Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakabatsirwa Sei Nemakore 100 Okutonga kwoUmambo?

Wakabatsirwa Sei Nemakore 100 Okutonga kwoUmambo?

“Jehovha Mwari, . . . mabasa enyu makuru uye anoshamisa . . . imi Mambo asingagumi.”—ZVAK. 15:3.

1, 2. Umambo hwaMwari huchaitei, uye nei tingavimba kuti huchauya?

JESU KRISTU paaiva mugomo riri pedyo neKapenaume muchirimo cha31 C.E., akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mat. 6:10) Mazuva ano vanhu vakawanda havana chokwadi kuti Umambo ihwohwo huchauya. Zvisinei, tinovimba kuti minyengetero yedu yemwoyo wose yokuti Umambo hwaMwari huuye ichapindurwa.

2 Jehovha achashandisa Umambo ihwohwo kubatanidza mhuri yake yokudenga neyepanyika. Chinangwa ichocho chaMwari chichazadziswa. (Isa. 55:10, 11) Chokwadi ndechokuti Jehovha atova Mambo munguva yedu! Uchapupu hwacho tinohuona pazviitiko zvinofadza zvave zvichiitika mumakore 100 apfuura. Mwari ari kuitira mamiriyoni evanhu vake vakavimbika mabasa makuru uye anoshamisa. (Zek. 14:9; Zvak. 15:3) Asi kuva Mambo kwaJehovha kwakasiyana nokuuya kweUmambo hwaMwari hwatakadzidziswa kunyengeterera naJesu. Zviitiko izvi zvakasiyana papi uye zvinotibatsira sei?

MAMBO AKAGADZWA NAJEHOVHA ANOTANGA BASA

3. (a) Jesu akagadzwa kuva Mambo riini, uye kupi? (b) Chii chinoratidza kuti Umambo hwakagadzwa muna 1914? (Ona mashoko emuzasi.)

3 Makore ekuma1800 ava kunopera, Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kunzwisisa uprofita hwaDhanieri hwainge hwava nemakore 2 500 hwataurwa hwokuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi.”  (Dhan. 2:44) Vakatora makumi emakore vachizivisa kuti 1914 raizova gore rinokosha. Vanhu vakawanda panguva iyoyo vaiva nechivimbo chakafanana nechemumwe munyori akati: “Vanhu vaitarisira kuti zvinhu zvaizonaka chaizvo muna 1914.” Zvisinei, kutanga kwakaita Hondo Yenyika I gore iroro rava kunopera, kwakazadzisa uprofita hweBhaibheri. Nzara, kudengenyeka kwenyika, matenda uye kuzadziswa kwehumwe uprofita hweBhaibheri zvakanyatsoratidza kuti Jesu Kristu ainge atanga kutonga kudenga saMambo woUmambo hwaMwari muna 1914. * Zvechokwadi, Jehovha akava Mambo mune imwe nzira itsva paakagadza Mwanakomana wake kuti ave Mambo Mesiya!

4. Chii chakatanga kuitwa naMambo ainge achangogadzwa uye apedza izvozvo akazoitei?

4 Basa rakatanga kuitwa naMambo uyu ainge achangogadzwa kwaiva kurwisa Muvengi mukuru waBaba vake, Satani. Jesu nengirozi dzake vakadzinga Dhiyabhorosi nemadhimoni ake kudenga. Izvi zvakaita kuti kudenga kuve nemufaro mukuru, asi panyika pakava nenhamo isina kumbobvira yaitika. (Verenga Zvakazarurwa 12:7-9, 12.) Zvadaro, Mambo akatanga kuchenesa, kudzidzisa uye kuronga vanhu vake vari panyika kuti vaite kuda kwaMwari. Ngatikurukurei kuti kuteerera kwavakaita Jesu kwakatisiyira muenzaniso wakanaka sei mazuva ano.

MAMBO MESIYA ANOCHENESA VANHU VAKE VAKAVIMBIKA

5. Kucheneswa kupi kwakaitika kubva muna 1914 kusvika nechokwokutanga kwa1919?

5 Pashure pokunge Mambo akagadzwa abvisa Satani nemadhimoni ake kudenga, Jehovha akapa Jesu basa rokuongorora uye kuchenesa kunamata kwevateveri vake vaiva panyika. Muprofita Maraki akatsanangura basa iri sokucheneswa mune zvokunamata. (Mar. 3:1-3) Zvakaitika kare zvinoratidza kuti kucheneswa uku kwakaitika kubva muna 1914 kusvika nechokwokutanga kwa1919. * Kuti tive mumhuri yaJehovha, tinofanira kuva vakachena kana kuti vatsvene. (1 Pet. 1:15, 16) Hatifaniri kutombosvibiswa nechitendero chenhema kana kuti nezvematongerwo enyika.

6. Tinowana sei zvokudya zvokunamata uye nei zvichikosha?

6 Jesu akabva ashandisa simba rake samambo kugadza “muranda akatendeka, akangwara.” Muranda uyu aizoramba achipa zvokudya zvinosimbisa pakunamata kuvose vanoumba “boka rimwe chete” rinotarisirwa naJesu. (Mat. 24:45-47; Joh. 10:16) Kubva muna 1919, boka duku rehama dzakazodzwa rave rakatendeka pakuita basa rakakura rokudyisa “veimba.” Zvokudya zvokunamata zvakawanda zvinobudiswa pachishandiswa muranda akatendeka, akangwara, zvinoita kuti tive nokutenda kwakasimba. Zvinoita kuti titsunge kuramba takachena pakunamata, mutsika, mupfungwa uye mumuviri. Zvokudya zvokunamata izvi zvinotidzidzisawo uye zvinotibatsira kuti tishande nesimba mubasa rinonyanya kukosha riri kuitwa panyika mazuva ano. Uri kunyatsoshandisa zvatinopiwa izvi here?

MAMBO ANODZIDZISA VANHU VAKE KUPARIDZA MUNYIKA YOSE

7. Jesu akatanga basa ripi rinokosha paaiva panyika uye raizoramba richiitwa kusvikira riini?

7 Jesu paakatanga ushumiri hwake panyika akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Kwemakore matatu nehafu, basa iri ndiro rainyanya kukosha muupenyu hwaJesu. Akarayira vadzidzi vake kuti: “Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera  pedyo.’” (Mat. 10:7) Pashure pokunge amutswa, Jesu akataura kuti vateveri vake vaizoparadzira mashoko aya “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Akavavimbisa kuti aizoshanda pamwe navo mubasa iri rinokosha kusvikira mazuva ano.—Mat. 28:19, 20.

8. Mambo akakurudzira sei vanhu vake vepanyika kuti vaite basa?

8 Pakazosvika 1919, “mashoko akanaka oUmambo” ainge ati chinjei mataurirwo aaiitwa. (Mat. 24:14) Mambo wacho ainge ava kutonga kudenga uye ainge atounganidza panyika boka duku revanhu vakacheneswa. Vakateerera nemwoyo wose mirayiridzo yaJesu yokuti vaparidze munyika yose mashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari hwainge hwava kutonga kudenga! (Mab. 10:42) Somuenzaniso, vatsigiri voUmambo vanoda kusvika 20 000 vakapinda gungano renyika dzakawanda rakaitirwa kuCedar Point, Ohio, U.S.A., muna September 1922. Fungidzira kufara kwavakaita Hama Rutherford pavakapa hurukuro yaiva nemusoro waiti “Umambo” uye pavakazivisa kuti: “Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Vanhu 2 000 vakaita zvavakakurudzirwa muhurukuro iyoyo vachibva vaparidza pa“Zuva Rebasa,” zvokuti vakasvika kumisha yaiva kure nemakiromita 72 kubva paiitirwa gungano. Mumwe akapinda gungano iri akurudzirwa zvokuti akati: “Handifi ndakakanganwa chikumbiro chokuzivisa Umambo uye kushingaira kwakaita vanhu vakawanda vainge vakaungana!” Haasiye oga akakurudzirwa.

9, 10. (a) Urongwa hupi hwakaitwa kuti vazivisi voUmambo vadzidziswe basa? (b) Iwe pachako wakabatsirwa sei nokudzidziswa uku?

9 Pakasvika 1922, vazivisi voUmambo vanopfuura 17 000 vaishingaira munyika 58. Zvisinei, vaida kudzidziswa maitirwo ebasa racho. Paaiva pasi pano, Jesu uyo aizogadzwa kuva Mambo akapa vadzidzi vake mirayiridzo yakajeka yokuti vaizoparidza nezvei, kupi uye kuti vaizozviita sei. (Mat. 10:5-7; Ruka 9:1-6; 10:1-11) Achitevedzera nzira iyi, Jesu anova nechokwadi chokuti vose vanoita basa rokuparidza Umambo mazuva ano vari kuwana mirayiridzo uye zvokushandisa zvavanoda kuti vabudirire pakuparidza. (2 Tim. 3:17) Jesu ari kudzidzisa vanhu vake ushumiri achishandisa ungano yechiKristu. Anovadzidzisa achishandisa Chikoro chaMwari Choushumiri icho chinoitwa muungano dzinopfuura 111 000 dziri munyika yose. Vaparidzi vanopfuura mamiriyoni manomwe vava kukwanisa kuparidza uye kudzidzisa zvakanaka “vanhu vemarudzi ose” vachishandisa mirayiridzo yavanowana pachikoro ichi.—Verenga 1 VaKorinde 9:20-23.

10 Kuwedzera pane Chikoro chaMwari Choushumiri, kwava nezvimwe zvikoro zveBhaibheri  zvakaitirwa kudzidzisa vakuru veungano, mapiyona, hama dzisina kuroora, vaKristu vakaroorana, nhengo dzeDare Rebazi nemadzimai avo, vatariri vanofambira nemadzimai avo uye mamishinari. * Vadzidzi veimwe kirasi yeChikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana vakaratidza kuonga kwavo chikoro ichi vachiti: “Kudzidziswa kwatakaitwa kwaita kuti tiwedzere kuda Jehovha uye kuti tikwanise kubatsira vamwe.”

11. Vazivisi voUmambo vave vachikwanisa sei kutsungirira pasinei nokupikiswa?

11 Muvengi wedu Satani ari kuona zvose zviri kuitwa mubasa iri rokuparidza Umambo nokudzidzisa riri kuitwa munyika yose. Anoshandisa nzira dzakananga nedzisina kuti arwise mashoko oUmambo nevaya vanoaparidza achiedza kumisa basa racho. Asi zvose zvaanoedza kuita hazvibudiriri. Jehovha akagadza Mwanakomana wake “kumusorosoro kwehurumende dzose nechiremera nesimba noushe.” (VaEf. 1:20-22) Zvaari Mambo, Jesu anoshandisa simba rake kudzivirira uye kutungamirira vadzidzi vake kuti ave nechokwadi chokuti kuda kwaBaba vake kwaitwa. * Mashoko akanaka ari kuparidzwa uye mamiriyoni evanhu vane mwoyo yakatendeseka ari kudzidziswa nzira dzaJehovha. Chokwadi tine ropafadzo chaiyo kuitawo basa iri rakakura!

MAMBO ANORONGA VANHU VAKE KUTI VAITE BASA RAKAWANDA

12. Tsanangura zvimwe zvinhu zvakagadziridzwa musangano kubva pakagadzwa Umambo.

12 Kubva pakagadzwa Umambo muna 1914, Mambo ave achinatsiridza marongerwo akaitwa vashumiri vaMwari kuti vaite kuda kwaBaba vake. (Verenga Isaya 60:17.) Muna 1919, muungano imwe neimwe makagadzwa mutungamiriri webasa kuti atungamirire basa rokuparidza. Kuparidza paimba neimba musi weSvondo woga woga kwakarongwa muna 1927. Vatsigiri voUmambo vakanzwa vachida kuita basa rakawanda pavakagamuchira zita rinobva muMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931. (Isa. 43:10-12) Muna 1938, kusarudzwa kwaiitwa varume vaitungamirira ungano pachiitwa zvokuvhota kwakatsiviwa nokugadzwa pachitungamirirwa nomudzimu mutsvene. Muna 1972, ungano yakanzi itarisirwe nedare revakuru pane kuti itarisirwe nemutariri weungano mumwe chete. Varume vose vaikwanisa vakakurudzirwa kuti vavavarire ‘kufudza boka raMwari ravaitarisira.’ (1 Pet. 5:2) Muna 1976, Dare Rinodzora rakarongwa kuva matare matanhatu anotarisira basa roUmambo munyika yose. Chokwadi, Mambo akagadzwa naJehovha ave achironga vanhu  vanotongwa noUmambo maererano nezvinodiwa naMwari.

13. Zvinhu zvave zvichiitwa mumakore 100 okutonga kwoUmambo zviri kukubatsira sei?

13 Funga zvinhu zvave zvichiitwa naMambo Mesiya mumakore 100 aatonga. Ave achichenesa vanhu vanodanwa nezita raJehovha. Ave achitungamirira kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo munyika 239 uye kudzidzisa mamiriyoni evanhu nezvenzira dzaJehovha. Ave achibatanidza vanhu vakavimbika vanopfuura mamiriyoni manomwe, mumwe nomumwe achizvipa nemwoyo unoda kuita kuda kwaJehovha. (Pis. 110:3) Chokwadi mabasa aJehovha achishandisa Umambo hwaMesiya makuru uye anoshamisa. Kune zvimwe zvinotonyanya kushamisa zviri mberi!

MAKOMBORERO ARI MBERI OUMAMBO HWAMESIYA

14. (a) Patinonyengetera tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye,” tinenge tichikumbira kuti Mwari aitei? (b) Rugwaro rwedu rwegore rwa2014 rwunoti chii uye nei rwakakodzera?

14 Kunyange zvazvo Jehovha akagadza Mwanakomana wake Jesu Kristu saMambo Mesiya muna 1914, munyengetero wedu wokuti “Umambo hwenyu ngahuuye” hauna kupindurwa zvakazara. (Mat. 6:10) Bhaibheri rainge rataura kuti Jesu ‘aizoenda kunokunda pakati pevavengi vake.’ (Pis. 110:2) Hurumende dzevanhu dziri kutongwa naSatani dzichiri kupikisana noUmambo. Patinonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye, tinenge tichikumbira Mwari kuti Mambo Mesiya nevaanotonga navo vauye vaparadze utongi hwevanhu uye vabvise vavengi voUmambo vari panyika. Izvi zvichazadzisa mashoko aDhanieri 2:44 okuti Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu.” Huchatsakatisa vavengi voUmambo vezvematongerwo enyika. (Zvak. 6:1, 2; 13:1-18; 19:11-21) Nguva yokuti izvi zviitike yava pedyo chaizvo. Saka zvakakodzera kuti rugwaro rwedu rwegore rwa2014, gore rechi100 Umambo hwaMwari hwagadzwa kudenga, ndiMateu 6:10 inoti: “Umambo hwenyu ngahuuye”!

Rugwaro rwedu rwegore rwa2014: “Umambo hwenyu ngahuuye.”—Mateu 6:10

15, 16. (a) Zviitiko zvipi zvinofadza zvichaitika munguva yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru? (b) Chii chichapedzisira kuitwa naJesu ari Mambo Mesiya uye izvi zvichaita kuti zvisikwa zvaJehovha zvokudenga nezvepanyika zviite sei?

15 Pashure pokunge Mambo Mesiya aparadza vavengi vaMwari, achakanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika kwemakore ane chiuru. (Zvak. 20:1-3) Pakunenge kusisina muvengi iyeye, Umambo huchaita kuti vanhu vabatsirwe nechibayiro chorudzikinuro chaJesu uye huchabvisa zvose zvinokonzerwa nechivi chaAdhamu. Mambo achamutsa mamiriyoni evanhu vari mumakuva uye acharonga kuti vadzidziswe nezvaJehovha. (Zvak. 20:12, 13) Nyika yose ichava paradhiso sezvainge zvakaita munda weEdheni. Vanhu vose vakatendeka vachaitwa kuti vakwane.

16 Pachapera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu, Umambo hwaMesiya huchange hwapedza basa rahwo. Uye Jesu achagamuchidza Umambo kuna Baba vake. (Verenga 1 VaKorinde 15:24-28.) Hapazodiwi murevereri pakati paJehovha nevana vake vepanyika. Vanakomana vose vaMwari vokudenga uye vana vake vepanyika vachange vava mhuri imwe chete yakabatana naBaba vavo vokudenga.

17. Panyaya yoUmambo, watsunga kuitei?

17 Zvinhu zvinofadza zvaitika mumakore 100 okutonga kwoUmambo zvinotiratidza kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira zvose zviri kuitika uye kuti chinangwa chake chaakasikira nyika chichazadziswa. Ngatirambei takavimbika kwaari uye tichizivisa Mambo noUmambo hwake. Tinoita izvi tichivimba zvizere kuti pasina nguva Jehovha achapindura munyengetero wedu wemwoyo wose wokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye”!

^ ndima 10 Ona nyaya inoti “Zvikoro Zvesangano Zvinoratidza Rudo rwaJehovha,” iri muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2012, mapeji 13-17.

^ ndima 11 Ona nyaya iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 1998, mapeji 19-22, nezvemienzaniso yekukunda mumatare kwakaitika munyika dzakasiyana-siyana.