzera ‘oparadza’ vose vainge vanyengedzwa. Muapostora wacho akataura kuti vanhu ava vaizoparadzwa nokuti “havana kugamuchira kuda chokwadi.” (2 VaT. 2:3, 8-10) Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoda chokwadi zvakadini? Ndinonyatsofambirana here nokujekeswa kuri kuitwa chokwadi mumagazini eNharireyomurindi uye mune mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri anobudiswa nesangano kuti abatsire vanhu vaMwari?’

SARUDZA SHAMWARI NOKUCHENJERA

7, 8. (a) VaKristu vepakutanga vaifanira kurwisana nematambudziko api? (b) Mazuva ano vaKristu vechokwadi vari mungozi ipi?

7 VaKristu vaizosangana nemamwe matambudziko kunze kweaikonzerwa nevakatsauka pakutenda nedzidziso dzavo. Pauro akanyorera Timoti kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.” Akataura kuti “vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.” (1 Tim. 6:10) Vaizorambawo vachirwisana ‘nemabasa enyama.’—VaG. 5:19-21.

8 Zvisinei, unogona kunzwisisa kuti nei Pauro akanyevera zvakasimba vaTesaronika nezvedambudziko rakakura raikonzerwa nevarume vaakataura nezvavo kuti “vaapostora venhema.” Pakati pavo paiva nevarume vaitaura “zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (2 VaK. 11:4, 13; Mab. 20:30) Jesu akazorumbidza ungano yeEfeso nokuti yainge ‘isingashiviriri vanhu vakaipa.’ VaEfeso ivavo ‘vaiedza’ vanhu vaizviti vaapostora vechokwadi asi vari venhema. (Zvak. 2:2) Mutsamba yechipiri yaakanyorera vaTesaronika, Pauro akavapa zano rokuti: “Zvino, hama, tiri kukurayirai muzita raShe Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe inofamba zvisina kukodzera.” Akabva ataura nezvevaKristu vaisada “kushanda.” (2 VaT. 3:6, 10) Kana vaKristu ava vaionekwa sevasina kukodzera, zviri pachena kuti vaya vakanga vava kutsauka pakutenda vainge vakatonyanya kuipa. Chokwadi, kushamwaridzana nevanhu vakanga vava kutsauka pakutenda kwaiva nengozi chaizvo uye kwaifanira kudziviswa. Mazuva ano zvinewo ngozi kushamwaridzana nevanhu vakadaro.—Zvir. 13:20.

9. Nei tichifanira kungwarira kana mumwe munhu akatanga kutaura zvaanofungidzira kuti zvichaitika kana kuti kutaura achitsoropodza?

9 Tava pedyo nokutambudzika kukuru uye kuguma kwenyika ino yakaipa, saka nyevero idzodzo dzakafemerwa dzakapiwa kare dzinokosha chaizvo kwatiri. Chokwadi hatidi ‘kutadza kunzwisisa chinangwa’ chomutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha torasikirwa netariro youpenyu husingaperi, kudenga kana kuti panyika. (2 VaK. 6:1) Tinotofanira kungwarira kana mumwe munhu anopinda misangano yedu akaedza kutinyengedza kuti titaure naye zvaanofungidzira kuti zvichaitika kana kuti tibatane naye tichitaura zvokutsoropodza.—2 VaT. 3:13-15.

“RAMBAI MAKABATA TSIKA”

10. VaKristu vomuTesaronika vakakurudzirwa kuramba vachitevedzera tsika dzipi?

10 Pauro akakurudzira vaainamata navo vaiva muTesaronika ‘kumira vakasimba’ uye kuramba vachiita zvavainge vadzidza. (Verenga 2 VaTesaronika 2:15.) “Tsika” dzavainge vadzidziswa dzaiva dzipi? Zviri pachena kuti dzaisava dziya dzaidzidziswa nechitendero chenhema dzichionekwa sedzinokosha kungofanana nezviri muMagwaro. Asi Pauro aireva dzidziso idzo iye nevamwe vainge vagamuchira kubva kuna Jesu uye zvimwe zvaakafemerwa naMwari kuti anyore, zvakawanda zvacho zvakazova  chikamu cheMagwaro akafemerwa. Pauro akarumbidza hama dzake dzomuungano yeKorinde paakanyora kuti, “muzvinhu zvose munofunga nezvangu uye muri kubatisisa tsika sokukugamuchidzai kwandakadziita.” (1 VaK. 11:2) Chokwadi vaigona kuvimba nedzidziso idzodzo nokuti dzaibva kwakavimbika.

11. Vamwe vangakanganiswa nounyengeri munzira dzipi?

11 Pauro paainyorera vaHebheru, akataura nezvenzira mbiri dzingaita kuti muKristu arasikirwe nokutenda otadza kumira akasimba. (Verenga VaHebheru 2:1; 3:12.) Akataura ‘nezvekukukurwa’ uye “kubva.” Chikepe pachinenge chichikukurwa chichibva pamahombekombe erwizi, zvingasanyatsooneka pakutanga. Chinoramba chichienda kure zvishoma nezvishoma. Asiwo munhu anogona kuita zvokusunda chikepe chake kubva pamahombekombe. Nzira mbiri idzi dzinonyatsoratidza zvinoitika kuvanhu vanobvuma kunyengerwa, vopedzisira vasisavimbi nechokwadi.

12. Zvii zviriko mazuva ano zvinogona kukanganisa kunamata kwedu?

12 Izvi zvingangodaro zviri izvo zvaiitika kune vamwe vaTesaronika. Mazuva ano zvinhu zvakamirawo sei? Kwava nezvinhu zvakawanda zvinopedza nguva. Funga kuti munhu anopedza nguva yakawanda sei achikurukura nevanhu pamasocial network, achiverenga uye achipindura mameseji pafoni kana kuti pakombiyuta, achinakidzwa nokuita zvinhu zvinomuvaraidza kana kuti achida kugara achiziva zviri kuitika mune zvemitambo. Zvinhu izvi zvinogona kutsausa muKristu opedzisira asisashingairi. Zvozoguma nei? Angapedzisira asingachanyengeteri nemwoyo wose, kudzidza Shoko raMwari, kupinda misangano, uye kuparidza mashoko akanaka. Saka tingaitei kuti tisakurumidza kuzununguswa pakufunga kwedu?

ZVATINGAITA KUTI TISAZUNUNGUSWA

13. Sezvakagara zvataurwa, vakawanda vane mafungiro api, uye chii chichaita kuti kutenda kwedu kusazununguswa?

13 Chimwe chinhu chatinofanira kuita ndechokuramba tichiziva nguva yatiri kurarama uye zvingaitika kana tikashamwaridzana nevanoramba kuti tiri “mumazuva okupedzisira.” Muapostora Petro akataura nezvenguva iyi achiti: “Vaseki vachauya nokuseka kwavo, vachiita maererano nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’” (2 Pet. 3:3, 4) Kuverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye kugara tichiridzidza kuchatibatsira kuti tirambe tichiziva kuti tiri “mumazuva okupedzisira.” Kutsauka pakutenda kwakagara kwataurwa kwakatotanga kare kare uye kuchiripo. “Munhu asingateereri mutemo” achiripo uye achiri kupikisa vashumiri vaMwari. Saka, tinofanira kuramba takasvinura tichifunga nezvokuti zuva raJehovha rava pedyo.—Zef. 1:7.

Kunyatsogadzirira uye kuita ushumiri kunogona kutibatsira kuti tisakurumidza kuzununguswa pakufunga kwedu (Ona ndima 14, 15)

14. Kuramba tichishingaira mubasa raMwari kunotidzivirira sei?

14 Imwe nzira inokosha inoita kuti munhu arambe akasvinura uye asazununguswa pakufunga kwake ndeyokugara achiparidza mashoko akanaka oUmambo. Saka Kristu Jesu, Musoro weungano, paakarayira vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, vachivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvaakavarayira, aitopa zano raizovadzivirira. (Mat. 28:19, 20) Kuti tiite maererano nezvaakarayira, tinofanira kushingaira mubasa rokuparidza. Unofunga kuti hama dzako dzaiva muTesaronika dzaizongogutsikana nokuparidza uye kudzidzisa zvemasiyandaita dzichiona basa racho serisingakoshi  here? Yeuka mashoko adzakanyorerwa naPauro okuti: “Musadzima moto womudzimu. Musazvidza zvinoprofitwa.” (1 VaT. 5:19, 20) Tinofadzwa nokudzidza uye kuudzawo vamwe uprofita!

15. Zvinhu zvipi zvinobatsira zvatingakurukura pakunamata kwemhuri?

15 Tinodawo kubatsira mhuri dzedu kuti dzive neunyanzvi mubasa roushumiri. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaona kuti dzinogona kuita izvozvo nokushandisa imwe nguva pakunamata kwemhuri vachikurukura zvine chokuita nebasa rokuparidza. Zvimwe mungaona zvichibatsira kukurukura kuti vomumhuri menyu vachaita sei nevanhu vanofarira vavanenge vakaona. Vachataura nezvei pavachadzokera kunovaona? Inyaya dzipi dzichaita kuti varambe vachifarira. Inguva ipi yakanaka yokudzokera? Vamwe vanoshandisawo imwe nguva yokunamata kwemhuri kugadzirira misangano yeungano kuti vazive zvichakurukurwa pamisangano iyoyo. Mungawedzera kugadzirira here kuti muzopindurawo? Kupindura kwamuchaita kuchasimbisa kutenda kwenyu uye kuchakubatsirai kuti musazununguswa pakufunga kwenyu. (Pis. 35:18) Chokwadi kuva nokunamata kwemhuri kuchatidzivirira pafungidziro dzisina basa uye kusava nechokwadi.

16. Chii chinokurudzira vaKristu vakazodzwa kuramba vaine simba ravo rokufunga?

16 Patinofunga nezvekukomborera kwange kuchiita Jehovha vanhu vake mumakore apfuura nokuita kuti vawedzere kunzwisisa uprofita hweBhaibheri, tinogona kuva nechokwadi chokuti tichawana mubayiro wakazonaka mune ramangwana. Vakazodzwa vane tariro yokuzova pamwe naKristu kudenga. Izvi zvinovakurudzira kuramba vaine simba ravo rokufunga. Chokwadi mashoko akanyorerwa vaTesaronika naPauro anoshanda kwavari okuti: “Hama dzinodiwa naJehovha, tinosungirwa kuti tigare tichionga Mwari nokuda kwenyu, nokuti Mwari akakusarudzai . . . nokukutsvenesai nomudzimu uye nokutenda kwenyu muchokwadi.”—2 VaT. 2:13.

17. Ikurudziro ipi yaunowana pana 2 VaTesaronika 3:1-5?

17 Vaya vanotarisira kuzorarama nokusingaperi pasi pano vanofanirawo kuedza kuti vasakurumidza kuzununguswa pakufunga kwavo. Kana uine tariro yokurarama pasi pano, teerera mashoko anokurudzira akanyorwa naPauro kune vamwe vake vakazodzwa vaiva muTesaronika. (Verenga 2 VaTesaronika 3:1-5.) Mumwe nomumwe wedu anofanira kukoshesa chaizvo mashoko iwayo. Chokwadi tsamba dzakanyorerwa vaTesaronika dzine nyevero dzinokosha dzine chokuita nefungidziro dzevanhu kana kuti zvinhu zvisiri zvechokwadi. Sezvo tava pedyo nemugumo, tinokoshesa chaizvo nyevero idzi sevaKristu.

^ ndima 6 Pana Mabasa 20:29, 30, Pauro akataura kuti muungano yechiKristu ‘maizomuka varume vanotaura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.’ Nhoroondo inoratidza kuti mashoko aya akatanga kuzadziswa pakwakatanga kuva nemusiyano pakati pevafundisi nevasiri vafundisi. Pakazosvika makore okuma200 C.E., “munhu asingateereri mutemo” akatanga kuoneka, uye akazivikanwa seboka revafundisi vechiKristudhomu.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 1, 1990, mapeji 10-14.