Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Jesu “akaparidzira midzimu yaiva mujeri” rini? (1 Pet. 3:19)

Zvinoita sekuti pashure pekunge Jesu amutswa, akazivisa midzimu yakaipa nezvekuparadzwa kwaichaitwa.—6/15, peji 23.

Zvinhu zvipi zvitatu zvingaita kuti wanano yechipiri isava nyore?

Zvinhu zvacho ndeizvi: kuedza kuti wanano yokutanga isatadzisa wanano yako itsva kubudirira; kuwirirana neshamwari dzekare dzisina kujairana newawakaroorana naye iye zvino; kuvimba newawakaroorana naye nokuti wawakanga wakaroorana naye akanga asina kuvimbika.—7/1, mapeji 9-10.

Jesu anotonga vanhu kuti makwai kana kuti imbudzi rini? (Mat. 25:32)

Paachauya kuzotonga vanhu munguva yokutambudzika kukuru, pashure pokunge chitendero chenhema chaparadzwa.—7/15, peji 6.

Vanhu vasingateereri mutemo vanotaurwa mumufananidzo wegorosi nemasora vachasvimha misodzi uye kugeda-geda mazino avo rini? (Mat. 13:36, 41, 42)

Vachaita izvozvo mukutambudzika kukuru pavachaona kuti havachina kwokutizira kuti varege kuparadzwa.—7/15, peji 13.

Mashoko aJesu ane chokuita nemuranda akatendeka, akangwara akazadziswa rini? (Mat. 24:45-47)

Haana kutanga kuzadziswa paPendekosti ya33 C.E., asi gore ra1914 rapfuura. Muna 1919, muranda akagadzwa paveimba, avo vanosanganisira vaKristu vose vari kupiwa zvokudya zvokunamata.—7/15, mapeji 21-23.

Jesu anogadza muranda akatendeka pazvinhu zvake zvose rini?

Izvi zvichaitika munguva yemberi, munguva yokutambudzika kukuru muranda akatendeka paachawana mubayiro wake wokudenga.—7/15, peji 25.

Bhaibheri haritauri mazita evamwe vanhu nemhaka yokuti vaiita zvakaipa kana kuti vaisakosha here?

Hatifaniri kufunga kudaro. Vamwe vanhu vasingataurwi mazita muBhaibheri vainge vakanaka uye vamwe vainge vakaipa. (Rute 4:1-3; Mat. 26:18) Pangirozi dzose dzakatendeka tinongoudzwa mazita engirozi mbiri chete.—8/1, peji 10.

Kuwedzera pasimba rinobva kuna Mwari, chii chakabatsira Zvapupu 230 kuti zvipone parwendo rwakareba rwokubva kumusasa wevasungwa weSachsenhausen?

Kunyange zvazvo vakanga vapera simba nemhaka yenzara uye kurwara, vakaramba vachikurudzirana kuti varambe vachienda.—8/15, peji 18.

Nei nhoroondo yokuyambuka kwevaIsraeri Rwizi rwaJodhani vachipinda muNyika Yakapikirwa ichitikurudzira?

Kunyange zvazvo rwizi rwacho rwakanga rwuchifashukira, Jehovha akamisa mvura yacho kuti vanhu vake vayambuke. Izvi zvinofanira kunge zvakasimbisa kutenda uye kuvimba kwavaiita naMwari, uye tinogona kukurudzirwawo nenhoroondo yacho.—9/15, peji 16.

Kutaura kunoita Bhaibheri zvakanyanya nezveruvara kunoratidzei?

Kutaura kunoita Bhaibheri nezveruvara kunoratidza kuti Mwari anonzwisisa kuti ruvara runogona kuita kuti vanhu vafarire zvimwe zvinhu uye kuti runogona kuita kuti tiyeuke zvinhu.—10/1, mapeji 14-15.

Uprofita huri pana Mika 5:5 hwevafudzi nemachinda huri kuzadziswa sei mazuva ano?

Tinonzwisisa kuti ‘vafudzi vanomwe nemachinda masere’ vanotaurwa pana Mika 5:5 vanomirira vakuru vakagadzwa vari muungano, vari kusimbisa vanhu vaMwari kuitira pavacharwiswa sezvakagara zvataurwa.—11/15, peji 20.

Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti Mwari akoshe muupenyu hwedu?

Tinoda kutungamirirwa zvakanaka uye tinoda mhinduro pamatambudziko eupenyu. Zvinhu zviviri izvozvo tinozviwana kuna Mwari. Anotibatsira kuti tirarame zvakanaka uye kuti tifare uye achazadzisa zvaakavimbisa muShoko rake kuti izvozvo zviitike.—12/1, mapeji 4-6.