Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’

‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’

“Zuva iri richava chiyeuchidzo kwamuri, murichengete rive mutambo unoitirwa Jehovha.”—EKS. 12:14.

1, 2. VaKristu vose vanofanira kufunga nezvechiitiko chipi chave chichipembererwa gore negore uye nei vachifanira kudaro?

PAUNOFUNGA nezvemazuva okupemberera anoitwa gore negore, nderipi rinotanga kuuya mupfungwa dzako? Munhu akaroora kana kuroorwa angati, “Zuva randakachata.” Vamwe vangafunga zuva rinopembererwa nevakawanda, rakadai serakawana nyika yavo kuzvitonga kuzere. Asi unoziva here chiitiko chave chichipembererwa gore negore kwemakore anopfuura 3 500?

2 Chiitiko ichocho iPaseka. Ndechokupemberera kusunungurwa kwakaitwa vaIsraeri muuranda muIjipiti. Unofanira kukoshesa chiitiko ichocho. Nei? Nokuti chine chokuita nezvimwe zvinhu zvinokosha chaizvo muupenyu hwako. Asi ungati, ‘VaJudha ndivo vanopemberera Paseka, ini handisi wechitendero chechiJudha. Saka ndinei nayo?’ Mhinduro yacho tinogona kuiwana mumashoko aya okuti: “Kristu paseka yedu, akabayirwa.” (1 VaK. 5:7) Kuti tinzwisise zvinorehwa nemashoko aya, tinofanira kuziva nezvePaseka yechiJudha uye kuiongorora tichifunga nezvemurayiro wakapiwa vaKristu vose.

PASEKA YAICHENGETERWEI?

3, 4. Zvii zvakaitika Paseka yokutanga isati yaitwa?

3 Vanhu vakawanda munyika yose vasiri vaJudha vanewo zvavanoziva zvakaitika pakatanga Paseka. Vangave vakazviverenga mubhuku reBhaibheri raEksodho, kana kuti vakanzwa nyaya yacho ichitaurwa, kana kuti vakaona firimu rine chokuita nenyaya yacho.

4 VaIsraeri pavainge vava nemakore akawanda vari varanda muIjipiti, Jehovha akatuma Mosesi nemukoma wake, Aroni, kunoudza Farao kuti asunungure vanhu vake. Mutongi iyeye weIjipiti aizvikudza haana kurega vaIsraeri vachienda, saka Jehovha akarova  nyika yacho nematambudziko aitevedzana. Mwari akazounza dambudziko rechigumi, iro rakauraya matangwe ose evaIjipiti, zvikazoita kuti Farao arege vaIsraeri vachienda.—Eks. 1:11; 3:9, 10; 5:1, 2; 11:1, 5.

5. VaIsraeri vaifanira kuitei pakugadzirira kuti vasunungurwe? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Asi vaIsraeri vaifanira kuitei vasati vasunungurwa? Maiva muna 1513 B.C.E., mumwedzi wechiHebheru waAbhibhi, wakazonzi Nisani. * Mwari akati pazuva rechigumi remwedzi iwoyo, vaIsraeri vaifanira kutanga kugadzirira zvaizoitwa pazuva raNisani 14. Zuva iroro raitanga painyura zuva, ropera mangwana acho paraizonyurazve. Musi waNisani 14, mhuri imwe neimwe yaifanira kuuraya gondohwe (kana kuti nhongo) vosasa rimwe ropa racho pamagwatidziro uye kurutivi rwokumusoro rwesuo reimba. (Eks. 12:3-7, 22, 23) Mhuri yose yaifanira kudya gwayana rakagochwa pamwe chete nechingwa chisina kuviriswa uye nemiriwo inovava. Ngirozi yaMwari yaizopfuura nemunyika yacho youraya matangwe evaIjipiti, asi vaIsraeri vaiteerera vaizodzivirirwa, uye vaizoenda vakasununguka.—Eks. 12:8-13, 29-32.

6. Vanhu vaMwari vomumakore aizotevera vaifanira kuona sei Paseka?

6 Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika uye mumakore aizotevera, vaIsraeri vaifanira kuyeuka kusunungurwa kwavakaitwa. Mwari akavaudza kuti: “Zuva iri richava chiyeuchidzo kwamuri, murichengete rive mutambo unoitirwa Jehovha muzvizvarwa zvenyu zvose. Murichengete rive murau nokusingagumi.” Kupemberera kwaiitwa pazuva rechi14 kwaifanira kuteverwa nemutambo wemazuva manomwe. Paseka chaiyo yaiitwa musi waNisani 14, asi shoko rokuti Paseka raigona kushandiswawo kureva mazuva acho ose masere omutambo. (Eks. 12:14-17; Ruka 22:1; Joh. 18:28; 19:14) Paseka yaiva mumwe wemitambo yakatarwa (“mhemberero dzegore negore,” The Bible in Living English) yaifanira kupembererwa gore negore nevaHebheru.—2 Mak. 8:13.

7. Chiitiko chipi chitsva chakatangwa naJesu chaakaudza vateveri vake kuti vachengete?

7 Jesu nevaapostora vake vaipembererawo Paseka yaiitwa gore negore nokuti vaiva vaJudha vaiva pasi poMutemo waMosesi. (Mat. 26:17-19) Pavakapemberera Paseka kokupedzisira, Jesu akatanga chimwe chiitiko chaifanira kuchengetwa nevateveri vake gore negore uye chiitiko ichocho chinonzi Kudya kwaShe Kwemanheru. Asi vaifanira kuchengeta chiitiko ichocho musi upi?

KUDYA KWASHE KWEMANHERU KUNOCHENGETWA ZUVA RIPI?

8. Tinova nemubvunzo upi patinoongorora Paseka neKudya kwaShe Kwemanheru?

8 Sezvo Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru vachangopedza kudya Paseka, chiitiko ichi chaizoitwa pazuva rakafanana neraipembererwa Paseka. Zvisinei, zvimwe wakaona kuti musi wePaseka yechiJudha uri pane mamwe makarenda emazuva ano wakasiyana nezuva rimwe kana kuti akawanda newatinochengeta rufu rwaKristu. Nei paine musiyano? Mhinduro yacho ine chokuita nemurayiro wakapiwa vaIsraeri naMwari. Pashure pokutaura kuti ‘ungano yose yaIsraeri yaifanira kuuraya gwayana,’ Mosesi akanyatsojekesa nguva yavaifanira kuita izvi musi waNisani 14.—Verenga Eksodho 12:5, 6.

9. Maererano naEksodho 12:6, gwayana rePaseka raifanira kuurayiwa nguvai? (Onawo bhokisi rakanzi “Yaiva Nguva Ipi Yezuva?”)

9 Maererano naEksodho 12:6, gwayana raifanira kuurayiwa panguva yorubvunzavaeni.  Mamwe maBhaibheri akadai seTanakh yechiJudha anoshandisa mashoko anoreva kuti manheru. Mamwewo anoti “madekwana.” Saka gwayana raifanira kuurayiwa zuva ranyura asi kuchine chiedza, paitangira Nisani 14.

10. Vamwe vanoti gwayana rakaurayiwa riini, asi izvozvo zvinoita kuti pave nomubvunzo upi?

10 Nokufamba kwenguva, makwayana ose ainge ava kuunzwa kutemberi uye zvaitora nguva yakareba kuti aurayiwe. Nemhaka yeizvi, vamwe vaJudha vakafunga kuti murayiro uri pana Eksodho 12:6 waitaura nezvekupera kwaNisani 14, kubva paitanga kurereka zuva (masikati) kusvika parainyura. Kana izvozvo zvaiva zvechokwadi, kudya kwacho kwaizoitwa riini? Muzvinadzidzo Jonathan Klawans, nyanzvi inoongorora chiJudha chekare, akati: “Zuva rinotanga panovira zuva, saka chibayiro chinopiwa musi wa14 asi kutanga kwePaseka uye kudya kwacho kunoitwa musi wa15, kunyange zvazvo kutevedzana uku kwemazuva kusingajekeswi muna Eksodho.” Akanyorawo kuti: “Mabhuku avanaRabhi . . . haatombotauri kuti Seder [chidyo chePaseka] yaiitwa sei Temberi isati yaparadzwa” muna 70 C.E.—Tisu tatsveyamisa mashoko.

11. (a) Zvii zvakaitika kuna Jesu musi wePaseka muna 33 C.E.? (b) Nei musi waNisani 15 muna 33 C.E. wainzi Sabata “guru”? (Ona mashoko emuzasi.)

11 Saka tinogona kubvunza kuti, Paseka yakaitwa muna 33 C.E. yakaitwa zuva ripi? Zuva ‘raifanira kubayirwa chibayiro chepaseka’ zvaraiswedera pedyo, Kristu akaudza Petro naJohani musi waNisani 13 kuti: “Endai munotigadzirira paseka kuti tidye.” (Ruka 22:7, 8) “Pakupedzisira . . . awa yacho” yokuti vadye Paseka yakasvika, zuva ranyura musi waNisani 14, uri musi weChina manheru. Jesu akadya paseka nevaapostora vake, uye akabva atanga Kudya kwaShe Kwemanheru. (Ruka 22:14, 15) Usiku ihwohwo akasungwa akatongwa. Jesu akarovererwa nguva dzemasikati dzava kusvika, musi waNisani 14, uye masikati iwayo akafa. (Joh. 19:14) Saka, “Kristu paseka yedu, akabayirwa” musi mumwe chete waiurayiwa gwayana rePaseka. (1 VaK. 5:7; 11:23; Mat. 26:2) Jesu akavigwa zuva iroro rava kunopera, Nisani 15 asati atanga. *Revh. 23:5-7; Ruka 23:54.

CHIYEUCHIDZO CHINE ZVACHINOREVA KWAURI

12, 13. Vana vechiJudha vaibatanidzwawo sei pakupemberera Paseka?

12 Asi ngatimbodzokerai kune zvakaitika muIjipiti. Mosesi akati vanhu vaMwari vaizofanira kuchengeta Paseka; uye uyu  waifanira kuva murau “nokusingagumi.” Pamutambo iwoyo waiitwa gore negore, vana vaizobvunza vabereki vavo zvairehwa nechiitiko ichocho. (Verenga Eksodho 12:24-27; Dheut. 6:20-23) Saka Paseka yaizova “chiyeuchidzo” kunyange kuvana.—Eks. 12:14.

13 Zvidzidzo zvine chokuita nePaseka zvaizoramba zvichipfuudzwa navanababa kuvanakomana vavo. Chimwe chidzidzo chaiva chokuti Jehovha anogona kudzivirira vanamati vake. Vana vaidzidza kuti haasi Mwari wokufungidzira asinganzwisisiki. Jehovha ariko, uye ndiMwari mupenyu anoda vanhu vake uye anovadzivirira. Izvozvo akazviratidza paakadzivirira matangwe evaIsraeri, “akatambudza vaIjipiti.”

14. Vabereki vechiKristu vangashandisa nhoroondo yePaseka kubatsira vana vavo kuti vanzwisisei?

14 Vabereki vechiKristu hamurayirwi kuti murondedzere nyaya yePaseka kuvana venyu gore negore. Zvisinei, munodzidzisawo vana venyu kuti Mwari anodzivirira vanhu vake here? Vana venyu vanozviona here kuti munonyatsobvuma kuti Jehovha achiri Mudziviriri wevanhu vake? (Pis. 27:11; Isa. 12:2) Uye munodaro here, muchiita zvokukurukurirana navo zvinonakidza kwete kungoramba muchitaura moga zvisina ushamwari? Edzai kudzidzisa mhuri yenyu chidzidzo ichocho kuti iwedzere kukura pakunamata.

Pamunenge muchikurukura nezvePaseka, muchabatsira vana venyu kuwana zvidzidzo zvipi? (Ona ndima 14)

15, 16. Nhoroondo yePaseka uye yokununurwa kwakaitwa vaIsraeri zvinogona kushandiswa pakutsanangura chii nezvaJehovha?

15 Paseka haingotidzidzisi nezvesimba raJehovha rokudzivirira vanhu vake. Akavanunurawo ‘paakavabudisa muIjipiti.’ Funga kuti izvozvo zvaisanganisirei. Vakatungamirirwa neshongwe yegore neyemoto. Vakafamba nemuGungwa Dzvuku, mvura yaro yakaita rusvingo kurudyi nokuruboshwe. Pavainge vayambuka, vakaona mvura yacho ichinyudza uto revaIjipiti. VaIsraeri pavainge vanunurwa vakaimba vachiti: “Regai ndiimbire Jehovha . . . Akanda bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jah ndiye simba rangu nokusimba kwangu, nokuti ndiye ruponeso rwangu.”—Eks. 13:14, 21, 22; 15:1, 2; Pis. 136:11-15.

16 Kana muine vana, muri kuvabatsira here kuti vavimbe naJehovha soMununuri? Vanoona here kuvimba kwamunoita naye pane zvamunotaura uye zvamunosarudza? Munogona kuronga kuti paKunamata Kwemhuri mukurukure zvatinoverenga pana Eksodho chitsauko 12-15 uye moratidza kuti Jehovha akanunura sei vanhu vake. Pane imwe nguva munogona kukurukura pfungwa iyoyo muchishandisa Mabasa 7:30-36 kana kuti Dhanieri 3:16-18, 26-28. Chokwadi, vakuru nevaduku vanofanira kuva nechivimbo chokuti Jehovha aiva Mununuri kwete kare ikako chete. Achatinunurawo mune remangwana sokununura kwaakaita vanhu vake mumazuva aMosesi.—Verenga 1 VaTesaronika 1:9, 10.

 KUTI ISU TIYEUKE

17, 18. Kufunga nezvekushandiswa kweropa paPaseka yokutanga kunofanira kutiyeuchidza nezvei?

17 VaKristu vechokwadi havachengeti Paseka yechiJudha. Chiitiko ichocho chaiva muMutemo waMosesi, uye isu hatisi pasi poMutemo. (VaR. 10:4; VaK. 2:13-16) Asi tine chimwe chiitiko chatinokoshesa, rufu rweMwanakomana waMwari. Kunyange zvakadaro, pane zvimwe zvaiitwa pakuchengeta Paseka zvakatangwa kare muIjipiti zvatinokoshesa.

18 Ropa regwayana iro raisaswa pamagwatidziro nekurutivi rwekumusoro rwesuo ndiro raizoita kuti vanhu vapone. Mazuva ano hatipi zvibayiro zvemhuka kuna Mwari pamusi wePaseka kana mumwewo musi. Asi pane chibayiro chinogona kuponesa upenyu zvachose. Muapostora Pauro akanyora nezve“ungano yematangwe akanyorwa kumatenga.” “Ropa rokusasa,” kureva ropa raJesu, ndiro rinoshandiswa kuti vaKristu vakazodzwa ivavo vawane upenyu. (VaH. 12:23, 24) VaKristu vane tariro yokurarama nokusingaperi panyika vanoponeswawo neropa iroro. Vanofanira kugara vachizviyeuchidza nezvevimbiso yokuti: “Tinosunungurwa norudzikinuro neropa rake pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.”—VaEf. 1:7.

19. Zvaiitwa kugwayana rePaseka zvingasimbisa sei kuvimba kwatinoita nouprofita?

19 Gwayana rePaseka paraiurayiwa, vaIsraeri vaisafanira kutyora mapfupa aro. (Eks. 12:46; Num. 9:11, 12) Asi zvakadini ne“Gwayana raMwari,” Jesu, uyo akauya kuzopa chibayiro cherudzikinuro? (Joh. 1:29) Akarovererwa pamwe chete nevatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. VaJudha vakakumbira Pirato kuti mapfupa evarume vainge vakarovererwa atyorwe. Izvi zvaizoita kuti vakurumidze kufa kuitira kuti vasasvika musi waNisani 15 vari pamatanda, sezvo raiva Sabata guru. Varwi vakatyora makumbo evatadzi vaviri, “asi pavakasvika kuna Jesu, havana kutyora makumbo ake, zvavakaona kuti akanga atofa.” (Joh. 19:31-34) Izvozvo zvakaenderana nekusatyorwa kwaiitwa mapfupa egwayana rePaseka, saka tingati gwayana iri raiva “mumvuri” wezvaizoitika pana Nisani 14, 33 C.E. (VaH. 10:1) Uyewo izvozvo zvakazadzisa mashoko ari pana Pisarema 34:20, izvo zvinofanira kusimbisa kuvimba kwatinoita neuprofita.

20. Musiyano upi unokosha uripo pakati pePaseka neKudya kwaShe Kwemanheru?

20 Zvisinei, pane misiyano iripo pakati pePaseka neKudya kwaShe Kwemanheru. Misiyano iyi inoratidza kuti Paseka yaifanira kuchengetwa nevaJudha yaisafananidzira zvakanzi naKristu vateveri vake vaite pakuyeuka rufu rwake. KuIjipiti, vaIsraeri vakadya nyama yegwayana asi kwete ropa raro. Izvozvo zvakasiyana nezvakarayirwa naJesu kuti zviitwe nevadzidzi vake. Akati vaya vaizotonga “muumambo hwaMwari” vanofanira kudya zvose chingwa newaini sezviratidzo zvenyama yake neropa rake. Izvi tichazvikurukura muudzame munyaya iri kutevera.—Mako 14:22-25.

21. Nei zvichibatsira kuziva nezvePaseka?

21 Kunyange zvakadaro, hapana mubvunzo kuti Paseka chaiva chiitiko chinokosha munhoroondo yevanhu waMwari, uye inotipa zvidzidzo zvinokosha. Saka, kunyange zvazvo Paseka yaifanira ‘kuva chiyeuchidzo’ kuvaJudha kwete vaKristu, isu sevaKristu tinofanira kuziva nezvayo uye kufungisisa zvimwe zvidzidzo zvatinowana pairi nokuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.”—2 Tim. 3:16.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo mwedzi waAbhibhi wakazotanga kudanwa kuti Nisani vaJudha vadzoka kubva muutapwa kuBhabhironi, munyaya ino tichangouti Nisani.

^ ndima 11 Nisani 15 akatanga pakanyura zuva, zvichireva kuti Sabata revhiki nevhiki (Mugovera) regore iroro rakaenderana nezuva rokutanga roMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa, iro raigara riri sabata. Sezvo maSabata acho akaitika musi mumwe chete, iri rakabva rava Sabata “guru.”—Verenga Johani 19:31, 42.